Kuunza Rusununguko Rwomudzimu Kuavo Vari Mutorongo
“TAVE takakumirirai.” “Usiku hushomanene uhwu hwapfuura, ndakarota nezvekuuya kwenyu.” “Ndinokutendai nokuda kwokugovera mumwe munhu kuti atishanyire nguva dzose.” “Tinoda kutaura kuonga kwedu zvikomborero zvose zvatinogamuchira nenzira isakafanirwa kuna Jehovha nesangano rake uye zvokudya zvomudzimu zvinopiwa panguva yakarurama.”
Chii chaiva chikonzero chouku kutaura kwokuonga? Ikoku kumwe kutaura kwakabva kuvasungwa vakanga vakapfigirwa mumatorongo akasiyana-siyana muMexico. Vanoonga ngwariro yavari kugamuchira kuZvapupu zvaJehovha, iyo yakavaunzira rusununguko rwomudzimu kunyange vari mutorongo. MuMexico mune majeri 42 umo Zvapupu zvaJehovha zvinoshumira nguva dzose kuzvinodikanwa zvomudzimu zvavasungwa. Nzvimbo idzodzi dzinonzi Centro Readaptación Social (Nzvimbo Yokudzorerwa Kwemagariro Avanhu Kuva Enguva Dzose). Mune mamwe ematorongo iwaya, misangano yechiKristu iri kutoitwa nguva dzose nemigumisiro yakanaka zvikuru. Somuenzaniso, pane kumwe kuverengwa kwenguva pfupi yapfuura, vanhu 380 vakanga vachipinda misangano munzvimbo idzodzi. Panguva iyoyo avhareji yefundo dzeBhaibheri 350 dzakanga dzichiitiswa. Makumi matatu nevanomwe vakanga vakwanirisa kuvamba kuparidza, uye 32 vakanga vatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha, vachiratidzira ikoku kupfurikidza nerubhabhatidzo rwomumvura.
Maitirwe Ebasa Racho
Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei basa razvo rokuparidza munzvimbo idzodzi? Kutanga zvinoenda kuvakuru-vakuru vanotarisira kuti zvikumbire mvumo yakanyorwa yokupinda mutorongo, zvichitsanangura donzo reshanyo dzacho—kudzidzisa vasungwa nzira yokunatsa nayo rudzi rwavo rwoupenyu ndokubatira Mwari munzira inomufadza.
Muchiitiko chimwe nechimwe zviremera zvakapa mvumo yazvo. Ava vakuru-vakuru vanoonga murayiridzo weBhaibheri uri kupiwa kuvasungwa. Zviremera zvetorongo zvakacherekedza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera mirau yechengeteko yakarongwa nokuda kwenzvimbo idzodzi. Zvakabvumira ava vashumiri vanoshanya kushandisa mahofisi, makamuri okudyira, uye nzvimbo dzokushandira kuti vaite misangano yavo. Mune imwe nzvimbo Zvapupu zvakatobvumidzwa kuvaka Horo yoUmambo duku, sezvinoratidzwa muchakaitika chinotevera chakarondedzerwa nomumwe mutariri anofambira kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweMexico.
“Pakuvamba muna 1991 takavamba kushanyira torongo riri muTehuantepec, Oaxaca, uko takawana nzara huru yomudzimu. Takakurumidza kutanga fundo dzeBhaibheri 27. Nemhaka yefariro yevasungwa, misangano mishanu yeungano yakarongwa. Mumwe wavasungwa, uyo akaratidza kuda Jehovha zvikuru, akasarudza kuvaka Horo yoUmambo duku mukati metorongo kuitira kuti pave nenzvimbo yokuitira misangano. Akaenda kumutungamiriri wetorongo ndokukumbira mvumo, uye zviremera zvakabatira pamwe zvikuru. Pakuvamba kwaDecember 1992, vasungwa vatanhatu vakakwaniriswa sevaparidzi vemashoko akanaka. Nemhaka yefambiro mberi yakaratidzwa, gadziriro dzakaitwa dzokuita Chirangaridzo mukati metorongo. Takakumbira mutungamiriri wetorongo mvumo yokupinza zviratidzo—chingwa newaini—uye pashure pekurukurirano yamaawa mana, mvumo yakapiwa.
“Kwakaitika saizvozvo kuti pana April 3, 1993 (mazuva matatu kuchengetwa kweChirangaridzo kusati kwaitwa), vamwe vasungwa vakabudiswa. Apo mumwe akanga ari muparidzi akagamuchira tsamba dzake dzokubudiswa, akakumbira kutaura nomutungamiriri wetorongo kuti awane mvumo yokugara kutozosvikira pashure pokuchengetwa kweChirangaridzo. Ikoku kwakashamisa chaizvoizvo mutungamiriri wacho, sezvo ichi chisiri chikumbiro chinozivikanwa zvikuru, asi nemhaka yekufarira zvikuru kwomusungwa wacho kupindira Chirangaridzo imomo mutorongo, akabvuma chikumbiro chacho. Chirangaridzo chakapindwa navanhu 53, avo vakabudisa misodzi yomufaro pakupera kwepurogiramu yacho. Tabvumirana kudana boka rino kuti ‘Cereso Yorusununguko,’ nemhaka yekuti vakasununguka mupfungwa yomudzimu.”
Basa reZvapupu zvaJehovha rinoongwa zvikuru munzvimbo idzodzi. Mune rimwe raaya matorongo, munhu anotarisira anorumbidza pachena kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha se“mushonga” wokudzorerwa kumugariro wenguva dzose kwokukurumidza kwevasungwa.
Gadziriro Yokudzorera Kumugariro Wenguva Dzose
Mubato weZvapupu zvaJehovha wakaguma nekudzorera kwakakwana kumugariro wenguva dzose kwevasungwa vazhinji. Nepo kuchiwanzova kwechokwadi kuti avo vave vari mutorongo vanodzokera kuupenyu hwoutsotsi vangobudiswa bedzi, avo vakagamuchira zvirokwazvo mufungo weShoko raMwari vakachinja chose chose. Kushandurwa kwavo kunotiyeuchidza nezvemashoko omuapostora Pauro okuti: “Mhombwe . . . , kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:9-11.
Kuchinja kwakatanhamara muunhu hwavo kunooneka apo vanotaura manzwire avo. Miguel, uyo ari mutorongo reCampeche muCampeche City, anotaura neiyi nzira: “Nhasi ndinogona kutaura nomufaro kuti ndinozvirangarira ndimene kuva pakati pemamwe makwai ane tariro yakanyorwa pana 2 Petro 3:13 naMateo 5:5.” José, uyo ari muKoben, torongo reCampeche, akatsinhira kuti: “Kunyange zvazvo ndiri musungwa uye utsotsi hwangu hungava hwakakomba zvikuru, ndinonzwisisa kuti Jehovha ane ngoni zvikuru uye anoteerera minyengetero yangu nekuteterera. Anogona kukanganwira kudarika kwangu ndokundipa mukana wokupedzera upenyu hwangu hwose hwasara ndichigoverana mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari. Tinotenda vakuru vedu nokuda kwenguva yavanotora vachitishanyira mujeri kuitira kuti tibetserwe nezvipikirwa zvoUmambo hwaMwari. Zvikomborero zvinofadza zvadini! Ndinogona here kutaura kuti ndiri musungwa? Aiwa, Jehovha akandipa rusununguko rwomudzimu rwandaida.”
Chii chinoita kuti mhondi, mabhinya, vanopisa zvinhu, mbavha, uye vamwe vachinje kuva vaKristu vanorarama zvakarurama? Maererano neava varume vamwe chetevo, isimba rinoshandura reShoko raMwari nesonganiro yakanaka nevanhu vakazvipira zvirokwazvo. Chakaitika chaTiburcio, akapfigirwa mutorongo muMazatlán, Sinaloa, chinoratidzira budiriro yeiyi gadziriro yokudzorera kumugariro wenguva dzose. Akanga ave ari mujeri muConcordia, Sinaloa, uko aiva nezvinetso nemhaka yokushatirwa kwake kwamasimba masimba. Mudzimai wake akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye aisimubata zvakashata zvikuru, kunyange apo aiuya kuzomushanyira mutorongo. Akanga achishivirira uye akaramba achiuya kuzomushanyira, naizvozvo akamukumbira kuunza bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, iro akavamba kufunda ari oga.a Ipapo akakumbira kuti mumwe munhu auye kujeri kuzofunda naye. Akatanga kuita fambiro mberi yomudzimu, uye ukama hwake navamwe hwakavamba kuchinja nokuda kwezviri nani. Akachinjirwa kutorongo riri muMazatlán uko kune boka riri kufunda Bhaibheri, uye zvino muparidzi. Anotsinhira kuti: “Zvino, pamwe chete nomudzimai wangu navana nevasungwa biyangu, ndinoonga zvikuru kukwanisa kuteerera zvokwadi dzeBhaibheri munzvimbo ino, netariro yokuti munguva yemberi iri pedyo, ndichasunungurwa ndokukwanisa kupinda magungano ose nemisangano yeungano.”
Uyewo, kuna Conrado, uyo anoonga zvikuru chinjo dzaakakwanisa kuita muupenyu hwake. Akanga aine zvinetso zvemhuri zvakanyanyisa zvokuti mudzimai wake akamusiya. Naizvozvo akatsvaka nyaradzo mumirimo. Pashure penguva yakati akava mutengesi wemirimo. Akasungwa ndokutongerwa torongo nokuda kwokutakura mbanje necocaine zvaitumirwa kumwe. Mutorongo makanga mune boka raifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye akakumbirwa kufunda nazvo. Anotaura manzwire ake nenzira iyi: “Ndakaororwa nenzira yakarongeka yaiitiswa nayo misangano yacho, gadziriro yokunzvera kupfurikidza nezvinyorwa, uye idi rokuti chinhu chiri chose chakanga chakavakirwa paBhaibheri. Ndakakumbira fundo yeBhaibheri pakarepo ndokuvamba kupinda misangano.” Imomo maiva muna January 1993. Zvino Conrado akabuda mutorongo uye anopfuurira kufambira mberi muungano yechiKristu.
Islas Marías
MuMexico mune torongo rinotyiwa rine zvitsuwa zvitatu zvinonzi Islas Marías. Vasungwa vanogona kufamba-famba muzvitsuwa zvetorongo umo vakapfigirwa. Vamwe vanogara imomo navadzimai vavo navana.
Ungano duku yakavambwa. Hama nhatu dzinobva kuMazatlán dzinoenda ikoko kamwe pamwedzi, dzichibetsera kuitisa misangano, kugovera mabhuku, uye kupa kurudziro. Pane dzimwe nguva mutariri wedunhu anoenda kundovashanyira. Avhareji yavapindi iri pakati pe 20 ne 25. Kune vaparidzi vana vakabhabhatidzwa nevaviri vasina kubhabhatidzwa. Mutariri anofambira anoshuma kuti “vamwe vanofamba makiromita 17 [mamaira 10] kuti vapinde misangano pamusi weSvondo uye vanofanira kubva pamusangano nechimbichimbi kuitira kuti vadzokere nokuda kwokudanidzirwa kwendaza kwokunzvera avo varipo. Uchifamba uchikurumidza, zvinotora maawa anopfuura maviri kudzokera.” Mumwe wehama dzacho, uyo akadzidza chokwadi mutorongo iroro, nguva pfupi yapfuura akati: “Ndaisifarira kubuda nokukurumidza, asi zvino panogona kuva panguva ipi neipi iyo Jehovha anoda, somuchiitiko chipi nechipi ndine basa zhinji rokuita mukati muno.”
Tinofara kuona kuti chokwadi chiri kushandisa simba racho kusunungura vanhu vapachokwadi vari kutsvaka nzira yokufadza nayo Jehovha. Vanopfuura gumi navaviri vaivava, avo vakadzidza chokwadi mutorongo, vakasunungurwa, vakabhabhatidzwa, uye zvino vanorarama upenyu hunokudzwa sevabatiri vaMwari, vamwe vachitova vakuru veungano. Simba iro Bhaibheri rinaro rokuporesa mwoyo ndokushandura vanhu rakaratidzirwa nenzira inoshamisa. Ava vanhu vakanga vakapfigirwa nokuda kwokuita zvisakarurama vangopinda bedzi mugwara rechiedza cheShoko raMwari, vanova nerusununguko rwechokwadi urwo Jesu akavimbisa apo akati: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32; Pisarema 119:105.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vazhinji vakabetserwa nezvokwadi dzechiKristu idzo vakadzidzira mutorongo