Mashoko Akanaka
IWAYA anonongedzera kumashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye oruponeso runoitwa kupfurikidza nokutenda Jesu Kristu. Anonzi muBhaibheri “Evhangeri youshe” (Mateo 4:23), “Evhangeri yaMwari,” (VaRoma 15:16), “Evhangeri yaJesu Kristu” (Marko 1:1), “Evhangeri yenyasha dzaMwari” (Mabasa 20:24), “Evhangeri yorugare” (VaEfeso 6:15), uye “Evhangeri isingaperi.”—Zvakazarurwa 14:6.
Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mashoko akanaka” (“evhangeri” muKJ nedzimwe shanduro) ndieu·ag·geʹli·on. “Muevhangeri” (shoko rechiShona richiva kunenge kunyorwa nechiShona kweshoko rechiGiriki) muparidzi wamashoko akanaka.—Mabasa 21:8; 2 Timotio 4:5.
Kufambira Mberi Kwawo
Pakuberekwa kwaJesu ngirozi yakazivisa vafudzi kuti: “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose.” (Ruka 2:10) Johane Mubhabhatidzi akagadzirira nzira yokuparidza kwaJesu mashoko akanaka, achiti kuvaJudha: “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 3:1, 2) Jesu akati nezvokuparidza kwaJohane: “Kubva pamazuva aJohane Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwokudenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.”—Mateo 11:12.
Mukati moushumiri hwaJesu hwapasi, akaganhurira kuparidza kwake mashoko akanaka kuvaJudha navapuroserite, achiti: “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.” (Mateo 15:24) Pakutumira vaapostora 12, akavarayira kuti: “Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria; asi zviri nani muende kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.” (Mateo 10:5, 6) Pane imwe nhambo akaparidza kumukadzi wavaSamaria, vakanga vane ukama navaIsraeri, asi izvi zvakanga zvisiri nemhaka yokuti akanga apinda muguta kunoparidza. Zvisinei, davidzo yomukadzi wacho navamwe yakanga yakanaka kwazvo zvokuti Jesu akagara navo kwamazuva maviri.—Johane 4:7-42.
Pashure porufu rwaJesu norumuko, akapa vadzidzi vake murayiro wokuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi; tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:19, 20) Akavaudzawo kuti kuparidza kwavo kwaizosvika “kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:8) Asi kweanenge makore matatu nehafu pashure pazvo mudzimu mutsvene wakatungamirira vadzidzi kuganhurira kuparidza kwavo kuvaJudha navaSamaria. Ipapo Petro akatumwa naMwari kuti aendese mashoko akanaka kuimba yomukuru mukuru weuto reRoma Kornerio. (Mabasa maganhuro 10, 11; Mab 15:7) Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, mashoko akanaka akaziviswa kusvikira kumwero mukuru zvikuru unobvira panzvimbo yakafara zvikuru.
Kukosha Kwawo
Muapostora Pauro akanyora nokupwiswa kwakasimba pamusoro pegadziriro yoruponeso iyo Mwari akanga aita kupfurikidza naJesu Kristu. Akazivisa kuti kana munhu upi noupi achifanira kuzivisa vaGaratia chimwe chinhu chinopfuura chavakanga vadzidza, chimwe chinhu chakanga chiri dzidziso yakasiyana chaizvoizvo, “ngaave wakatukwa.” Ipapo, achinongedzera kumanyuko emashoko akanaka aakazivisa, Pauro akati: “Handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.” (VaGaratia 1:8, 11, 12) Uku kuzivisa kwakasimba kwakanga kuchidikanwa, nokuti kunyange ipapo pakanga pane vamwe vakanga vachiedza kukurira kutenda kwechokwadi kupfurikidza nokuparidza ‘mamwe mashoko akanaka.’ (2 VaKorinte 11:4; VaGaratia 1:6, 7) Pauro akanyevera nezvekuramba kutenda kwaizouya uye akataura kuti ‘chakavanzika chokusateerera mutemo’ chakanga chava kutoshanda; akarayira vaKristu kuti vayeuke chinangwa chamashoko akanaka uye vamire vakasimba ndokubatisisa magamuchidzanwa anotungamirirwa nomudzimu avakanga vadzidza kupfurikidza navaapostora.—2 VaTesaronika 2:3, 7, 14, 15.
Kutendeka mukubatisisa uye kupfuurira kuzivisa mashoko akanaka kwakarangarirwa naJesu sokunokosha zvikuru kupfuura upenyu hwomunhu hwazvino, uye Pauro akaziva kuti kuazivisa nokutendeka kwaikosha. (Marko 8:35; 1 VaKorinte 9:16; 2 Timotio 1:8) Munhu wacho angatambura kurasikirwa nezvinhu zvake zvaanoda zvikurusa, kunyange kutambura zvitambudzo asiwo, aizogamuchira zvine zana zvino, “imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda . . . noupenyu husingaperi nenguva inouya.”—Marko 10:29, 30.
Mashoko akanaka ndiwo mupimo uchatongwa nawo rudzi rwomunhu: Kugamuchira uye kuteerera mashoko akanaka kunoguma nokuponeswa; kuramba uye kusateerera kunounza kuparadzwa. (1 Petro 4:5, 6, 17; 2 VaTesaronika 1:6-8) Zvikurukuru achirangarira idi iri, vavariro yomunhu mukuparidza mashoko akanaka inofanira kuva yakachena uye anofanira kuaparidza zvichibva pamwoyo, nemhaka yokuda avo vanonzwa. Vaapostora vaionga zvikuru kukosha kwamashoko akanaka anopa upenyu uye vainyandurwa kwazvo nomudzimu waMwari norudo zvokuti vaingopa kwete bedzi mashoko akanaka asiwo “mweya” yavowo kune avo vaiteerera kuparidza kwavo. (1 VaTesaronika 2:8) Asi Pauro nevasonganiri vake vapedyo vaida ropafadzo yavo kwazvo savatakuri vamashoko akanaka zvokuti vakadzivisa nokungwarira kuita mhindu yemari kubva mazviri, kana kuti kunyange kuti zviratidzike saizvozvo mukuparidza kwavo. Muapostora Pauro anorondedzera kuita kwake munhau iyi pana 1 VaKorinte 9:15-18 na1 VaTesaronika 2:6, 9.
Ushumiri hwaJesu Hwapasi Nokudzoka Kwake
Zvinokosha kuti, kweinenge mwedzi mitanhatu Jesu asati auya kwaari kuzobhabhatidzwa, Johane Mubhabhatidzi akaparidza kuti: “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo,” uye Jesu paakaoneka, Johane akanongedzera kuna Jesu se“Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” (Mateo 3:1, 2; Johane 1:29) Nokudaro akatendeudzira ngwariro yavanhu kuna Mambo Mesiya akanga anguri amirirwa.—Mabasa 19:4.
Jesu paakanga ari pasi pano, iye navadzidzi vake vakazivisa kuti: “Ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 4:17; 10:7) Jesu, akazodzwa saKristu, Mambo, akati kuvaFarise, vavengi vake: “Ushe hwaMwari huri mukati menyu.” (Ruka 17:20, 21) Uyu ndiwo wakanga uri musoro, kana kuti mufungo mukuru, wemashoko akanaka mukati moushumiri hwaJesu hwapasi. Zvisinei, hazvishumwi kuti pashure pokufa kwaJesu vaapostora vakazivisa Umambo so“hwaswedera pedyo” kana kuti hwava pedyo. Panzvimbo pezvo, mashoko akanaka avakaparidza akanga ari okuti pashure pokunge Jesu avanzarika upenyu hwake somutengo worudzikinuro nokuda kworuponeso, akakwira kudenga uye ipapo akanga akagara kuruoko rworudyi rwaMwari. Vakaparidzawo pamusoro pokudzoka kwaJesu gare gare uye Umambo hwake kuti huuye.—VaHebheru 10:12, 13; 2 Timotio 4:1; Zvakazarurwa 11:15; 12:10; 22:20; enzanisa naRuka 19:12, 15; Mateo 25:31.
Vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti, “Chiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Mumhinduro yake Jesu akati, pakati pezvimwe zvinhu: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:3, 14; Marko 13:10; enzanisa naVaKorose 1:23.) MuZvakazarurwa zvakapiwa muapostora Johane munenge muna 96 C.E., Johane akaona “mutumwa achibhururuka pakati pedenga” akanga ane “Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose. Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Uku kutaura kwakafuridzirwa kunoratidzira kuti mu“mazuva okupedzisira” kwaizova nokuziviswa kusingaenzaniswi kwemashoko oUmambo.