Kutaurirana Mari Yeroora Ine Mufungo
KUFANANA nomunguva dzeBhaibheri, nhasi dzimwe tsika dzinoda kuti roora ribhadharwe murume asati atora mukadzi. Jakobho akati kuna tezvara vake vanokarirwa Rabhani: “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.” (Genesi 29:18) Nemhaka yemadire aiita Jakobho Rakeri, akakarakadza mutengo mukuru—wakaenzana nomubayiro wemakore manomwe! Rabhani akagamuchira chikarakadzo chacho asi akanyengera Jakobho kuti atange kuroora mwanasikana wake mukuru, Rea. Mabatire ayo Rabhani akazoita Jakobho akaramba ongova okunyengera. (Genesi 31:41) Kukoshesa kwaiita Rabhani pfuma yokunyama kwakaita kuti vanasikana vake vasamuremekedza. Vakabvunza kuti: “Hatizava savatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu.”—Genesi 31:15.
Nenzira inosuruvarisa, munyika yanhasi inodisa zvenyika, vabereki vakawanda vakafanana naRabhani. Uye vamwe vanotomupfuura. Maererano nerimwe pepanhau romuAfrica, dzimwe roorano dzinotauriranwa “navanababa vane udyire kuti vangowana bedzi mhindu.” Chimwe chikonzero idzvinyiriro yezvemari inoita kuti vamwe vabereki vaone vanasikana vavo somutoo wokurerutsa nawo nhamo yemari.a
Vamwe vabereki vanononotsa vanasikana vavo kuroorwa nemhaka yokuti vari kumirira munhu anoda kuroora nemari yakawanda. Izvi zvinogona kuparira zvinetso zvakakomba. Mumwe mutori wenhau werimwe pepanhau ari kumabvazuva kweAfrica akanyora kuti: “Majaya anosarudza kutizisa mukumbo kuti asabhadhara zvipo zvakanyanyisa zvinodiwa navanatezvara vasingachinjiki.” Unzenza ndechimwe chezvinetso zvinoparirwa nokurayira mari yeroora yakawandisa. Uyezve, mamwe majaya anobudirira kutenga mudzimai asi anosara nechikwereti chikuru. Mumwe mushandi womunzanga wokuSouth Africa akakurudzira kuti: “Vabereki vanofanira kuva vane mufungo. Havafaniri kutaura kuti vanoda mari yakawandisa. Vaviri vachangobva kuroorana vanoda kurarama . . . Zvino nei muchisiya jaya racho risisina mari?”
Vabereki vechiKristu vanogona sei kugadza muenzaniso wokunzwisisa pavanotaurirana nezvokubhadharwa kana kuti kugamuchirwa kweroora? Iyi inhau yakakomba, nokuti Bhaibheri rinorayira kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.”—VaFiripi 4:5, NW.
Mitemo yeBhaibheri Ine Mufungo
Kana vabereki vechiKristu vachizosarudza kutaurirana nezveroora kana kuti kwete chisarudzo chomunhu oga. Kana vakasarudza kuita kudaro, kutaurirana kwakadaro kunofanira kuitwa maererano nemitemo yeBhaibheri. Shoko raMwari rinoti: “Musakarira mari pamugarire wenyu.” (VaHebheru 13:5) Kana mutemo uyu usingaoneki mukurukurirano dzeroorano, mubereki wechiKristu angava achiratidza kuti haasi muenzaniso wakanaka. Varume vane mutoro muungano vanofanira kuva “[v]anonzwisisa,” kwete ‘vanoda mari’ kana kuti vano“kar[a] pfuma yokusatendeseka,” (1 Timotio 3:3, 8) MuKristu anotaura kuti anoda mari yeroora yakawandisa nenzira yemakaro uye nokusapfidza angatodzingwa muungano.—1 VaKorinte 5:11, 13; 6:9, 10.
Nemhaka yezvinetso zvinoparirwa nemakaro, dzimwe hurumende dzakagadza mitemo inoisa muganhu paroora. Somuenzaniso, mumwe mutemo womunyika yokuMadokero kweAfrica yeTogo unotaura kuti roora “rinogona kubhadharwa nezvinhu kana kuti nemari kana kuti munzira dzose dziri mbiri.” Mutemo wacho unowedzera kuti: “Mari yacho haifaniri kumbopfuura 10 000 F CFA ($340,00).” Bhaibheri rinorayira rarayirazve vaKristu kuti vave vagari vomunyika vanoteerera mutemo. (Tito 3:1) Kunyange kana hurumende isingasimbisi mutemo wakadaro, muKristu wechokwadi achada kuteerera. Nokudaro achachengeta hana yakanaka pamberi paMwari uye haazogumburi vamwe.—VaRoma 13:1, 5; 1 VaKorinte 10:32, 33.
Ndiani Ane Mutoro Wokutaurirana?
Mudzimwe tsika, nzira inoshandiswa kutaurirana pamusoro peroora ingabonderana neimwezve nheyo inokosha. Maererano neBhaibheri, baba ndivo vanofanira kutarisira nhau dzomumba mavo. (1 VaKorinte 11:3; VaKorose 3:18, 20) Naizvozvo, vane mutoro muungano vanofanira kuva varume vano‘tungamirira vana nedzimba dzavo zvakanaka kwazvo.’—1 Timotio 3:12.
Zvisinei, zvingava zvakajairika zvikuru munzanga kuti kutaurirana kunokosha pamusoro peroorano kusiyirwe hama dzomusoro wemhuri. Uye hama idzi dzingataura kuti dzinoda kuwana mugove wemari yeroora. Izvi zvinoedza mhuri dzechiKristu. Nemhaka yetsika, mimwe misoro yemhuri inobvumira hama dzokunyama dzisingatendi kuti dzimanikidzire roora rakawandisa. Pane dzimwe nguva izvi zvakaita kuti musikana wechiKristu aroorwe naasingatendi. Izvozvo zvinopesana nezano rokuti vaKristu vanofanira kuroora kana kuti kuroorwa “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39) Musoro wemhuri unobvumira hama dzokunyama dzisingatendi kuita zvisarudzo zvinozokuvadza kubudirira mumudzimu kwevana vake haagoni kuonekwa seari ku“bata imba yake zvakanaka.”—1 Timotio 3:4.
Zvakadini kana baba vechiKristu vasingabatanidzwi zvakananga mukurukurirano dzokuroora kana kuti kuroorwa kwomumwe wevana vavo, somuchiitiko chatateguru vanotya Mwari Abrahamu? (Genesi 24:2-4) Kana mumwe munhuwo zvake akagadzwa kuti aite izvi, baba vechiKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti mumiririri wacho anotevera mirayiridzo inowirirana nemitemo yeBhaibheri ine mufungo. Uyezve, vasati vambotaurirana pamusoro peroora, vabereki vechiKristu vanofanira kufunga zvinhu nokungwarira ndokusazvibvumira kudzorwa netsika dzisina mufungo kana kuti zvinonzi zvinodiwa.—Zvirevo 22:3.
Kudzivisa Mavara Asiri echiKristu
Bhaibheri rinoshora kudada no“kuratidzwa kwekushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Johane 2:16, NW; Zvirevo 21:4) Asi, vamwe vanhu vakabatanidzwa neungano yechiKristu vakaratidza mavara iwaya mukutaurirana kwavo zvokuroora. Vamwe vanotevedzera nyika kupfurikidza nokushamisira kuti vakabhadhara kana kuti vakagamuchira mari yeroora yakawanda. Ukuwo, imwe yemahofisi ebazu eWatch Tower Society muAfrica inoshuma kuti: “Vamwe varume havana kuratidza kuremekedza apo vanatezvara vakava vanonzwisisa pane zvavaida, vachiona vadzimai vavo sevakatengwa nomutengo we‘mbudzi.’”
Vamwe vaKristu vakakurirwa nemakaro eroora rinodhura uye zvakaparira migumisiro yakashata. Somuenzaniso, imbofunga nezvomushumo uyu unobva kurimwezve bazu reWatch Tower Society: “Kakawanda zvakaoma kuti hama dzisina kuroora dziroore kana kuti hanzvadzi dziwane vanodziroora. Mugumisiro wacho kuwedzera kwenhamba yevanodzingwa nemhaka younzenza. Dzimwe hama dzinoenda kumigodhi kunotsvaka ndarama kana kuti madhaimani zvadzinozogona kutengesa kuitira kuti dziwane mari yakakwana yokuroora. Izvi zvingadzitorera gore rimwe kana maviri kana kuti kupfuura, uye kazhinji kazhinji dzinoneta mumudzimu sezvadzinorega kusonganirana nehama dzadzo neungano.”
Kuti vadzivise migumisiro inosuruvarisa yakadaro, vabereki vechiKristu vanofanira kutevera muenzaniso wevakakura mumudzimu vari muungano. Muapostora Pauro ainzwisisa mukubata kwake nevaaitenda navo, kunyange akanga asiri mubereki. Aingwarira kudzivisa kupa munhu upi noupi mutoro unorema. (Mabasa 20:33) Zvirokwazvo, vabereki vechiKristu vanofanira kufunga nezvomuenzaniso wake usina udyire pavanotaurirana roora. Kutaura idi, Pauro akafuridzirwa naMwari kunyora kuti: “Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu.”— VaFiripi 3:17.
Mienzaniso Yokunzwisisa
Vabereki vechiKristu vakawanda vakagadza muenzaniso wakaisvonaka wokunzwisisa, pakutaurirana zvokuroora. Chimbofunga nhau yaJoseph nomudzimai wake, Mae, vanoshanda sevaevhangeri venguva yakazara.b Vanogara pachimwe chezvitsuva zveSolomon Islands uko kutaurirana zveroora kunonetsa dzimwe nguva. Kuti vadzivise zvinetso zvakadaro, Joseph naMae vakaronga kuti mwanasikana wavo Helen aroorwe pachitsuwa chavakavakidzana nacho. Vakaita zvakafanana kumumwe mwanasikana, Esther. Joseph akabvumawo kuti mukuwasha wake Peter abhadhare mari yeroora iri pasi zvikuru kupfuura ingagamuchirwa zvine mufungo. Achibvunzwa kuti nei akaita izvi, Joseph akatsanangura kuti: “Ndakanga ndisingadi kupa mutoro kumukuwasha wangu uyo ari piyona.”
Zvapupu zvaJehovha zvakawanda muAfrica zvakagadzawo muenzaniso wakaisvonaka wokunzwisisa. Mudzimwe nharaunda, mitezo iri hama dzokunyama inowanzokarira kubhadharwa chitsama chikuru chemari vasati vatauirana nezvemari yeroora chaiyoiyo. Uye kuti awane mwenga, mukomana anoda kuroora angakarirwa kuti avimbise kuti achabhadhara roora romunguva yemberi rehanzvadzi duku yomusikana wake.
Mukupesana, chimbofunga nezvomuenzaniso waKossi nomudzimai wake, Mara. Mwanasikana wavo, Beboko, achangobva kuroorwa nomutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Vasati varoorana, hama dzokunyama dzakamanikidza zvikuru vabereki vacho kuti dziwane mugove wadzo mari yeroora yakawandisa. Zvisinei, vabereki vacho vakashinga havana kubvumirana nezvikumbiro zvakadaro. Panzvimbo pezvo, vakataurirana zvakananga nomukuwasha wavo anokarirwa, vachikumbira mari yeroora shomanene nokuda kwomwanasikana wavo uye ipapo ndokudzorera hafu yacho kuvaroorani vacho kuti vashandise pakugadzirira zuva ravo romuchato.
Mumwezve muenzaniso munyika imwe cheteyo unobatanidza Chapupu chiduku chinonzi Itongo. Pakutanga, vabereki vake vakakumbira mari yeroora rine mufungo. Asi hama dzokunyama dzakarayira kuti chitsama chacho chiwedzerwe. Mugariro wacho wakanga wakaoma, uye zvakaratidzika sokuti hama dzokunyama idzi dzaizobudirira. Kunyange achitya nenzira yomuzvarirwo, Itongo akasimuka ndokutaura nenzira yokuremekedza kuti akanga asarudza kuroorwa neChapupu chinoshingaira chinonzi Sanze, maererano nezvakanga zvarongwa. Ipapo nokushinga akati, “Mbike” (kureva kuti, “nhau yacho yapera”) ndokugara pasi. Akatsigirwa naamai vake vechiKristu, Sambeko. Hapana zvakazokurukurwazve, uye vaviri vacho vakaroorana sezvakanga zvarongwa pakutanga.
Kune zvinhu zvinoitirwa hanya nevabereki vane rudo vechiKristu zvinopfuura zvikuru kubetserwa kwomunhu oga neroora. Mumwe murume muCameroon anotsanangura kuti: “Mbuyawasha vangu vanoshandisa mukana wose kuti vandiudze kuti chero chinhu chandaida kuvapa seroora, ndinofanira kuchishandisa kutarisira zvinodiwa nomwanasikana wavo.” Vabereki vane rudo vanoitirawo hanya kubudirira kwevana vavo mumudzimu. Somuenzaniso, imbofunga nezvaFarai naRudo, vanogara muZimbabwe uye vanopedzera nguva yakawanda mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kunyange vasingatambiri mari, vakaroodza vanasikana vavo vaviri nechikamu chiduku chemari inowanzokumbirwa. Ndechipi chakanga chiri chikonzero chavo? Vaida kuti vana vavo vabetserwe nokuroorwa nevarume vanoda Jehovha zvechokwadi. “Chatakarangarira sechinokosha zvikuru chakanga chiri umudzimu hwevanasikana vedu nevakuwasha vedu,” vakatsanangura kudaro. Zvinozorodza sei! Vanatezvara vanoratidza kuitira hanya kworudo kubudirira mumudzimu nokunyama kwevana vavo vakaroorwa vanofanira kurumbidzwa zvikuru.
Kubetsera Kunoita Kunzwisisa
Joseph naMae vokuSolomon Islands vakakomborerwa nemhaka yenzira yorupo neyokuitira hanya yavakabata nayo roorano dzevanasikana vavo. Nokudaro, vakuwasha vavo havana kupinzwa muchikwereti. Panzvimbo pezvo, varoorani vacho vose vakakwanisa kupedzera makore akawanda mubasa renguva yakazara rokuparadzira shoko roUmambo. Achitarira shure, Joseph anoti: “Zvisarudzo zvandakaita nemhuri yangu zvakaguma nezvikomborero zvikuru. Chokwadi, dzimwe nguva ndaimanikidzwa zvikuru nevakanga vasinganzwisisi, asi ndine hana yakanaka nokugutsikana sezvandinoona vana vangu vakabatikana uye vakasimba mubasa raJehovha. Ivowo vari kufara, uye mudzimai wangu neni tiri kufarisisa.”
Imwe betsero yave iri ukama hwakanaka pakati pemukuwasha navatezvara. Somuenzaniso, Zondai naSibusiso vanoshanda sevashandi vanozvipira nevadzimai vavo, vomudumbu rimwe chete, pabazu reZimbabwe reWatch Tower Society. Tezvara vavo, Dakarai, muparidzi wenguva yakazara uye havatambiri mari. Pavaitaurirana zveroora, vakati vaizogamuchira chero chavaigona kuwana. Zondai naSibusiso vanoti: “Tinoda tezvara vedu zvikuru, uye tingaita zvose zvatinogona kuti tivabetsere kana pane chavangada.”
Hungu, kunzwisisa mukutaurirana roora kunoita kuti mhuri ifare. Somuenzaniso, vachangobva kuroorana havazopindi muchikwereti, zvichivaitira nyore kuti vachinjire kuupenyu hweroorano. Izvi zvakagonesa varoorani vaduku vakawanda kuronda zvikomborero zvomudzimu, zvakadai sokushanda nguva yakazara mubasa rokukurumidzira rokuparidza nokuita vadzidzi. Uyewo, zvinounza mbiri kuMuvambi weroorano ane rudo, Jehovha Mwari—Mateo 24:14; 28:19, 20.
[Mashoko Omuzasi]
a Mudzimwe tsika, mamiriro acho ezvinhu akasiyana. Vabereki vomurume vanokarira chipo kubva kuvabereki vomusikana.
b Mazita okutsiva akashandiswa munyaya ino.
[Bhokisi riri papeji 27]
VAKADZORERA ROORA
Mudzimwe nzanga, mwenga nevabereki vake vanotarisirwa pasi kana mari yeroora yakaderera. Nokudaro, rudado nechishuvo chokuratidzira nzvimbo yemhuri pane dzimwe nguva ndizvo zvinoparira kutema mari yeroora yakawandisa. Imwe mhuri muLagos, Nigeria, inogovera musiyano unozorodza. Mukuwasha wayo, Dele, anotsanangura kuti:
“Mhuri yomudzimai wangu yakandirerutsira mari dzinopedzerwa mumutambo wetsika weroora, zvakadai sokutenga mbatya dzokuchinja dzinodhura. Kunyange apo mhuri yangu yakaendesa roora kwavari, mumiririri wavo akabvunza kuti: ‘Munoda kutora musikana uyu somudzimai kana kuti somwanasikana here?’ Mhuri yangu yakapindura pamwe chete kuti: ‘Tinoda kumutora somwanasikana.’ Pashure paizvozvo roora racho rakadzorerwa kwatiri riri muhamvuropu imwe cheteyo.
“Kusvikira nhasi, ndinoonga mabatire akaita vanatezvara vangu muchato wedu. Zvakaita kuti ndivaremekedze zvikuru. Mafungiro avo omudzimu akaisvonaka anoita kuti ndivaone sehama dzokunyama dzapedyo zvikuru. Zvakavawo nomugumisiro wakakura mumaonere andinoita mudzimai wangu. Ndakatanga kumunzwisisa zvikuru nemhaka yenzira yandakabatwa nayo nemhuri yake. Patisingawirirani, handikubvumiri kuti kuve chinetso. Pandinongoyeuka mhuri yaanobva kwairi, kusawirirana kwacho kunova chinhu chiduku.
“Mhuri yangu neyake dzakabatanidzwa muzvisungo zvoushamwari. Kunyange zvino, makore maviri pashure pomuchato wedu, baba vangu vachiri kutumira zvipo nezvokudya kumhuri yomudzimai wangu.”