Dare Rapamusoro reConnecticut Rinotsigira Kodzero Dzomurwere
Nemusi waApril 16, 1996, Dare Rapamusoro reConnecticut, U.S.A., rakatsigira kodzero dzeZvapupu zvaJehovha dzokuramba kuisirwa ropa. Chisarudzo ichochi chakachinja zvakanga zvambotongwa nedare kare.
Muna August 1994, Nelly Vega, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akavamba kubuda ropa zvakakomba pashure pokupona mwana wake wokutanga. Nhamburiko dzokumisa kubuda kwake ropa hadzina kushanda. Sezvo mugariro waMai Vega wakanyanyoipa, chipatara chakatsvaka murayiro wedare unobvumidza kuisirwa ropa. Mai Vega vakanga vatonyora chinyorwa chekurapwa chinorayira kuti vaisafanira kupiwa ropa kana kuti zvimwe zvinhu zvine chokuita neropa mukati mekugara kwavo muchipatara, nenzira iyoyo vachiita kuti chipatara chisava nemhaka nemigumisiro yechisarudzo chavo. Kunyange zvakadaro, chipatara chakataura kuti kumanikidza kuisira ropa kwaiva kuponesa mucheche, uyo, seizvo chipatara chakataura, aida mai vake. Dare rakataura kuti, kunze kwekurasikirwa neropa, Mai Vega vaiva mukadzi muduku, ane utano hwakanaka. Nokudaro, pasinei zvapo nokutaura kwakaita murume waMai Vega negweta ravo, dare rakarayira kuti vaisirwe ropa.
Pashure penguva yakati, nhau yacho yakaunzwa kuDare Rapamusoro reConnecticut. Ikoko, zvakabvumiranwa pamwe chete kuti chiito chechipatara chakaputsa kodzero dzaMai Vega. Mutongo wacho waiti: “Kutongwa kwemhaka nedare rokutanga kwakaitika pakati pousiku, mumamiriro ezvinhu okukurumidzira zvikuru akanga asingatsigiri mano evanhu vose okushandisa zvizere kutaura kwavo.”
Uku kutonga kweDare Rapamusoro reConnecticut kune revo nokuda kwevamwe vanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha. “Zvakakosha kuvarwere vose avo vangasabvumirana nezvisarudzo zvavanachiremba vavo,” anodaro Donald T. Ridley, gweta raMai Vega. “Mutongo wacho uchadzivisa zvipatara kufuratira mipimo yevarwere, ingave yorudzidziso kana kuti isiri yorudzidziso.”