Unokoshesa Zvinhu Zvomudzimu Here?
ISAKA naRebheka vakatumidza mumwe wamapatya avo, aiva mukuru kuna Jakobho, kuti Esau. Akapiwa zita rokuti Esau nemhaka yemvere dzake dzisina kujairika dzaakanga anadzo pakuzvarwa, asi akazowana zita rokuti Edhomi (kureva “Tsvuku”) zvichibva mumuto wenyemba mutsvuku waakanga atengesera udangwe hwake.—Genesi 25:25, 26, 30.
Kuzvidza Zvinhu Zvomudzimu
Esau akava hombarume ine chivindi, “murume wesango.” Kusiyana nomunun’una wake, Jakobho “wakarurama,” Esau aifunga zvinhu zvenyama uye aida zvepfuma. (Genesi 25:27) Asi Isaka aida Esau, “nokuti waida nyama yemhuka.”—Genesi 25:28.
Rimwe zuva Esau, aneta uye ava nenzara, akauya achibva kusango Jakobho paakanga achibika zvokudya. Achipindura zvakanga zvakumbirwa naEsau zvokuti, “Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye,” Jakobho akamukumbira kuti atengese udangwe hwake. Asingaongi zvinhu zvitsvene, zvokuti, vimbiso yaJehovha kuna Abrahama yaiva nechokuita nembeu iyo marudzi ose apasi aizozvikomborera nayo, Esau akabva angotengesera Jakobho udangwe hwake nokuda kwezvokudya zvenyemba nechingwa, achipika mhiko. Saka nokuzvidza udangwe, achihuona sohusingakoshi, Esau akaratidza kusatenda zvachose. Zvichida akanga asingadi kuva nechokuita nokutambura kuitika kweshoko raMwari raiva nechokuita nembeu yaAbrahama rinoti: “Vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo: vachava varanda vavo; vachatambudzwa makore ane mazana mana.”—Genesi 15:13; 25:29-34; VaHebheru 12:16.
Ava namakore 40, Esau akazvirongera oga kuroora. Akasarudza kuva nebarika, uye kusiyana nababa vake Isaka, vakanga varega baba vavo Abrahama vachivarongera mudzimai aibva kune vainamata Jehovha, Esau akaroora vakadzi vaviri vechihedheni vechiHeti, Judhiti naBhasemati. Vakadzi ava vakaita kuti Isaka naRebheka vanetseke zvikuru.—Genesi 26:34, 35; 36:2; 24:1-4, 50, 51.
Kupiwa Chikomborero kwaJakobho
Isaka paakanga akwegura akashuva kupa mwanakomana wake mukuru Esau chikomborero chake. Isaka akatanga arayira Esau kunovhima nyama yemhuka uye kuti amubikire zvokudya zvinonaka. Esau akaita izvi achifunga nezvokugamuchira chikomborero chacho sedangwe, zvechokwadi nyange hake akanga asingachafaniri kuwana chikomborero ichocho nemhaka yokunge atengesa udangwe hwake. Saka, akanga achida kuputsa chibvumirano chaakanga apika chaakaita paakatengesa udangwe. Achiziva zvaakanga ataurirwa naJehovha mapatya ake asati aberekwa, Rebheka akapindira, achirayira Jakobho kuti aende kuna baba vake saEsau ndokuwana chikomborero chakanga chichifanira kuva chake. Paakasvika kuna baba vake vakanga vava bofu, Jakobho akanga akapfeka nguo dzaEsau, ane matehwe embudzana mumaoko ake uye pamutsipa wake wakanga usina mvere. Saka, Isaka haana kumuziva.—Genesi 25:23; 27:1-23.
Isaka achangopedza kukomborera Jakobho, Esau akabva apinda achibva kunovhima ndokubva angobikira baba vake zvokudya zvinonaka. Paakapinda maiva nababa vake kuti agamuchire chikomborero nokusavimbika ndokuziva kuti Isaka akanga akomborera Jakobho, “Esau . . . akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo.” Nomwoyo wose, asi ane vavariro youdyire, akakumbira kukomborerwa nababa vake, asi kunyange kuchema kwake misodzi hakuna kuchinja pfungwa yaIsaka ndokumuita kuti atore chikomborero chaakanga apa Jakobho. Pamwe Isaka akaona kuti nhau yacho yaitungamirirwa naJehovha. Akazoti kuna Esau: “Tarira, ugaro hwako huchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro; uchararama nomunondo wako, uchashumira munun’una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.”—Genesi 25:33; 27:30-40; VaHebheru 12:17.
Esau aiziva kuti Jakobho aifanira kuva nechikomborero chacho nemhaka yokuti akanga awana udangwe zviri pamutemo. (Uchapupu hwekuongorora zvinocherwa mumatongo hunosimbisa kuti pakati pavanhu vakare vokuMiddle East paiva nomuitiro wokuchinjana udangwe nechimwe chinhu chinooneka. Somuenzaniso, mashoko anobva muNuzi anotaura nezvokuchinjana kwomumwe mukoma chikamu chenhaka yake nemakwai matatu.) Asi Esau, kufanana naKaini, akaramba achivenga munun’una wake Jakobho uye aiva akamirira mukana wokuti amuuraye. Saka, Rebheka paakaziva izvi, akapa Jakobho zano rokuti atizire kuhanzvadzi yake Rabhani kuHarani. Paaida kuti Isaka abvumirane naye panhau iyi, akafunga kuti asaudza Isaka nezvokuda kuponda kwaEsau asi akataura manzwiro aaizoita kudai Jakobho aizoroora mukadzi akaita sevanasikana vaHeti. Saka Isaka akadana Jakobho, akamukomborera, uye akamurayira kuti aende kuPadhani-arami kuhama dzaRebheka kunowana mukadzi. Esau paakaona izvi, zvakamuparira kutora mukadzi wechitatu, Maharati mwanasikana womwanakomana waAbrahama Ishmaeri.—Genesi 27:41–28:9; 36:3.
Nheyo dzaMwari Dzinoiswa Pachena
Unhu hwaEsau hunoratidza pachena kuti kusarudzwa kwaJakobho satateguru weMbeu yakapikirwa kwakanga kusiri kwachero kana kuti kusarura kwaJehovha Mwari kusina pfungwa. Kusakoshesa zvinhu zvomudzimu kwaEsau, pamwe chete nemuitiro wake wokuda kugutsa zvishuvo zvokunyama, zvakaita kuti Esau asava akafanira kuva mudzinza chairo reMbeu yakapikirwa. Ndokusaka Jehovha akataura mashoko aya, achishandisa muporofita wake Maraki: “Kunyange zvakadaro ini ndakada Jakobho; asi Esau ndakamuvenga.” Esau haapo pakati pegore rezvapupu zvakatendeka zvakarongwa muna VaHebheru, ganhuro 11, Pauro paanoti: “Nokutenda Abrahama . . . akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye.”—Maraki 1:2, 3; VaHebheru 11:8, 9; 12:1.
Kusarudza kwaJehovha Jakobho pana Esau kunoratidza kuti kusarudza kwaMwari hakutsamiri pazvinotaura munhu. Muapostora Pauro anoshandisa chiitiko ichi somuenzaniso wechokwadi chokuti vana vaAbrahama vechokwadi havasi havo vaya vedzinza rokunyama, kana kuti vaya vanovimba nemabasa avo pachavo, asi vaya vokutenda kwaAbrahama.—VaRoma 9:6-12.
Esau anorongwa somuenzaniso wokunyevera vaKristu kuitira kuti vasava nemhaka yokusakoshesa zvinhu zvitsvene kana kuti zvomudzimu, sezvakanga zvakaita Esau aida zvepfuma.—VaHebheru 12:16.