RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/15 p. 30
  • Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Edza Kuona Vamwe Sokuonekwa Kwavanoitwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 32—Jona
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/15 p. 30

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokurava nyaya dzomuNharireyomurindi dzomunguva pfupi yapfuura here? Kana zvakadaro, uchazviwana zvichifadza kuyeuka zvinotevera:

◻ Nei tichigona kuva nechivimbo mukusarudza kwaJehovha vanhu kuti vatungamirire vanhu vake?

Jehovha anosarudza vanhu vane zvikwaniriso zvakati zvinodikanwa nokuda kwamabasa akati kuti vatungamirire vanhu vake munzira yaanoda kuti vaende nayo panguva iyoyo yakati nokuda kwamabasa akasiyana.—8/15, peji 14.

◻ Chii chatingadzidza pane zvakaitika kuna Jona?

Jona aizvikudza uye aitarisira vamwe pasi. Tingadzidza kuna Jona nokusanyanya kuzvifunga nokuzviisa isu nemanzwire edu munzvimbo yechipiri.—8/15, peji 19.

◻ Zvinogona kunzi “zita raJehovha inhare yakasimba” munzira ipi? (Zvirevo 18:10)

Kupotera kwedu muzita raMwari kunoreva kuti tinovimba naJehovha pachake. (Pisarema 20:1; 122:4) Kunoreva kutsigira uchangamire hwake, kutsigira mitemo yake nenheyo dzake, uye kutenda zvipikirwa zvake, uye kuzvipira kwaari iye oga. (Isaya 50:10; VaHebheru 11:6)—9/1, peji 10.

◻ Mutoo waPauro wokupupura nawo pamberi pezviremera unotigovera sei muenzaniso?

Pauro akashandisa uchenjeri pakutaura naMambo Agripa, akasimbisa mifungo yaaibvumirana naAgripa. Nenzira yakafanana, tinofanira kusimbisa mativi akanaka emashoko akanaka, tichisimbisa tariro dzatinenge tinadzo dzakafanana. (1 VaKorinte 9:22)—9/1, peji 31.

◻ Ndiani anobetserwa nekushivirira kwaJehovha?

Nemhaka yokushivirira kwaJehovha, nhasi mamiriyoni akawanda ari kupiwa mukana wokuponeswa pa“zuva raShe” riri kuuya. (2 Petro 3:9-15) Kushivirira kwake kuri kubvumirawo mumwe nomumwe wedu kuti ‘arambe achishandira kuponeswa kwake nokutya nokudedera.’ (VaFiripi 2:12)—9/15, peji 20.

◻ Shanduro yeBhaibheri yeSeptuagint yaikosha zvakadini?

Shanduro iyi yakaita rutivi rukuru mukuparadzira zivo yaJehovha Mwari noUmambo hwake Jesu Kristu ari saMambo. Nokushandiswa kweSeptuagint, fandesheni inokosha yaivakirwa vaJudha vaitaura chiGiriki naVamamwe Marudzi muzana rokutanga ramakore kuti vagamuchire mashoko akanaka oUmambo.—9/15, peji 30.

◻ Mufananidzo womwanakomana anopambadza unotidzidzisei pamusoro paMwari?

Chokutanga, kuti Jehovha une “nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Chechipiri, kuti “unofarira kukanganwira” kana kuchinja mwoyo kukaita kuti akuitire ngoni. (Pisarema 86:5)—10/1, mapeji 12, 13.

◻ Magariro orugare akavimbiswa pana Isaya 65:21-25 achaitika rini?

Sevanamati vaJehovha vakabatana muparadhiso yomudzimu nhasi, vakazodzwa naavo ve“mamwe makwai” zvino vari kuwana rugare rwunopiwa naMwari. (Johane 10:16) Uye rugare rwakadaro rwuchakura muParadhiso yapasi, apo ‘kuda kwaMwari kuchaitwa mupasi rose, sezvakunoitwa kudenga.’ Panguva iyoyo mashoko omuporofita Isaya achazoitika zvakazara. (Mateo 6:10)—10/15, peji 24.

◻ Nei vaKristu vachipemberera misi yavakachata asi kwete misi yavakazvarwa?

Bhaibheri haritauri zvakaipa nezveroorano. Inhau yomunhu oga kana vaKristu vakasarudza kupemberera musi womuchato pagore negore, vachifunga nezvomufaro wechiitiko ichocho uye kusarudza kwavo kushanda kuti vabudirire savaroorani. Zvisinei, kupemberera zuva rokuzvarwa kwakanyorwa muBhaibheri ndokwavahedheni bedzi, uye zvakanga zvakabatana nezviitiko zvoutsinye.—10/15, mapeji 30, 31.

◻ Mumufananidzo waPauro wakanyorwa pana 1 VaKorinte 3:12, 13, “moto” unomirirei, uye vaKristu vose vanofanira kuzivei?

Kune moto uyo tose tinonangana nawo muupenyu—kuedzwa kwokutenda kwedu. (Johane 15:20; Jakobho 1:2, 3) Munhu wose watinodzidzisa chokwadi achaedzwa. Kana tikadzidzisa zvakashata, pangava nemigumisiro inosuruvarisa, sokunyevera kwakaita Pauro. (1 VaKorinte 3:15)—11/1, peji 11.

◻ Noa ‘akafamba naMwari wechokwadi’ sei? (Genesi 6:9)

Noa akafamba naMwari mukuti akaita zvaakaudzwa naMwari kuti aite. Nemhaka yokupa upenyu hwake kuti aite zvinoda Mwari, Noa akava noukama hunofadza, hwapedyo naMwari.—11/15, peji 10.

◻ Ndeipi mikana yatinozarurirwa nokusaziva kwedu nguva chaiyoiyo yepacharangwa vakaipa naMwari?

Izvi zvinotipa mukana wokuratidza kuti tinoda Jehovha zvechokwadi uye tinoda kufamba nenzira dzake nokusingaperi. Zvinoratidzawo kuti takavimbika kuna Mwari uye tinovimba nenzira dzake dzokugadzirisa zvinhu. Uyezve, izvi zvinotibetsera kuti tirambe takarinda uye takamuka mumudzimu. (Mateo 24:42-44)—11/15, peji 18.

◻ Kutenda “kuzita roMwanakomana waMwari” zvinorevei? (1 Johane 5:13)

Izvi zvinoreva kuteerera mirayiro yose yaKristu, kubatanidza murayiro wake wokuti ti“dane.” (Johane 15:14, 17) Rudo runoda kuti tiitire vamwe zvakanaka. Runobvisa rusarura rwose rweganda, rwezvitendero, uye rwenzanga.—12/1, peji 7.

◻ Nei Zvapupu zvaJehovha zvichi“vengwa”? (Mateo 10:22)

Zvapupu zvaJehovha zvakavengwa zvisina kururama nemhaka yezvikonzero zvimwe chete zvakatambudzirwa vaKristu vapakutanga. Chokutanga, Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvazvinodavira muchitendero chazvo nenzira inozviita kuti vamwe vazvione zvisina kunaka. Chepiri, zvave zvichipomerwa nhema—nhema dziri pachena uye kutaurwa kwakamonyaniswa kwezvazvinodavira.—12/1, peji 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe