“Ndaigona Kunzwa Kuti Pane Rugare”
MUMWE murume anotaura chiGerman akaenda kukokorodzano yakanga yarongwa neZvapupu zvaJehovha kuitira kuti “asore” Zvapupu. Nemhaka yei? Chinangwa chake chaiva choku“fumura sekete iri ndokudzivirira shamwari dzake pakutsauka.” Apinda kokorodzano yacho, akanyorera shamwari dzake tsamba inotevera:
“Pandakasvika panzvimbo yaiitirwa kokorodzano, ndakashamisika kana yakanga iriyo nzvimbo yacho. Hapana kana munhu wandakaona, uye hapana marara kana kuti mabhodhoro edoro akanga ari pasi. Pandakasvika pedyo, ndakaona varume vaviri vari pasuo renhandare. Vakandikwazisa ndokundipinza mukati.
“Ndaitarisira kunzwa ruzha rwaibva kuzviuru zvakanga zvichifanira kuva zviripo, asi pakanga pakanyarara zvokuti. Ndakafunga kuti, ‘aa, pamwe pane vanhu vashomanene chete vakangopararira panzvimbo yacho yose.’
“Pandakapinda, pfungwa dzangu dzakakurumidza kubatwa nemutambo wakanga uri kutambwa pachikuva. Ndakatozoona gare gare kuti nhandare yakanga yakazara kuti taa nezviuru zvavateereri vakanga vakateerera nemwoyo wose. Ndaigona kunzwa kuti pane rugare. Zvandakanzwa, zvandakaona, nezvandakafunga munguva yakanga yasara yekokorodzano zvakandiorora zvikuru.
“Ndichisangana neZvapupu, hapana zvandaigona kuita kunze kwokuona zviso zvazvo zvaifara uye kuratidza rudo. Nokukurumidza, ndakanga ndisingachagoni kudzivisa pfungwa yokuti, ‘Zvechokwadi ava vanhu vaMwari!’”
Panzvimbo poku‘dzivirira shamwari dzake kuti dzisatsauka,’ jaya racho rakadzikumbira kuti dzifunde Bhaibheri naye. Zvakazoguma sei? Nhasi, mukuru wechiKristu. Iye nemhuri yake vanoshingaira mune imwe yeungano dziri muZug, Switzerland.