Nyanzvi Inochinjazve Musi Wokunyorwa Kwechinyorwa cheBhaibheri
Maererano naCarsten Peter Thiede, nyanzvi yeGermany mune zvokunzvera manyoro enhokwe, pane uchapupu hwakasimba hwokuti zvidimbu zvemanyoro enhokwe zvitatu zveEvhangeri yaMateo (zvinozivikanwa seMupumburu Wemanyoro enhokwe waMagdalen) zvakanyorwa muzana ramakore rokutanga.
Vapedza kuenzanisa zvidimbu (zvine zvikamu zvaMateo ganhuro 26) neimwe tsamba yebhizimisi yakare yakawanwa muEgipita, Thiede akati chinyorwa cheEgipita chakafanana ne“Mupumburu Wemanyoro enhokwe waMagdalen kuita semapatya—mukungotarisika kwacho uye mukuumbwa nokunyorwa kwamavara acho.” Thiede newaakanyora naye wacho Matthew D’Ancona vanogumisa mubhuku ravo rinonzi Eyewitness to Jesus—Amazing New Manuscript Evidence About the Origin of the Gospels kuti kufanana kuri pakati pezvinyorwa zvacho zviviri kunoratidza kuti zvakanyorwa panenge panguva imwe. Rini? Chinyorwa chezvebhizimisi ndeche“‘Mugore rechi12 raIshe Nero, Epeiph 30’—maererano nekarenda redu, uri musi wa24 July, 66 [C.E.].”
“Musi uyu, kana wakarurama, unokosha zvikuru,” anotsinhira kudaro Purofesa Philip W. Comfort, mune imwe nyaya yakabudiswa muTyndale Bulletin, “nemhaka yokuti unoita kuti chinyorwa cheEvhangeri yaMateo chive chomuzana ramakore rakafanana nerachakanyorwa.” Ungaitawo kuti Mupumburu Wemanyoro enhokwe waMagdalen uve chidimbu cheEvhangeri chekare kupinda zvose zviripo.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mupumburu Wemanyoro enhokwe waMagdalen, wakaratidzwa sezvawakaita chaizvo
[Kwazvakatorwa]
By Permission of the President and Fellows of Magdalen College, Oxford