Mwari Achaparadza Nyika Here?
MAERERANO naPope John Paul II, vanhu vanogona kukarira nguva yemberi nechivimbo. Munhau yose, akadaro, “vanhu vakapfuurira kuita zvivi, zvichida zvinotova zvikuru kupfuura zviya zvakarondedzerwa mafashamo asati aitika.” Kunyange zvakadaro, papa wacho akatsanangura kuti, “kubva mumashoko esungano iyo Mwari akaita naNoa tinoziva kuti zvino hapana chivi chinogona kuita kuti Mwari aparadze nyika yaakasika pachake.”
Ichokwadi here kuti Mwari haazomboparadzi nyika? Bhaibheri rinotaura kuti pashure peMafashamo, Mwari akati kuna Noa: “Zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovipozve kuti iparadze nyika.” (Genesi 9:11) Papa anotaura kuti naaya mashoko, Mwari “akazvipa mutoro wokuchengetedza [pasi] kuti risaparadzwa.”
Bhaibheri rinojekesa kuti Musiki haazobvumiri pasi redu kuti riparadzwe. “Pasi panongogarapo nokusingaperi,” Bhaibheri rinodaro. (Muparidzi 1:4) Asi pane zvakawanda zvinofanira kudzidzwa muMafashamo—chimwe chinhu icho papa asina kutsinhira pamusoro pacho.
Jesu akataura kuti mamiriro ezvinhu pasi pano panguva yokuvapo kwake kwomunguva yemberi aizova “sapamazuva aNoa,” apo vanhu vakanga “vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose.” (Mateo 24:37-39) Nenzira yakafanana, muapostora Petro akanyora kuti sezvo “kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura,” naizvozvowo “zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari” rinotyisidzira nyika iripo.—2 Petro 3:5-7.
Jesu naPetro vakakanganwa pamusoro pesungano yaMwari naNoa here? Nyangwe! Sezvaakataura musungano naNoa, Mwari haazoshandisi mafashamo kugumisa tsika ino yakaipa yezvinhu. Panzvimbo pezvo, achashandisa simba ra“Mambo wamadzimambo naShe wamadzishe,” Jesu Kristu. (Zvakazarurwa[Apocalypse] 19:11-21) Naizvozvo, maererano neBhaibheri, pasi harizoparadzwi, asi “nyika” yorudzi rwomunhu rwakaipa ichaguma pasina kukundikana. (Zvirevo 2:21, 22; Zvakazarurwa 11:18) Pashure pezvo “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.