RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 2/15 p. 32
  • Chokwadi Pamusoro Pehero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chokwadi Pamusoro Pehero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 2/15 p. 32

Chokwadi Pamusoro Pehero

MUSHUMO wakaitwa neboka rinoita zvitendero reChechi yeEngland unotaura kuti hero haisi choto chinopisa pasinei zvapo nezvairangarirwa; panzvimbo pezvo, inzvimbo inorondedzerwa isina chinhu. “Kune zvikonzero zvakawanda zveiyi chinjo,” mushumo wacho unotsanangura kudaro. “Asi pakati pazvo kwave kune kuramba kwetsika kunobva mose muri muviri mukati nokunze kwokutenda kwechiKristu mukupesana nerudzidziso rwerutyo, uye mufungo unokura wokuti Mwari anotumira vanhu kukupiswa kusingaperi waipesana zvikuru nezvakazarurwa zverudo rwaMwari muna Kristu.”

Uku kusafadzwa nemurangariro wegamuchidzanwa wehero hakuna kuganhurirwa kuChechi yeEngland. Vanhu vemumasangano akasiyana-siyana vanokuwana kwakaoma kunamata Mwari anotsiva uyo anopisa vatadzi. “Vanhu vanoda Mwari ane ushamwari nechidakadaka,” anodaro Jackson Carroll, purofesa werudzidziso nenzanga paDuke University’s Divinity School. “Kunopesana netsika yanhasi kutaura pamusoro pechivi uye kuva nemhaka.”

Zvapupu zvaJehovha zvanguve zvichidavira kuti hero, seiyo Bhaibheri rinodzidzisa, inongova guva ravose rerudzi rwomunhu rwakafa—kwete nzvimbo yekutambudzwa kunopisa. Zvinodavira uyu murangariro, kwete nemhaka yokuti wakakurumbira, asi nemhaka yechinotaurwa neBhaibheri kuti: “Vakafa havana chavanoziva . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [“hero,” Douay Version yeKaturike].”—Muparidzi 9:5, 10.

Aine iyi nzwisiso yakajeka pamusoro pemugariro wevakafa, Charles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, akanyora kare muna 1896 kuti: “Hatiwani [muBhaibheri] nzvimbo yakadaro yekutambudzwa kusingaperi seiyo zvitendero nemabhuku enziyo, uye mabasa akawanda ekuparidza, zvinodzidzisa nokukanganisa. Bva takawana ‘hero,’ sheori, hadhesi, uko rudzi rwedu rwose rwakatongerwa kuenda pahwaro hwechivi chaAdhama, uye uko vose vanodzikinurwa nerufu rwaShe wedu; uye ‘hero’ iyoyo iguva—mugariro wekufa.”

Nokudaro kwerinopfuura zana remakore, Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa chokwadi cheBhaibheri pamusoro pehero.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Charles T. Russell

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe