“Mari Yacho Inobvepi?”
VAONI vevhidhiyo yeWatch Tower Society “Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name” vanoororwa. Vanoona varume navakadzi vakatsvinda vanobva kumadzinza namamiriro ezvinhu akare akasiyana-siyana, vachinyemwerera nokushanda pamwe chete mutsinhirano. Zviuru zvavashandi vanofara hazvingobati bedzi ngwariro yavo asi ndizvo zvinoitawo zvivako zvikuru zvapadzimbahwe reBrooklyn reSosaiti uye pamapurazi azvo kuWallkill, New York. Vhidhiyo yacho inoratidza kuti mukati meizvi zvivako munogona kuwanwa ruzivo rwazvino uno—michina inokurumidza zvikuru yokudhindisa nokusunga ichiita mamiriyoni mazhinji ezvinyorwa mwedzi mumwe nomumwe, mhatsa huru yekomipiyuta, uye mabasa akawanda anotsigira.
Ikoku kunoratidzira kushandiswa kukuru zvikuru kwemari. Naizvozvo vamwe vanobvunza kuti, “Mari yacho inobvepi?”
Vashanyi kudzimbahwe renyika reSosaiti vanoororwa nenzira yakafanana. Vanotatamura mitsipa yavo kuti vaone chivako chokugara chine nhurikidzwa 30, chimwe chezvivako zvizhinji zvinoshandiswa kuchengeta vashumiri vanozvipira vanopfuura 3 000 vanoshanda imomo. Kushanya kuWatchtower Educational Center itsva anenge makiromita 110 kuchamhembe kweBrooklyn kunoorora zvikuru vashanyi vakawanda. Ichiri kuvakwa, inogara vashandi 1 200. Makirasi maviri avafundisi acharovedzwa ikoko gore rimwe nerimwe ndokutumirwa kudzimwe nyika kumigove yavo. Nhungamiro inopiwawo kuungano dzinopfuura 10 000 dzeZvapupu zvaJehovha muUnited States ichibva paiyi nzvimbo. Mapazu mazhinji munyika yose nguva pfupi yapfuura akakudzawo nzvimbo dzawo kana kuti ari kuita saizvozvo. Kuita mabasa ose aya kunoda mari yakawanda zvikuru. Vanhu vanobvunza kuti, “Mari yacho inobvepi?”
Mhinduro ndeyokuti inobva kuvanhuwo zvavo vakafanana noupi noupi wedu. Ivo vanhu, munyika yose, vanoshuva kuita zvose zvavanogona kufambisira mberi basa rinokosha rechiKristu rokuparidza nokudzidzisa. Mudzimu wakadaro wokudisa hausi usina muenzaniso.
Muenzaniso Wakagadzwa naIsraeri Wekare
Anopfuura makore 3 500 apfuura, kudikanwa kwemipiro yorupo kwakamuka. Jehovha akanga arayiridza Mosesi kuti tabhenakeri, kana kuti “tende rokusongana,” ivakwe kuti ishandiswe mukunamatwa Kwake. Muvakirwe wacho woumwari waida mhatsa yezvinhu zvaikosha. Jehovha akarayira, kuti: “Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani une mwoyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha.” (Eksodho 35:4-9) Vanhu vakaita sei? Nhoroondo yacho inotiudza kuti “vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusongana namabasa aro ose, nenguo tsvene.” Ichi “chipo chokuzvidira” pashoma napashoma chakava chikuru kwazvo zvokuti chakanga ‘chakawanda zvikuru kupfuura chakanga chichidikanwa nokuda kwebasa iro Jehovha akarayira kuti riitwe.’ (Eksodho 35:21-29; 36:3-5, NW) Mudzimu wakadini wokusava noudyire, worupo uyo vanhu vakaratidzira!
Makore asingasviki 500 gare gare, kwakadanidzirwa nokuda kwemipiro yorupo kubva kuva Israeri. Chishuvo chaMambo Dhavhidhi chokuvaka imba yechigarire yaJehovha muJerusarema chakanga chodokuitwa kupfurikidza nomwanakomana wake Soromoni. Dhavhidhi amene akaunganidza ndokupa rutivi rukuru rwezvaizodiwa. Vamwe vakakumbanira apo Dhavhidhi akabudisa kudana kwokuunza “chipo chaJehovha.” Mugumisiro wacho? “Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama; namambo Dhavhidhiwo wakafara nomufaro mukuru.” (1 Makoronike 22:14; 29:3-9) Sirivha nendarama zvoga zvaizokosha anenge mabhiriyoni 425 amadhora paukoshi hwazvino!—2 Makoronike 5:1.
Tinocherechedza mumienzaniso iyi kuti hakuna munhu akamanikidzirwa kupa. Kwakanga kuri chose chose “kwokuzvidira” uye kwaipiwa no“mwoyo wakakwana.” Jehovha aisazodai akafadzwa nechinhu chipi nechipi chaisava chomwoyo wose. Nenzira yakafanana, apo mukana wakamuka wokupa mari yokuyamura vaKristu vaishayiwa, muapostora Pauro akanyora kuti kwakanga kusingafaniri kuva “chinhu chakatorwa nesimba.” Akawedzera, kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.”—2 VaKorinte 9:5, 7.
Kudikanwa Nhasi
Kune kudikanwa kwemipiro here nhasi? Zvirokwazvo kuriko, uye kuchava nokwakawanda kwazvo sezvo nguva inofambira mberi. Nei?
VaKristu vakapiwa mirayiridzo yakananga nokuda kwenguva ino yomugumo. Jesu akarayira vadzidzi vake, kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.”—Mateo 28:19, 20.
Kuita iri basa guru rokudzidzisa nokuparidza sezvatinoswedera pedyo zvikuru nguva dzose nemugumo we“mhedziso yetsika yezvinhu” kunoda nguva yakati. Nei? Nemhaka yeizvo zvose zvinobatanidzwa mukuendesa shoko roUmambo hwaMwari “kusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:8) Vanhu vazhinjisa havanyatsozivi Magwaro sezvakanga zvakaita vaJudha vomuzana ramakore rokutanga. Kutaura idi, nhamba huru yavagari vapasi haina kunyange kurovedzana neBhaibheri uye havarirangariri seShoko raMwari. Vaparidzi vanofanira kurovedzwa ndokutumirwa kunyika dziri kure. (VaRoma 10:13-15) Uye funga nezveuwandu hwemitauro hunobatanidzwa! Avo vanoparidzirwa vanofanira kuva nemaBhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvokurava ndokufunda mumutauro wavo vamene. Kusvika vose nenzira ine nhevedzano uye nenzira inofambira mberi kuvaunza kukukura mumudzimu kuitira kuti vagone kuyamurazve vamwe kunoda kurongeka pamwero mukuru.—2 Timotio 2:2.
Jesu akataura kuti “evhangeri iyi youshe” inofanira kutanga ku“paridzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Naizvozvo zvino inguva yokupa zvose zvatinogona kuita kuti basa iroro rinokosha riitwe. Mari yedu ichashandiswa zvakanakisisa upfumi hwezvinhu husati hwarega kuva hwoukoshi hupi nohupi hunoshanda.—Ezekieri 7:19; Ruka 16:9.
Mari Yacho Inoendepi?
Watch Tower Society inobudisa mabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura 230, pamwe chete nomuBraille nokuda kwamapofu namavhidhiyo mumutauro wezviratidzo nokuda kwematsi. Ikoko kunoda zvikwata zvavashanduri navanonzvera kururama kwamashoko mumutauro mumwe nomumwe. Kungofunga chete nezvekuita basa iri rose, zvikurukuru nokuda kwemagazini yeNharireyomurindi, iyo inobudiswa mwedzi mumwe nomumwe mumitauro 121 uye panguva imwe cheteyo mu101 yayo, kunoshamisa. Bva kuri madikanwa kuita kuti vanhu pasi rose vagone kuva nayo ndokurava mashoko mamwe chetewo. Gore riri rose kune wedzero mumutengo wemapepa nezvimwe zvinoshandiswa mukubudisa shoko roUmambo muchimiro chakadhindwa kana kuti zvakarekodhewa zvamashoko kana kuti zvevhidhiyo. Ndyiko dzakadaro dzinofanira kubhadharwa kupfurikidza nokushandisa mipiro inobva kuhama.
Basa rokuparidza nokudzidzisa rinopfuuridzirwa mundima dzinofukidzwa neungano dzinopfuura 75 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Kuti vavabatanidze ndokuvakurudzira, vatariri vanofambira vakarovedzwa vanoshanyira ungano imwe neimwe kanenge kaviri gore rimwe nerimwe. Magungano anoitawo basa rinokosha mukupa murayiridzo. Zvivako zvihombe zvinofanira kurendwa nokuda kwekokorodzano, idzo dzinosimbisa kutenda kwazvo. Mipiro yako inoshandiswawo nokuda kweizvi zvinangwa.
Nepo magungano achiwanzoitwa katatu bedzi pagore, ungano dzomunzvimbomo dzinoungana nokuda kwemisangano mishanu yevhiki nevhiki. (Enzanisa naEksodho 34:23, 24.) Kudirana kwavatsva vari kugamuchira mashoko akanaka kwakareva wedzero yezviuru zveungano itsva gore rimwe nerimwe. Nebetsero yamamiriyoni amadhora muzvikwereti zvinopiwa kupfurikidza neSosaiti, mazana eHoro dzoUmambo itsva anovakwa gore rimwe nerimwe, uye dzimwe zhinji dzinovandudzwa uye kukudzwa. Kunyange zvazvo iyoyi iri mari inotenderera iyo inoshandiswa yashandiswazve, kudikanwa kwacho kunoramba kuchiwedzera.
Imwe nharaunda iyo yave iine kukura kusingaenzaniswi iri mumarudzi ari muEastern Europe ayo akanga ari pasi peyaichimbova Soviet Union. Aifadza sei mashoko anofambira mberi okuti basa rakanga razaruka munzvimbo idzi! Zvino vafundisi vari kutumirwa kuzhinji dzenyika idzi. Mapazu matsva akatangwa mudzimwe nyika, kuchiwedzera nhamba yavashumiri vanozvipira vanoshanda mumhuri yemunyika yose yeBheteri kusvika kuvanopfuura 15 000. Chokwadika, zvivako zvebazu zvokuvachengeta zvakatengwa kana kuti kuvakwa. Mipiro yako inobetsera kuita chinodikanwa chacho.
Basa rose iri harina kuitwa risina kucherechedzwa naSatani namadhemoni ake. Vanoita zvose zvavanogona kudzivisa nhamburiko dzevabatiri vaJehovha vakatendeka kana kuti kuvaparira zvinetso. (Zvakazarurwa 12:17) Ikoku kunoreva mutoro unowedzera wehondo dzapamutemo kudzivirira maruramiro avanhu vaMwari okuparidza ndokurarama mutsinhirano nemitemo yake yakarurama. Mukuwedzera, kuparadza kwehondo mutsika yezvinhu yaSatani, pamwe chete nengwavaira dzomusikirwo, kunoreva kuti zvokuyamura zvinowanzodikanwa nokuda kwehama dzedu nehanzvadzi dzakarovanywa uye vamwe vanadzo. Mipiro yako inobetsera kugovera iyi yamuro inokosha.
Jehovha Achakutusa
Kushandisa norupo nguva yedu nemari kutsigira basa raShe kunounza zvikomborero zvikuru. Zvakadaro sei? Nemhaka yokuti Mwari, uyo pakupedzisira zvinhu zvose zviri zvake, achatitusa. Zvirevo 11:25 inoti: “Chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo.” Jehovha zvirokwazvo anofadzwa apo tinoita rutivi rwedu kufambisira mberi kunamatwa kwake. (VaHebheru 13:15, 16) Akavimbisa vaIsraeri vakare avo vaizounza mipiro yaidikanwa musungano yoMutemo: “Mundiidze naizvozvo zvino—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—muone kana ndisingakuzaruriyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.” (Maraki 3:10) Rubudiriro rwomudzimu urwo vabatiri vaJehovha vanofarikanya nhasi ufakazi hwokuti Mwari anochengeta chipikirwa chake.
Iri basa guru rokuzivisa kuvose zuva roruponeso nokubetsera vane mwoyo yakatendeseka kufamba munzira yokuupenyu harisati richizopfuurira nokusingaperi. (Mateo 7:14; 2 VaKorinte 6:12) Asi vose avo va“mamwe makwai” aShe vanofanira kuunganidzwa. (Johane 10:16) Kuri madikanwa sei kuita denho iyoyo nhasi! Uye mumwe nomumwe wedu achafara sei, mukutarira shure ari munyika itsva iyoyo yokururama, kutaura kuti, ‘Ndakava negoverano yakazara mubasa riya rokupedzisira rokuunganidza’!—2 Petro 3:13.
[Bhokisi riri papeji 30, 31]
Nzira Iyo Vamwe Vanoita Nayo Mipiro Kubasa Rokuparidza Umambo
MIPIRO KUBASA RENYIKA YOSE: Vazhinji vanotsaura kana kuti vanoronga chitsama icho vanoisa mumabhokisi omupiro akanyorwa, kuti: “Mipiro Yebasa Renyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira izvi zvitsama kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti zvimwe kuhofisi yebazu yomunzvimbomo.
ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazu yeSosaiti inobatira nyika yenyu. Zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinokosha zvingapiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti chakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
GADZIRIRO YEMIPIRO INOTSAMIRA PAMAMIRIRO EZVINHU: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka kutozosvikira parufu rwomupi, negadziriro yokuti muchinoitika chokushayiwa kwomunhu wacho, ichadzorerwa kumupi.
INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro ipi neipi yakadaro.
AKAUNZI DZEBHANGI: Akaunzi dzeBhangi, magwaro anoratidza mhindu ichapiwa pashure penguva yakati, kana kuti mudyandigere womunhu angachengetwa zvakakotsekana kana kuti kuitwa kuti abhadharwe parufu kuWatch Tower Society, maererano nezvinodikanwa zvomunzvimbomo zvebhangi. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
MASTOCK NAMABOND: Mastock namabond zvingapiwa kuWatch Tower Society sechipo chaicho kana kuti zvimwe mugadziriro kupfurikidza nayo mari inopfuurira kubhadharwa kumupi.
REAL ESTATE: Real estate inotengeseka ingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nokuita chipo chaicho kana kuti zvimwe kupfurikidza nokuchengeta estate youpenyu kumupi, uyo anogona kupfuurira kugaramo mukati menduramo yake. Munhu anofanira kunyorera Sosaiti asati apa huridzi hwereal estate ipi neipi kuSosaiti.
ZVIDO ZVENHAKA NAMATRUST: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nechido chenhaka chakaitwa pamutemo, kana kuti Sosaiti ingadudzwa somugamuchiri webvumirano yetrust. Trust inobetsera sangano rorudzidziso ingagovera betsero dzakati dzomutero. Kopi yechido chenhaka kana kuti bvumirano yetrust inofanira kutumirwa kuSosaiti.
KUPA KWAKARONGWA: Sosaiti yakagadzira bhurocha romutauro wechiNgezi rine musoro unoti “Planned Giving.” Avo vari muUnited States vari kuronga kuita chipo chaicho kuSosaiti zvino kana kuti kusiya nhaka parufu vangawana mashoko aya achibetsera. Ikoko ndokwechokwadi zvikuru kana vachida kuita nharidzano yakati yemhuri kana kuti vavariro yokuronga kusiya zvinhu parufu vachishandisa betsero dzomutemo kuderedza ndyiko kana kuti nhaka.
Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pezvinhu zvipi nezvipi zvakadaro zviri pamusoro apa, nyorerai Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti hofisi yeSosaiti inobatira nyika yenyu.