Ndiani Ane Mhaka?
Vakawanda vanopa Mwari mhaka yezvinetso zvavo. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Upenzi hwomunhu pachake hunoparadza upenyu hwake, uye ipapo anotsamwira Ishe.” (Zvirevo 19:3, The New English Bible) Nepo, kupa Mwari mhaka yenhamo dzomunhu kwakafanana nokupa mhaka mugadziri wemotokari nokuda kwokuwanda kwetsaona dzavanotyaira vakadhakwa.
Mwari akapa rudzi rwomunhu nhungamiro inokosha muShoko rake, Bhaibheri. Kupfurikidza nokufunda iyi raibhurari yaMwari nokurarama maererano nemitemo nenhungamiro zvainoratidza, tinogona kudzivisa mhinganidzo dzoupenyu dzakawanda. Mukupesana, kuita zvinopesana nenhungamiro yaMwari kunounza ngwavaira. Somuenzaniso, avo vanodyisa, kusvuta, kudhakwa, kana kuti kuita unzenza vanowanzotambura nezvirwere zvine ngwavaira. (Ruka 21:34; 1 VaKorinte 6:18; 2 VaKorinte 7:1) Muapostora wechiKristu Pauro akanyora kuti: “Izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama; asi unodzvarira Mweya, uchacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya.”—VaGaratia 6:7, 8.
Kurarama maererano nemitemo yaMwari nenheyo kuri nani zvikuru sei! Kana tikaita kudaro, tichawana uchokwadi hwechipikirwa chaMwari chakataurwa nomuporofita Isaya kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rwungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!”—Isaya 48:17, 18.