RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 2/15 pp. 30-31
  • Kutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mienzaniso Yakare Yokutenda
  • Kutenda kwechiKristu
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 2/15 pp. 30-31

Kutenda

SHOKO rokuti “kutenda” rinoshandurwa mushoko rechiGiriki piʹstis, zvikurukuru richipa mufungo wechivimbo, kunyinda, chitendero chakasimba. Richitsamira pamashoko akapoteredza, shoko racho rechiGiriki ringanzwisiswawo kuva rinoreva “kutendeka” kana kuti “kuvimbika.”—1 VaTesaronika 3:7; Tito 2:10, NW.

Magwaro anotiudza kuti: “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” (VaHebheru 11:1) “Rusimbiso” rinoshandurwa mushoko rechiGiriki hy·poʹsta·sis. Shoko irori rinozivikanwa zvikuru mutsamba dzakare dzebhizimisi dzomupumburu wamanyoro wenhokwe. Rinopa pfungwa yechimwe chinhu chinotsigira mamirire ezvinhu anooneka ndokuvimbisa chinhu chemangwana. Nemhaka yaikoku, Moulton naMilligan vanokarakadza kushandura kwokuti: “Kutenda itsamba yapamutemo yemaruramiro okuva nezvinhu yezvinhu zvinokarirwa.” (Vocabulary of the Greek Testament, 1963, p. 660) Shoko rechiGiriki rokuti eʹleg·khos, rinoshandurwa kuti “chiratidzo,” rinopa pfungwa yekubudisa ufakazi hunoratidzira chimwe chinhu, zvikurukuru chimwe chinhu chinopesana nerinoratidzika kuva idi. Nenzira iyoyo ufakazi ihwohwu hunojekesa zvisina kunzwisiswa kare naizvozvo kuramba rakaratidzika bedzi kuva idi. “Chiratidzo,” kana kuti ufakazi hwokupwiswa, chakanaka kana kuti chakasimba kwazvo zvokuti ndicho chinotaurwa kuti kutenda.

Kutenda, naizvozvo, hwaro hwetariro uye ufakazi hwokupwiswa pamusoro pezvinhu chaizvoizvo zvisina kuonekwa. Zvokwadi dzose dzakapiwa naJesu Kristu nevadzidzi vake vakafuridzirwa dzinoumba “kutenda” kwechokwadi kwechiKristu. (Johane 18:37; VaGaratia 1:7-9; Mabasa 6:7; 1 Timotio 5:8) Kutenda kwechiKristu kwakavakirwa paShoko raMwari rakakwana, kubatanidza Magwaro echiHebheru, uko Jesu navanyori veMagwaro echiGiriki echiKristu kazhinji kazhinji vainongedzera mukutsigira kutaura kwavo.

Kutenda kwakavakirwa paufakazi hwakasimba. Mabasa okusika anooneka anopupurira kuvapo kwoMusiki asingaoneki. (VaRoma 1:20) Zviitiko chaizvoizvo zvaiitika mukati meushumiri hwaJesu Kristu noupenyu hwake hwapasi zvinomuzivisa soMwanakomana waMwari. (Mateo 27:54) Chinyorwa chaMwari chokugovera zvisikwa zvake zvapasi chinobatira sehwaro hwakasimba hwokudavira kuti zvirokwazvo achagovera vabatiri vake, uye chinyorwa chake soMugoveri neMudzoreri woupenyu chinopa ufakazi hwakakwana hwokuvimbika kwetariro yorumuko. (Mateo 6:26, 30, 33; Mabasa 17:31; 1 VaKorinte 15:3-8, 20, 21) Kupfuurirazve, kuvimbika kweShoko raMwari nekuzadzikwa kwakarurama kweuporofita hwaro kunopa chivimbo mukuzadzikwa kwezvipikirwa Zvake zvose. (Joshua 23:14) Nokudaro, muidzi nzira zhinji, “kutenda kunouya nokunzwa.”—VaRoma 10:17; enzanisa naJohane 4:7-30, 39-42; Mabasa 14:8-10.

Naizvozvo kutenda hakusi nhendedzero. Munhu anganyomba kutenda kazhinji kazhinji anotenda iye amene ushamwari hwakaedzwa uye hunovimbwa. Musayendisiti ane kutenda munheyo dzerutivi rwake rwesayenzi. Anovakira kuedza kutsva pane zviwanwa zvakare ndokutsvaka zviwanwa zvitsva pahwaro hwezvinhu zviya zvakatosimbiswa sezvechokwadi. Nenzira yakafanana, murimi anogadzirira ivhu rake ndokudyara mbeu, achikarira, somumakore akapfuura, kuti mbeu ichatunga uye kuti zvirimwa zvichakura sezvazvinowana mvura inodikanwa uye zuva. Naizvozvo kutenda kwakagadzikana kwemitemo yemusikirwo inodzora chisiko chose chaizvoizvo kunoumba hwaro hwerongedzero dzomunhu nemibato. Kugadzikana kwakadaro kunonongedzerwa kwakuri nomunyori akachenjera waMuparidzi: “Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve. Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.”—Muparidzi 1:5-7.

MuMagwaro echiHebheru, shoko rokuti ʼa·manʹ nemamwe mashoko akasanobatana rinopa pfungwa yekuvimbika, kutendeka, kudzikama, kutsiga, kusimbiswa zvakatsiga, kugara nguva refu. (Eksodho 17:12; Dheuteronomio 28:59; 1 Samueri 2:35; 2 Samueri 7:16; Pisarema 37:3) Rimwe zita rakabatanidzwa (ʼemethʹ) rinowanzoratidzira “chokwadi,” asiwo “kutendeka” kana kuti “kuvimbika.” (2 Makoronike 15:3, mashoko omuzasi; 2 Samueri 15:20, enzanisa naNehemia 7:2, NW mashoko omuzasi) Shoko rinozivikanwa rokuti “Ameni” (chiHebheru, ʼa·menʹ) rinobvawo muʼa·manʹ.

Mienzaniso Yakare Yokutenda

Mumwe nomumwe we“gore rezvapupu rakakura rikadai” rinodudzwa naPauro (VaHebheru 12:1) akanga aine hwaro hwakasimba hwekutenda. Somuenzaniso, Abheri zvirokwazvo aiziva nezvechipikirwa chaMwari pamusoro pe“mbeu” yaizopwanya “nyoka” mumusoro. Uye akaona ufakazi hwakajeka hwekuzadzikwa kwerutongeso urwo Jehovha akazivisa pavabereki vake muEdheni. Kunze kweEdheni, Adhama nemhuri yake vakadya chingwa muziya rechiso chavo nemhaka yekuti pasi rakatukwa uye, naizvozvo, rakabudisa minzwa noutumbambeva. Sezvingabvira Abheri akacherekedza kuti Evha aipanga zvikuru murume wake uye kuti Adhama aidzora mudzimai wake. Pasina mubvunzo amai vake vakatsinhira pamusoro pemarwadzo aibatanidzwa nemimba yavo. Ipapowo, kupinda mubindu reEdheni kwakanga kwakarindwa nemakerubhi nemunondo waipfuta. (Genesi 3:14-19, 24) Kwose ikoku kwakaumba “chiratidzo,” kuchipa Abheri vimbiso yokuti kununurwa kwaizouya kupfurikidza ne‘mbeu yechipikirwa.’ Naizvozvo, asundwa nokutenda, “akabayira Mwari chibayiro,” chiya chakabvumikisa kuva choukoshi hukuru zvikuru kupfuura chaKaini.—VaHebheru 11:1, 4.

Abrahama akanga aine hwaro hwakasimba hwokutenda rumuko, nokuti iye naSara vakanga vawana kudzorerwa kunoshamisa kwemasimba avo okubereka, uko, mupfungwa yakati, kwaienzana norumuko, kuchibvumira mutsara wemhuri yaAbrahama kupfuurira kupfurikidza naSara. Isaka akaberekwa somugumisiro weichi chishamiso. Apo akaudzwa kuti apire Isaka, Abrahama aitenda kuti Mwari aizomutsa mwanakomana wake. Akavakira kutenda kwakadaro pachipikirwa chaMwari chokuti: “Rudzi rwako ruchatumidzwa nezita raIsaka.”—Genesi 21:12; VaHebheru 11:11, 12, 17-19.

Ufakazi hwekupwiswa kwapachokwadi hwaibatanidzwawo muchiitiko chaavo vakauya kana kuti vakaunzwa kuna Jesu kuti vaporeswe. Kunyange kana vakanga vasiri zvapupu zvakaona pachavo, vakanga vatombonzwa nezvemabasa aJesu esimba. Ipapo, pahwaro hwezvavakaona kana kuti kunzwa, vakagumisa kuti Jesu aigona kuvaporesawo. Uyezve, vakanga vakarovedzana neShoko raMwari uye nokudaro vakanga vakarovedzana nezvishamiso zvakaitwa navaporofita munguva dzakapfuura. Pakunzwa Jesu, vamwe vakagumisa kuti akanga ari “muporofita,” uye vamwe kuti akanga ari “Kristu.” Nemhaka yaikoku, kwakanga kwakakodzera zvikurusa kuti Jesu panhambo nenhambo ataure kuvaya vakaporeswa kuti, “Kutenda kwako kwakuponesa.” Kudai vanhu ivavo vakanga vasina kushandisa kutenda muna Jesu, vangadai vasina kumusvika pakutanga uye, naizvozvo, vangadai vasina kuporeswa vamene.—Johane 7:40, 41; Mateo 9:22; Ruka 17:19.

Kutenda kwechiKristu

Kuti agamuchirike kuna Mwari, zvino kuri madikanwa kuti munhu ashandise kutenda muna Jesu Kristu, uye ikoku kunoita kuti kumira kwakarurama naMwari kubvire. (VaGaratia 2:16) Avo vasina kutenda kwakadaro vanorambwa naJehovha.—Johane 3:36; enzanisa naVaHebheru 11:6.

Havasi vanhu vose vane kutenda, sezvo kuri chimwe chibereko chomudzimu waMwari. (2 VaTesaronika 3:2; VaGaratia 5:22) Uye kutenda kwemuKristu hakurambiri panzvimbo imwe, asi kunokura. (2 VaTesaronika 1:3) Nokudaro, chikumbiro chavadzidzi vaJesu chokuti, “Tiwedzerei kutenda,” chakanga chakakodzera zvikuru, uye akavagovera hwaro hwekutenda kwakawedzerwa. Akavagovera ufakazi hukuru zvikuru nekunzwisisa hwekuvakira kutenda kwavo.—Ruka 17:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe