Uri Munhu Ane Tariro Kana Kuti Asina Tariro Here?
“YAKANGA iri nguva yakanakisisa, yakanga iri nguva yakaipisisa, . . . yakanga iri nhambo yetariro, yakanga iri nhambo yokupera mwoyo, takanga tine zvinhu zvose pamberi pedu, takanga tisina chinhu pamberi pedu.” Mashoko okuzarura ebhuku rakaisvonaka raCharles Dickens rinonzi A Tale of Two Cities anopesanisa nounyanzvi nzira iyo zviitiko zvinogona kutapura nayo kufunga kwedu, uye mirangariro yedu.
Maguta maviri akanongedzerwa kwaari akanga ari London neParis mukati menyongano yeKuchinja kweFrance. Nokuda kwavagari vakadzvinyirirwa vomuFrance yezana ramakore rechi18, kuziviswa kwekuchinja kwemaruramiro omunhu zvirokwazvo kwakanga kuri “nhambo yetariro.” Asi nokuda kwaavo vehurumende yakare, kana kuti gadziriro yezvamatongerwe enyika yakanga yopera, yakanga iri “nhambo yokupera mwoyo,” yaitungamirira kukufa nokuparadzwa.
Kuva netariro kana kuti kusava netariro here? Zvaingotsamira pakuti waiva kurutivi rwupi. Uye zvichiri kudaro.
Nguva Yokuzvinzvera
Uri munhu ane tariro here? Unoona rutivi rwunofadza rwoupenyu here, uchikarira zvakanakisisa nguva dzose? Kana kuti unodisa kuva ane tariro, uchirangarira zvakaipa zvezvaunokarira, uchikarira zvakanakisisa asi panguva imwe cheteyo uchikarira zvakaipisisa here?
Makore makumi matanhatu akapfuura munyori wemanovhero wokuAmerica James Branch Cabell akapfupikisa uzivi huviri hwairwisana nenzira iyi: “Munhu ane tariro anotaura kuti tiri kurarama munyika yakanakisisa kupfuura dzose dzinobvira; uye asina tariro anotyira kuti ichochi ichokwadi.” Kana uchirangarira kuti murangariro uyu kutsoropodza kwakati, nzvera zvakanaka nezvakaipa zvemativi matatu chete enyika yanhasi anoratidzwa pasi apa. Ipapo nzvera kuita kwako, uye zvibvunze kuti, ‘Ndiri munhu ane tariro kana kuti asina tariro here?’
Rugare Rwunogara: Inyika ngani dzine zvinetso dzaunogona kudoma? Ireland, yaichimbova Yugoslavia, Middle East, Burundi, Rwanda—idzi dzinokurumidza kurangarirwa. Uku nokumwe kutambura kunogona kuzombopedziswa kuti pave nechokwadi chorugare rwechigarire, rwenyika yose here? Nyika yakananga kurugare here?
Kugadzikana Kwomugariro Wemari: Dzichikarira kubatana mune zvemari panosvika 1999, nyika dzeEuropean Union dziri kutarisana nezvinetso zvokukwira kwemitengo nenzira yakakomba nokukwereta mari kwehurumende kuvanhu kupfurikidza nemabond. Kune imwe nzvimbo, uipi hunoparadza gadziriro yezvemari yenyika dzakawanda dzeAmerica neAfrica, uko kukwira kwemitengo kunoisa mutoro unenge usingatakuriki uye zvinetso zvedzinza zvichiri kuparadzanisa. Kugadzikana kwemari yenyika kuri pamberi apa here?
Urovha: Musarudzo ya1997 yenyika, machechi eBritain akabatana kuti akurudzire mapato ose ezvematongerwe enyika kuti aise kupinzwa basa kwavashandi vose pakutanga pendaza dzavo dzezvichakurukurwa. Asi neinodokusvika 30 muzana yevashandi vomunyika vakabuda basa kana kuti vanoshanda basa renguva isina kuzara, panogona kuva nekuwana basa kwechigarire, kwavose here—zvikurukuru nokuda kwavaduku?
Zviri nyore sei kunzwa usina tariro! Nepo kune rutivi rwakajeka, uye tinokukumbira kuti urangarire kuti zvinobvira sei kutanga murangariro wokuva netariro.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Kuchinja kweFrance
[Kwazvakatorwa]
Kubva mubhuku raPictorial History of the World