Ndiani Anodzora?
“NDIANI anotonga nyika?” Kana mumwe munhu akakubvunza mubvunzo iwoyo, waizopindura sei? Vanhu vazhinjisa verudzidziso vangati “Mwari” kana kuti “Jesu.” Nyaya yakabuda muThe Freeport News, pepanhau rekuBahamas, yakapa mhinduro iyo vashoma vangakarira.
“Ndakawana turakiti pasuo rangu,” munyori wenyaya yacho anovamba achidaro. “Kazhinji kazhinji ndinofuratira shoko rakadaro, asi panguva ino ndakasarudza kurirava. Musoro mukuru wakabvunza mubvunzo wokuti, ‘Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?’” Kupfurikidza nokurava turakiti racho rakavakirwa paBhaibheri, uyu mukadzi akadzidza kuti mutongi wenyika ino haasi Mwari kana kuti zvimwe Jesu asi Satani Dhiyabhorosi.—Johane 12:31; 14:30; 16:11; 1 Johane 5:19.
“Rangarira pembedzo dzokusanzwira tsitsi muutsinye hukuru,” turakiti racho rinotsanangura kudaro. “Vanhu vakashandisa makamuri egasi, misasa yechibharo, zvombo zvinokanda marimi omoto, mabhomba enapalm, nemimwe mitoo yakaipa chose yokutambudza nokuurayana nayo mukusanzwira ngoni. . . . Masimbai anosundira vanhu kuzviito zvakadaro zvinosembura kana kuti kuvaita kuti vapinde mumigariro umo vanonzwa vachigombedzerwa kuita zvinhu zvakaipa? Wati wamboshamisika here kana simba rakaipa, risingaoneki riri kupesvedzera vanhu kuita mabasa akadaro amasimba masimba?” Kunoshamisa here kuti Bhaibheri rinodana Satani kuti “mwari wenyika ino”?—2 VaKorinte 4:4.
Nenzira inofadza, nguva yava pedyo apo Satani nemadhemoni ake vachave vasisipo. “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Hungu, Bhaibheri rinopikira kuti avo vanoita kuda kwaMwari vachava netariro yekurarama nokusingaperi munyika itsva yakarurama. (Pisarema 37:9-11; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Richava zororo rakadini kubvisirwa pesvedzero yaSatani nemadhemoni ake!
Pashure pokupfupikisa zviri mukati meiri turakiti duku, munyori wenyaya yeThe Freeport News akagumisa kuti: “Ndinofara chaizvoizvo kuti ndakarava turakiti iroro . . . nemhaka yokuti neniwo ndave ndichiitira hanya mamiriro ezvinhu enyika, uye kuti ndiani anodzora.”