RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/1 p. 32
  • Ndivanaani Vachava vaEvhangeri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndivanaani Vachava vaEvhangeri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/1 p. 32

Ndivanaani Vachava vaEvhangeri?

PAMUSANGANO weWorld Council of Churches makore 40 akapfuura, mitezo yakakurudzirwa ku“gadzirira mumudzimu wouevhangeri” uye kudzidzisa mapoka ayo ku“enda ndokuparidza evhangeri.” Makore mashanu gare gare, John A. O’Brien, mufundisi weKaturike akanyora pamusoro pokudikanwa kwokupinza vadzidzi vatsva “kupfurikidza nokuenda kwavari” uye kwete “kupfurikidza nokugara [chete] mumisha medu.” Uye muna January 1994, Pope John Paul II akataura kuti “haisi nguva yokunyadziswa neEvhangeri, inguva yokuiparidza tiri pamatenga edzimba.”

Sezviri pachena idzi kokero dzapanhambo nenhambo nokuda kwavaevhangeri dzakawira panzeve dzisinganzwi. Imwe nyaya mupepanhau reAustralia Illawarra Mercury yakati: “VaKaturike vakakurumbira veSouth Coast havasati vachidisa kugamuchira rudzi rwechimiro cheZvapupu zvaJehovha kukutenda kwavo.” Mumwe murume akataura kuti huevhangeri hausati huchingova chete “rutivi rwomurangariro wevaKaturike.” Mumwe akarangarira, kuti: “Kwakanaka kuti Chechi izvisimudzire imene, asi kwete kupfurikidza nokugogodza pasuo. Zvichida kupfurikidza nezvikoro kana kuti kukanda tsamba mumabhokisi etsamba kungava kuri nani.” Kunyange mukuru wecathedral yomunzvimbomo akanga asina chokwadi zvikuru pamusoro pokududzira tsinhiro dzapapa. “Tingakurudzira vanhu kushandisa Evhangeri yavanoziva kupfurikidza noupenyu hwavo vamene,” akataura kudaro. “Kana ikoko kuchireva kugogodza pasuo ndeimwe nhau.” Musoro mukuru wenyaya yacho yenhau unokupfupikisa zvakanaka: “VaKaturike havasati vachizoteerera danidziro yaPope yokuparidza.”

Pasinei zvapo nokukundikana kwechiKristudhomu kuparidza evhangeri, vanopfuura mamiriyoni mashanu veZvapupu zvaJehovha vari kutevera murayiro waJesu woku“enda. . . [nokudzidzisa] marudzi ose.” (Mateo 28:19, 20; enzanisa naMabasa 5:42.) Kuparidza kwazvo pasuo nesuo zvino kuri kuitwa munyika dzinopfuura 230. Shoko razvinounza rakanaka, rinosimbisa zvipikirwa zvinoshamisa zveBhaibheri nokuda kweramangwana. Huregererei kutaura nazvo nguva inotevera yazvinoshanya?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe