Mibayiro Yakanaka Yebasa Rinoyera
YAKATAURWA NAHARRY BLOOR
Makore anenge zana akapfuura, sekuru vangu vakanga vari mutezo wakatendeka weChechi yeMethodist. Vaivawo muparidzi airemekedzwa, uyo aipa nenzira yomutsa kuti atsigire makamuri okunamatira akawanda muStoke-on-Trent, taundi rezvokuumba reEngland. Ipapo pane imwe nguva vaitambura mune zvemari. Kuti vabetsere Sekuru, baba vangu vakaronga kuti sekuru vave nechitoro chiduku mumusha. Chitoro chacho chakanga chine rezenisi rokutengesa doro, uye apo vaMethodist vakaziva izvi, vakakurumidza kudzinga Sekuru.
BABA vakatsamwa uye vakapika kuti vakanga vasingazofizve vakava nechokuita norudzidziso—uye vakachengeta shoko ravo. Vakanga vari mupurisa, asi gare gare vakava muridzi webhawa. Naizvozvo ndakarererwa pakati peminhuwi neutsi zvenzvimbo iyoyo. Rudzidziso haruna kumboreva chinhu muupenyu hwangu, asi ndakadzidza kutamba zvakanakisisa mitambo mizhinjisa yamakasi! Nemhaka yepesvedzero yaSekuru yapakuvamba, zvisinei, ndakaramba ndichiremekedza zvikuru Bhaibheri, kunyange zvazvo ndaiziva zvishomanene nezvaro.
Ndakadzidza Chokwadi cheBhaibheri
Muna 1923, pandakanga ndava nemakore 24, ndakatamira kumabvazuva kuNottingham ndokutanga kudanana naMary, uyo aiva kure namakiromita 40 mumusha weWhetstone, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweLeicester. Baba vake, Arthur Rest, vaisimboridza organ mukamuri rokunamatira romunzvimbomo, asi panguva ino vakanga vava Mudzidzi weBhaibheri anoshingaira, sokuzivikanwa kwaiita Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Arthur aigarotaura nezvorudzidziso rwavo rutsva kwandiri—ini ndisingambofariri zvangu. Fariro yangu yakamutsiridzwa, zvisinei, pandakavaperekedza kukamuri rokunamatira romunzvimbomo reBaptist nomusi weSvondo masikati, July 13, 1924, kuti tinonzwa hurukuro yaipiwa nomutezo wevafundisi akanga ari muBaptist akakurumbira. Musoro wake, “Dzidziso dzaPastor Russell Dzinonzverwa muChiedza chaMagwaro,” wakandinyandura. Ndichine zvinonyorwa zvandakanyora ipapo.
VaBaptist vakaramba chikumbiro chakaitwa neVadzidzi veBhaibheri chokuti vapindure kudenhwa kwakanga kwaitwa zvitendero zvavo. Ndakashatiriswa naizvozvi uye ndakasarudza kuwana imwe nzvimbo yokuitira musangano wakadaro. Imwe nzvimbo yaichengeterwa chikafu chemhuka yaiva pedyo yakava yakanaka. Takaitsvaira, tikabvisa madandemutande, tikaswededza michina kudivi rimwe, uye ipapo tose takagadzirira. Takaunganidza zvigaro 70, uye takadhinda mahendibhiri.
Apo Frank Freer akasvika achibva kuLeicester kuti ape hurukuro yacho, zvigaro zvose zvakanga zvazadzwa, uye vamwe vanhu 70 vakanga vakamira! Kurangarira kwaFrank kwakajeka kubva muMagwaro kwakandifadza, sezvakwakaita vamwe vakawanda vakanga varipo. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, ungano duku yeVadzidzi veBhaibheri muBlaby pedyo neLeicester yakakura nokukurumidza. Yakanga iriwo nguva yokuchinja kukuru muupenyu hwangu—pamwe chete nehwaMary. Muna 1925 tose tiri vaviri takazvitsaurira kuna Jehovha, takabhabhatidzwa, uye takaroorana.
Zvikomborero Zvomudzimu
Gore rakatevera racho, ndakagadzwa somutarisiri webasa weUngano yeBlaby. Mudzimai wangu neni takanga tichida kutevera nhano dzamacolporteur ndokuva vaevhangeri venguva yakazara, asi zvakakurumidza kuva pachena kuti utano hwaMary hwakanga husingazomubvumiri kuva norudungwe rwakabatikana kudaro. Kunyange zvazvo akatambura utano husina kunaka kutozosvikira pakufa kwake muna 1987, akanga ari shamwari yakanaka uye mushumiri akaisvonaka uyo aiva nyanzvi pakupupura kusina kurongwa nokutanga fundo dzeBhaibheri. Usiku hwakawanda tainge tichipinda misangano kana kuti zvimwe kugoverana zvokwadi dzeBhaibheri nevavakidzani vedu.
Ndakanga ndiri injiniya uye ndichishandira femu yaigadzira michina yokutemesa miti. Basa rangu raibatanidza zvikuru kutenderera Britain, pamwe chete neFrance, uye Mary aiwanzondiperekedza. Nzendo idzi dzakatipa mikana yokupupura kwakafara.
Hwaro Hwokuwedzera
Muna 1925 takavaka chivako chakaisvonaka nokuda kwemisangano yedu muBlaby, uye kubva ipapo takaronga purogiramu inobudirira yokupupura. Mangwanani eSvondo oga oga, taihaya bhazi raitiendesa kumisha yakapararira nemataundi maduku. Munzira vaparidzi vaidzikiswa kuti vaparidze, uye ipapo vaizotorwa nebhazi racho parwendo rwokudzokera. Mukati memwedzi inodziya yezhizha, taifunda Bhaibheri masikati eSvondo, tichishandisa chinyorwa chazvino cheNharireyomurindi. Pashure pezvo, nenguva dza8 kiroko, taisangana mumusika weLeicester nokuda kwehurukuro yavose yaiitirwa panze. Humwe usiku vanhu 200 vakateerera. Mubato uyu wakaisa hwaro hweungano dzakawanda dziripo zvino muLeicester uye makapoteredza.
Muna 1926 kokorodzano inokosha yakaitwa yakabatana paAlexandra Palace yomuLondon neRoyal Albert Hall. Panhambo iyoyo Joseph F. Rutherford, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akabudisa bhuku raDeliverance. Hurukuro yaiti “Ufakazi Kuvatongi Venyika” uye hurukuro yavose yaiva nesimba yaHama Rutherford yaiti “Nei Masimba Enyika Achizununguka—Mhinduro” dzakadhindwa zvakazara mupepanhau zuva rakatevera racho pashure pokunge dzapiwa. Vanopfuura 10 000 vakanzwa hurukuro yavose yacho, uye makopi 50 000 000 ehurukuro yacho akaparadzirwa munyika yose. Kokorodzano iyoyo yakashanda kufambisa basa rokuparidza muBritain.
Kokorodzano Huru Mukati Menguva Yehondo
Hondo yenyika yechipiri yakatanga muna September 1939, uye pakasvika 1941 hondo yakanga yakomba zvikuru. Ndege dzeGermany dzaibhomba siku nesikati, uye magetsi akanga akadzimwa munyika yose. Zvokudya zvakanga zviri zvishoma, uye zvakanga zvichiwanika zvakanga zvichigovewa nenzira yorutsuta. Zvokufambisa zvakanga zvakaganhurirwa zvikuru, kunyange chitima. Pasinei zvapo nemhinganidzo idzi dzinoratidzika kuva dzisingakuririki, takava negungano remarudzi ose ramazuva mashanu musi waSeptember 3-7, 1941.
De Montfort Hall yeLeicester yakasarudzwa senzvimbo yekokorodzano nemhaka yokuti Leicester iri pakati peEngland. Sezvandakanga ndichishanda kunogadzirwa mapuranga, ndakakwanisa kubetsera nokugadzirwa kwezviratidzo zvokushambadzira. Ndakarongawo zvokufambisa zvomunzvimbomo zvavapindi vekokorodzano. Kupfurikidza nokutenga matikiti pachine nguva mberi nokuripira mari inopfuura yenguva dzose, takaita kuti motokari dzomuLeicester dzishande kunyange nomusi weSvondo.
Nemhaka yokuti kwakanga kune ganhuriro pakufamba, tariro yedu yakanga iri yokuti zvichida Zvapupu 3 000 zvaigona kuuya. Fungidzira kufadza kwacho apo nhume dzinopfuura 10 000 dzakataura kuti dzaizovapo! Asi dzaizogarepi? Vagari vomuLeicester vakakumbira vakawanda nenzira yomutsa kuti vagare mumisha yavo. Mukuwedzera, vamwe vanenge chiuru vakagara mumatende akavakwa munzvimbo yaiva makiromita matatu kubva panzvimbo yekokorodzano. Musasa waGidheoni, sokuudana kwataiuita, wakaparira nyanduko yakati munzanga.
Matende makuru machena akarendwa kuti ashandiswe nokuda kwedhipatimendi rekokorodzano uye kuti agarwe negurusvusvu rakakura ravanhu. Pazvakaonekwa kuti mumwedzi muchena wakajeka, matende aizoshanda sanyajambwa wendege dzehondo dzeNazi, akakurumidza kupendwa. Hondo yacho, uye zvikurukuru kusatora rutivi kweZvapupu zvaiva mairi, yakava nhau yaiitirwa hanya navanhu vose. Mazana eZvapupu panguva iyoyo akanga ari mujeri nokuda kwechimiro chavo chakavakirwa paBhaibheri pamusoro pokusatora rutivi.—Isaya 2:4; Johane 17:16.
Sunday Pictorial, yaSeptember 7, 1941, yakashuma kuti: “Chinhu chinoshamisa kuwana vanhu 10 000, zvikurukuru vaduku, vachipedza vhiki vachitaura pamusoro porudzidziso vasingadudzi hondo, kutoti kana iri nhauwo zvayo.
“Ndakabvunza kana Zvapupu zvakanga zvine mitezo ipi neipi muGermany. Hungu, ndakaudzwa, uye vanenge vose zvavo, vane 6 000, vakanga vari mumisasa yavasungwa.”
Mutori wenhau wacho akawedzera kuti: “Hungu, ichokwadi kuti vaNazi vavengi, asi Zvapupu hazvisi kumboita chinhu pamusoro pazvo, kunze kwokutengesa maturakiti nokuteerera hurukuro.”
Tsinhiro dzemapepanhau pamusoro pedu kazhinji kazhinji dzakanga dzisina kunaka, uye vashori vaitotendeukira kukuita masimba masimba mukuedza kwaikundikana kuti vadzongonyedze kokorodzano yedu. Bva, Daily Mail reLondon rakabvuma kuti, nenzira inenge yokumanikidzwa: “Sangano racho rakanga rakanaka, risingaendi mberi, uye richiita zvinhu panguva.”
Takapomerwa kuva nemhaka yokushayikwa kwemidzanga muguta. Asi The Daily Mail rakatsanangura kuti: “Vagari vomuLeicester kana kuti zvimwe Mutarisiri Wefodya havagoni kunyunyuta kuti Zvapupu zviri kupedza midzanga yeLeicester. Hazvisvuti.” Uyewo, kunyunyuta kuti vagari vemunzvimbomo vakanga vachishayiswa zvokudya neZvapupu kwakapedzwa pakatsanangurwa kuti zvakanga zvaunza zvakawanda zvezvokudya zvazvo. Kutaura idi, pakupera kwekokorodzano, makirogiramu 1,8 emarofu 150 ezvingwa akapiwa kuLeicester Royal Infirmary—mupiro wakakura zvikuru munguva idzodzo dzokushomeka kwezvokudya.
Kokorodzano yacho yakakurudzira zvikuru Zvapupu 11 000 mumudzimu muBritain. Zvakafadzwa kuti vanenge 12 000 vakapinda! Nhume dzakabatanidzwa mukupupura kwomugwagwa kusingaenzaniswi muLeicester, uye dzakashanyira misha yaiva pedyo nemharidzo dzaiva pagiramufomu.
Hurukuro dzaikosha dzekokorodzano dzakanga dziri hurukuro dzakatepwa mwedzi wakapfuura dzakapiwa pakokorodzano yamazuva mashanu yeZvapupu zvaJehovha muSt. Louis, Missouri, U.S.A. Kutepwa kwehurukuro yaHama Rutherford yaiti “Vana vaMambo” kwakanga kuri chinokosha pakokorodzano. Sezvo zvakanga zvisingabviri kupinza munyika makopi ebhuku raChildren rakabudiswa muSt. Louis, chinyorwa chaicho chakaitwa nepepa repurasitiki chakabudiswa gare gare muBritain. Kopi yacho yakatumirwa kuvana vose vakanga vapinda kokorodzano yacho.
Musangano Wegore Negore Wechienzi weLeicester
Pashure pehondo kukura kwavazivisi voUmambo muBritain kwakanga kuchishamisa! Pakasvika kutanga kwama1980, nhamba yeungano dzomuLeicester yakanga yakura kuva gumi. Ipapo takaziviswa kuti Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakanga wasarudza kuita musangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society muLeicester muna 1983. Somutariri weguta reLeicester, ndakakurumidza kubatanidzwa mugadziriro dzacho, kubatanidza kuhaya De Montfort Hall zvakare.
Mitezo 13 yeMutumbi Unodzora yakauya ichibva kudzimbahwe reSosaiti rokuBrooklyn nokuda kwenhambo yacho. Hwerengedzo yenhume 3 671—nguva ino dzaibva munyika yose, uye zvikurukuru vava namakore akawanda—vakazadza horo yacho. Vamwe 1 500 vakanzwa purogiramu yacho vari muHoro yaMagungano yaiva pedyo.
Albert D. Schroeder, uyo akanga achitarisira hofisi yebazu reWatch Tower Society muLondon mukati mekokorodzano yedu yemunguva yehondo muLeicester, akatungamirira musangano uyu wegore negore. Vachirangarira kokorodzano ya1941, Hama Schroeder vakabvunza kuti: “Vangani venyu varipo nhasi vakanga varipo panguva iyoyo?” Inopfuura hafu yavateereri yakasimudza maoko avo. “Maihwe! Kubatanidzwazve kwakadini kwenyu mose imi makatendeka, makavimbika!” akashamisika kudaro. Zvirokwazvo chakanga chiri chiitiko chisingakanganwiki.
Ndava namakore 98 ezera, ndichiri kushanda somunyori muungano yedu uye ndinopfuurira kupa hurukuro dzavose, kunyange zvazvo zvino ndichidaro ndakagara pasi. Pashure pokufa kwaMary muna 1987, ndakaroora Bettina, imwe chirikadzi iyo Mary neni takanga taziva kwamakore akawanda. Ndinofara kuti ndinotarisirwa zvakaisvonaka zvikuru, kwose kunyama nokumudzimu. Pasinei zvapo neganhuriro dzakaiswa noutano husina kunaka hwaMary uye zvino noukweguru hwangu pachangu, ndakawana kuti kuva nezvakawanda zvokuita mubasa rinoyera kunopa mubayiro nguva dzose.—1 VaKorinte 15:58.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Ndagadzirira kugoverana muushumiri muma1920
[Mufananidzo uri papeji 26]
Zviitiko zvepakokorodzano yeLeicester