Uri Kutevedzera Mwari Wedu Asingasaruri Here?
KUSASARURA—kunogona kuwanwa kupi? Kune Uyo asingasaruri chose chose, asina fungira mano yakaipa, chizivano, uye rusaruraganda. Iye ndiJehovha Mwari, Musiki worudzi rwomunhu. Zvisinei, pamusoro pevanhu, munyori weEngland wezana ramakore rechi19 Charles Lamb akanyora nokutendeseka, kuti: “Ndiri, mumashoko akajeka zvikuru, muunganidzwa wefungira mano yakaipa—inoumbwa nezvinodikanwa uye zvisingadikanwi.”
Pakunouya kukusasarura, ukama hwevanhu haugutsi zvikuru. Mazana akawanda amakore akapfuura Mambo akachenjera Soromoni waIsraeri akataura kuti “kana munhu ane simba pamusoro pomumwe, [ano]muitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Ruvengo rwedzinza, kurwisana kwamarudzi, uye kakavadzano dzemhuri zvinopfuurira kuwedzera. Naizvozvo, ndekwechokwadi here kudavira kuti, vari voga, vanhu vanogona kutanga nzanga isina kusarura?
Nhamburiko ine mufungo inodikanwa kudzora zvimiro zvedu zvendangariro uye kuzvibvisira timene fungira mano dzakaipa dzakasimba dzipi nedzipi. (VaEfeso 4:22-24) Tisingazvizivi tingada kuva nezvimiro zvendangariro zvakaumbwa nemhoteredzo yedu yenzanga nedzidzo zvakavambwa mumhuri yedu, dzinza, uye mamiriro ezvinhu orudzi. Iyi mirangariro inoratidzika seyakapfava inowanzova yakasimba uye inokurudzira zvimiro zvendangariro zvinotungamirira kukuva anosarura. Gweta reScotland uye mupepeti wenhau Francis Jeffrey rakatobvuma, kuti: “Hakuna chinhu chinonzvenga zvikuru kuziva kwenguva refu zvikuru kwomunhu, kupfuura kusaziva kwake kukura nesimba kwokufungira kwake mano akaipa.”
Lenaa ndemumwe munhu anobvuma kuti nhamburiko ine mufungo inodikanwa kurwisa murangariro wokuva anosarura. Kudzivisa mirangariro yefungira mano yakaipa mukati make amene, anoti, “kunoda basa rakakura nemhaka yokuti kurerwa kwapakuvamba ipesvedzero ine simba zvikuru.” Lena anobvumawo kuti zviyeuchidzo zvenguva dzose zvinodikanwa.
Chinyorwa chaJehovha Chokusasarura
Jehovha muenzaniso wakakwana wokusasarura. Kubva pamapeji okuvamba eBhaibheri, tinorava nzira yaakaratidzira nayo kusasarura kwake mukubata kwake navanhu. Tinogona kudzidza zvakawanda muiyi mienzaniso yakaisvonaka uye zviyeuchidzo.
Jehovha akaratidza kusasarura mukuronga zvinhu zvokuti muapostora wechiJudha Petro akazivisa mashoko akanaka kuna Kornerio uye vamwe Vamarudzi muna 36 C.E. Panguva iyoyo Petro akati: “Mwari haasi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
Mukubata kwake kwose nemhuri yavanhu, Jehovha nguva dzose akaratidzira kusasarura kwake. Kristu Jesu akati nezvaBaba vake: “Vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:45) Achirumbidzazve Jehovha saMwari asingasaruri, Petro akapupurira, kuti: “Une mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”—2 Petro 3:9.
Muzuva raNoa, apo “kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose,” Jehovha akarayira ruparadziko rwenyika iyoyo yorudzi rwomunhu. (Genesi 6:5-7, 11, 12) Zvisinei, pakurayira kwaMwari uye mukuonekwa zvakajeka nevanhu venguva yake, Noa akavaka areka. Nepo iye nevanakomana vake vakavaka areka yacho, Noa akanga ariwo “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Pasinei zvapo nokuziva mifungo yakaipa yemwoyo yechizvarwa ichocho, Jehovha nokusasarura akavatumira shoko rakajeka. Akanyandura ndangariro dzavo nemwoyo kupfurikidza nokuita kuti Noa avake uye kuparidza. Vakanga vane mukana uri wose wokugamuchira, asi panzvimbo pako vakanga “vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose.”—Mateo 24:39.
Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokusasarura kwaJehovha! Muano mazuva okupedzisira akaoma, kunosunda vabatiri vaMwari kuzivisa mashoko akanaka oUmambo nokusasarura kumwe cheteko. Kupfuurirazve, havaregi kuzivisa zuva ramatsive raJehovha. Vanhu vose vachiona, vanopa shoko raJehovha pasina rusaruro kuti munhu ari ose anzwe.—Isaya 61:1, 2.
Zvipikirwa zvaJehovha kumadzitateguru Abrahama, Isaka, uye Jakobho zvakajekesa kuti ndiMwari asingasaruri. Kupfurikidza nemutsara wakananga wemhuri yavo kwaizouya Akagadzwa kupfurikidza naye ‘marudzi ose apasi aizozvikomborera amene zvirokwazvo.’ (Genesi 22:18; 26:4; 28:14) Kristu Jesu akabvumikisa kuva uyo Akagadzwa iyeyo. Kupfurikidza norufu uye rumuko rwaJesu, Jehovha akagovera nzira yoruponeso nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. Hungu, betsero dzechibayiro chorudzikinuro chaKristu dzinowanika pasina rusaruro.
Mumazuva aMosesi, kusasarura kwaJehovha kwakazviratidzira kumene munzira inofadza zvikurusa pamusoro pevanasikana vaZerofehadhi. Ava vakadzi vashanu vakatarisana nechinetso chakaoma chine chokuita nenhaka yababa vavo muNyika Yakapikirwa. Ikoku kwakanga kwakadaro nemhaka yokuti yakanga iri tsika muna Israeri kuti nhaka yomunda ipfuuridzwe kupfurikidza nevanakomana vomurume. Zvisinei, Zerofehadhi akafa asina mwanakomana wokugamuchira nhaka. Vanasikana vashanu vaZerofehadhi naizvozvo vakasvitsa chikumbiro chavo chokubatwa zvisina rusaruro pamberi paMosesi, vachiti: “Zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzedu.” Jehovha akateerera zvikumbiro zvavo uye akarayira Mosesi, kuti: “Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.”—Numeri 27:1-11.
Muenzaniso worudo wakadini wokusasarura! Kuva nechokwadi chokuti nhaka yerudzi yaisazopfuudzwa kune rumwe rudzi apo vanasikana vakaroorwa, ivo vaidikanwira kuroorwa bedzi mu“rudzi rweimba yababa vavo.”—Numeri 36:5-12.
Imwe nzwisiso mukusasarura kwaJehovha inoonekwa mumazuva omutongi nomuporofita Samueri. Jehovha akamutuma kuti azodze mambo mutsva werudzi rwaJudha mumhuri yaJese muBhetrehema. Asi Jese akanga ane vanakomana vasere. Ndiani aizozodzwa samambo? Samueri akaororwa nechimiro chomuviri chaEriabi. Zvisinei, Jehovha haapesvedzerwi nezvitarisiko zvokunze. Akaudza Samueri, kuti: “Usatarira chiso chake, kana mhumhu wake, . . . nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” Dhavhidhi, mwanakomana mudukusa waJese, akasarudzwa.—1 Samueri 16:1, 6-13.
Kudzidza Mukusasarura kwaJehovha
Vakuru vechiKristu vanoita zvakanaka kutevedzera Jehovha kupfurikidza nokutarisa pamavara omudzimu omutendi biyavo. Kuri nyore kutonga munhu kupfurikidza nemipimo yedu timene, tichibvumira mirangariro yedu yomunhu oga kudzikatidza chisarudzo chedu. Sokutaura kwakaita mumwe mukuru kuti, “Ndinoedza kubata nevamwe munzira inofadza Jehovha, kwete zvakavakirwa pamifungo yangu ndimene yakafanorangarirwa.” Kunobetsera sei kuti vabatiri vose vaJehovha vashandise Shoko rake semupimo wavo!
Mienzaniso ichangobva kududzwa yeBhaibheri inotibetsera kurwisa mirangariro inosarira yefungira mano yakaipa yedzinza kana kuti yerudzi. Kupfurikidza nokutevedzera kusasarura kwaJehovha, tinodzivirira ungano yechiKristu pafungira mano yakaipa, rusaruraganda, uye chizivano.
Muapostora Petro akaziva kuti “Mwari haasi mutsauri wavanhu.” (Mabasa 10:34) Chizivano muvengi wokusasarura uye chinoputsa nheyo dzerudo nechinzwano. Jesu akafadza varombo, vasina simba, uye vakaderera, uye akaita kuti mutoro wavo ureruke. (Mateo 11:28-30) Akapesana zvikuru navatungamiriri vorudzidziso vechiJudha, avo vaishusha vanhu, vachivaremedza nemutoro unorema wemitemo. (Ruka 11:45, 46) Kuita ikoku uye kuratidza chizivano kuvapfumi navakatanhamara zvirokwazvo kwakanga kusingatsinhirane nedzidziso dzaKristu.—Jakobho 2:1-4, 9.
Nhasi, vakuru vechiKristu vanozviisa pasi poumusoro hwaKristu uye vanoratidza kusasarura kuvose vavanhu vaJehovha vakazvitsaurira. Sezvo vano‘fudza boka raMwari riri mutarisiro yavo,’ vanorega kuratidza chizivano nemhaka yenzvimbo mune zvemari, misiyano younhu, kana kuti batano dzemhuri. (1 Petro 5:2) Kupfurikidza nokutevedzera Mwari asingasaruri uye kuteerera nyevero dzake pamusoro pezviito zvechizivano, vakuru vechiKristu vanokurudzira mudzimu wokusasarura muungano.
Ungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha uhama hwamarudzi akawanda. Ufakazi hunooneka hwokuti nzanga isina fungira mano yakaipa, isingasaruri inogona kuva chinhu chaichoicho munhungamiro yaJesu Kristu. Zvapupu zvaka“fuk[a] munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” (VaEfeso 4:24) Hungu, vari kudzidza mumuenzaniso wakakwana waMwari asingasaruri, Jehovha, uye vane kariro yeupenyu husingagumi munyika itsva isina kusarura kwose.—2 Petro 3:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rokutsiva.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Muapostora Petro akaziva kuti Mwari haasaruri