RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/1 pp. 30-31
  • Jesu Anorumbidzwa saMesiya uye saMambo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anorumbidzwa saMesiya uye saMambo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uporofita Hwekare Hunozadzikwa
  • Shoko Pamusoro Pokuva Mambo
  • Chidzidzo Nokuda Kwedu
  • Kupinda Kworukundo kwaKristu muJerusarema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mambo Anopinda muJerusarema Akatasva Mwana Wembongoro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jerusarema Rapasi Rinosianiswa neJerusarema Rokudenga
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • “Awa Yasvika!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/1 pp. 30-31

Vakaita Kuda kwaJehovha

Jesu Anorumbidzwa saMesiya uye saMambo!

BOKA rinoita mheremhere riri kupinda muJerusarema nemusi waNisani 9, 33 C.E., rakashamisa vaJudha vakawanda. Kunyange zvazvo kwakanga kusiri kwechienzi kuona vanhu vachidirana muguta racho Paseka isati yasvika, ava vashanyi vakanga vakasiyana. Munhu anokosha akanga ari pakati pavo akanga ari murume akatasva mhuru yembongoro. Murume wacho akanga ari Jesu Kristu, uye vanhu vakanga vachiwaridza nguo nematavi emichindwe pamberi pake sezvavaidanidzira kuti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye unouya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro!” Pakuona boka racho, vakawanda vakanga vachitova muJerusarema vakasundwa kukumbanira mudungwe wacho.—Mateo 21:7-9; Johane 12:12, 13.

Kunyange zvazvo zvino akanga achirumbidzwa, Jesu aiziva kuti miedzo yakanga yakamumirira. Chokwadi, mumazuva mashanu chete, aizourawa muguta rimwe cheteri! Hungu, Jesu aiziva kuti Jerusarema rakanga riri ndima ine utsinye, uye akaronga kupinda kwake kwepachena muguta racho achirangarira mufungo iwoyo chaiwo.

Uporofita Hwekare Hunozadzikwa

Muna 518 B.C.E., Zekaria akafanotaura kupinda kwekukunda kwaJesu muJerusarema. Akanyora kuti: “Pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unouya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unozvininipisa, akatasva mbongoro. . . . uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira pagungwa, nokubva kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika.”—Zekaria 9:9, 10.

Naizvozvo kupinda kwaJesu muJerusarema nemusi waNisani 9 kwakazadzika uporofita hweBhaibheri. Kwakanga kusiri chiitiko chetsaona asi kwakanga kwakasanorongwa. Pakuvamba, apo akanga ari kunze chaiko kweJerusarema, Jesu akanga arayira vaviri vevadzidzi vake kuti: “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, ine mhuru yayo; mudzisunungure, muuye nadzo kwandiri. Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti: Ishe unodzida; pakarepo uchadzituma.” (Mateo 21:1-3) Asi nei Jesu akanga achida kupinda muJerusarema akatasva mbongoro, uye chii chakanga chiri revo yekuita kweboka?

Shoko Pamusoro Pokuva Mambo

Mufananidzo unoonwa kazhinji kazhinji une simba zvikuru kupfuura shoko rinotaurwa. Nokudaro, padzimwe nguva Jehovha aiita kuti vaporofita vake varatidzire shoko ravo kuti vasimbise shoko ravo reuporofita. (1 Madzimambo 11:29-32; Jeremia 27:1-6; Ezekieri 4:1-17) Uyu mutoo unooneka zvikuru wekurukurirano wakasiya murangariro usingakanganwiki kunyange pandangariro dzemucherekedzi akaoma mwoyo zvikurusa. Munzira yakafanana, Jesu akaratidzira shoko rakasimba kupfurikidza nokutasva mbongoro achipinda muguta reJerusarema. Sei?

Munguva dzeBhaibheri mbongoro yaishandiswa nokuda kwemadonzo eumambo. Somuenzaniso, Soromoni akatasva pakunozodzwa kwake samambo “hesera” rababa vake, mwana wembongoro wemarudzi akasiyana. (1 Madzimambo 1:33-40) Naizvozvo kuti Jesu atasve mbongoro achipinda muJerusarema kwaizoreva kuti akanga achizvisuma amene samambo.a Zviito zveboka racho zvakasimbisa iri shoko. Boka racho, pasina mubvunzo zvikurukuru rakaumbwa nevaGarirea, vakawaridza nguo dzavo pamberi paJesu—chiratidzo chinoyeuchidza kuziviswa kwepachena kwekuva mambo kwaJehu. (2 Madzimambo 9:13) Kunongedzera kwavo kuna Jesu se“Mwanakomana waDhavhidhi” kwakasimbisa kodzero yake yepamutemo yokuva mutongi. (Ruka 1:31-33) Uye kushandisa kwavo matavi emichindwe sezviri pachena kwakaratidza kubvuma kwavo chiremera chake choumambo.—Enzanisa naZvakazarurwa 7:9, 10.

Naizvozvo mudungwe wakapinda muJerusarema nemusi waNisani 9 wakazivisa zvakajeka kuti Jesu akanga ari Mesiya waMwari akagadzwa uye Mambo. Chokwadika, havasi vose vakanga vachifara kuona Jesu achiratidzirwa muiyi nzira. VaFarise zvikurukuru vakafunga kuti kwakanga kusina kufanira zvikuru kuti Jesu apiwe rukudzo rwakadaro rweumambo. “Mudzidzisi,” vakarayira, pasina mubvunzo nehasha mumanzwi avo, “rayirai vadzidzi venyu!” Jesu akapindura: “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.” (Ruka 19:39, 40) Hungu, Umambo hwaMwari hwakanga huri musoro wekuparidza kwaJesu. Aizozivisa iri shoko noushingi kana vanhu vairigamuchira kana kuti zvimwe kwete.

Chidzidzo Nokuda Kwedu

Kwakada ushingi hukuru kuti Jesu apinde muJerusarema nemutoo wakafanotaurwa nemuporofita Zekaria. Akaziva kuti mukuita saizvozvo akanga achizviwanira hasha dzevavengi vake. Asati akwira kudenga, Jesu akatuma vateveri vake kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari uye kuti “mudzidzise marudzi ose.” (Mateo 24:14; 28:19, 20) Kuita iri basa kunodawo ushingi. Havasi vose vanofara kunzwa shoko racho. Vamwe havariitiri hanya, nepo vamwe vanorishora. Dzimwe hurumende dzakaisa ganhuriro pabasa rekuparidza kana kuti dzakarirambidza zvakananga.

Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti mashoko akanaka eUmambo hwakagadzwa hwaMwari anofanira kuparidzwa, kana vanhu vachiteerera kana kuti vachiramba kuita saizvozvo. (Ezekieri 2:7) Sezvazvinopfuurira kuita iri basa rinoponesa upenyu, zvinokurudzirwa nechipikirwa chaJesu chokuti: “Tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mateo 28:20.

[Mashoko Omuzasi]

a Nhoroondo yaMarko inowedzera kuti mhuru yacho yakanga “isina kumbotasviwa nomunhu.” (Marko 11:2) Sezviri pachena, mhuka yakanga isati yamboshandiswa yakanga yakafanira zvikurukuru madonzo anoyera.—Enzanisa naNumeri 19:2; Dheuteronomio 21:3; 1 Samueri 6:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe