Chokushandisa Chitsva Chokubetsera Vanhu Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari
“KUSVIKA kwacho kwakapfava, kwakananga, uye kwomutsa kuchabereka migumisiro inopfuura kariro. Nhau dzacho dzinokurukurwa nemutoo usina kuoma kunzwisisa neunofadza wakadaro zvokuti munhu upi noupi wepachokwadi, anotsvaka achasundwa kuti, ‘Mwari ari pakati penyu chaizvoizvo.’” (1 VaKorinte 14:25) Akadaro mumwe weZvapupu zvaJehovha wokuThailand pakurondedzera bhurocha idzva, Mwari Anodei Kwatiri? Rakabudiswa neWatch Tower Society paKokorodzano dzeRuwa dze“Nhume Dzorugare rwaMwari” mukati ma1996/97.
Iri bhurocha rine mapeji 32, rine mavara ose rakagadzirwa sekosi yefundo yeBhaibheri. Rinofukidza dzidziso huru dzeBhaibheri. Mashoko acho akapfava uye akapfupikiswa, achitsanangura zvakajeka zvinoda Mwari kwatiri. Varavi havafaniri kuva nechinetso chokurinzwisisa. Ungaitisa sei fundo yeBhaibheri muiri bhurocha idzva?
Shandisa mibvunzo. Pane mibvunzo pakuvamba kwechidzidzo chimwe nechimwe. Mumapereni pashure pemubvunzo mumwe nomumwe, uchawana nhamba dzendima umo mhinduro dzacho dzinowanwa. Iyi mibvunzo ingashandiswa muzvose zviri zviviri seyamuro yokudzidzisa uye yehwirudziro. Somuenzaniso, pakuvamba kwefundo yeBhaibheri yepamusha, ungabvunza mudzidzi mibvunzo kuitira kuti uwane tsinhiro dzake. Panzvimbo pekururamisa mhinduro dzipi nedzipi dzisina kururama nokukurumidza, ungagona kupfuurira nefundo yacho. Pamugumo wechidzidzo chacho, ungagona kudzokera kumibvunzo yacho kuti uone kana mudzidzi wacho zvino achikwanisa kuipindura mutsinhirano neBhaibheri.
Tarisa magwaro acho. Muchidzidzo chimwe nechimwe, kutaura kupfupi kwezvokwadi dzeBhaibheri kunoperekedzwa nemagwaro anotsigira. Sezvo magwaro mazhinjisa akarongwa, kwete kunokorwa mashoko, kunokosha kukurudzira mudzidzi wacho kutarira aya magwaro muBhaibheri rake amene. Anofanira kurava ndokufungisisa Shoko raMwari asati agona kurishandisa muupenyu.—Joshua 1:8.
Simbisa mifananidzo. Bhurocha racho rine mapikicha akawanda nemifananidzo—inopfuura mifananidzo 50 pamwe chete. Izvo zvinogoverwa kwete bedzi nokuda kwekufadzwa nekuona asiwo sedzimwe yamuro dzokudzidzisa. Somuenzaniso, zvidzidzo zviviri zvokupedzisira (peji imwe pachimwe nechimwe, pamapeji akatarisana) zvine misoro inoti “Kubetsera Vamwe Kuita Kuda kwaMwari” uye “Chisarudzo Chako Chokubatira Mwari.” Pikicha dziri pamapeji acho maviri dzinotevera fambiro mberi yemudzimu yemunhu mumwe cheteyo, dzinomuratidza achipupura nenzira isina kurongwa, achigoverana mubasa repaimba neimba, achiita tsauriro yake, uye pakupedzisira achibhabhatidzwa. Kupfurikidza nokunangidzira ngwariro yemudzidzi kuidzi pikicha, unomubetsera kuona nhanho dzinodikanwa kuitira kuti abatire Mwari.
Zvakadini kana munhu anofarira asingaravi zvakanaka kana kuti asingakwanise kurava zvachose? Sosaiti iri kuita kuti iri bhurocha idzva riwanike pakaseti yokuteerera mumitauro yakati. Kaseti yacho ine magwaro ebhurocha racho pamwe chete neakawanda emagwaro akarongwa. Yakarekodwa sezvinotevera: Mubvunzo wokutanga unoraviwa, uchiteverwa nendima (kana kuti ndima dzakati) dzinoupindura, pamwe chete nemamwe emagwaro akarongwa. Ipapo mubvunzo unotevera unoraviwa, uchiteverwa nendima uye magwaro zvinoupindura, zvichingodaro. Mudzidzi wacho anogona kuteerera kukurekodwa kwacho sezvo anogadzirira fundo yacho. Kaseti yacho inogonawo kushandiswa pakuitisa fundo yacho.
Avo vaiva pakokorodzano vakadisa kushandisa iri bhurocha idzva muushumiri hwavo hwomumunda. Somuenzaniso, mazuva akati chete pashure pokugamuchira bhurocha racho, mapiyona maviri (vaevhangeri venguva yakazara) okuUnited States akarigovera kuvaroorani vaduku avo akanga ave achishanyira. Apo varoorani vacho vakatarira pandaza yezviri mukati, chidzidzo chine musoro unoti “Miitiro Iyo Mwari Anovenga” chakabata ngwariro yavo. “Nguva dzose ndaidzidziswa kuti Mwari haasati achizotongogona kuvenga—nguva dzose rudo,” akadaro mukadzi wacho muduku. “Uyu ndiwo wandichatanga kurava.” Apo mapiyona maviri akadzokera vhiki yakatevera yacho, mukadzi muduku wacho akati: “Ndanga ndichirava bhurocha idzva. Kwakaoma kwazvo kuita zvinhu zvose zvatinofanira. Jehovha haafadzwi nesu—hatina kuchata. Asi takaita chisarudzo. Takaita gadziriro dzekuchata Chishanu chinotevera.” Vachimbundira mapiyona maviri, vakawedzera kuti: “Tinokumbira ruregerero nokuda kwokusava nefundo yenguva dzose, asi uyu mutoro mukuru wabviswa patiri.”
Nemitoo yose, shandisa bhurocha raAnodei. Ndechokushandisa chakaisvonaka chokubetsera vamwe kudzidza zvinodikanwa zvaMwari.
[Mifananidzo iri papeji 17]
Uchashandisa sei bhurocha idzva?