Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichivavarira kuva zvakavimbika uye zvichivimbana, nei zvichirangarira kuti zvinokosha kunyorerana zvibvumirano pazvinoita bhizimisi pamwe chete?
Kuita kwavo kudaro ndekwemuMagwaro, kunoshanda, uye kune rudo. Sei? Eya, ngatirangarire mativi iwayo ezvibvumirano zvebhizimisi.
Bhaibheri rine nhau yakanyorwa yokubata kwaMwari navanhu vake vesungano, vaIsraeri. Rinorondedzera bhizimisi rinobatanidza vanamati vechokwadi. Genesi ganhuro 23 ine nhauro imwe yatinganzvera. Apo Sara wake anodiwa akafa, Abrahama akanga achida kuwana guva. Akavamba kuronga navaKanani vaigara pedyo neHebhroni. Ndima 7-9 dzinoratidza kuti akakarakadza mutengo wakajeka nokuda kwechidimbu chomunda chaaida. Ndima 10 inobvumikisa kuti ichi chikarakadzo chakaitwa pachena, vamwe vaiva pasuo reguta vachinzwa. Ndima 13 inoratidza kuti muridzi akakarakadza kupa munda wacho kuna Abrahama, asi akapindura kuti aizotora munda wacho bedzi sowatengwa. Uye ndima 17, 18, ne20 dzinotsanangura kuti zvakaitika nenzira iyoyi chaiyo, zvichibvumikiswa “pamberi pavana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuo reguta rake.”
Zvisinei, zvaizova zvakasiyana here, kana vaviri vari kuva nebhizimisi rakadaro vakanga vari vanamati vechokwadi? Ganhuro 32 raJeremiya rinogovera mhinduro. Kubva mundima 6 zvichienda mberi, tinoona kuti Jeremia aifanira kutenga munda kubva kuna sekuru vake. Ndima 9 inoratidza kuti mutengo wakajeka wakabvumiranwa. Panguva ino rava ndima 10-12: “Ndikanyora [ini Jeremia] rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pechiyero. Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama, ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwananakoma waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muRuvazhe rwaVarindi varipo.”
Hongu, kunyange zvazvo Jeremia akanga achironga nomunamati biyake, aitova hama yokunyama, akaita miitiro yapamutemo ine mufungo. Zvinyorwa zviviri zvakaitwa—chimwe chichisiyiwa chakazaruka nokuda kwokunongedzera kuri nyore, chechipiri chichinamwa kuti chigovere ufakazi hwakachengetwa kana paizova nemibvunzo ipi neipi pamusoro poururami hwechakazaruka. Zvose izvozvi zvakaitwa “pamberi pavo,” seizvo ndima 13 inotaura. Naizvozvo rakanga riri bhizimisi rapachena, rakapupurirwa, rapamutemo. Nenzira yakajeka, ipapoka, vanamati vechokwadi vanobata nhau nenzira yakabvumikiswa neyakanyorwa yakadaro vachitevedzera muenzaniso womuMagwaro.
Zvinoshandawo. Tinoziva kuti kutaura kwokuti “vanowirwa vose nenguva nezvinoitika” ndekwechokwadi sei. (Muparidzi 9:11) Izvozvo zvinobatanidza vaKristu vakazvipira uye vakatendeka. Jakobho 4:13, 14 inotaura neiyi nzira: “Nhai imi, munoti: Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogarako gore, tichishambadzira, tipfume—imi musingazivi zvamangwana.” Nokudaro, tingavamba basa rakati, rakadai sokutenga chinhu, kuita basa rakabvumiranwa, kana kuti kugadzirira mumwe munhu chinhu. Asi mangwana—kana kuti mwedzi unotevera kana kuti gore rinotevera—richaunzei? Zvakadiniko kana isu kana kuti mumwe munhu wacho akaita tsaona? Izvozvo zvingaratidzika sokunge kuti kuchengeta chibvumirano chacho hakuchaita. Zvakadini kana tisingagoni kuita basa racho, kana kuti iye wacho achizviwana zvichidokuva zvisingabviri kuripa zvikwereti zvacho kana kuti kuita rutivi rwake rwechibvumirano chacho? Kana pasina chibvumirano chakanyorwa, zvinetso chaizvoizvo zvingagona kumuka, izvo zvingagona kugadzikiswa kana kuti zvingagona kudziviswa kupfurikidza nokuva nechibvumirano chakapfava chakanyorwa.
Uyezve, hatifaniri kukanganwa kuti rudzi rwokusava nechokwadi rwamativi mazhinji oupenyu rungatoreva kuti mumwe munhuwo zvake angatozofanira kupfuuridzira kana kuti kugadzikisa nhau dzedu (kana kuti dzake) dzebhizimisi. Jakobho akawedzera mundima 14, kuti: “Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.” Chokwadi ndechekuti, tingagona kufa zvisingakarirwi. Chibvumirano chakanyorwa, chaigona chaizvoizvo kubvumira vamwe kupfuurira mukubata nhau kana chimwe chinhu chisingakarirwi chikaitika kune mumwe wavanhu vacho.
Mupfungwa yakati, izvozvo zvinotungamirirawo kurutivi rwechitatu—zvibvumirano zvakanyorwa ndezverudo. Zvechokwadi, kana mumwe wevaviri vakaita chibvumirano akafa kana kuti akaita tsaona inoremadza, kwaizodai kwakava kuratidza rudo kuti muKristu ave akagovera chinyorwa chemisengwa yake kana kuti zvinokarirwa zvake zvemari. Uye panzvimbo pokuratidzira kusavimba, zvinoratidza rudo nokuda kwehama yatiri kubata nayo kuita chibvumirano chakanyorwa icho chichataura nenzira yakajeka chaizvoizvo zvaanosungirwa kuita kana kuti zvaanofanira kugamuchira. Iyi nhano yorudo ichaderedza chisakiso chipi nechipi chemirangariro yokushatirwa kana kuti pfundepfunde kana mumwe waava vanhu vasina kukwana vakaita chibvumirano akanganwa udzame hwakati kana kuti mabasa. Uye ndiani wedu akakwana, asingakanganwi, kana kuti anonzwisisa udzame hwose kana kuti zvinangwa?—Mateo 16:5.
Kune dzimwe nzira umo kuita zvibvumirano zvebhizimisi zvakanyorwa kunoratidza kuda hama yedu, mhuri yedu, uye ungano yose zvayo. Asi zvinofanira kujeka kuti kupfuura kuva norudo, zvinyorwa zvakadaro zviri muudzame hwakakwana zvinoshanda uye ndezveMagwaro.