RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 9/1 pp. 13-18
  • Ramba Uri Pedyo Noubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uri Pedyo Noubati Ushe hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ubati Ushe hwaMwari Hwechokwadi Chii?
  • Sangano Roubati Ushe hwaMwari
  • Kuona Kunoita Ubati Ushe hwaMwari Mutemo Wenyika
  • Isa Mbiri yaMwari Pakutanga
  • “Ivai Vateveri vaMwari”
  • Jehovha Anotonga—Kupfurikidza Noubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Vafudzi Namakwai Muubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kufudza noMusiki Wedu Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Murangariro wechiKristu Wechiremera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 9/1 pp. 13-18

Ramba Uri Pedyo Noubati Ushe hwaMwari

“Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye uchatiponesa.”—ISAYA 33:22.

1. Neiko vanhu vakawanda vane hanya nenhau yehurumende?

MUNHU wose ane hanya nenhau yehurumende. Hurumende yakanaka inounza rugare nokubudirira. Bhaibheri rinoti: “Mambo unosimbisa nzira yake nokururamisa; asi munhu wemitero, unoiparadza.” (Zvirevo 29:4) Asi ukuwo, hurumende dzakashata dzinoparira kusaruramisira, uori, uye kudzvinyirira. “Kana wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.” (Zvirevo 29:2) Munhau yose, vanhu vakaedza hurumende dzamarudzi akawanda, uye nenzira inosiririsa, kazhinji kazhinji vaka‘gomera’ nemhaka yokudzvinyirirwa navatongi vavo. (Muparidzi 8:9) Rudzi rwupi norwupi rwehurumende rwuchabudirira kuunza kugutsikana kusingaperi kuvanhu vainotonga here?

2. Neiko “ubati ushe hwaMwari” huri rondedzero yakanaka yehurumende yaIsraeri wakare?

2 Wezvenhau Josephus akadudza rudzi rwehurumende yakasiyana paakanyora kuti: “Vamwe vanhu vakaronzesa simba gurusa rezvamatongerwo enyika kumadzimambo, vamwe kuhurumende dzavashomanene, nepo vamwe kuvanhuwo zvavo. Zvisinei, mupi wedu womutemo [Mosesi], haana kukwezva nechimwe chezvimiro izvi zvamasangano ezvamatongerwo enyika, asi akapa kubumbiro rake romutemo chimiro cheizvo—kana kutaura kwokumanikidzira kukabvumirwa—kunganzi ‘ubati ushe hwaMwari,’ zvichiisa uchangamire hwose nechiremera mumaoko aMwari. (Against Apion, II, 164-5) Maererano neConcise Oxford Dictionary, ubati ushe hwaMwari hunoreva “rudzi rwehurumende inotongwa naMwari.” Shoko racho harioneki muBhaibheri, asi rinonyatsotsanangura hurumende yaIsraeri wakare. Kunyange zvazvo vaIsraeri vakava namambo aioneka, mutongi wavo chaiyeiye aiva Jehovha. Muporofita wechiIsraeri Isaya akati: “Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu.”—Isaya 33:22.

Ubati Ushe hwaMwari Hwechokwadi Chii?

3, 4. (a) Ubati ushe hwaMwari hwechokwadi chii? (b) Rimwe zuva nokukurumidza, ubati ushe hwaMwari huchaunzira rudzi rwose rwomunhu zvikomboreroi?

3 Chibviro chaapo Josephus akatanga shoko racho, masangano akawanda ave achitsanangurwa soubati ushe hwaMwari. Mamwe awo akaratidzika seasingashiviriri, anonyanyisa, uye anodzvinyirira neutsinye. Hwakanga huri ubati ushe hwaMwari hwechokwadi here? Kwete mupfungwa iyo Josephus akashandisa nayo shoko racho. Chinetso ndechokuti zvinoreva “ubati ushe hwaMwari” zvakawedzerwa. World Book Encyclopedia rinohurondedzera se“rudzi rwehurumende inotongwa nomupristi kana kuti vapristi, uye ine mitezo yavapristi ine chiremera pavanhu nemunhau dzorudzidziso.” Zvisinei, ubati ushe hwaMwari hwechokwadi hausi hurumende inodzorwa navapristi. Chaizvoizvo ihwo kutonga kwaMwari, hurumene inodzorwa noMusiki wechisiko chose, Jehovha Mwari.

4 Rimwe zuva nokukurumidza, pasi rose richava pasi poubati ushe hwaMwari, uye ichocho chichava chikomborero chakadini! “Mwari amene uchava [navanhu]. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Hakuna kutonga kwavapristi kunoitwa navanhu vasina kukwana kunogona kuunza mufaro wakadaro. Kutonga kwaMwari bedzi kunogona kudaro. Nokudaro, vaKristu vechokwadi havaedzi kupinza ubati ushe hwaMwari kupfurikidza nezvinhu zvezvamatongerwo enyika. Vanomirira nokushivirira kuti Mwari atange ubati ushe hwenyika yose munguva yake pachake uye nenzira yake pachake.—Dhanieri 2:44.

5. Ubati ushe hwechokwadi hwaMwari hunotonga kupi chaizvoizvo nhasi, uye ndeipi mibvunzo inomutswa pamusoro pahwo?

5 Zvisinei, parizvino ubati ushe hwaMwari hwechokwadi huri kutonga. Kupi? Pakati paavo vanozvipira kuva pasi pokutonga kwaMwari ndokushanda pamwe chete kuti vaite kuda kwake. Vakatendeka vakadaro vave vakaunganidzwa so“rudzi” rwomudzimu rwenyika yose rwuri mu“nyika” yarwo yomudzimu. Kune vakasarira ve“vaIsraeri vaMwari” neshamwari dzavo dzechiKristu dzinopfuura mamirioni mashanu nehafu. (Isaya 66:8; VaGaratia 6:16) Ava vanotongwa naJesu Kristu, Mambo wokudenga akagadzwa naJehovha Mwari, “Mambo asingagumi.” (1 Timotio 1:17, NW; Zvakazarurwa 11:15) Iri sangano nderoubati ushe hwaMwari munzirai? Mitezo yaro inoona sei chiremera chehurumende dzenyika? Uye nheyo youbati ushe hwaMwari inochengetwa sei navanhu vanoshandisa chiremera sorudzi rwomudzimu?

Sangano Roubati Ushe hwaMwari

6. Sangano ravanhu rinooneka, rinogona sei kutongwa naMwari?

6 Sangano ravanhu rinogona sei kutongwa naJehovha, anogara kumatenga asingaoneki? (Pisarema 103:19) Mukuti vose vanosonganirana naro vanotevera zano rakafuridzirwa rokuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.” (Zvirevo 2:6; 3:5) Vanobvumira Mwari kuti avatonge sezvavanochengeta “murayiro waKristu” ndokushandisa nheyo dzakafuridzirwa dzeBhaibheri muupenyu hwavo hwezuva nezuva. (VaGaratia 6:2; 1 VaKorinte 9:21; 2 Timotio 3:16; ona Mateo 5:22, 28, 39; 6:24, 33; 7:12, 21.) Kuti vaite izvi, vanofanira kuva vadzidzi veBhaibheri. (Pisarema 1:1-3) Kufanana navaBherea vakare vaiva ne“pfungwa dzakanaka,” havateveri vanhu asi nguva dzose vanonzvera zvinhu zvavari kudzidza muBhaibheri. (Mabasa 17:10, 11, NW; Pisarema 119:33-36) Vanonyengetera sowezvamapisarema kuti: “Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.”—Pisarema 119:66.

7. Ndeipi nhevedzano yokutarisira iri muubati ushe hwaMwari?

7 Mumasangano ose, munofanira kuva navamwe vanoshandisa chiremera kana kuti vanotungamirira. Zvapupu zvaJehovha zvakadarowo, uye zvinochengeta chimiro chechiremera chakaratidzwa nomuapostora Pauro chokuti: “Musoro womurume wose ndiye Kristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinte 11:3, NW) Mukuwirirana neizvi, varume vanokwanirisa bedzi vanobatira savakuru muungano. Uye kunyange zvazvo Jesu—“musoro womurume wose”—ari kudenga, kuchine “vasara” vehama dzakazodzwa, vane tariro yokutonga naye mumatenga. (Zvakazarurwa 12:17; 20:6, NW) Ava vanoumba boka ro“muranda wakatendeka, wakangwara.” VaKristu vanoratidza kuzviisa kwavo pasi paJesu, uye naizvozvo pasi paJehovha, musoro waJesu, kupfurikidza nokubvuma kutarisirwa no“muranda” iyeyo. (Mateo 24:45-47; 25:40) Nenzira iyi, ubati ushe hwaMwari hwakarongeka. “Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare.”—1 VaKorinte 14:33.

8. Vakuru vechiKristu vanotsigira sei nheyo youbati ushe hwaMwari?

8 Vakuru vechiKristu vanotsigira nheyo dzoubati ushe hwaMwari nokuti vanoziva kuti vachazvidavirira kuna Jehovha nokuda kwenzira yavanoshandisa nayo chiremera chavo chakaganhurirwa. (VaHebheru 13:17) Uye mukuita zvisarudzo, vanovimba nouchenjeri hwaMwari, kwete hwavo ivo. Vachidaro, vanotevera muenzaniso waJesu. Akanga ari munhu akachenjera zvikurusa ati amborarama. (Mateo 12:42) Kunyange zvakadaro, akaudza vaJudha kuti: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, mwanakomana unozviita saizvozvowo.” (Johane 5:19) Vakuru vanofungawo mafungiro akafanana neaMambo Dhavhidhi. Akashandisa chiremera chinokosha muubati ushe hwaMwari. Nepo, aida kutevera nzira yaJehovha, kwete yake iye pachake. Akanyengetera kuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; mundifambise panzira yakati chechetere, nokuda kwavanondivandira.”—Pisarema 27:11.

9. Pamusoro petariro dzakasiyana-siyana neropafadzo dzakasiyana-siyana dzebasa muubati ushe hwaMwari, ipfungwa ipi iri pakati napakati iyo vaKristu vakazvitsaurira vanofanira kuva nayo?

9 Vamwe vakabvunza kana kusiri kusarura kuti chiremera muungano chishandiswe navarume bedzi vakakwaniriswa kana kuti vamwe vave netariro yokudenga nepo vamwe vane tariro yapasi. (Pisarema 37:29; VaFiripi 3:20) Zvisinei, vaKristu vakazvitsaurira vanonzwisisa kuti gadziriro idzi dzakarongwa muShoko raMwari. Ndedzoubati ushe hwaMwari. Kana dzikapokanwa, kazhinji kazhinji ndeavo vasingazivi nheyo dzeBhaibheri. Kunze kwaizvozvo, vaKristu vanoziva kuti varume navakadzi vakaenzana mumeso aJehovha kana tichitaura nezvokuponeswa. (VaGaratia 3:28) Nokuda kwavaKristu vechokwadi, kuva vanamati vaChangamire wechisiko chose iropafadzo hurusa inobvira, uye vanofara kuita chero basa iro Jehovha anovarongera. (Pisarema 31:23; 84:10; 1 VaKorinte 12:12, 13, 18) Uyezve, upenyu husingaperi, kungava kudenga kana kuti muparadhiso yapasi, itariro inoshamisa zvechokwadi.

10. (a) Mafungiro api akanaka akaratidzwa naJonatani? (b) VaKristu nhasi vanoratidza sei kufunga kwakafanana nekwaJonatani?

10 Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvakafanana naJonatani, mwanakomana aitya Mwari waMambo Sauro. Jonatani angadai akava mambo akanakisisa. Zvisinei, nemhaka yokusatendeseka kwaSauro, Jehovha akasarudza Dhavhidhi kuti ave mambo wechipiri waIsraeri. Jonatani akatsamwiswa nazvo here? Aiwa. Akava shamwari yaDhavhidhi yakanaka uye akatomudzivirira pana Sauro. (1 Samueri 18:1; 20:1-42) Nenzira yakafanana, avo vane tariro yapasi havaitiri godo avo vane tariro yokudenga. Uye vaKristu vechokwadi havaitiri godo avo vanoshandisa chiremera choubati ushe hwaMwari muungano. Panzvimbo pezvo, vanova“kudz[a] zvikuru norudo” vachiziva basa ravo rakaoma ravanoitira hama nehanzvadzi dzavo dzomudzimu.—1 VaTesaronika 5:12, 13.

Kuona Kunoita Ubati Ushe hwaMwari Mutemo Wenyika

11. VaKristu vanozviisa pasi pokutonga kwoubati ushe hwaMwari vanoona sei zviremera zvenyika?

11 Kana Zvapupu zvaJehovha zvichidzorwa noubati ushe hwaMwari, kutonga kwaMwari, zvinoona sei vatongi vamarudzi? Jesu akataura kuti vateveri vake vaisazova “rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Zvisinei, vaKristu vanoziva chikwereti chavo kuna “Kesari,” hurumende dzenyika. Jesu akataura kuti vanofanira ku“pa . . . Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” (Mateo 22:21) Maererano neBhaibheri, hurumende dzavanhu “[dza]kaiswa munzvimbo ya[dzo] ine mwero naMwari.” Jehovha, Mavambo ezviremera zvose, anobvumira hurumende kuti dzivepo, uye anodzikarira kuitira vadzinotonga zvinhu zvakanaka. Padzinoita izvi, “[va]shumiri [v]aMwari.” VaKristu vanozviisa pasi pehurumende dzenyika yavanogara “nemhaka yehana [dzavo].” (VaRoma 13:1-7, NW) Chokwadika, kana hurumende ikataura chimwe chinhu chinopesana nomutemo waMwari, vaKristu vano“teerera Mwari kupfuura vanhu.”—Mabasa 5:29.

12. VaKristu pavanotambudzwa nezviremera, vanotevera muenzaniso waani?

12 Zvakadiniko neapo vaKristu vechokwadi vanotambudzwa nezviremera zvehurumende? Ipapo vanotevera muenzaniso wavaKristu vapakuvamba, avo vakatsungirira nguva dzokutambudzwa kwakakomba. (Mabasa 8:1; 13:50) Miedzo iyi yokutenda yaikarirwa, sezvo Jesu akanga anyevera kuti yaizouya. (Mateo 5:10-12; Marko 4:17) Asi, vaKristu vapakuvamba ivavo havana kutsiva vaivatambudza; uyewo kutenda kwavo kwavo hakuna kuneteswa nedzvinyiriro. Panzvimbo pezvo, vakatevera muenzaniso waJesu: “Iye wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira, asi wakaisa mhaka yake kuna iye unotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:21-23) Hungu, nheyo dzechiKristu dzinokurira zvinoshatirisa zvaSatani.—VaRoma 12:21.

13. Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiita sei kuchitambudzo nenhimbe dzokuzvichera?

13 Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nhasi. Muzana rino ramakore, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa zvakakomba navatongi vanoshusha—kungofanana nezvakanga zvafanotaurwa naJesu. (Mateo 24:9, 13) Mune dzimwe nyika, nhema nokutaura zvisirizvo zvinoparadzirwa naavo vanoedza kupesvedzera zviremera kuti zvitambudze ava vaKristu vakatendeseka. Zvisinei, pasinei zvapo no“mushumo wakashata” wakadaro, Zvapupu zvacho zvinoratidza kuti vashumiri vaMwari kupfurikidza nomufambiro wazvo. (2 VaKorinte 6:4, 8) Pazvinobvira, vanoendesa nhau yavo kuvakuru vakuru uye kumatare enyika kuti varatidze kusava nemhaka kwavo. Vanoshandisa nzira dzipi nedzipi dzinobvira kuti vadzivirire mashoko akanaka pachena. (VaFiripi 1:7) Asi pashure pokunge vaita zvose zvavanogona vachiteerera mutemo, vanosiyira nhau yacho mumaoko aJehovha. (Pisarema 5:8-12; Zvirevo 20:22) Kufanana navaKristu vapakuvamba, ivo havatyi kana vakafanira kutambura nokuda kwokururama.—1 Petro 3:14-17; 4:12-14, 16.

Isa Mbiri yaMwari Pakutanga

14, 15. (a) Ndechipi chiri chokutanga kune avo vanotsigira nheyo youbati ushe hwaMwari? (b) Soromoni akagadza muenzaniso wakanaka wokuzvininipisa munzvimbo yake yokutarisira panguva ipi?

14 Jesu paakadzidzisa vateveri vake kunyengetera, chinhu chokutanga chaakataura chaiva kutsveneswa kwezita raJehovha. (Mateo 6:9) Mukuwirirana neizvi, avo vanorarama vachitongwa noubati ushe hwaMwari vanotsvaka mbiri yaMwari, kwete yavo. (Pisarema 29:1, 2) Bhaibheri rinoshuma kuti muzana ramakore rokutanga, ichi chaiva chigumbuso kuvamwe vakaramba kutevera Jesu nemhaka yokuti “vaida mbiri yavanhu,” vaida kukudzwa navanhu. (Johane 12:42, 43, NW) Zvechokwadi, kuisa Jehovha pamberi pokuzvikoshesa kwomunhu kunoda kuti azvininipise.

15 Soromoni akaratidza mafungiro akanaka munhau iyi. Enzanisa mashoko ake pakutsaurirwa kwetemberi ine mbiri yaakanga avaka neaNebhukadhinezari pamusoro pamabasa ake okuvaka. Nokudada kwakapfuuridza mwero, Nebhukadhinezari akazvitutumadza achiti: “Ko iri harizi Bhabhironi, guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve ugaro hwamadzimambo, here?” (Dhanieri 4:30) Mukupesana, Soromoni nokuzvininipisa akashora basa rake, achiti: “Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!” (2 Makoronike 6:14, 15, 18; Pisarema 127:1) Soromoni haana kuzvikudza. Aiziva kuti aingovawo zvake mumiririri waJehovha uye akanyora kuti: “Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune vanozvininipisa.”—Zvirevo 11:2.

16. Vakuru vanobvumikisa sei kuva chikomborero chaichoicho kupfurikidza nokusazvipa mbiri?

16 Vakuru vechiKristu nenzira yakafanana vanokudza Jehovha, kwete ivo pachavo. Vanotevera zano raPetro rokuti: “Kana munhu achitaura, ngaataure sokunge kuti mashoko matsvene aMwari; kana munhu achishumira, ngaashumire seanovimba nesimba rinogoverwa naMwari; kuti muzvinhu zvose Mwari apiwe mbiri nomuna Jesu Kristu.” (1 Petro 4:11, NW) Muapostora Pauro akarondedzera “basa romutariri,” kwete senzvimbo inokosha yakatanhamara, asi se“basa rakanaka.” (1 Timotio 3:1) Vakuru vanogadzwa kuti vabatire, kwete kutonga. Vadzidzisi navafudzi veboka raMwari. (Mabasa 20:28; Jakobho 3:1) Vakuru vanozvininipisa, vanozvipira chikomborero chechokwadi kuungano. (1 Petro 5:2, 3) “Mukudze vakadayi,” uye ongai Jehovha kuti akagovera varume vakawanda kudai vakakwaniriswa kuti vatsigire ubati ushe hwaMwari mu“mazuva [ano] okupedzisira.”—VaFiripi 2:29; 2 Timotio 3:1.

“Ivai Vateveri vaMwari”

17. Avo vari pasi poubati ushe hwaMwari vanotevera Mwari munzirai?

17 Muapostora Pauro akakurudzira kuti: “Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa.” (VaEfeso 5:1) Avo vanozviisa pasi poubati ushe hwaMwari vanoedza kuva vakafanana naMwari sezvinobvirira vanhu vasina kukwana. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:3, 4) Kuti vatevedzere Mwari munhau iyi, vaKristu vanotsvaka kutendeka, kururama, uye pfungwa iri pakati napakati yokururamisira. (Mika 6:8; 1 VaTesaronika 3:6; 1 Johane 3:7) Vanodzivisa zvinhu zvakawanda zvinogamuchirwa nenyika, zvakadai sounzenza, kuchochora, uye makaro. (VaEfeso 5:5) Nemhaka yokuti vabatiri vaJehovha vanotevera zvinodiwa naMwari, kwete navanhu, sangano rake nderoubati ushe hwaMwari, rakachena, uye rakanaka.

18. Vara guru raMwari nderipi, uye vaKristu vanoratidza sei vara iri?

18 Vara guru raJehovha Mwari rudo. “Mwari rudo,” muapostora Johane anotaura kudaro. (1 Johane 4:8) Sezvo ubati ushe hwaMwari huchireva kutonga kwaMwari, zvinoreva kutonga norudo. Jesu akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Sangano roubati ushe hwaMwari rakaratidza rudo rwakatanhamara mukati mamazuva ano okupedzisira akaoma. Mukurwisana kwekuparadza madzinza muAfrica, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza rudo kuna vose, pasinei zvapo neboka redzinza ravo. Munguva yehondo muyaimbova Yugoslavia, Zvapupu zvaJehovha zvakabatsirana munharaunda dzose, nepo mamwe marudzidziso akagoverana mukunonzi kuparadza dzinza. Somunhu mumwe nomumwe, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuchengeta zano raPauro rokuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.—VaEfeso 4:31, 32.

19. Zvikomboreroi zviri kuuya zvino nomune ramangwana kuna avo vanozviisa pasi poubati ushe hwaMwari?

19 Avo vanozviisa pasi poubati ushe hwaMwari vanowana zvikomborero zvikuru. Vane rugare naMwari uye navaKristu biyavo. (VaHebheru 12:14; Jakobho 3:17) Vane chinangwa muupenyu. (Muparidzi 12:13) Vakachengeteka mumudzimu uye vane tariro yeramangwana. (Pisarema 59:9) Zvechokwadi,vanofadzwa nokufanoravira zvazvichava zvakaita apo marudzi ose anotongwa noubati ushe hwaMwari. Ipapo Bhaibheri rinoti, “hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Ichava nguva ine mbiri yakadini! Tose ngatiitei kuti nzvimbo yedu muparadhiso yeramangwana ive yechokwadi kupfurikidza nokuramba tiri pedyo zvino noubati ushe hwaMwari.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Ubati ushe hwaMwari chaihwoihwo chii, uye hunowanwa kupi nhasi?

◻ Vanhu vanozviisa pasi pokutonga kwoubati ushe hwaMwari sei muupenyu hwavo?

◻ Vose vanotongwa noubati ushe hwaMwari vanotsvaka mbiri yaMwari pamberi peyavo munzira dzipi?

◻ Ndaapi mamwe mavara aMwari anotevedzerwa naavo vanotsigira ubati ushe hwaMwari?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Soromoni akaisa mbiri yaMwari pamberi peyake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe