Vakawanda Vanoti Vanotenda
“JESU anoshamisa! Akanaka zvikuru!” akadanidzira achidaro mukadzi wechimwe chitendero muBrazil. Chokwadi, hapana anoramba simba rezita raJesu. Munhau yose, vanhu vakamutamburira uye vakamufira nokuzvidira.
Muapostora Petro naJohane vakaparidza ‘nezvezita raJesu’ muJerusarema. Nemhaka yokuita izvozvo, vakasungwa ndokurohwa. Nepo “vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake.”—Mabasa 5:28, 41.
Antipasi aiva mumwe muKristu womuzana rokutanga remakore aikoshesa zita raJesu. Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, Jesu akataura nezvake se“chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.” (Zvakazarurwa 2:13) Pamwe nevamwe vaKristu vomuPergamo, Antipasi akaomerera pakutenda kwake muna Kristu. Antipasi akaomerera kuzita raJesu kunyange pakuurawa!
Kwapera inenge hafu yezana remakore, muna 155 C.E., aizviti muKristu Polycarp akatarisana nomuedzo wakafanana paakarayirwa kuti atuke Kristu. Akapindura kuti: “Ndakamushandira makore makumi masere nematanhatu, uye Haana chaakanditadzira. Ndingamhura sei Mambo wangu akandiponesa?” Nemhaka yokuomerera kwake pana Kristu, Polycarp akapisirwa padanda.
Vaapostora, Antipasi, nevamwe vaida kusimbisa uchapupu hwavo pamusoro paKristu nokufa! Zvakadini nevanhu nhasi?
Zita raJesu Nhasi
Zita raJesu rinoramba richimutsa mifungo yakasimba. MuLatin America, kuwanda kwemachechi anoti anodavira muna Jesu kwave kwakakwirira zvikuru mumakumi amakore achangobva kupfuura. Kunyange misha miduku zvikuru ine chechi yePentecostal. Panguva imwe cheteyo, kupesvedzera zvematongerwe enyika kwemachechi akadaro kuri kukura. Somuenzaniso, muCongress neSenate zveBrazil, zvigaro 31 ndezvemitezo yeaya machechi.
Jesu ndiyewo musimboti wechimwe chitendero chitsva muUnited States. Vateveri vacho vanozviti Vachengeti Vechipikirwa. Magazini inonzi Time yakataura muna 1997 kuti vanopinda misangano yavo vakawedzera kubva pa4 200 muna 1991 kuenda kumamiriyoni 1,1 muna 1996. Rumwe rwerwiyo rwacho runoti: “Haiwa rukundo muna Jesu, Muponesi wangu nokusingaperi.”
Zvisinei, haisi mifungo yose inoparirwa nezita raJesu yave yakanaka zvikuru. Kakawanda kwave kune kurwa kunoitwa muzita rake. VaJudha vakapondwa, vahedheni vakaurawa, vaifunga zvakasiyana vaitambudzwa, kuremadzwa, uye kupisirwa padanda—zvose zvichiitwa muzita raJesu. Uye munguva pfupi yapfuura, kuwana mari yakawanda nokuparidza evhangeri kwakava kwakakurumbira zvakaipa. Zvose izvozvi kushandisa zvisina kufanira kwakashata uye kunonyangadza zita raJesu nezvarinomirira!
Uyezve, zvinomutsa mibvunzo yakakodzera: Chii chinobatanidzwa mukutenda muzita raJesu? Uye Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei nhau iyi? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.