Rusununguko Rworudzidziso Rwunorevei Kwauri?
Kunyange zvazvo rusununguko rworudzidziso rwuchirangarirwa sekodzero dzinokosha muUnited States, masimba masimba enyongori mukurwisana neZvapupu zvaJehovha akapararira munyika macho muma1940
MAMIRIYONI akarwurwira. Vamwe vakatorwufira. Irwo zvirokwazvo ndechimwe chezvinhu zvikurusa zvorudzi rwomunhu chinokosha. Irwo chii? Rusununguko! The World Book Encyclopedia inorondedzera rusununguko se“mano okuita zvisarudzo ndokuzvishandisa.” Inopfuurira kuti: “Mumurangariro wapamutemo, vanhu vakasununguka kana nzanga ikaisa ganhuriro dzisina kururamisira, dzisiri madikanwa, kana kuti dzisina mufungo pavari. Nzanga inofanirawo kudzivirira kodzero dzavo—ndiko kuti, rusununguko rwavo rwukuru, mano, uye ropafadzo.”
Murangariro wacho unonzwika sowakapfava. Mukushanda, zvisinei, kunoratidzika kuva kunodokuva kusingabviri kuti vanhu vabvumirane kuti ndepapi chaipo apo miganhu yorusununguko inofanira kuiswa. Somuenzaniso, vamwe vanodavira kuti hurumende inofanira kuita mitemo kuti idzivirire rusununguko rwavagari vayo. Asi vamwe vachataura kuti iyi mitemo ndiyo zvinodzivisa zvimene izvo vagari vacho vanoda kusunungurwa mazviri! Nenzira yakajeka, rusununguko rwunoreva zvinhu zvakasiyana-siyana kuvanhu vakasiyana-siyana.
Zvakadiniko Norusununguko Rworudzidziso?
Zvichida rusununguko rwunokakavadzanwa zvikurusa rusununguko rworudzidziso, rwave rwuchirondedzerwa se“kodzero dzokudavira uye kushandisa kutenda kwechisarudzo chomunhu.” Maererano neUnited Nations Universal Declaration of Human Rights, “munhu ari wose ane kodzero yorusununguko rwokufunga, rwehana uye rworudzidziso.” Ikoku kunobatanidza kodzero yomunhu “yokuchinja rudzidziso rwake kana kuti chitendero,” pamwe chete norusununguko “rwokuratidzira rudzidziso rwake kana kuti rudaviro mudzidziso, muitiro, kunamata uye kuchengeta.”—Article 18.
Zvirokwazvo, tingakarira rudzi rwupi norwupi rwunoitira hanya zvapachokwadi vadzorwi varwo kuti rupe rusununguko rwakadaro. Nenzira inosuruvarisa, ikoku hakuitiki nguva dzose. “Rudzidziso rwunotapura mirangariro mikurusa yavanhu vakawanda,” inodaro The World Book Encyclopedia. “Dzimwe hurumende dzine batano dzakasimba norudzidziso rumwe uye dzinorangarira vanhu vokumwe kutenda kuva tyisidziro kuchiremera chezvematongerwe enyika. Hurumende ingarangarirawo rudzidziso sorwune ngozi mune zvematongerwe enyika nemhaka yokuti marudzidziso angavimbika kuna Mwari kupfuura kuteerera hurumende.”
Nokuda kweizvi zvikonzero dzimwe hurumende dzinoisa ganhuriro pakushandiswa kworudzidziso. Shomanene dzinoshora kushandiswa kwokutenda kupi nokupi zvako. Dzimwe, kunyange zvazvo dzichitaura kuva dzinotsigira rusununguko rwokunamata, dzinodzora zvakasimba mibato yose yorudzidziso.
Rangarira, somuenzaniso, mamiriro ezvinhu akapararira kwamakore akawanda muMexico. Kunyange zvazvo Bumbiro Remitemo rakavimbisa rusununguko rworudzidziso, rakati: “Machechi anoshandiswa nokuda kwokunamata kwavose zvinhu zvoRudzi, zvinomirirwa neHurumende Yomubatanidzwa, iyo ichasarudza kuti ndeapi anogona kupfuurira kushandiswa saakadaro.” Muna 1991 Bumbiro Remitemo rakachinjwa kuti rigumise iyi ganhuriro. Kunyange zvakadaro, uyu muenzaniso unoratidzira kuti rusununguko rworudzidziso rwungatsanangurwa nenzira yakasiyana munyika dzakasiyana-siyana.
Rumwe Rudzi Rworusununguko Rworudzidziso
Rusununguko rworudzidziso rwurimo here munyika maunogara? Kana zvakadaro, rwunorondedzerwa sei? Unogona kunamata Mwari nomutoo waunosarudza, kana kuti unomanikidzwa kuva mutezo worudzidziso rweHurumende here? Unobvumidzwa kurava ndokuparadzira mabhuku orudzidziso, kana kuti mashoko akadhindwa akadaro anorambidzwa nehurumende here? Unogona kutaura kuvamwe pamusoro pokutenda kwako, kana kuti ikoku kunorangarirwa kuva kuputswa kwekodzero dzavo dzorudzidziso here?
Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinotsamira kwaunogara. Nenzira inofadza, zvisinei, pane rudzi rworusununguko rworudzidziso rwusingatongotsamiri panzvimbo yaunogara. Paaiva muJerusarema mugore ra32 C.E., Jesu akati kuvateveri vake: “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:31, 32.
Jesu akarevei nouku kutaura? Vateereri vake vechiJudha vaishuva rusununguko mukutonga kweRoma. Asi Jesu akanga asiri kukurukura rusununguko mudzvinyiriro yezvematongerwe enyika. Panzvimbo pezvo, akanga ari kupikira vadzidzi vake chimwe chinhu chiri nani zvikuru, sezvatichaona munyaya inotevera.