“Rangarirai Mazuva Akapfuura”—Nei?
“RANGARIRAI mazuva akapfuura.” Iri zano rakapiwa nomuapostora Pauro, rakanyorwa munenge muna 61 C.E., rakanga rakanangidzirwa kuvaKristu vechiHebheru vaiva muJudhea. (VaHebheru 10:32, The New English Bible) Chii chakasunda uku kutaura? Nei kwakanga kune kudikanwa kwokuti vanamati ivavo vezana ramakore rokutanga vaJehovha vasakanganwa nguva yakapfuura? Tinogona kubetserwa here nokuteerera chiyeuchidzo chakafanana nhasi?
Mazana amakore, vanyori veBhaibheri vakanyevera vanyeverazve pamusoro pokuzvidza kana kuti kuva vasingapi ngwariro kunguva yakapfuura. Nguva dzapakuvamba nezviitiko zvaifanira kuyeukwa ndokurangarirwa. Kunyange Jehovha akati: “Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni.” (Isaya 46:9) Ngationgorerei zvikonzero zvitatu zvakasimba zvokuteerera iri zano.
Sundo Nekurudziro
Kutanga, iko kunogona kuva manyuko makuru esundo nekurudziro. Apo Pauro akanyora tsamba yake kuungano yevaHebheru, akanga achinyorera vaKristu biyake avo zuva nezuva vakanga vaedzwa kutenda kwavo nemhaka yechishoro chaibva kuvaJudha. Mukuziva kuda kwavo kuvaka tsungiriro, Pauro akati: “Asi rangarirai mazuva okutanga, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko.” (VaHebheru 10:32) Kuyeuka kwavo mabasa omunguva yakapfuura oruvimbiko muhondo yomudzimu kwaizoshanda kuvapa ushingi hwaidikanwa kupedza nhangemutange yacho. Nomutoo wakafanana, muporofita Isaya akanyora, kuti: “Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi.” (Isaya 46:8) Jesu Kristu akaudza ungano yaiva muEfeso achirangarira mugumisiro wakanaka wakafanana, kuti: “Naizvozvo rangarira pawakawa, [rudo rwawaiva narwo pakutanga] utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga.”—Zvakazarurwa 2:4, 5.
Kurudziro yoku“rangarira mazuva ekare, [ku]funga makore amarudzi mazhinji” yakanga iri nhau inodzokororwa muhurukuro dzakapa Mosesi vaIsraeri, sezvo akakurudzira rudzi rwacho kuratidzira ruvimbiko rwokusatya kuna Jehovha. (Dheuteronomio 32:7) Cherekedza mashoko ake, akanyorwa pana Dheuteronomio 7:18: “Haufaniri kuvatya; [vaKanani] unofanira kurangarira zvakanaka zvakaitirwa Farao navaEgipita vose naJehovha Mwari wako.” Kuyeuka kwavo mabasa okuponesa aJehovha nokuda kwavanhu vake kwaizova kurudziro kukunamatira kwavo kunopfuuridzirwa kukutendeka kumitemo yaMwari.—Dheuteronomio 5:15; 15:15.
Nenzira inosuruvarisa, vaIsraeri kazhinji kazhinji vaitera kuchivi chokukanganwa. Nomugumisiroi? “Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, vakadzivisa Mutsvene waIsraeri. Havana kurangarira ruoko rwake, kana zuva raakavadzikinura pamudzivisi.” (Pisarema 78:41, 42) Pakupedzisira, kukanganwa kwavo mirayiro yaJehovha kwakaguma nokurambwa kwavo naye.—Mateo 21:42, 43.
Muenzaniso wakaisvonaka wakagadzwa newezvemapisarema uyo akanyora, kuti: “Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pisarema 77:11, 12) Kuyeuka kwakadaro kwokufungisisa basa rokuvimbika renguva yakapfuura uye mabasa orudo aJehovha kuchatigovera sundo inodikanwa, kurudziro, uye kuonga. Uyewo, ku“rangarira mazuva okutanga” kunogona kubatira kudzinga kuneta uye kunogona kutinyandurira kuita zvose zvatinogona nokutsungirira nokutendeka.
Kudzidza Muzvikanganiso Zvemunguva Yakapfuura
Chechipiri, kusakanganwa kunogona kuva mutoo wokudzidza nawo mumhosho dzomunguva yakapfuura nemigumisiro yadzo. Achirangarira izvozvi, Mosesi akapa zano vaIsraeri, kuti: “Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeEgipita kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.” (Dheuteronomio 9:7) Mugumisiro wokusateerera kwakadaro kurutivi rwaIsraeri wakanga uri, sezvakaratidza Mosesi, kuti ‘Jehovha Mwari wavo akavafambisa makore makumi mana murenje.’ Nei vakanga vachikurudzirwa kurangarira ikoku? Kwakanga kuri kuti avaninipise nokubatira seruramiso yenzira dzavo dzokupandukira kuitira kuti vago“chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wa[vo], kuti [va]fambe nenzira dzake nokumutya.” (Dheutoronomio 8:2-6) Vaizodzidza mupfungwa yokusadzokorora zvikanganiso zvavo zvomunguva yakapfuura.
Mumwe munyori akatsinhira, kuti: “Munhu akangwara anodzidza muruzivo rwokuzviwanira, asi akachenjera muruzivo rwokuzviwanira rwevamwe.” Nepo Mosesi akakumbira vanhu vaIsraeri kuti vabetserwe nokurangarira mhosho dzavo vamene dzekare, muapostora Pauro akarayira vamwe—ungano yeKorinte yomuzana ramakore rokutanga uye, mukuwedzera, isu—kuwana chidzidzo muchinyorwa chimwe chetecho. Akanyora, kuti: “Zvino, izvi zvakavawira [vaIsraeri] kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.” (1 VaKorinte 10:11) Jesu Kristu akanga achirangarira chimwezve chiitiko chakare cheBhaibheri nokudikanwa kwokudzidza machiri apo akati: “Rangarirai mukadzi waRoti.” (Ruka 17:32; Genesi 19:1-26) Mudetembi nemuzivi weEngland Samuel Taylor Coleridge akanyora, kuti: “Kana vanhu vakadzidza munhau, zvidzidzo zvakadini zvaingatidzidzisa!”
Mwero Nokuonga
Chechitatu, kuyeuka kunogona kutanga matiri mavara anofadza Mwari emwero nokuonga. Sezvatinofara mumativi akawanda eparadhiso yedu yomudzimu yenyika yose, ngatirege kutongokanganwa kuti inotsamira pazvinhu zvakati zvokuvaka nazvo. Izvozvi zvinobatanidza ruvimbiko, rudo, kuzvipira, ushingi mukutarisana nenhamo, tsungiriro, mwoyo murefu uye kutenda—mavara akaratidzwa nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu idzo makumi amakore akapfuura dzakatanga basa munyika dzakasiyana-siyana. Mukugumisa mushumo wayo panhau yomuzuva razvino uno yevanhu vaMwari muMexico, 1995 Yearbook of Jehovah’s Witnesses yakati: “Nokuda kwavanhu vachangobva kusonganira bedzi neZvapupu zvaJehovha munguva pfupi yapfuura, miedzo yakanangana neavo vakagoverana mukutanga basa muMexico ingava inoshamisa. Vakajaira paradhiso yomudzimu umo mune zvokudya zvomudzimu zvakawanda, umo kune mazana ezviuru evasonganiri vanotya Mwari, uye umo basa kuna Mwari rinoitwa nomutoo wakasanorongwa.”
Vavambi ivavo kazhinji kazhinji vaishanda vari voga kana kuti mumapoka maduku ari oga. Vakatarisana noushoma, kushayiwa, uye mimwe miedzo yakakomba yeperero sezvo vakatsungirira mukuzivisa shoko roUmambo. Kunyange zvazvo vakawanda veava vabatiri venguva dzekare vakafa, kunofadza sei kuziva kuti Jehovha anoyeuka basa ravo rokutendeka! Muapostora Pauro akasimbisa ikoku, apo akanyora, kuti: “Nokuti Mwari haasati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Kana Jehovha achiyeuka nenzira yokuonga, hatifaniri kuita nenzira yakafanana mumudzimu wokuonga here?
Avo vachangobva kurovedzana nechokwadi vanogona kuwana ichi chiono chenhau kupfurikidza nechinyorwa Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom.a Uyezve, kana takaropafadzwa kuva vemhuri kana kuti veungano yechiKristu ine mitezo inobatanidza hama kana kuti hanzvadzi dzakura dzakabatira kwenguva yakareba, tinokurudzirwa mumudzimu waDheuteronomio 32:7 ku“rangarira mazuva ekare, [ku]funga makore amarudzi mazhinji; [ku]bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; navatana vako, ndivo vachakuudza.”
Hungu, kuyeuka mabasa ekare ekuzvipira kwoumwari kunogona kutinyandurira kupfuurira kutsungirira nomufaro mubasa redu rechiKristu. Uyewo, nhau ine zvidzidzo zvatinofanira kudzidza. Uye kufungisisa paradhiso yedu yomudzimu yakakomborerwa naMwari kunotanga mavara akanaka okuva nemwero nokuonga. Zvirokwazvo, “rangarirai mazuva akapfuura.”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.