RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/15 pp. 10-15
  • Jehovha Anotonga—Kupfurikidza Noubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anotonga—Kupfurikidza Noubati Ushe hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ubati Ushe hwaMwari Hunotangwa
  • Chiremera Muubati Ushe hwaMwari
  • Zviito Nezvimiro Zvendangariro Zvisiri Zvoubati Ushe hwaMwari
  • Mugumo Woubati Ushe hwaMwari
  • Ubati Ushe hwaMwari Hutsva
  • Ramba Uri Pedyo Noubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vafudzi Namakwai Muubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kufudza noMusiki Wedu Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Wedzero Youbati Ushe Hwoumwari
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/15 pp. 10-15

Jehovha Anotonga—Kupfurikidza Noubati Ushe hwaMwari

“Jehovha uchabata ushe nokusingaperi.”—PISAREMA 146:10.

1, 2. (a) Neiko nhamburiko dzomunhu pakutonga dzakakundikana? (b) Ndechipi chave chiri chimiro bedzi chinobudirira zvirokwazvo chehurumende?

CHIFO chenguva yaNimirodhi, vanhu vakaedza nzira dzakasiana-siana kudzora chaunga chomunhu. Kwave kune vadzvinyiriri, madzimambo, hurumende dzavashomanene, uye zvimiro zvakasiana-siana zvehurumende dzinosarudzwa navanhu. Jehovha akadzibvumidza dzose. Zvamazvirokwazvo, sezvo Mwari ariye Manyuko makurusa echiremera chose, mupfungwa yakati akaisa vatongi vakasiana-siana munzvimbo dzavo dzine mwero. (VaRoma 13:1) Kunyanguvezvo, nhamburiko dzose dzomunhu pahurumende dzakundikana. Hapana mutongi wohunhu akaita chaunga chisingagumi, chakatsiga, chakarurama. Kazhinji kazhinji zvikuru, “munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.”—Muparidzi 8:9, NW.

2 Ikoku kunofanira kutishamisa here? Nyangwe! Munhu asina kukwana haana kuitwa kuti azvitonge amene. “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Ndicho chikonzero nei, munhau yose yomunhu, chimiro chimwe bedzi chehurumende chave chichibudirira zvirokwazvo. Ndechipi? Ubati ushe hwaMwari pasi paJehovha Mwari. MuchiGiriki cheBhaibheri, “ubati ushe hwaMwari” hunoreva utongi [kraʹtos] hunoitwa naMwari [the·osʹ]. Ihurumende ipi iri nani ingagona kuvapo kupfuura iyo yaJehovha Mwari amene?—Pisarema 146:10.

3. Ndeipi yaiva mimwe mienzaniso yapakuvamba youbati ushe hwaMwari yaivapo pasi pano?

3 Ubati ushe hwaMwari hwakatonga kwenguva pfupi muEdheni, kusvikira Adhama naEvha vapandukira Jehovha. (Genesi 3:1-6, 23) Munguva yaAbrahama, ubati ushe hwaMwari hunoratidzika kuva hwaivapo muguta reSaremi, naMerkizedheki samambo muprista. (Genesi 14:18-20; VaHebheru 7:1-3) Zvisinei, ubati ushe hwaMwari hwokutanga hworudzi pasi paJehovha Mwari hwakatangwa murenje reSinai muzana ramakore rechi 16 P.N.V. Ikoko kwakaitika sei? Uye hurumende iyoyo youbati ushe hwaMwari yakashanda sei?

Ubati Ushe hwaMwari Hunotangwa

4. Jehovha akatanga sei rudzi rwoubati ushe hwaMwari rwaIsraeri?

4 Muna 1513 P.N.V., Jehovha akanunura vaIsraeri muuranda muEgipita ndokuparadza hondo dzaironda dzaFarao muGungwa Dzvuku. Ipapo Akatungamirira vaIsraeri kuGomo reSinai. Apo vakanga vari mumusasa pajinga regomo, Mwari akavaudza kupfurikidza naMosesi, kuti: “Makaona zvandakaitira vaEgipita, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri. Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose.” VaIsraeri vakapindura, kuti: “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” (Eksodho 19:4, 5, 8) Sungano yakaitwa, uye rudzi rwoubati ushe hwaMwari rwaIsraeri rwakatangwa.—Dheuteronomio 26:18, 19.

5. Kwaigona sei kutaurwa kuti Jehovha akatonga muna Israeri?

5 Kunyanguvezvo, Israeri akatongwa sei naJehovha, asingaoneki nameso ohunhu? (Eksodho 33:20) Mukuti mitemo nouprista hworudzi zvakapiwa naJehovha. Avo vakateerera mitemo ndokunamata mukuwirirana negadziriro dzemitemo yakarairwa nenzira youmwari vakabatira Mubati Ushe wouMwari Mukuru, Jehovha. Mukuwedzera, muprista mukuru akanga ane Urimi neTumimi, kupfurikidza nazvo Jehovha Mwari akapa nhungamiro munguva dzenjodzi. (Eksodho 28:29, 30) Uyezve, varume vakuru vakakwaniriswa vaiva vamiriri vaJehovha muubati ushe hwaMwari uye vakatarisira kushanda kwoMutemo waMwari. Kana tikarangarira chinyorwa chavamwe vaava varume, tichanzwisisa zviri nani kuti vanhu vanofanira kuzviisa pasi sei pokutonga kwaMwari.

Chiremera Muubati Ushe hwaMwari

6. Neiko yaiva denho kuti vanhu vave nechiremera muubati ushe hwaMwari, uye rudzii rwavarume rwaidikanwa nokuda kwomutoro iwoyu?

6 Avo vaiva munzvimbo dzechiremera muna Israeri vakanga vane ropafadzo huru, asi yakanga iri denho kuti vachengete dzikamo yavo. Vaifanira kungwarira kuti kuzvikudza kwavo vamene kusatongova kunokosha zvikuru kupfuura kutsveneswa kwezita raJehovha. Kutaura kwakafuridzirwa kwokuti “nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake” kwakanga kuri kwechokwadi nezvaIsraeri sezvakwakanga kuri nezvorutivi rwasara rworudzi rwomunhu. Israeri akabudirira bedzi apo varume vakuru vakayeuka kuti Israeri akanga ari ubati ushe hwaMwari uye kuti vanofanira kuita kuda kwaJehovha, kwete kwavo vamene. Nokukurumidza pashure pokutangwa kwaIsraeri, tezvara waMosesi, Jetro, akasanotsanangura kuti rudzii rwavarume rwavaifanira kuva, ndiko kuti, “varume vakachenjera, vanotya Mwari, varume vezvokwadi, vanovenga kufufurwa.”—Eksodho 18:21.

7. Mosesi akanga ari muenzaniso wakaisvonaka womunhu akava nechiremera pasi paJehovha Mwari munzirai?

7 Wokutanga kushandisa chiremera chakakwirira muna Israeri akanga ari Mosesi. Akanga ari muenzaniso wakaisvonaka womunhu ane chiremera choubati ushe hwaMwari. Chokwadi, pane imwe nhambo utera hwohunhu hwakaratidzwa. Zvisinei, Mosesi aivimba naJehovha nguva dzose. Apo mibvunzo yakamuka yakanga isati yatopindurwa, akatsvaka nhungamiro yaJehovha. (Enzanisa naNumeri 15:32-36.) Mosesi akadzivisa sei muedzo wokushandisa nzvimbo yake yakakwirira nokuda kwembiri yake amene? Eya, kunyange zvazvo akatungamirira rudzi rwamamirioni, akanga ari “munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Akanga asina magwinyiro omunhu oga asi aiitira hanya mbiri yaMwari. (Eksodho 32:7-14) Uye Mosesi akanga ane kutenda kwakasimba. Achitaura nezvake asati ava mutungamiriri worudzi, muapostora Pauro akati: “Nokuti wakatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi.” (VaHebheru 11:27) Nenzira yakajeka, Mosesi haana kutongokanganwa kuti Jehovha ndiye akanga ari Mutongi chaiyeiye worudzi rwacho. (Pisarema 90:1, 2) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwedu nhasi!

8. Jehovha akapa Joshua murairoi, uye neiko iwoyu uchikosha?

8 Apo kutarisirwa kwaIsraeri kwakabvumikisa kuva kwakakurira zvikuru Mosesi oga, Jehovha akaisa mudzimu wake pavarume vakuru 70 vaizomutsigira mukutonga rudzi rwacho. (Numeri 11:16-25) Mumakore apashure guta rimwe nerimwe raiva navarume vakuru varo. (Enzanisa naDheuteronomio 19:12; 22:15-18; 25:7-9.) Pashure pokunge Mosesi afa, Jehovha akaita Joshua mutungamiriri worudzi rwacho. Tinogona kufungidzira kuti neiyi ropafadzo, Joshua akanga ane zvakawanda zvokuita. Kunyanguvezvo, Jehovha akamuudza kuti kwakanga kune chinhu chimwe aisafanira kutongorega: “Bhuku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwa imomo.” (Joshua 1:8) Cherekedza kuti kunyange zvazvo Joshua akanga ane anopfuura makore 40 ebasa, aifanira kuramba achirava Mutemo. Isuwo tinofanira kufunda Bhaibheri ndokumutsidzira ndangariro dzedu pamusoro pemitemo nenheyo zvaJehovha—pasinei zvapo kuti chinyorwa chedu chebasa chakareba zvakadini kana kuti tine ropafadzo dzakawanda zvakadini.—Pisarema 119:111, 112.

9. Chii chakaitika muna Israeri mukati menguva yavatongi?

9 Joshua akateverwa nenhevedzano yavatongi. Nenzira isingafadzi, mukati menguva yavo vaIsraeri kazhinji kazhinji “vakaita zvakaipa pamberi paJehovha.” (Vatongi 2:11) Nezvenguva yavatongi, chinyorwa chinoti: “Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.” (Vatongi 21:25) Mumwe nomumwe akaita zvisarudzo zvake amene pamusoro pomufambiro nokunamata, uye nhau inoratidza kuti vaIsraeri vazhinji vakaita zvisarudzo zvakaipa. Vakawira kukunamata zvidhori uye pane dzimwe nguva vakaita mhaka dzakaipa zvikuru. (Vatongi 19:25-30) Vamwe, kunyanguvezvo, vakaratidzira kutenda kwomuenzaniso.—VaHebheru 11:32-38.

10. Hurumende muna Israeri yakachinja zvikuru sei mukati menguva yaSamueri, uye chii chakatungamirira kuna ikoku?

10 Mukati menduramo yomutongi wokupedzisira, Samueri, Israeri akapfuura nomunjodzi pamusoro pehurumende. Vapesvedzerwa namarudzi vavengi vakapoteredza, ose aitongwa namadzimambo, vaIsraeri vakarangarira kuti ivowo vaida mambo. Vakakanganwa kuti vakanga vachitova naMambo, kuti hurumende yavo yakanga iri youbati ushe hwaMwari. Jehovha akaudza Samueri, kuti: “Havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.” (1 Samueri 8:7) Muenzaniso wavo unotiyeuchidza kuti kuri nyore sei kurasikirwa nomurangariro wedu womudzimu ndokupesvedzerwa nenyika yakatipoteredza.—Enzanisa na 1 VaKorinte 2:14-16.

11. (a) Pasinei zvapo nechinjo muhurumende, kunogona sei kutaurwa kuti Israeri akapfuurira kuva ubati ushe hwaMwari pasi pamadzimambo? (b) Jehovha akapa murairoi kumadzimambo aIsraeri, uye nedonzoi?

11 Kunyanguvezvo, Jehovha akabvuma chikumbiro chavaIsraeri uye vakasarudza madzimambo avo maviri okutanga, Sauro naDhavhidhi. Israeri akapfuurira kuva ubati ushe hwaMwari, anotongwa naJehovha. Kuti madzimambo ake agoyeuka ikoku, mumwe nomumwe wavo aisungirwa kuita kopi yake amene yoMutemo ndokuirava zuva nezuva, “kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurairo uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite; kuti mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake.” (Dheuteronomio 17:19, 20) Hungu, Jehovha akashuva kuti avo vane chiremera muubati ushe hwake hwaMwari havafaniri kuzvikudza vamene uye kuti zviito zvavo zvinofanira kuratidzira Mutemo wake.

12. Mambo Dhavhidhi akaita chinyorwai chokutendeka?

12 Mambo Dhavhidhi akanga ane kutenda kwakatanhamara muna Jehovha, uye Mwari akaita sungano kuti aizova baba womutsara wamadzimambo waizogara nokusingaperi. (2 Samueri 7:16; 1 Madzimambo 9:5; Pisarema 89:29) Kuzviisa pasi paJehovha kwokuzvininipisa kwaDhavhidhi kwakanga kwakafanirwa nokutevedzerwa. Iye akati: “Mambo uchafara nesimba renyu, Jehovha; uchafarira kuponesa kwenyu zvikuru sei!” (Pisarema 21:1) Kunyange zvazvo Dhavhidhi pane dzimwe nguva akakundikana nemhaka youtera hwenyama, kazhinji kazhinji akavimba nesimba raJehovha, kwete rake amene.

Zviito Nezvimiro Zvendangariro Zvisiri Zvoubati Ushe hwaMwari

13, 14. Ndezvipi zvaiva zvimwe zvezviito zvisiri zvoubati ushe hwaMwari zvakaitwa navatsivi vaDhavhidhi?

13 Havasati vari vatungamiriri vose vaIsraeri vakanga vakafanana naMosesi naDhavhidhi. Vakawanda vakaratidza kuzvidzwa kwakakomba kwegadziriro youbati ushe hwaMwari, vachibvumira kunamata kwenhema muna Israeri. Kunyange vamwe vavatongi vakatendeka vakaita nenzira isiri youbati ushe hwaMwari pane imwe nhambo. Chine ngwavaira zvikuru chakanga chiri chinoitika chaSoromoni, uyo akapiwa uchenjeri hukuru nokubudirira. (1 Madzimambo 4:25, 29) Bva, mukuzvidzwa kwomutemo waJehovha, akaroora vadzimai vakawanda ndokubvumidza kunamata zvidhori muna Israeri. Sezviri pachena, kutonga kwaSoromoni kwakanga kuchidzvinyirira mumakore ake apashure.—Dheuteronomio 17:14-17; 1 Madzimambo 11:1-8; 12:4.

14 Mwanakomana waSoromoni Rehobhoami akatarisana nechikumbiro chokuti arerutse mutoro wavadzorwi vake. Panzvimbo pokubata mugariro wacho nounyoro, akazivisa noukono chiremera chake—uye akarasikirwa ne 10 dzendudzi 12. (2 Makoronike 10:4-17) Mambo wokutanga woumambo hwakakamuka hwendudzi gumi akanga ari Jerobhoami. Munhamburiko yokuva nechokwadi chokuti umambo hwake hahufaniri kutongokumbanirazve rudzi biyarwo, akatanga kunamata mhuru. Ichochi chingave chakaratidzika kuva chiito chokuchenjera mune zvamatongerwe enyika, asi chakaratidza kuzvidzwa kwakakomba kwoubati ushe hwaMwari. (1 Madzimambo 12:26-30) Gare gare, pamugumo woupenyu hurefu hwebasa rokutendeka, Mambo Asa akabvumira rudado kushatisa chinyorwa chake. Akabata zvisina kufanira muporofita akauya kwaari nezano rakabva kuna Jehovha. (2 Makoronike 16:7-11) Hungu, kunyange vava nenguva refu pane dzimwe nguva vanoda zano.

Mugumo Woubati Ushe hwaMwari

15. Apo Jesu aiva pasi pano, vatungamiriri vechiJudha vakakundikana sei savanhu vane chiremera muubati ushe hwaMwari?

15 Apo Jesu Kristu aiva pasi pano, Israeri akanga achiri ubati ushe hwaMwari. Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, vakawanda vavarume vakuru vake vane mutoro vakanga vasingarangariri zvomudzimu. Zvamazvirokwazvo vakakundikana kusakurira unyoro uhwo Mosesi akaratidzira. Jesu akanongedzera kuushati hwavo hwomudzimu apo akati: “Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMosesi; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.”—Mateo 23:2, 3.

16. Vatungamiriri vechiJudha vomuzana rokutanga ramakore vakaratidza sei kuti vakanga vasingaremekedzi ubati ushe hwaMwari?

16 Pashure pokupa Jesu kuna Pontio Pirato, vatungamiriri vechiJudha vakaratidza kuti vakanga vabva zvikuru sei mukuzviisa pasi poubati ushe hwaMwari. Pirato akanzvera Jesu ndokugumisa kuti akanga ari murume asina mhaka. Achibudisa Jesu pamberi pavaJudha, Pirato akati: “Tarirai Mambo wenyu!” Apo vaJudha vakadanidzira rufu rwaJesu, Pirato akati: “Ndorovera Mambo wenyu . . . here?” Vaprista vakuru vakapindura, vakati: “Hatina mambo, asi Kesari chete.” (Johane 19:14, 15) Vakabvuma Kesari samambo, kwete Jesu, ‘akauya muzita raJehovha’!—Mateo 21:9.

17. Neiko Israeri wokunyama akarega kuva rudzi rwoubati ushe hwaMwari?

17 Mukuramba Jesu, vaJudha vakaramba ubati ushe hwaMwari, nokuti iye akanga achizova munhu mukuru mugadziriro dzomunguva yemberi dzoubati ushe hwaMwari. Jesu akanga ari mwanakomana woumambo waDhavhidhi uyo akanga achizotonga nokusingaperi. (Isaya 9:6, 7; Ruka 1:33; 3:23, 31) Nokudaro, Israeri wokunyama akaguma kuva rudzi rwakasarudzwa rwaMwari.—VaRoma 9:31-33.

Ubati Ushe hwaMwari Hutsva

18. Ubati ushe hwaMwari hutsva hupi hwakatangwa muzana rokutanga ramakore? Tsanangura.

18 Kuramba kwaMwari Israeri wokunyama kwakanga kusati kuri mugumo pasi pano woubati ushe hwaMwari, zvisinei. Kupfurikidza naJesu Kristu, Jehovha akatanga ubati ushe hwaMwari hutsva. Iyi yakanga iri ungano yechiKristu yakazodzwa, urwo rwakanga rwuri chaizvoizvo rudzi rutsva. (1 Petro 2:9) Muapostora Pauro akarwudana, kuti “Israeri waMwari,” uye pakupedzisira mitezo yake yakabva “kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose.” (VaGaratia 6:16, NW; Zvakazarurwa 5:9, 10) Nepo vaizviisa pasi pehurumende dzohunhu dzavaigara madziri, mitezo youhu ubati ushe hwaMwari hutsva zvamazvirokwazvo yaitongwa naMwari. (1 Petro 2:13, 14, 17) Nokukurumidza pashure pokutangwa kwoubati ushe hwaMwari hutsva, vatongi vaIsraeri wokunyama vakaedza kumanikidza vadzidzi kurega kuteerera murairo uyo Jesu akanga avapa. Mhinduro yacho? “Tinofanira kuteerera Mwari [somutongi, NW] kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29) Zvirokwazvo, murangariro woubati ushe hwaMwari!

19. Ungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore yaigona sei kunzi ubati ushe hwaMwari?

19 Kunyanguvezvo, ubati ushe hwaMwari hutsva hwakashanda sei? Eya, kwakanga kuna Mambo, Jesu Kristu, aimirira Mubati Ushe wouMwari Mukuru, Jehovha Mwari. (VaKorose 1:13) Kunyange zvazvo Mambo wacho akanga asingaoneki mumatenga, kutonga kwake kwakanga kuri chaiko kuvadzorwi vake, uye mashoko ake aidzora upenyu hwavo. Nezvokutarisira kunooneka, varume vakuru vakakwaniriswa mumudzimu vakagadzwa. MuJerusarema boka ravarume vakadaro rakashanda somutumbi unodzora. Vaimirira mutumbi iwoyo vaiva vakuru vanofambira, vakadai saPauro, Timotio, uye Tito. Uye ungano imwe neimwe yakanga ichitarisirwa nomutumbi wavarume vakuru, kana kuti vakuru. (Tito 1:5) Apo chinetso chakaoma chakamuka, vakuru vakabvunza mutumbi unodzora kana kuti mumwe wavamiriri vawo, vakadai saPauro. (Enzanisa naMabasa 15:2; 1 VaKorinte 7:1; 8:1; 12:1.) Uyezve, mutezo mumwe nomumwe weungano wakaita rutivi mukutsigira ubati ushe hwaMwari. Mumwe nomumwe akanga ane mutoro pamberi paJehovha wokushandisa nheyo dzapaMagwaro muupenyu hwake.—VaRoma 14:4, 12.

20. Chii chinogona kutaurwa pamusoro poubati ushe hwaMwari pashure penguva dzavaapostora?

20 Pauro akanyevera kuti pashure porufu rwavaapostora, kuwa pakutenda kwaizotanga, kuri zvomenemene kwakaitika. (2 VaTesaronika 2:3) Sezvo nguva yakapfuura, chiverengero chaavo vaitaura kuva maKristu chakakwira kusvika kumamirioni uye ipapo kumazana amamirioni. Chakatanga marudzi akasiana-siana ehurumende yechechi, akadai seomutumbi wavafundisi, seepresbyter, uye eungano. Zvisinei, mufambiro kana kuti zvitendero zveidzi chechi hazvina kuratidzira utongi hwaJehovha. Dzakanga dzisiri dzoubati ushe hwaMwari!

21, 22. (a) Jehovha akadzorera sei ubati ushe hwaMwari mukati menguva yomugumo? (b) Mibvunzoi pamusoro poubati ushe hwaMwari ichatevera kupindurwa?

21 Mukati menguva yomugumo wetsika ino yezvinhu, pakanga pachifanira kuva nokuparadzaniswa kwamaKristu echokwadi achibva mumaKristu enhema. (Mateo 13:37-43) Ikoku kwakaitika muna 1919, gore rinokosha munhau youbati ushe hwaMwari. Panguva iyoyo uporofita hune mbiri hwaIsaya 66:8 hwakazadzikwa, hunoti: “Ndiani wakamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwa pakarepo?” Mhinduro kumibvunzo iyoyo yakanga iri hungu akasimba! Muna 1919 ungano yechiKristu yakavapo zvakare so“rudzi” rwakaparadzana. “Nyika” youbati ushe hwaMwari yakaberekwa zvamazvirokwazvo somuzuva rimwe! Sezvo nguva yomugumo yakafambira mberi, sangano rourwu rudzi rutsva rakagadziridzwa kuriunza pedyo sezvinobvira neraivapo muzana rokutanga ramakore. (Isaya 60:17) Asi nguva dzose rakanga riri ubati ushe hwaMwari. Mumufambiro nechitendero, nguva dzose rakaratidzira mitemo nenheyo zvakafuridzirwa nenzira youmwari zviri mumaMagwaro. Uye nguva dzose rakazviisa pasi paMambo akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu.—Pisarema 45:17; 72:1, 2.

22 Wakabatana nouhu ubati ushe hwaMwari here? Une nzvimbo yechiremera mahuri here? Kana zvakadaro, unoziva chakunoreva kuita nenzira youbati ushe hwaMwari here? Unoziva misungo yokudzivisa here? Mibvunzo miviri yokupedzisira ichakurukurwa munyaya inotevera.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Ubati ushe hwaMwari chii?

◻ Israeri akanga ari ubati ushe hwaMwari munzirai?

◻ Igadziriroi iyo Jehovha akaita kuyeuchidza madzimambo kuti Israeri akanga ari ubati ushe hwaMwari?

◻ Ungano yechiKristu yakanga iri youbati ushe hwaMwari munzirai, uye yakanga yakarongwa sei?

◻ Isanganoi roubati ushe hwaMwari rakatangwa munguva yedu?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Vari pamberi paPontio Pirato, vatongi vechiJudha vakabvuma Kesari panzvimbo paMambo waJehovha akagadzwa nenzira youbati ushe hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe