RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/15 pp. 26-29
  • Chisarudzo Chokuzvisarudzira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chisarudzo Chokuzvisarudzira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mutemo Wavanhu Netsika
  • Kukurudzirwa Kusingatarisirwi
  • Chisarudzo Chacho
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/15 pp. 26-29

Chisarudzo Chokuzvisarudzira

HAPANA mumwe munhu anotsigira kuzvisarudzira wave kuziva kunze kwoMunhu ane mukurumbira zvikuru mupasi rose. Ndiye Musiki wedu. Sezvaane ruzivo rusina kuganhurirwa rwezvinodiwa navanhu, anopa mirayiridzo, nyevero, uye nhungamiro nokuzvidira pamusoro penzira yokuchenjera yatinofanira kufamba nayo. Zvisinei, haazvidzi rusununguko rwokuzvisarudzira rwaakapa zvisikwa zvake zvakangwara. Muporofita wake Mosesi akaratidzira mafungiro aMwari paakati: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako.”—Dheuteronomio 30:19.

Mashoko aya anoshanda munhau yezvokurapa. Pfungwa yokuzvisarudzira wava kuziva, kana kuti kubvuma wava kuziva, iri kubvumwa zvishoma nezvishoma muJapan nomune dzimwe nyika mayakanga isingazikanwi zvakadaro munguva yakapfuura. Dr. Michitaro Nakamura akapa rondedzero iyi yekubvuma wava kuziva: “Ipfungwa yokuti chiremba anotsanangurira murwere nomutauro unonzwisiswa nyore chirwere chacho, mugumisiro wacho, mutoo wokurapa nawo, uye zvingangozoparirwa nemishonga yacho, achiremekedza kodzero yomurwere yokuzvisarudzira mutoo wokurapwa nawo.”—Japan Medical Journal.

Kwamakore akawanda, vanachiremba muJapan vakapa zvikonzero zvakasiyana-siyana zvokuramba nzira iyi yokurapa nayo varwere, uye kakawanda matare akaramba achitsigira marapire enguva dzose. Saka, chaiva chinhu chikuru apo chisarudzo chokuzvisarudzira wava kuziva chakataurwa noMutongi Mukuru Takeo Inaba weDare Rapamusoro reTokyo musi wa9 February 1998. Chisarudzo ichocho chaiva chokutii, uye inhau ipi yakaita kuti mhaka yacho izotaurwa kumatare?

Kare muna July 1992, Misae Takeda, chimwe Chapupu chaJehovha chaiva nemakore 63 okukura, chakaenda kuInstitute of Medical Science Hospital, paYunivesiti yeTokyo. Akanga aonekwa kuti chiropa chake chaiva chakazvimba kwazvo uye aifanira kuvhiyiwa. Achidisisa kuteerera murayiro weBhaibheri wokusashandisa ropa zvisina kunaka, akajekesera varapi vake chishuvo chake chokurapwa asingaisirwi ropa. (Genesi 9:3, 4; Mabasa 15:29) Varapi vacho vakabvuma fomu rokuti vaisazova nemhaka kana pakaitika chimwe chinhu, iro raisunungura ivo nechipatara chacho pamhaka chero ipi zvayo yaizoparirwa nechisarudzo chake. Vakamuvimbisa kuti vaizoita zvaaishuva.

Zvisinei, apedza kuvhiyiwa, uye Misae achine chiveve, akaisirwa ropa—zvaipesana zvakananga nezvishuvo zvake zvaakanga ataura zvakajeka. Nhamburiko dzokuvanza kuisira ropa kwakanga kusina kubvumiranwa dzakafumurwa apo mumwe mushandi wepachipatara akataura nhau yacho kumutori wenhau. Sezvaunganzwisisa, uyu mudzimai wechiKristu akafa neshungu paakaziva nezvekuisirwa ropa kwakanga kusina kubvumiranwa. Akanga avimba nevarapi, achidavira kuti vaizochengeta shoko ravo ndokuremekedza zvaaidavira muchitendero chake. Nemhaka yekushungurudzika kwaakaita pamusoro peuku kukanganiswa kwazvo kwoukama hwachiremba nomurwere uye achitarisira kutanga chimwe chinhu chaizodzivirira vamwe pakusabatwa zvisina kunaka kwakafanana pakurapwa, akaendesa nhau yacho kudare.

Mutemo Wavanhu Netsika

Vatongi vatatu veDare Roruwa reTokyo vakapirwa nhau yacho uye vakatsigira varapi saka, havana kubvumirana nekodzero yokubvuma wava kuziva. Pachisarudzo chavo, chakataurwa musi wa12 March 1997, vakataura kuti kuedza kupi nokupi kuita chibvumirano chokurapa pasina ropa kwakanga kusingashandi. Vaifunga kuti kwaizova kuputswa kwekojo ryozoku, a kana kuti mitemo yenzanga, kuti murapi aite chibvumirano chaicho chokusaisa ropa kunyange kana zvinhu zvikaipisisa. Vaifunga kuti mutoro mukuru wachiremba ndewokuponesa upenyu nenzira yakanakisisa yaanogona, naizvozvo chibvumirano chakadaro chaisazoshanda kubvira pakutanga, pasinei zvapo nezvinodavirwa nomurwere muchitendero chake. Vakataura kuti pakupedzisira, zvinofunga murapi zvinofanira kutanga kupfuura zvingava zvatanga kukumbirwa nomurwere.

Zvakare, vatongi vakataura kuti nokuda kwezvikonzero izvozvo, nepo achitarisirwa kuti atsanangure zvichaitwa, zvazvinozoparira, uye ngozi dzekuvhiya kuri kutaurwa, murapi “angarega kutaura kuti achada kuisira ropa here kana kuti kwete.” Vakatonga kuti: “Hazvinganzi chaizvo hazvisi pamutemo kana kuti hazvina kufanira kuti vanachiremba seVapomerwi vakanzwisisa zvishuvo zveMupomeri zvokusada kuisirwa ropa nyange zvodini ndokuita sevaizoremekedza zvishuvo zvake ndokumuparira kuti abvume kuvhiya kwaitaurwa nezvako.” Zvaifungwa zvaiva zvokuti kudai varapi vakanga vaita neimwe nzira, murwere wacho angadai akaramba kurapwa ndokubuda muchipatara.

Zvakataurwa nedare iroro zvakashamisa uye zvakapedza simba vaitsigira kubvuma wava kuziva. Achitaura nezvematongerwe enhau yaTakeda uye zvairehwa nekubvuma wava kuziva muJapan, Purofesa Takao Yamada, mukuru mukuru wezvemitemo yevanhuwo zvavo, akanyora kuti: “Kana mafungiro okutonga uku akabvumidzwa kuti ashande, kuramba kuisirwa ropa nemurayiro uri pamutemo wokubvuma wava kuziva zvichazoguma zvisingachashandi.” (Magazini yezvemutemo yeHogaku Kyoshitsu) Namashoko akasimba akashora kumanikidzira kuisira ropa se“kuputswa kwakakomba kwechivimbo, kwakafanana nekudenha kunongoerekana kwaitika.” Purofesa Yamada akawedzera kuti chiito chakadaro chinoparadza chivimbo “hachimbofaniri kubvumirwa zvachose.”

Kuva munhu anonyara kwaMisae kwakaita kuti zvimuomere kuti nyaya yake izivikanwe navakawanda. Asi achiziva kuti aigona kudzivirirawo zita raJehovha nemitemo yake yakarurama pamusoro poutsvene hweropa, akasarudza kuita zvaaigona. Akanyorera gweta rake kuti: “Ndakangofanana neguruva, ndakatoderera pariri. Ndinoshamisika kuti nei munhu asingagoni kuzvimirira akaita seni achishandiswa. Asi pandinoda kuita zvinotaura Jehovha chaizvo—uyo anogona kuita kuti mabwe adanidzire—achandipa simba racho.” (Mateo 10:18; Ruka 19:40) Ari mubhokisi romupupuriri pakutongwa kwenyaya iyoyo, akarondedzera nenzwi raidedera kushungurudzika kwaakaita nemhaka yokunyengedzwa kwacho. “Ndakanzwa ndakuvadzwa, somukadzi akanga abatwa chibharo.” Kupupura kwaakaita kwakaita kuti vakawanda vaiva mudare racho musi iwoyo vacheme.

Kukurudzirwa Kusingatarisirwi

Nemhaka yechisarudzo cheDare Roruwa, nhau yacho yakakurumidza kukwidzwa kuDare Rapamusoro. Kupikisana kwokutanga mudare rokukwirira kwakatanga muna July 1997, uye Misae akanga ave ndonda asi akanga akatsunga aivamo ari muwiricheya. Kenza yakanga yatangazve, uye akanga ari kuramba achipera simba. Misae akakurudzirwa zvikuru apo mutongi mukuru, zvisingawanzoitwi, akataura zvaironga kuitwa nedare. Akajekesa kuti iri dare rokukwirira rakanga risingabvumirani nechisarudzo chedare rakatonga nhau yacho—chokuti murapi akanga ane kodzero yokufuratira zvishuvo zvomurwere, achiita sokuti aizozviteerera asi nechomukati achiziva kuti aida kuita chimwe chinhu chakasiyana. Mutongi mukuru wacho akataura kuti dare raisazotsigira tsika ye“Shirashimu bekarazu, yorashimu beshi,”b kureva kuti, “Vaitei kuti varambe vasingazivi uye vachivimba” nemishonga. Misae akazoti: “Ndinofara zvikuru kunzwa kutsinhira kwakarurama kwomutongi, kwakanyatsosiyana nechisarudzo chomunguva yakapfuura cheDare Roruwa.” Akawedzera kuti: “Izvi ndizvo zvandave ndichinyengeterera kuna Jehovha.”

Mwedzi wakatevera wacho Misae akashaya, akakomberedzwa nemhuri yaiva norudo nevarapi vepachipatara chakasiyana, uko zvitendero zvake zvechokwadi zvainzwisiswa nokuremekedzwa. Kunyange zvazvo akasuruvariswa zvikuru nokufa kwake, mwanakomana wake, Masami, nemimwe mitezo yemhuri vakanga vakatsunga kutarisira kuti nhau yacho yaizopera sei, maererano nezvaishuva Misae.

Chisarudzo Chacho

Pakupedzisira, musi wa9 February 1998, vatongi vatatu veDare Rapamusoro vakataura chisarudzo chavo, vachichinja chisarudzo chedare rokutanga. Kamuri duku romudare rakanga rakazara navatori venhau, vezvedzidzo, uye vamwe vakanga vanyatsoteerera nhau yacho kubva pakutanga nokutendeka. Mapepanhau makuru nenhepfenyuro dzeterevhizheni zvakazivisa chisarudzo chacho. Mimwe misoro yenhau yaiti: “Dare: Varwere Vanogona Kuramba Kurapwa”; “Dare Rapamusoro: Kuisira Ropa Kukanganisa Kodzero”; “Chiremba Akamanikidzira Kuisira Ropa Anoruza Mudare”; uye “Chapupu chaJehovha Chinoripwa Nemhaka Yokuisirwa Ropa.”

Mishumo yechisarudzo chacho yakanga yakarurama uye ichifadza zvikuru. Pepanhau reThe Daily Yomiuri rakati: “Mutongi Takeo Inaba vakati zvakanga zvisina kufanira kuti vanachiremba vaite miitiro yakanga yarambwa nomurwere.” Rakatiwo zvakajeka: “Vanachiremba vaka[isira ropa] vakamutorera mukana wake wokusarudza marapirwe aaida.”

Asahi Shimbun rakaratidza kuti nepo muchiitiko chino dare rakafunga kuti pakanga pasina uchapupu hwakakwana hwokuti paiva nechibvumirano chakabvumiranwa navose vari vaviri kuti ropa raisazoshandiswa kunyange kana zvinhu zvamira zvakaipa, vatongi havana kubvumirana nedare rokutanga pamusoro pokuva pamutemo kwechibvumirano chakadaro: “Kana pane chibvumirano chokuchenjera pakati pavanhu vari kubatanidzwa chokuti ropa harifaniri kuiswa nyange zvodini, Dare iri haritongi mukupesana nezvinodiwa nomunhu wacho, saka zvonzi hazvishandi.” Uyezve, pepanhau iri rakataura maonero omutongi okuti “vanhu vose vachafanira kufa pane rimwe zuva, uye mutoo wokufa ikoko unogona kusarudzwa nomunhu oga oga.”

Chaizvoizvo, Zvapupu zvaJehovha zvakanzvera nhau iyi uye zvine chokwadi chokuti zviri kusarudza nzira yakanakisisa yokurarama nayo. Izvozvo zvinobatanidza kuramba ngozi dzinozivikanwa dzokuisirwa ropa uye panzvimbo paizvozvo vachibvuma miitiro yokusashandisa ropa inoshandiswa zvikuru munyika dzakawanda uye inowirirana nomutemo waMwari. (Mabasa 21:25) Purofesa anonyatsozivikanwa wokuJapan wemitemo yehurumende akati: “Chaizvoizvo, kuramba kurapwa no[kuisirwa ropa] kuri kutaurwa pano haisi nhau yokusarudza ‘nzira yokufa nayo’ asi, panzvimbo peizvozvo, yokurarama nayo.”

Chisarudzo chakaitwa neDare Rapamusoro chinofanira kungwadza varapi kuti kodzero dzavo dzokuzvisarudzira hadzishandi sokufunga kwakaita vamwe. Uye chinofanira kuguma nekuita kuti zvipatara zvakawanda zvive nemitemo inozvidzora. Nepo kutonga uku kwedare kwakagamuchirwa uye kuchikurudzira varwere, vave vasingapiwi kodzero yokuzvisarudzira kurapwa kwavanoda, havasi vose vakakufarira nomwoyo wose. Chipatara chehurumende nevarapi vatatu vakakwidzazve nhau yacho kuDare Rapamusorosoro. Saka tinofanira kumirira kuti tione kana dare rapamusoro kupinda ose reJapan richatsigirawo kodzero dzavarwere, sezvinoita Changamire wechisiko chose.

[Mashoko Omuzasi]

a Pfungwa yapamutemo isina kurondedzerwa inosiyirwa mejasitiriti kuti adudzire uye ashandise.

b Ichi chakanga chiri mutemo wemadzishe ezvematongerwe enyika venguva yaTokugawa pamusoro pematongero avaifanira kuita vanhu vavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe