“Kudza Jehovha Nezvaunazvo”—Sei?
“KUDZA Jehovha nezvaunazvo, uye nezvitsva zvazvose zvawakawana.” Mukati meaya mashoko akafuridzirwa ouchenjeri, akanyorwa anenge makore 2 600 apfuura, mune kiyi yokuwana nayo zvikomborero zvaJehovha zvakawanda, nokuti munyori wacho anopfuurira achiti: “Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, makate ako achapfachuka newaini itsva.”—Zvirevo 3:9, 10.
Asi zvinorevei kukudza Mwari? Zvinhui zvinokosha zvatinofanira kukudza Jehovha nazvo? Uye tingaita sei izvozvi?
“Kudza Jehovha”
MuMagwaro, shoko guru rechiHebheru nokuda kwakudza, ka·vohdhʹ, rinoreva chaizvoizvo kuti “uremu.” Naizvozvo kukudza munhu kunoreva kumurangarira seanorema, anoorora, kana kuti anokosha. Rimwe shoko rechiHebheru nokuda kwakudza, yeqarʹ, rinoshandurwawo kuti “kosha” uye “zvinhu zvinokosha.” Nenzira yakafanana, shoko rechiGiriki rokuti ti·meʹ, rinoshandurwa kuti “kudza” muBhaibheri, rine pfungwa yokukudza, kukoshesa. Nokudaro munhu anokudza mumwe kupfurikidza nokuremekedza munhu iyeye zvikuru.
Kukudza kunewo zvimwe zvakunoreva. Rangarira chakaitika chaiva nechokuita nomuJudha akatendeka Modhekai, uyo pane imwe nguva akafumura vanhu vaida kuuraya Mambo Ahashiveroshi wePersia yakare. Gare gare, apo mambo akaziva kuti hapana chinhu chakanga chaitwa kukudza Modhekai nokuda kwechiito ichocho, akabvunza mukuru wamachinda ake, Hamani, nzira yakanakisisa yokukudza nayo munhu anenge afarirwa namambo. Hamani akafunga kuti kukudza kwakadaro kwaizova kwake, asi akanga akarasika zvikuru! Zvisinei, Hamani akataura kuti munhu akadaro anofanira kupfekedzwa “nguo youshe” ndokutasva “bhiza rinositasvwa namambo.” Akagumisa achiti: “Vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti: Munhu mambo waanoda kukudza ngaaitirwe saizvozvo.” (Estere 6:1-9) Mune chino chiitiko, kukudza munhu kwakabatanidza kumuzivisa pachena kuitira kuti aremekedzwe zvikuru navanhu vose.
Nenzira yakafanana, kukudza Jehovha kune mativi maviri: kumukudza somunhu oga uye kumukudza pachena kupfurikidza nokugoverana nokutsigira basa rokuzivisa pachena zita rake.
“Zvaunazvo”—Zvii?
Zvinhu zvedu zvinokosha zvirokwazvo zvinobatanidza upenyu hwedu, nguva yedu, zvipo zvedu, uye simba redu. Zvakadini nezvinhu zvedu zvokunyama? Rangarira mashoko aJesu paakaona chirikadzi yaishayiwa ichiisa tumari tuviri tuduku twaisakosha muchivigiro chemari chetembere. Akati: “Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose; nokuti avo vose [vamwe vaipa mipiro] vakaisa pazvipo, vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo.” (Ruka 21:1-4) Jesu akarumbidza iyi chirikadzi nokuda kwokushandisa zvinhu zvayo zvokunyama mukutsigira kunamatwa kwaJehovha.
Nenzira yakajeka, ipapo, zvinhu zvinokosha zvinodudzwa naSoromoni zvinobatanidzawo zvinhu zvokunyama zvipi nezvipi zvatingava nazvo. Uye mashoko okuti “zvitsva zvazvose zvawakawana” ane pfungwa yokupa zvakanakisisa zvezvinhu zvedu zvinokosha kuna Jehovha.
Zvisinei, kupa pfuma kunogona sei kukudza Mwari? Zvinhu zvose hazvisi zvake nechekare here? (Pisarema 50:10; 95:3-5) “Zvose zvinobva kwamuri,” akabvuma kudaro Mambo Dhavhidhi mumunyengetero womwoyo wose kuna Jehovha. Uye kana uri mupiro mukuru uyo iye navanhu vake vakaita nokuda kwokuvakwa kwetembere, Dhavhidhi akati: “Takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.” (1 Makoronike 29:14) Naizvozvo pakupa zvipo kuna Jehovha, tiri kungodzorera izvo iye, nemhaka yekunaka kwemwoyo wake, akatipa. (1 VaKorinte 4:7) Asi, sezvambotaurwa kare, kukudza Jehovha kunobatanidza kumurumbidza mumeso avamwe. Uye zvipo zvokunyama zvinoshandiswa nokuda kwokufambisira mberi kunamatwa kwechokwadi zvinokudza Mwari. Bhaibheri rine mienzaniso yakaisvonaka yeiyi nzira yokukudza nayo Jehovha.
Mienzaniso Yomunguva Yakapfuura
Makore 3 500 apfuura, apo nguva yakasvika yokuti Jehovha agovere tabhenakeri murenje senzvimbo yokunamatira yavaIsraeri, kwakadiwa zvinhu zvinokosha zvakasiyana-siyana zvaidiwa nepurani yakaitwa naMwari. Jehovha akarayira Mosesi ku‘bvumira munhu wose aida kuunza chipo kuna Jehovha.’ (Eksodho 35:5) Nhoroondo yacho inopfuurira kuti: “Vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendeswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubate basa retende rokusongana namabasa aro ose, nenguo tsvene.” (Eksodho 35:21) Chipo chavo chokuzvidira, chaizvoizvo, chakabvumikisa kuva chinopfuura zvikuru zvakanga zvichidiwa nokuda kwebasa zvokuti vanhu vaifanira ku“dziviswa kuzouya nezvimwe”!—Eksodho 36:5, 6.
Rangarira mumwe muenzaniso. Apo tabhenakeri yakanga yaita basa rayo uye gadziriro dzakanga dzichiitwa dzokuvakwa kwetembere, Dhavhidhi akapa mupiro mukuru womunhu oga kutembere iyo mwanakomana wake Soromoni aizovaka. Akakumbirawo kuti vamwe vamubatsire, uye vanhu vakapa zvipo zvezvinhu zvaikosha kuna Jehovha. Sirivha yacho nendarama zvoga zvaizokosha anenge mabhiriyoni 600 maererano noukoshi hwemari yanhasi. “Vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose.”—1 Makoronike 29:3-9; 2 Makoronike 5:1.
Kupa “Nomwoyo Wose” Muzuva Redu
Tinogona sei kugoverana mumufaro wokupa zvipo zvokuzvidira muzuva redu? Basa rinokosha zvikurusa riri kuitwa munyika panguva ino nderokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (Mateo 24:14; 28:19, 20; Mabasa 1:8) Uye Jehovha akazviona zvakakodzera kuronza fariro dzapasi dzoUmambo kuZvapupu zvake.—Isaya 43:10.
Zviri pachena kuti mari inodiwa kutsigira basa riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha nhasi. Kuvaka nokuchengeta Horo dzoUmambo, Horo dzeMagungano, mahofisi emapazu, mafekitari, uye misha yeBheteri kunobatanidza mari. Kubudisa nokuparadzira maBhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri mumitauro yakasiyana-siyana kunobatanidzawo mari. Mari yakadaro inowanwa kupi? Nemipiro yokuzvidira!
Mizhinji yemipiro yacho inobva kuvanhu avo—kufanana nechirikadzi yakaonwa naJesu—vasina kupfuma. Vasingadi kurega urwu rutivi rwokukudza Jehovha, vanopa zvitsama zvemari zvakakodzerana ne“pava[no]gona napo,” uye, padzimwe nguva, kunyange “kupfuura pava[no]gona napo.”—2 VaKorinte 8:3, 4.
“Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana kurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro,” akadaro muapostora Pauro kuvaKristu vaiva muKorinte. (2 VaKorinte 9:7) Kupa nomufaro kunoda kuronga kwakanaka. Pauro akaudza vaKorinte kuti: “Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.” (1 VaKorinte 16:2) Nenzira yakafanana, somunhu oga uye nokuzvidira, avo vanoshuva kupa mipiro yokufambisira mberi basa roUmambo nhasi vanogona kutsaura imwe yemari yavo nokuda kwedonzo iroro.
Jehovha Anokomborera Avo Vanomukudza
Nepo kubudirira kwokunyama kwoga kusingaiti kuti tibudirire mumudzimu, kushandisa zvinhu zvedu zvinokosha—nguva yedu, simba redu, uye zvinhu zvedu zvokunyama—kuti tikudze Jehovha kunounza zvikomborero zvikuru. Izvozvi zvakadaro nemhaka yokuti Mwari, muridzi wezvinhu zvose, anotivimbisa kuti: “Chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo.”—Zvirevo 11:25.
Pashure pokufa kwaMambo Dhavhidhi, mwanakomana wake Soromoni akashandisa mipiro yokuzvidira iyo baba vake vakanga vaunganidza kuvaka tembere ine mbiri, seizvo Jehovha akanga arayira. Uye Soromoni paakangoramba chete akatendeka mukunamata kwake Mwari, “vaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka . . . kubva paDhani kusvikira paBheri-sheba, mazuva ose aSoromoni.” (1 Madzimambo 4:25) Matura aive akazadzwa, mikombe yewaini yaive yakazara—chero bedzi Israeri ‘aikudza Jehovha nezvinhu zvake zvinokosha.’
Gare gare, kupfurikidza nomuporofita Maraki, Jehovha akati: “Mundiidze naizvozvi zvino—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—muone kana ndisingakuzaruririyi mawindi okudenga, ndikakudururirayi mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.” (Maraki 3:10) Kubudirira mumudzimu kunofarikanywa navabatiri vaJehovha nhasi ufakazi hwokuti Mwari akachengeta chipikirwa chake.
Jehovha zvirokwazvo anofadzwa patinoita rutivi rwedu mukufambisira mberi fariro dzoUmambo. (VaHebheru 13:15, 16) Uye anopikira kutitsigira kana tika‘ramba tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.’ (Mateo 6:33) Nomufaro mukuru wemwoyo, ngati‘kudzei Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha.’
[Bhokisi riri papeji 28, 29]
NZIRA IDZO VAMWE VANOSARUDZA NADZO KUPA MIPIRO YEBASA REMUNYIKA YOSE
Vakawanda vanoisa parutivi, kana kuti vanobhajeta chitsama chavanoisa mumabhokisi emipiro akanyorwa kuti: “Mipiro yeBasa Romunyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira zvitsama izvi kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti zvimwe kuhofisi yebazu yomunzvimbomo.
Mipiro yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuTreasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201—2483, kana kuhofisi yeSosaiti inobatira nyika yenyu. Zvinhu zvakagadzirwa nemabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinhu zvingapiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti chakadaro chipo chakananga inofanira kuva pamwe chete neiyi mipiro.
GADZIRIRO YOMUPIRO UNOTSAMIRA PAMAMIRIRO EZVINHU
Mari ingapiwa kuWatch Tower Society negadziriro chaiyo yokuti, kana mupi akatanga kushayiwa, mupiro wacho unogona kudzoserwa kwaari. Nokuda kwamashoko akawanda, tapota nyorera kuTreasurer’s Office pakero yanyorwa pamusoro apa.
KUPA KWAKARONGWA
Mukuwedzera kukupiwa chaiko kwezvipo zvemari uye mipiro yemari inotsamira pamamiriro ezvinhu, pane mimwe mitoo yokupa kubetsera basa roUmambo munyika yose. Iyo inobatanidza:
Inishuwarenzi: Watch Tower Society ingadudzwa semugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro ipi neipi yakadaro.
Maakaundi eBhangi: Maakaundi ebhangi, magwaro anoratidza mhindu ichapiwa pashure penguva yakati, kana kuti maakaundi omunhu oga okurega basa angachengetwa zvakakotsekana kana kuti kuitwa kuti abhadharwe parufu kuWatch Tower Society, maererano nezvinodikanwa zvebhangi zvomunzvimbomo. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
Mastock Nemabond: Mastock namabond zvingapiwa kuWatch Tower Society sechipo chaicho kana kuti zvimwe gadziriro kupfurikidza nayo mari inopfuurira kupiwa kumupi.
Pfuma Yezvivako Nenzvimbo: Pfuma yezvivako nenzvimbo inotengeseka ingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nokuita chipo chaicho kana kuti zvimwe kuchengetera nzvimbo kumupi, uyo anogona kupfuurira kugaramo mukati mendurano youpenyu hwake. Munhu anofanira kuzivisa Sosaiti asati apa huridzi hwapamutemo hwepfuma ipi neipi yezvivako nenzvimbo kuSosaiti.
Zvido Zvenhaka Nematrust: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nechido chenhaka chakaitwa pamutemo, kana kuti Sosaiti ingadudzwa semugamuchiri webvumirano yetrust. Trust inobetsera sangano rorudzidziso ingagovera betsero dzakati dzemutero. Kopi yechido chenhaka kana kuti bvumirano inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Sezvinoreva mashoko okuti “kupa kwakarongwa,” urwu rudzi rwekupa runoda kurongeka kwemupi. Kuti ribatsire vanhu vanoshuva kubatsira Sosaiti kupfurikidza nechimiro chakati chokupa kwakarongwa, bhurocha rine musoro unoti Planned Giving to Benefit Kingdom Service Worldwide rakaitwa. Bhurocha racho rakanyorwa mukupindura mibvunzo yaibvunzwa kuSosaiti pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, uye matrust. Rinewo mashoko anoshanda okuwedzera pamusoro pekuronga nzvimbo, mari, uye mutero, uye rakagadzirirwa kubatsira vanhu vari muUnited States vari kushuva kubatsira fariro dzoUmambo munyika yose kuti vasarudze mitoo inobatsira uye inoshanda yokuita saizvozvo nemhaka yemamiriro avo ezvinhu emhuri neemunhu oga. Kupfurikidza nokurava bhurocha racho nokubvunza avo vanoshanda kuBato Rokupa Kwakarongwa, vakawanda vakakwanisa kubatsira Sosaiti uye panguva imwe cheteyo kuwedzera betsero dzemutero dzokuita saizvozvo. Bhurocha racho rinowanika kana warikumbira, kupfurikidza nokunyora kana kuti norunhare.
Avo vanoda kuziva zvakawanda pamusoro peidzi gadziriro dzokupa kwakarongwa vanofanira kunyorera Planned Giving Desk, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 100 Watchtower Drive, Patterson, New York 12563-9204, telephone (914) 878-7000, kana kuti vanofanira kunyorera hofisi yeSosaiti inobatira nyika yavo.