RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/1 pp. 3-4
  • Machechi Anoreurura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Machechi Anoreurura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Papa Anokumbira Kukanganwirwa
  • Nei?
  • Nei Ari Kukumbira Kukanganwirwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Rudzidziso Runotsigira
    Mukai!—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/1 pp. 3-4

Machechi Anoreurura

“Papa Anotonga Chechi.” “Dare reChechi Rinobvunzurudza uye Kuvenga vaJudha—Chechi Iri Kugadzirira Kubvuma Mhosva Yayo.”a “Kubvuma Mhosva Yokuuraya Vakawanda.” “VaMethodist Vanokumbira Ruregerero kuvaIndia vokuFar West.”

WAKAMBORAVA misoro yenhau yakafanana neiyi here? Zvinoratidzika kuti kakawanda, machechi ari kugamuchira mhosva uye ari kukumbira ruregerero nokuda kwezvaakaita mumazana amakore apfuura. Zvinobudisa nhau nguva dzose zviri kusimbisa kubvuma mhosva kunoitwa napapa.

Apo Papa Anokumbira Kukanganwirwa

Pakati pa1980 na1996, John Paul II ‘akabvuma mhosva dzeChechi dzinokosha kana kuti akakumbira kukanganwirwa’ kasiri pasi pe94, anodaro mushamarari weVatican Luigi Accattoli mubhuku rake rinonzi Quando il papa chiede perdono (Apo Papa Anokumbira Kukanganwirwa). Maererano naAccattoli, “muChechi yeKaturike, papa bedzi ndiye anogona kubvuma mhosva nenzira yakarurama.” Uye akaita izvi, achinongedzera kumapeji anoitiranwa nharo zvikurusa enhau yeKaturike—hondo dzevaKristu, hondo, kutsigira utongi hunodzvinyirira, kupesana mumachechi, kusarura vaJudha, Matare Echechi Anobvunzurudza, boka rematsotsi, uye rusaruraganda. Mutsamba yokuyeuchidza yakatumirwa kumakadhinaro muna 1994 (inorangarirwa navamwe kuva gwaro rinokosha zvikurusa rapapa), John Paul II akakarakadza “kureururwa kwezvivi zvose nezvemakore ane chiuru.”

Vafundisi vanoverengeka vakatevera muenzaniso wapapa. Muna December 1994 pepanhau reItaly Il Giornale rakashuma kuti: “Mabhishopi akawanda okuAmerica akabuda muterevhizheni uye akakumbira kukanganwirwa pachena.” Nokuda kwechii? Nokuda kwokurerutsa chinetso chavaprista vanorara navana, zvichikuvadza vanyajambwa vaduku vakawanda. Muna January 1995 pepanhau rinonzi La Repubblica rakashuma nezve“chiito chisingamboenzaniswi munhau yechiKaturike chapanguva imwe”—chinetso chokunyarara kwaPope Pius XII maererano noKuuraya Vakawanda chakataurwa. Muna January 1995, pepanhau rimwe chetero rakashuma kuti mabhishopi eGermany akakumbira kukanganwirwa “mhosva dzakawanda” dzavaKaturike veRoma vakatsigira mhosva dzavaNazi. Machechi akasiyana-siyana ePurotesitendi akazvitsoropodzawo.

Nei?

Bhaibheri rinotikurudzira kukumbira kukanganwirwa patinenge tine mhosva, uye vakawanda vanorumbidza machechi paanozvitsoropodza. (Jakobho 5:16) Asi nei machechi ari kuita izvi? Zvinofanira kutapura sei nzira yatinoarangarira nayo?

[Mashoko Omuzasi]

a ChiLatin nokuda kwe“mhosva yangu ndoga,” chikamu chomunyengetero weKaturike (Confiteor kana kuti, “Ndinoreurura”), umo vakatendeka vanodzokorora kutaura uku.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe