RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/15 p. 30
  • Iwe Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iwe Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Mwari Wokunyaradza Kwose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kuuya kwaJesu Kana Kuti Kuvapo kwaJesu—Ndechipi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Nyaradzo Yechokwadi Ingawanikwa Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Tarira Kuna Jehovha Nokuda Kwenyaradzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/15 p. 30

Iwe Unoyeuka Here?

Wakafarikanya here kurava zvinyorwa zvenguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi? Kana zvakadaro, uchakuwana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:

◻ Ndeipi iri revo yeshoko rechiGiriki rokuti pa·rou·si’a rakashandiswa pana Mateo 24:3, 27, 37, 39?

Expository Dictionary of New Testament Words raVine rinoti: “PAROUSIA . . . rinoratidzira zvose zviri zviviri kusvika uye kuvapo somugumisiro.” Nokudaro, haisati ichingova nhambo chete yokusvika asi kuvapo kunotambanuka kubva pakusvika zvichienda mberi.—8/15, peji 11.

◻ ‘Mazuva iwayo akapfupikiswa’ sei kuitira kuti “nyama” igogona kuponeswa muzana ramakore rokutanga, uye kuchaitika sei pamwero mukuru? (Mateo 24:22)

Muna 66 C.E., vaRoma nenzira isingakarirwi vakapfupikisa kukomba kwavo Jerusarema, vachibvumira “nyama” yechiKristu kupukunyuka. Nenzira yakafanana, tinokarira kuti kurwisa kunouya paBhabhironi Guru kuchapfupikiswa nenzira yakati. Nokudaro vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo vachaponeswa muruparadziko rwunobvira.—8/15, mapeji 18-20.

◻ Ndokupi kunofanira kuva kuita kwedu kana mumwe munhu akavamba kudya zviratidzo zveChirangaridzo kana kuti akarega kuita saizvozvo?

Hapana kudikanwa kwokuti vamwe vaKristu vanetseke. Jesu akati: “Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu.” Kungofanana nezvakavimbiswa, Jehovha anoziva avo akasarudza chaizvoizvo sevanakomana vomudzimu. (Johane 10:14; VaRoma 8:16, 17)—8/15, peji 31.

◻ Nderipi rakanga riri donzo guru reMutemo waMosesi?

Zvikurukuru, wakadzidzisa vaIsraeri nezvekuda kwavo Mesiya, uyo aizovadzikinura mumugariro wavo wokuita chivi. (VaGaratia 3:24) Mutemo wakadzidzisawo kutya Mwari nokuteerera, uye wakabetsera Israeri kuramba akaparadzana nemiitiro yakashata yemarudzi akapoteredza. (Revhitiko 18:24, 25)—9/1, peji 9.

◻ Nderipi riri donzo resungano itsva? (Jeremia 31:31-34)

Nderekubudisa rudzi rwemadzimambo nevaprista kuti vakomborere rudzi rwose rwomunhu. (Eksodho 19:6; 1 Petro 2:9; Zvakazarurwa 5:10)—9/1, mapeji 14, 15.

◻ Nei tichifanira kushandisa unyanzvi hwokukumbira ruregerero?

Kukumbira ruregerero kunogona kubetsera kunyevenutsa marwadzo anosakiswa nokusakwana, uye kunogona kurapa ukama hwakadzvinyirirwa. Kukumbira ruregerero kumwe nekumwe kwatinoita chidzidzo mukuzvininipisa uye kunotirovedza kuva vanoziva zvikuru mirangariro yavamwe.—9/15, peji 24.

◻ Boporodzi remunyika yose rezuva raNoa iidi renhau here?

Hungu. Nhoroondo dzakare dzinotaura pamusoro pemafashamo emunyika yose dzinogona kuwanwa kupota nyika yose, kubva kunyika dzeAmerica kusvikira kuAustralia. Kuvapo kwakaparira kwemusoro iwoyu kunotsigira idi rokuti boporodzi renyika yose rakaitika, sezvinoshumwa muBhaibheri. (Genesi 7:11-20)—9/15, peji 25.

◻ Chii chinobatanidzwa mukuva ane mutsa? (VaRoma 12:13)

“Mutsa” unoshandurwa mushoko rechiGiriki rakaumbwa nemashoko maviri apakuvamba anoreva “rudo” uye “mueni.” Nokudaro, mutsa nenzira inokosha unoreva “kuda vaeni.” Asi unobatanidza rwunopfuura rudo rwakavakirwa panheyo, rwunoratidzwa nemhaka yepfungwa yemusengwa. Wakavakirwa pakuda kwapachokwadi, chidakadaka, uye ushamwari.—10/1, peji 9.

◻ Ndekupi kuri kutaura kwaPauro pamusoro peroorano nekusaroora kana kuti kusaroorwa mutsamba yake Yokutanga kuVaKorinte, ganhuro 7?

Roorano inobvumirwa uye, mumamiriro ezvinhu akati, inokurudzirwa nokuda kwavamwe. Bva kusaroora kana kuti kusaroorwa nenzira isingarambwi kunobetsera murume kana kuti mukadzi wechiKristu anoda kubatira Jehovha nezvinotsausa zvishoma.—10/15, peji 13.

◻ Mukuru ano“chenget[a] vokwake” sei? (1 Timotio 5:8)

Mukuru anofanira ‘kugovera vokwake amene’—mudzimai wake pamwe chete navana vake—mune zvokunyama, mumudzimu, uye mumirangariro.—10/15, peji 22.

◻ Jehovha anogovera sei nyaradzo kuvabatiri vake?

Mudzimu mutsvene waMwari unoshanda se“munyaradzi.” (Johane 14:16) Imwe nzira umo Mwari anogovera nyaradzo iri kupfurikidza neBhaibheri. (VaRoma 15:4) Mwari anoziva zvinodikanwa zvedu zvomunhu oga uye anogona kutishandisa kunyaradzana, seizvo Pauro akawana nyaradzo kupfurikidza nemushumo waTito pamusoro peVaKorinte. (2 VaKorinte 7:11-13)—11/1, peji 10, 12.

◻ Chii chinorehwa nekurondedzera kwaPauro Jehovha sa“Baba vengoni,” kunowanwa pana 2 VaKorinte 1:3?

Zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ngoni” rinobva mushoko rinoshandiswa kutaura rusuruvaro pakutambura kwemumwe. Nokudaro Pauro anorondedzera mirangariro yaMwari yetsitsi nokuda kwevabatiri Vake vose vakatendeka vari kutambura dambudziko.—11/1, peji 13.

◻ Chii chakaitwa nekutsanya kwavaIsraeri paZuva reYananisiro regore negore? (Revhitiko 16:29-31; 23:27)

Kuchengetwa kwekutsanya kwakasunda vanhu vaIsraeri kuziva zvikuru nezvekutadza kwavo uye kudikanwa kwekudzikinurwa. Kupfurikidza nako vairatidzira rusuruvaro nokuda kwezvivi zvavo uye kupfidza pamberi paMwari.—11/15, peji 5.

◻ Chii chinorehwa nemurayiro kuvanhu vaduku wokuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako”? (Muparidzi 12:1)

Chimwe chiremera chinotaura kuti shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “rangarira” kazhinji kazhinji rinoreva “kuda kwendangariro nechiito chinoperekedza kuyeuka.” Naizvozvo kuteerera murayiro uyu kunoreva zvinopfuura kufunga chete nezvaJehovha. Kunobatanidza chiito, kuita zvinomufadza.—12/1, peji 16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe