Mwari Anodei Kwatiri?
“Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.”—1 JOHANE 5:3.
1, 2. Nei kusingashamisi kuti Mwari ane zvinodikanwa nokuda kwaavo vanoda kumunamata nenzira inogamuchirika?
“RUDZIDZISO rwangu rwakandinakira zvakakwana!” Izvozvo hazvisi izvo vanhu vanowanzotaura here? Chaizvoizvo, kunyange zvakadaro, mubvunzo unofanira kuva wokuti, “Rudzidziso rwangu rwunofadza Mwari here?” Hungu, Mwari ane zvinodikanwa nokuda kwaavo vanoda kumunamata nenzira inogamuchirika. Ikoko kunofanira kutishamisa here? Kwete chaizvoizvo. Ngatitii une musha wakaisvonaka, uyo wawakagadziridza nguva pfupi yapfuura pandyiko huru. Ungabvumira munhu upi noupi zvake kugaramo here? Chokwadika kwete! Mugari upi noupi anobvira aizofanira kusvitsa zvinodikanwa zvako.
2 Nenzira yakafanana, Jehovha Mwari akagovera uyu musha wapasi nokuda kwemhuri yomunhu. Mukutonga kwoUmambo hwake, pasi richakurumidza ku“gadziridzwa”—kushandurwa kuva paradhiso yakaisvonaka. Jehovha achaita ikoku. Pandyiko huru kwaari amene, akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti aite kuti kubvire. Zvirokwazvo, Mwari anofanira kuva nezvinodikanwa nokuda kwaavo vachagara imomo!—Pisarema 115:16; Mateo 6:9, 10; Johane 3:16.
3. Soromoni akapfupikisa sei icho Mwari anokarira kwatiri?
3 Tinogona sei kuziva kuti zvinodikanwa zvaMwari ndezvipi? Jehovha akafuridzira Mambo akachenjera Soromoni kuti apfupikise zvaAnokarira kwatiri. Pashure pokurangarira zvose zvaakanga aronda—kubatanidza upfumi, mabasa okuvaka, fariro dzenziyo, uye rudo rwenyengano—Soromoni akasvika pakuziva izvi: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.
“Mirayiro Yake Hairemi”
4-6. (a) Ndeipi iri revo chaiyoiyo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurema”? (b) Nei tichigona kutaura kuti mirayiro yaMwari hairemi?
4 “Chenget[a] mirayiro yake.” Zvikurukuru, izvozvo ndizvo izvo Mwari anokarira kwatiri. Izvozvo zvakanyanyowandisa kuti akumbire here? Nyangwe napaduku hapo. Muapostora Johane anotiudza chimwe chinhu chinokurudzira zvikuru pamusoro pemirayiro yaMwari, kana kuti zvinodikanwa. Akanyora kuti: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.”—1 Johane 5:3.
5 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurema” rinoreva chaizvoizvo kuti “chinorema.” Rinogona kunongedzera kuchimwe chinhu chakaoma kusvitsa kana kuti chakaoma kuita. Pana Mateo 23:4, rinoshandiswa kurondedzera “mitoro inorema,” mitemo yakaitwa nomunhu uye magamuchidzanwa, izvo vanyori navaFarise vakaisa pavanhu. Unowana mufungo weizvo muapostora akwegura Johane anogumisa here? Mitemo yaMwari haisi mutoro unorema, uyewo haisi yakaoma zvikuru kuti tiite. (Enzanisa naDheuteronomio 30:11.) Mukupesana, apo tinoda Mwari, kusvitsa zvinodikanwa zvake kunotifadza. Kunotipa mukana unokosha wokuratidzira kuda kwedu Jehovha.
6 Kuti tiratidze kuda kwedu Mwari, tinofanira kuziva zvakananga zvaanokarira kwatiri. Zvino ngatikurukurei zvishanu zvezvinodikanwa zvaMwari. Sezvatinoita kudaro, rangarira izvo Johane akanyora: ‘Mirayiro yaMwari hairemi.’
Pinza Zivo yaMwari
7. Ruponeso rwedu runotsamira pachii?
7 Chinodikanwa chokutanga kupinza zivo yaMwari. Rangarira mashoko aJesu akanyorwa muna Johane ganhuro 17. Mamiriro ezvinhu akanga ari usiku hwokupedzisira hwoupenyu hwaJesu somunhu. Jesu akanga apedza akawanda amanheru acho achigadzirira vaapostora vake nokuda kwokuenda kwake. Akanga achiitira hanya pamusoro penguva yavo yemberi, nguva yavo yemberi isingaperi. Akatarira kudenga, akavanyengeterera. Mundima 3, (NW), tinorava kuti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari wechokwadi bedzi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.” Hungu, ruponeso rwavo rwaitsamira paku“pinza [kwavo] zivo” yavose vari vaviri Mwari naKristu. Ikoko kunoshandawo kwatiri. Kuti tiwane ruponeso, tinofanira kupinza zivo yakadaro.
8. Ku‘pinza zivo’ yaMwari kunorevei?
8 Ku‘pinza zivo’ yaMwari kunorevei? Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kupinza zivo” rinoreva “kusvika pakuziva, kuziva” kana kuti “kunzwisisa chose chose.” Cherekedzawo kuti kushandura kwokuti “kupinza zivo” kunoreva kuti uyu muitiro unopfuurira. Kupinza zivo yaMwari nokudaro kunoreva kusvika pakumuziva kwete zvapamusoro asi zvikuru, kukudza ushamwari hwokunzwisisa naye. Ukama hunopfuurira naMwari hunounza zivo yake inongowedzera nguva dzose. Uyu muitiro unogona kupfuurira nokusingaperi, nokuti hatisati tichizotongoziva zvose zvinozivikanwa pamusoro paJehovha.—VaRoma 11:33.
9. Tinogona kudzidzei pamusoro paJehovha mubhuku rechisiko?
9 Tinopinza sei zivo yaMwari? Pane mabhuku maviri anogona kutibetsera. Rimwe racho ibhuku rechisiko. Zvinhu izvo Jehovha akasika—zvose zviri zviviri zvine upenyu nezvisina upenyu—zvinotipa nzwisiso yakati murudzi rwomunhu rwaari. (VaRoma 1:20) Rangarira mimwe mienzaniso. Kutinhira kwebopoma rakaisvonaka, kurovera kwemvura kumahombekombe kwegungwa mukati medutu, kuona matenga azere nenyeredzi pausiku hwakajeka—zvinhu zvakadaro hazvitidzidzisi kuti Jehovha ndiMwari “mukuru pakusimba kwake” here? (Isaya 40:26) Mwana ari kuseka sezvo anotarira imbwanana ichitandanisa muswe wayo kana kuti mwana wekitsi achitamba nebhora reshinda—izvozvo hazvikarakadzi kuti Jehovha, “Mwari womufaro,” anosetsa here? (1 Timotio 1:11) Munakiro wezvokudya zvinonaka, kunhuwira kunofadza kwamaruva ari muuswa, mavara akajeka efufura rakaisvonaka, kurira kweshiri dziri kuimba muchirimo, kumbundira kwoushamwari kwomudiwa—hationi here muzvinhu zvakadaro kuti Musiki wedu ndiMwari worudo, anoda kuti tifarikanye upenyu?—1 Johane 4:8.
10, 11. (a) Zvinhui pamusoro paJehovha nemadonzo ake zvatisingagoni kudzidza mubhuku rechisiko? (b) Imhinduro dzemibvunzoi dzinowanwa bedzi muBhaibheri?
10 Pane, zvisinei, ganhuriro pane zvatinogona kudzidza pamusoro paJehovha mubhuku rechisiko. Kuenzanisira: Zita raMwari ndiani? Nei akasika pasi ndokuisa rudzi rwomunhu pariri? Nei Mwari achibvumidza uipi? Nguva yemberi inei nokuda kwedu? Nokuda kwemhinduro dzemibvunzo yakadaro, tinofanira kuenda kune rimwe bhuku rinopa zivo yaMwari—Bhaibheri. Mumapeji aro, Jehovha anozivisa zvinhu pamusoro pake amene, kubatanidza zita rake, unhu hwake, uye madonzo ake—mashoko atisingagoni kuwana mumamwe manyuko api naapi.—Eksodho 34:6, 7; Pisarema 83:18; Amosi 3:7.
11 MuMagwaro, Jehovha anopawo zivo inokosha pamusoro pavamwe vanhu vatinofanira kuziva pamusoro pavo. Somuenzaniso, Jesu Kristu ndiani, uye ibasai raanoita mukuitwa kwemadonzo aJehovha? (Mabasa 4:12) Satani Dhiyabhorosi ndiani? Anotsausa vanhu munzirai? Tinogona sei kudzivisa kutsauswa naye? (1 Petro 5:8) Mhinduro dzinoponesa upenyu dzeiyi mibvunzo dzinowanwa bedzi muBhaibheri.
12. Ungatsanangura sei chikonzero nei usiri mutoro kupinza zivo yaMwari nemadonzo ake?
12 Mutoro here kupinza zivo yakadaro yaMwari nemadonzo ake? Nyangwe! Unogona kuyeuka here manzwire awakaita apo wakatanga kuziva kuti zita raMwari ndiJehovha, kuti Umambo hwake huchadzorera Paradhiso kupasi rino, kuti akapa Mwanakomana wake anodiwa sorudzikinuro rwezvivi zvedu, pamwe chete nedzimwe zvokwadi dzinokosha? Kwakanga kusina kufanana nokubvisa chifukidziro chokusaziva ndokuona zvinhu nenzira yakajeka kwenguva yokutanga here? Kupinza zivo yaMwari hausi mutoro. Mufaro!—Pisarema 1:1-3; 119:97.
Kusvitsa Mipimo yaMwari
13, 14. (a) Sezvatinopinza zivo yaMwari, ichinjoi dzatinofanira kuita muupenyu hwedu? (b) Mwari anoda kuti tirege miitiroi isina kuchena?
13 Sezvatinopinza zivo yaMwari, tinokurumidza kuziva kuti tinofanira kuita chinjo muupenyu hwedu. Ikoku kunotisvitsa kuchinodikanwa chechipiri. Tinofanira kusvitsa mipimo yaMwari yomufambiro wakarurama ndokugamuchira chokwadi chake. Chokwadi chii? Zvatinodavira nezvatinoita zvinokosha chaizvoizvo kuna Mwari here? Vanhu vakawanda nhasi sezviri pachena havafungi kudaro. Mushumo wakabudiswa neChurch of England muna 1995 wakakarakadza kuti kugara pamwe chete musina kuchata hakufaniri kurangarirwa sechivi. “Kutaura kwokuti ‘kubika mapoto’ kunonyadzisa uye hakubetseri,” akadaro mumwe bhishopu wechechi.
14 Naizvozvo, ipapoka, “kubika mapoto” hakuchisiri chivi here? Jehovha anotiudza namashoko akajeka manzwire aanoita pamusoro pomufambiro wakadaro. Shoko rake, Bhaibheri, rinoti: “Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.” (VaHebheru 13:4) Vatano musati machata ingasava chivi mukurangarira kwavafundisi vane madiro navaendi kuchechi, asi chivi chakakomba mumeso aMwari! Uye ndizvo zvakaita upombwe, makunakuna, uye ungochani. (Revhitiko 18:6; 1 VaKorinte 6:9, 10) Mwari anoda kuti tirege miitiro yakadaro, yaanorangarira seisina kuchena.
15. Zvinodikanwa zvaMwari zvinobatanidza sei zvose zviri zviviri nzira yatinobata nayo vamwe nezvatinodavira?
15 Hazvina kukwana, zvisinei, kurega miitiro iyo Mwari anorangarira yokutadza. Zvinodikanwa zvaMwari zvinobatanidzawo nzira yatinobata nayo vamwe. Mumhuri, anokarira murume nomukadzi kudanana nokuremekedzana. Mwari anoda kuti vabereki vatarisire zvinodikanwa zvokunyama, zvokumudzimu, uye zvemirangariro zvavana vavo. Anoudza vana kuti vateerere vabereki vavo. (Zvirevo 22:6; VaKorose 3:18-21) Uye zvakadiniko nezvitendero zvedu? Jehovha Mwari anoda kuti tidzivise zvitendero netsika zvinobva mukunamata kwenhema kana kuti zvinopesana nechokwadi chakajeka chinodzidziswa muBhaibheri.—Dheuteronomio 18:9-13; 2 VaKorinte 6:14-17.
16. Tsanangura chikonzero nei usiri mutoro kusvitsa mipimo yaMwari yomufambiro wakarurama uye kugamuchira chokwadi chake.
16 Mutoro here kuti tisvitse mipimo yaMwari yomufambiro wakarurama nokugamuchira chokwadi chake? Kwete apo unorangarira betsero dzacho—roorano umo murume nomudzimai vanodanana uye vanovimbana panzvimbo peroorano dzakaparadzwa nokusavimbika; misha umo vana vanonzwa vachidiwa uye vachidikanwa navabereki vavo panzvimbo pemhuri umo vana vanonzwa vasingadiwi, vachiregeredzwa, uye vasingadikanwi; hana yakachena noutano hwakanaka panzvimbo pemirangariro yokuva nemhaka uye muviri wakaparadzwa neAIDS kana kuti chimwe chirwere chakati chinopfuudzirwa muvatano. Zvirokwazvo, zvinodikanwa zvaJehovha hazvitinyimi chinhu chipi nechipi chatinoda kuti tifarikanye upenyu!—Dheuteronomio 10:12, 13.
Ratidza Kuremekedza Upenyu Neropa
17. Jehovha anorangarira sei upenyu neropa?
17 Sezvaunotsinhiranisa upenyu hwako nemipimo yaMwari, unosvika pakunzwisisa kukosha kunoita upenyu zvirokwazvo. Zvino ngatikurukurei chinodikanwa chechitatu chaMwari. Tinofanira kuratidza kuremekedza upenyu neropa. Upenyu hunoyera kuna Jehovha. Hunofanira, nokuti ndiye Manyuko oupenyu. (Pisarema 36:9) Chokwadi, kunyange upenyu hwomwana asati aberekwa ari mukati maamai vake hunokosha kuna Jehovha! (Eksodho 21:22, 23) Ropa rinomirira upenyu. Naizvozvo, ropawo rinoyera mumeso aMwari. (Revhitiko 17:14) Hakufaniri kuva kunoshamisa, ipapoka, kuti Mwari anotikarira kurangarira upenyu neropa sezvaanoita.
18. Murangariro waJehovha woupenyu neropa unodei kwatiri?
18 Kuremekedza upenyu neropa kunodei kwatiri? SavaKristu, hatiisi upenyu hwedu mungozi zvisiri madikanwa nokuda kwokunakidzwa chete. Tinongwarira kotsekano uye naizvozvo tinova nechokwadi chokuti motokari dzedu nemisha zvakakotsekana. (Dheuteronomio 22:8) Hatishandisi fodya, hatitsengi betel nut, kana kuti kushandisa mirimo inopinda muropa kana kuti inokangaidza ndangariro nokuda kwomufarwa. (2 VaKorinte 7:1) Nemhaka yokuti tinoteerera Mwari apo anoti ‘regai ropa,’ hatibvumiri kuti ropa riiswe mumiviri yedu. (Mabasa 15:28, 29) Kunyange zvazvo tichida upenyu, hatisati tichizoedza kuponesa upenyu hwedu hwazvino kupfurikidza nokuputsa mutemo waMwari uye nokudaro kupinza mungozi kariro yedu youpenyu husingaperi!—Mateo 16:25.
19. Tsanangura nzira yatinobetserwa nayo nokuratidza nokuremekedza upenyu neropa.
19 Mutoro here kuti tibate upenyu neropa sezvinoyera? Nyangwe! Funga nezvazvo. Mutoro here kuva asina kenza yamapapu inoparirwa nokusvuta fodya? Mutoro here kunzvenga kupindwa mundangariro nomumuviri nemirimo inokuvadza? Mutoro here kudzivisa kubata AIDS, hosha yokuzvimba chiropa, kana kuti imwe hosha inobva mukuisirwa ropa? Nenzira yakajeka, kudzivisa kwedu tsika nemiitiro zvinokuvadza ndokwebetserwo yedu yakanakisisa.—Isaya 48:17.
20. Imwe mhuri yakabetserwa sei nokuva nomurangariro waMwari woupenyu?
20 Rangarira ichi chakaitika. Makore akati akapfuura, mumwe mukadzi ari Chapupu uyo akanga ane pamuviri paiva neinenge mwedzi mitatu nehafu akavamba kubuda ropa mamwe manheru uye akamhanyiswa kuchipatara. Pashure pokunge chiremba amunzvera, akamunzwa achiudza mumwe wavakoti kuti vaizofanira kubvisa pamuviri pacho. Achiziva nzira iyo Jehovha anorangarira nayo upenyu hweasina kuberekwa, akaramba zvakasimba kubvisa pamuviri, achiudza chiremba kuti: “Kana ari mupenyu, musiyei arimo!” Akapfuurira kutambura kurasikirwa neropa padzimwe nguva, asi mwedzi inoverengeka gare gare akabereka nguva isati yasvika mukomana akasimba uyo zvino ava namakore 17 okukura. Akatsanangura kuti: “Mwanakomana wedu akaudzwa zvose izvozvi, uye akataura kuti akanga achifara kuti haana kurasirwa mudhoti bhokisi. Anoziva kuti kubatira kwedu Jehovha ndicho chikonzero bedzi nei atori mupenyu.” Zvirokwazvo, kuva nomurangariro waMwari woupenyu wakanga usiri mutoro kumhuri iyi!
Kubatira Pamwe Chete Navanhu vaJehovha Vakarongeka
21, 22. (a) Jehovha anotikarira kumubatira naani? (b) Vanhu vakarongeka vaMwari vanogona kuzivikanwa sei?
21 Hatisi toga mukuita chinjo dzinodikanwa kuti titsinhiranise upenyu hwedu nemipimo yaMwari. Jehovha ane vanhu pasi pano, uye anotikarira kumubatira pamwe chete navo. Ikoku kunotisvitsa kuchinodikanwa chechina. Tinofanira kusonganirana nesangano raJehovha rinotungamirirwa nomudzimu.
22 Kunyange zvakadaro, vanhu vaMwari vakarongeka vanogona sei kuzivikanwa? Maererano nemipimo yakarongwa muMagwaro, vane rudo chairwoirwo pakati pavo vamene, vanoremekedza zvikuru Bhaibheri, vanokudza zita raMwari, vanoparidza pamusoro poUmambo hwake, uye havasi rutivi rwenyika ino yakaipa. (Mateo 6:9; 24:14; Johane 13:34, 35; 17:16, 17) Kunongova nesangano rimwe bedzi rorudzidziso pasi pano iro rine izvi zviratidzo zvose zvechiKristu chechokwadi—Zvapupu zvaJehovha!
23, 24. Tinogona sei kuenzanisira kuti hausi mutoro kubatira Jehovha pamwe chete navanhu vake vakarongeka?
23 Mutoro here kubatira Jehovha pamwe chete navanhu vake vakarongeka? Aiwa, zvirokwazvo! Mukupesana, iropafadzo inokosha kuva norudo netsigiro zvemhuri yomunyika yose yehama nehanzvadzi dzechiKristu. (1 Petro 2:17) Fungidzira uchipukunyuka kuputsika kwengarava uye uchizviwana umene uri mumvura, uchirwisa kuramba uchiyangarika. Apo unorangarira kuti haugoni kutsungirirazve, ruoko rwunotambanudzirwa kwauri rwuchibva muigwa rokuponesa upenyu. Hungu, pane vamwe vapukunyuki! Mava muigwa rokuponesa upenyu, iwe navamwe munochinjana kukwasva kuenda kumhenderekedzo yegungwa, muchikwidza vamwe vapukunyuki munzira.
24 Hatisi mumamiriro ezvinhu akafanana here? Takakweviwa tichibva mu“mvura” dzine ngozi dzenyika ino yakaipa ndokupinda mu“igwa rokuponesa upenyu” resangano raJehovha rapasi. Mukati maro, tinobatira pamwe chete sezvatinoenda ku“mhenderekedzo” dzenyika itsva yakarurama. Kana dzvinyiriro dzoupenyu dzikafanira kutiparira kuneta tiri munzira, tinoonga sei rubatsiro nenyaradzo zveshamwari dzechokwadi dzechiKristu!—Zvirevo 17:17.
25. (a) Ibasai ratinaro kuna avo vachiri mu“mvura” dzenyika ino yakaipa? (b) Ndichinodikanwai chaMwari chichakurukurwa munyaya inotevera?
25 Zvakadiniko navamwe—vanhu vane mwoyo yakatendeseka vachiri mu“mvura”? Tine basa rokuvabetsera kuti vapinde musangano raJehovha, hatina here? (1 Timotio 2:3, 4) Vanoda betsero yokudzidza izvo Mwari anoda. Ikoku kunotisvitsa kuchinodikanwa chaMwari chechishanu. Tinofanira kuva vazivisi vakavimbika voUmambo hwaMwari. Izvo ikoku kunobatanidza zvichakurukurwa munyaya inotevera.
Unoyeuka Here?
◻ Nei mirayiro yaMwari isingaremi?
◻ Tinopinza sei zivo yaMwari?
◻ Nei usiri mutoro kusvitsa mipimo yaMwari yomufambiro wakarurama uye kugamuchira chokwadi chake?
◻ Murangariro waMwari woupenyu neropa unodei kwatiri?
◻ Mwari anotikarira kumubatira naani, uye vanogona sei kuzivikanwa?
[Mifananidzo iri papeji 18]
Tinodzidza pamusoro paJehovha mubhuku rechisiko uye muBhaibheri
[Kwazvakatorwa]
Crocodile: By courtesy of Australian International Public Relations; bear: Safari-Zoo of Ramat-Gan, Tel Aviv