RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/15 pp. 14-19
  • “Akavasika Murume Nomukadzi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Akavasika Murume Nomukadzi”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidza Mavara Echirume Kwechokwadi uye Kuratidza Mavara Echikadzi Kwechokwadi
  • Chitarisiko Chokunze
  • Varume Navakadzi vechiKristu—Varume Navakadzi Chaivoivo
  • Basa Romukadzi muMagwaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Vakadzi
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/15 pp. 14-19

“Akavasika Murume Nomukadzi”

“Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.”—GENESI 1:27.

1. Chokwadi chikomborero sei kuvarume navakadzi vechiKristu?

KUNOFADZA sei kuva pakati pavanhu vaJehovha uye kusonganirana navarume navakadzi, pamwe chete navakomana navasikana, avo vanokoshesa muupenyu kuda uye kuteerera Mwari! Chokwadi chinotisunungurawo muzvimiro zvendangariro nomufambiro usingafadzi Jehovha Mwari, uye chinotidzidzisa nzira yokurarama nayo sezvinofanira kuita vaKristu. (Johane 8:32; VaKorose 3:8-10) Somuenzaniso, vanhu kwose kwose vane magamuchidzanwa kana kuti mirangariro pamusoro penzira iyo varume vanofanira kuratidza nayo mavara avo echirume, uye vakadzi mavara avo echikadzi. Kunongova hako kuti varume vanoberekwa vane mavara echirume, uye vakadzi echikadzi here? Kana kuti pane zvimwe zvinhu zvinofanira kurangarirwa here?

2. (a) Chii chinofanira kusarudza murangariro wedu wemavara echirume neechikadzi? (b) Chii chakaitika kumabasa anoitwa navarume navakadzi?

2 Nokuda kwavaKristu, Shoko raMwari ndicho chiremera chatinoteerera, pasinei zvapo nemirangariro yomunhu oga, yetsika, kana kuti yegamuchidzanwa yatingava takawana. (Mateo 15:1-9) Bhaibheri haritsananguri mativi ose echirume neechikadzi. Panzvimbo pezvo, rinobvumira mhatsa, sezvatinowana mutsika dzakasiyana-siyana. Kuti vave izvo Mwari akavasika kuti vave, varume vanofanira kuratidza mavara echirume, uye vakadzi vanofanira kuratidza mavara echikadzi. Nei? Nemhaka yokuti mukuwedzera kune zvokuti murume nomukadzi vakaitwa kuti vakwanisane mumuviri, vakanga vachifanira kukwanisana kupfurikidza namavara echirume neechikadzi. (Genesi 2:18, 23, 24; Mateo 19:4, 5) Bva, mabasa evanhurume navanhukadzi akakanganiswa. Vakawanda vanoenzanisa mavara echirume nokudzvinyirira kwehasha, kuoma mwoyo, kana kuti rudado rwokuva murume. Mutsika dzakati kungava kusina kurovedzeka kana kuti kunonyadzisa kuti murume acheme, pazere vanhu kana kuti muchivande. Bva, muboka raiva panze pehwiro hwaRazaro, “Jesu akachema misodzi.” (Johane 11:35) Ichocho chakanga chisiri chinhu chisina kufanira nokuda kwaJesu, uyo aiva murume akakwana. Nhasi vakawanda vakava vanonyanyisa pamusoro pemavara echikadzi, vachikurangarira kuva kukwezvawo zvako kwomuviri nokwevatano.

Kuratidza Mavara Echirume Kwechokwadi uye Kuratidza Mavara Echikadzi Kwechokwadi

3. Varume navakadzi vanosiyana sei?

3 Kuratidza mavara echirume kwechokwadi chii, uye kuratidza mavara echikadzi kwechokwadi chii? The World Book Encyclopedia inoti: “Varume vazhinjisa navakadzi vanosiyana kwete chete muchimiro, asi mune zvavanoita nezvavanofarirawo. Mimwe yeiyi misiyano inokonzerwa nokusikwa kwedu. . . . Asi misiyano yakawanda isiri yomuviri inoratidzika kuva yakavakirwa pamabasa evarume nevakadzi evatano anodzidzwa nomunhu ari wose. Vanhu vanoberekwa vari vanhurume kana kuti vanhukadzi, asi vanodzidza mavara echirume kana kuti echikadzi.” Musikirwo wedu ungakonzera zvinhu zvakawanda, asi kuumbwa kwemavara echirume kana kuti echikadzi kwakafanira kunotsamira pakudzidza kwedu icho Mwari anoda uye pane chatinosarudza kuronda muupenyu.

4. Bhaibheri rinozivisei pamusoro pemabasa omurume neomukadzi?

4 Nhau yeBhaibheri inoratidza kuti basa raAdhama rakanga riri rokutungamirira somusoro womudzimai wake navana. Akanga achifanirawo kuwirirana nokuda kwaMwari kuti azadze pasi, kurigara, uye kuita kuti chisiko chose chakaderera chapasi chizviise pasi. (Genesi 1:28) Basa rechikadzi raEvha mumhuri rakanga riri rokuva “mubetseri” uye “mukwanisi” kuna Adhama, kuzviisa pasi poumusoro hwake, kubatira pamwe naye mukuitwa kwechinangwa chakaziviswa chaMwari nokuda kwavo.—Genesi 2:18; 1 VaKorinte 11:3.

5. Ukama hwakanga huri pakati pomurume nomukadzi hwakakanganiswa sei?

5 Asi Adhama haana kurarama mukuwirirana nebasa rake, uye Evha akashandisa mavara ake echikadzi nenzira yokunyengetedza kuti anyengedze Adhama kuti amukumbanire mukusateerera Mwari. (Genesi 3:6) Kupfurikidza nokuzvibvumira kuita zvaaiziva kuti zvakaipa, Adhama akakundikana kuratidzira kuva murume kwechokwadi. Noutera akasarudza kugamuchira shoko romukwanyina wake akanyengedzwa panzvimbo peizvo Baba vake noMusiki vakanga vataura. (Genesi 2:16, 17) Nokukurumidza varoorani vokutanga vakavamba kutambura icho Mwari akanga afanoona kuti chaizova mugumisiro wokusateerera. Adhama, uyo pakuvamba akanga arondedzera mudzimai wake namashoko okufara, okudetemba, zvino pasina ushamwari akanongedzera kwaari so‘mukadzi wamakandipa.’ Kusakwana kwake zvino kwakashatisa ndokutungamirira nenzira isina kunaka kuva murume kwake, kuchiguma noku‘dzvinyirira kwake mukadzi wake.’ Evhawo, aizova no“kuda” murume wake, sezvingabvira munzira yokunyanyisa kana kuti isina mufungo.—Genesi 3:12, 16.

6, 7. (a) Kumonyaniswai kwemavara echirume kwakatanga Mafashamo asati aitika? (b) Tinogona kudzidzei mumamiriro ezvinhu Mafashamo asati aitika?

6 Kushandiswa zvisina kufanira kwemavara echirume neechikadzi kwakava pachena Mafashamo asati aitika. Ngirozi dzakaramba nzvimbo yadzo yapakuvamba mudenga dzakava nemiviri yavanhu kuti dzifarikanye vatano navakadzi. (Genesi 6:1, 2) Chinyorwa chacho chinodudza nezvevanhurume bedzi vaiberekwa nokusangana ikoko kusiri kwomuzvarirwo. Uye kunoratidzika kuti vana vacho vaiva vomusanganiswa, vasingakwanisi kubereka. Vakazivikanwa savane simba, vaNefirimi, kana kuti Vawisi, sezvo vaikurira vamwe. (Genesi 6:4, NW; mashoko omuzasi) Sezviri pachena vakanga vane masimba masimba, vane hasha, vasingaratidziri tsitsi.

7 Nenzira yakajeka, runako rwomuviri, chimiro chomuviri, kureba, kana kuti simba zvoga hazvipi mavara echirume neechikadzi anogamuchirwa. Ngirozi dzakashanduka kuva vanhu sezvingabvira dzakanga dzakanaka. Uye vaNefirimi vakanga vakakura uye vakasimba, asi chimiro chavo chendangariro chakanga chakashata. Ngirozi dzisingateereri navana vadzo vakazadza pasi noutere uye masimba masimba. Nokudaro, Jehovha akagumisa nyika iyoyo. (Genesi 6:5-7) Mafashamo, kunyange zvakadaro, haana kubvisa pesvedzero yamadhimoni, uyewo haana kubvisa migumisiro yechivi chaAdhama. Kuratidzirwa kusina kufanira kwemavara echirume neechikadzi kwakavapo zvakare pashure peBoporodzi, uye pane mienzaniso muBhaibheri, yose yakanaka neyakaipa, yatinogona kudzidza mairi.

8. Muenzanisoi wakaisvonaka wemavara echirume wakafanira wakagadzwa naJosefa?

8 Josefa nomudzimai waPotifari vanoratidza musiyano wakasimba pamusoro pemavara echirume akafanira mukupesana nemavara echikadzi enyika. Mudzimai waPotifari, achiva anyandurwa naJosefa akanaka, akaedza kumunyengedza. Panguva iyoyo, pakanga pasina mutemo waMwari wakanyorwa wairambidza ufeve kana kuti upombwe. Bva Josefa akatiza mukadzi ane unzenza iyeye ndokuzvibvumikisa kuva munhu waMwari chaiyeiye, anoratidza mavara echirume aitenderwa naMwari.—Genesi 39:7-9, 12.

9, 10. (a) Mambokadzi Vashti akabata zvakashata sei mavara echikadzi? (b) Muenzanisoi wakaisvonaka wokuva mukadzi uyo Estere akatigovera?

9 Estere naMambokadzi Vashti vakagovera musiyano unoshamisa nokuda kwavakadzi. Vashti sezviri pachena akafunga kuti akanga akanaka kwazvo zvokuti Mambo Ahashivheroshi aizotendera nguva dzose zvishuvo zvake. Asi runako rwake rwakanga rwusingabetseri. Akanga asina mwero nemavara echikadzi, nokuti akakundikana kuratidzira kuzviisa pasi pomurume wake namambo. Mambo akamuramba ndokusarudza mukadzi aiva namavara echikadzi, uyo, kutaura idi, aitya Jehovha kuti ave mambokadzi wake.—Estere 1:10-12; 2:15-17.

10 Estere anobatira somuenzaniso wakaisvonaka kuvakadzi vechiKristu. Akanga “akanaka paumiro hwake napachiso chake,” bva akaratidzira kupfeka “munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara.” (Estere 2:7; 1 Petro 3:4) Haana kurangarira kupfeka kwokuzvikudza sechinhu chokutanga. Estere akaratidzira unyanzvi uye kuzvidzora, achizviisa pasi pomurume wake, Ahashiveroshi, kunyange apo upenyu hwavanhu vake hwakanga huri mungozi. Estere akaramba akanyarara apo kwakanga kuri kuchenjera kuita kudaro asi akataura asingatyi apo kwakanga kuri madikanwa uye iri nguva yakakodzera. (Estere 2:10; 7:3-6) Akagamuchira zano raibva kuhanzvadzi yake yakanga yakura Modherkai. (Estere 4:12-16) Akaratidzira rudo uye kuvimbika kuvanhu vake.

Chitarisiko Chokunze

11. Chii chatinofanira kurangarira pamusoro pechitarisiko chokunze?

11 Kiyi yokuva namavara echikadzi akafanira chii? Vamwe mai vakati: “Zvinofadza zvinonyengera, unaki hauna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.” (Zvirevo 31:30) Naizvozvo kutya Mwari kunokosha, uye mutsa worudo, kunaka, kuva ane mwero, uye kutaura usingapopoti zvinobetsera zvikuru kuva namavara echikadzi kupfuura runako rwomuviri.—Zvirevo 31:26.

12, 13. (a) Nenzira inosuruvarisa, chii chinoratidzira kutaura kwavakawanda? (b) Chii chiri revo yaZvirevo 11:22?

12 Nenzira inosuruvarisa, varume navakadzi vakawanda havatauri nokuchenjera, uyewo havatauri zvine mutsa worudo. Kutaura kwavo kwakashata, ndekwokutuka, kunonyadzisira, uye kusiri kwokurangarira. Vamwe varume vanofunga kuti mutauro wakashata chiratidzo chemavara echirume, uye vamwe vakadzi nenzira youpenzi vanovatevedzera. Bva, kana mukadzi akanaka asi asina mufungo uye ane nharo, achitsvinya, kana kuti achizvitutumadza, anogona kuva akanaka chaizvoizvo mupfungwa yakanakisisa, ane mavara echikadzi here? “Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso usina kungwara.”—Zvirevo 11:22.

13 Kunaka pamwe chete nokutaura kusina kuchena, kutsvinya, kana kuti kusava nomufungo kungava kusingatsinhirani nechitarisiko chipi nechipi chechikadzi icho munhu angaratidzira. Kutaura idi, mufambiro usiri woumwari wakadaro ungagona kutoita kuti munhu anokwezva mumuviri aratidzike kuva akashata. Tinogona kunzwisisa nenzira iri nyore kuti chitarisiko chomuviri chomurume kana kuti mukadzi hachigoni kuvharidzira kana kuti kururamisa kufufutirwa nehasha, kuridza mhere, kana kuti kutaura kusina kunaka. VaKristu vose vanogona uye vanofanira kuzviita kuti vakwezve kuna Mwari uye kuvanhu biyavo kupfurikidza nokutaura kwavo kwakavakirwa paBhaibheri nomufambiro.—VaEfeso 4:31.

14. Rudzii rwokushonga rwunorumbidzwa pana 1 Petro 3:3-5, uye unonzwa sei pamusoro paikoko?

14 Nepo mavara anoshanda echikadzi neechirume akavakirwa pamavara omudzimu, kuzvibata kwedu mumuviri uye chitarisiko, kubatanidza zvipfeko zvatinopfeka nenzira yatinozvipfeka nayo, zvinotaura pamusoro pedu. Muapostora Petro akanga achirangarira nenzira isina mubvunzo zvitaira zvezana ramakore rokutanga zvokupfeka nokutsvinda, apo akapa zano vakadzi vechiKristu kuti: “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo; asi ngakuve munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari. Nokuti saizvozvowo kare vakadzi vatsvene, vaitarira kuna Mwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo.”—1 Petro 3:3-5.

15. Vakadzi vechiKristu vanofanira kuvavarira kuratidzirei mumapfekero avo?

15 Pana 1 Timotio 2:9, 10, tinowana tsinhiro dzaPauro pamusoro pokupfeka kwechikadzi: “Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora . . . sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.” Ipapo akasimbisa kudikanwa kwokuva nomwero uye zvipfeko zvakanaka zvinoratidzira chimiro chendangariro chakanaka.

16, 17. (a) Kupfeka kwakashandiswa zvisina kufanira sei navarume navakadzi vakawanda nhasi? (b) Tinofanira kugumisei kubva muzano rinowanwa pana Dheuteronomio 22:5?

16 Kuti murume kana kuti mukadzi, mukomana kana kuti musikana, vaite kana kuti vapfeke nenzira inonyandura vatano kwaisazovandudza mavara echirume kana kuti echikadzi, uye zvirokwazvo hakukudzi Mwari. Vanhu vakawanda munyika vanopfuura mwero kuti varatidzire mavara echirume kana kuti echikadzi namapfekero uye mufambiro. Vamwe vanovharidzira misiyano pakati pavarume navakadzi nemhaka yevavariro dzounzenza. Isu vaKristu tinogona sei kuva vanoonga kuti Bhaibheri rinoratidzira kufunga kwaMwari! Jehovha akazivisa rudzi rwaIsraeri wakare kuti: “Mukadzi haafaniri kufuka nguo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka nguo dzomukadzi; nokuti ani naani unoita izvozvo unonyangadza Jehovha.”—Dheuteronomio 22:5.

17 Munhau iyoyi, sezvingabvira uchafarikanya kuhwirudzura izvo Nharireyomurindi yaAugust 15, 1988, yakataura papeji 17: “Nhau yacho haisi kana sitaera yakati iri yazvino uno zvikuru asi kana yakafanira nokuda kwomunhu anotaura kuva mushumiri waMwari. (VaRoma 12:2; 2 VaKorinte 6:3) Zvipfeko zvakanyanyova zvisina kutsarukana kana kuti zvinobata zvikuru zvinogona kuderedza shoko redu. Zvitaera zvinoita kuti varume vatarisike savakadzi nenzira yakajeka uye nenzira yamadiro kana kuti zvinoita kuti vakadzi vatarisike savarume hazvina kufanira chose chose. (Enzanisa Dheuteronomio 22:5.) Chokwadika, tsika dzomunzvimbomo dzingasiyana, mukuwirirana nomugariro wokunze, zvinodikanwa zvapabasa, zvichingodaro, zvokuti ungano yechiKristu haisati ichiita mirayiro yorumano kuti ifukidze uhama hwenyika yose.”

18. Inhanhoi dzatingaita mukushandisa zano reBhaibheri pamusoro pokupfeka nokutsvinda?

18 Izano rine mufungo uye rakafanira sei! Nenzira inosuruvarisa, vamwe vaKristu, vanhurume navanhukadzi, vanotevera vasingazivi chinhu chipi kana chipi icho nyika inotsigira mukupfeka nokutsvinda vasingarangariri nzira yazvingaratidzira nayo Jehovha neungano yechiKristu. Mumwe nomumwe wedu angazvinzvera kuti tione kana tave tichipesvedzerwa nokufunga kwenyika. Kana kuti tingasvika hama kana kuti hanzvadzi inoremekedzwa, ine ruzivo rwokuzviwanira ndokukumbira tsinhiro pamusoro pokuti tinofanira here kugadziridza zvitaera zvedu zvokupfeka uye ipapo kurangarira nenzira yakakomba zvikarakadzo zvacho.

Varume Navakadzi vechiKristu—Varume Navakadzi Chaivoivo

19. Ipesvedzeroi isingafadzi yatinofanira kurwisa?

19 Mwari wenyika ino ndiSatani, uye pesvedzero yake inogona kuonwa mukangaidziko iripo pamusoro pevarume nevakadzi, uye izvozvo zvinopfuura kupfeka. (2 VaKorinte 4:4) Mune dzimwe nyika vakadzi vakawanda vanokwikwidzana navarume pamusoro poumusoro, vachifuratira nheyo dzeBhaibheri. Pane rumwe rutivi, nhamba huru yavarume inongorega mitoro yavo youmusoro, sezvakaita Adhama. Pane vamwe vanotoedza kuchinja basa ravo kupfurikidza nokuva ngochani. (VaRoma 1:26, 27) Bhaibheri hariratidzi mararamire api naapi anotsiva anotenderwa naMwari. Uye vapi navapi avo, vasati vava vaKristu, vakanga vakavhiringidzika pamusoro pamabasa avo kana kuti zvisarudzo zvevatano vanogona kuvimba kuti zvichavanakira nokusingaperi kurarama maererano nomupimo waMwari, uyo uchaongwa zvirokwazvo navose vachasvika kukukwana kwavanhu.

20. VaGaratia 5:22, 23 inofanira kuva netapuroi pamurangariro wedu wokuva murume uye kuva mukadzi?

20 Magwaro anoratidza kuti varume vechiKristu navakadzi vanofanira kutanga uye kuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratia 5:22, 23) Mwari, muuchenjeri hwake hukuru, akagonesa varume kuvandudza mavara avo echirume, uye vakadzi mavara avo echikadzi, kupfurikidza nokusakurira mavara iwayo. Murume anoratidzira chibereko chomudzimu ari nyore kuremekedza, uye mukadzi anodaro ari nyore kuda.

21, 22. (a) Jesu akagadza muitiroi pamusoro pemararamire? (b) Jesu akaratidzira sei kuva kwake murume?

21 Munhu mukurusa ati amborarama akanga ari Jesu Kristu, uye vaKristu vanofanira kutevedzera mararamire ake. (1 Petro 2:21-23) Sezvakaita Jesu, vose varume navakadzi vanofanira kubvumikisa kuva vakavimbika kuna Mwari uye vanoteerera Shoko Rake. Jesu akaratidzira mavara akaisvonaka orudo, unyoro, uye ngoni. SavaKristu vechokwadi, tinokarirwa kumutevedzera kuti tibvumikise kuti tiri vadzidzi vake.—Johane 13:35.

22 Jesu Kristu akanga ari murume chaiyeiye, uye tinogona kuona mavara ake echirume sezvatinofunda chinyorwa choupenyu hwake muMagwaro. Haana kutongoroora, asi Bhaibheri rinoratidza kuti akafarikanya songanirano ine mufungo navakadzi. (Ruka 10:38, 39) Ukama hwake navarume navakadzi nguva dzose hwakanga hwakachena uye huchikudzwa. Muenzaniso wakakwana wemavara echirume. Haana kubvumira munhu upi noupi—murume, mukadzi, kana kuti ngirozi isingateereri—kumutorera mavara ake echirume okutya Mwari uye kutendeka kuna Jehovha. Haana kuzengurira kugamuchira mitoro yake, uye akaita kudaro asinganyunyuti.—Mateo 26:39.

23. Pamusoro pemabasa avarume navakadzi, vaKristu vechokwadi vanokomborerwa zvakajeka sei?

23 Mufaro wakadini kuva pakati pavanhu vaJehovha uye kusonganirana navarume navakadzi, pamwe chete navakomana navasikana, vanokoshesa muupenyu kuda uye kuteerera Jehovha Mwari! Hatiganhurirwi kupfurikidza nokuteerera Shoko raMwari. Panzvimbo pezvo, tinosunungurwa munyika ino nenzira dzayo dzinorerutsa runako, chinangwa, uye basa chairo revarume navakadzi. Tinogona kuwana mufarwa wapachokwadi unobva mukuita basa redu ratakapiwa naMwari muupenyu, tingava tiri vanhurume kana kuti vanhukadzi. Hungu, tinoonga sei Jehovha Mwari, Musiki, nokuda kwegadziriro dzake dzose dzorudo dzaanotiitira uye nokuda kwokuva akatisika vanhurume navanhukadzi!

Ungapindura Sei?

◻ Mabasai akafanira varume navakadzi ayo Bhaibheri rinorondedzera?

◻ Kuva murume kwakavhiringidzwa sei Mafashamo asati aitika, uye kuva murume nokuva mukadzi kwakamonyanidzwa sei munguva yedu?

◻ Izanoi reBhaibheri pamusoro pechitarisiko rauchatsvaka kushandisa?

◻ Varume navakadzi vechiKristu vanogona sei kuzvibvumikisa kuva varume navakadzi chaivoivo?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kunyange zvazvo akanga akanaka, Estere anoyeukwa zvikurukuru nokuda kwokuva nomwero kwake uye chimiro chake chendangariro chokudzikama

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ipa ngwariro ine mufungo kukushonga uchisimbisa zvikuru runako rwomukati

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe