RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 8/1 p. 30
  • Mabhuku, Mabhuku, Mabhuku!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku, Mabhuku, Mabhuku!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 8/1 p. 30

Mabhuku, Mabhuku, Mabhuku!

“Kuita bhuku zhinji hakuperi,” akanyora kudaro Mambo akachenjera Soromoni wekare. (Muparidzi 12:12) Mukati ma1995 rinenge bhuku rimwe rakabudiswa muBritain nokuda kwevanhu 580 vevagari vemo, zvichiita kuti nyika iyoyo itungamirire mukubudisa mabhuku matsva. China, nyika ine vanhu vakawanda zvikurusa, yakava yechipiri nezvinyorwa 92 972 zvichienzaniswa ne95 015 zveBritain. Germany yakatevera (misoro 67 206), uye ipapo United States (49 276), France ichitevera (41 234). “Kutungamirira nyika kuzhinji kweBritain imhaka bedzi yomutauro wechiNgezi,” rinodaro pepanhau reThe Daily Telegraph rokuLondon.

Mishumo inoratidzira kuti mikana yokutengesa mabhuku yakaderera kwamakore anoverengeka, uye zvino 80 muzana bedzi yavanhu vakuru muBritain inotenga bhuku rimwe kana kuti kupfuura pagore. Asi vanhu vanorava mabhuku ose avanotenga here?

Rimwe bhuku rinopfuurira kuva zvose zviri zviviri kuparadzirwa zvakafara nokuraviwa iBhaibheri, zvino rinowanika mumativi kana kuti rose zvaro mumitauro inopfuura 2 120. Kana usati wava nekopi, onana nehofisi yeWatch Tower Society iri pedyosa newe kuti uiwane. Kana une Bhaibheri, ribudise uye nzvera nongedzero dzaMagwaro dzinobuda munyaya dziri mumagazini ino. Ukaita kudaro, uchawana zivo inopa upenyu yeBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe