RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 11/15 p. 24
  • Kodzero Yokubvuma Uchiziva Inosimbiswazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kodzero Yokubvuma Uchiziva Inosimbiswazve
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 11/15 p. 24

Kodzero Yokubvuma Uchiziva Inosimbiswazve

MUTONGO wemisi ichangobva kupfuura iyi wakataurwa noMutongi wePreliminary Investigations of the Court of Messina, Italy, wakasimbisazve kuti zvishuvo zvokurapwa zvomurwere akura zvinoshanda pana vanachiremba. Mutongo wacho wakapiwa mumhaka inobatanidza mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Muna January 1994, Antonino Stellario Lentini, Chapupu chine makore 64 okukura aiva murwere wehemophilia, chakamhanyiswa kuchipatara muTaormina, Messina. Mudzimai waAntonino, Catena, akaonesa vashandi vomuchipatara chacho kuti seZvapupu zvaJehovha nomurume wake vakanga vasingazobvumi kurapwa nokuisirwa ropa. (Mabasa 15:20, 28, 29) Zvishuvo zvavo zvakaremekedzwa.

Zvisinei, mukati mokuendeswa kune imwe nzvimbo yokutarisirwa kwoutano, Antonino akanetseka nokufema ndokusvika ari mumamiriro ezvinhu akakomba. Nokukurumidza pashure paikoko, akafa. Catena akarwadziwa, asi akawana nyaradzo huru muchipikirwa cheBhaibheri chorumuko. (Mabasa 24:15) Ipapo, kukushamisika kwake kukuru, vana mejasitiriti—zvichida vanyengedzwa nenhau dzisina kururama dzakaparadzirwa nezvinobudisa nhau—vakamupomera mhaka yokuparira kufa kwomurume wake nemhaka yokuti akaramba kuvhiya uko vana chiremba vairangarira kuti kwaiva madikanwa.

Pashure perinopfuura gore rimwe, pana July 11, 1995, Catena akawanwa asina mhaka, sezvo akanga asina kupara mhaka. Kutaura idi, chipupuriro chenyanzvi chakaratidza kuti, vachirangarira mugariro womurwere wacho, kuvhiya kwavanachiremba kungadai kusina kubatsira hako.

Asi kutaura kwomutongi kwakaratidzira nhau huru. Kwakaoma kugamuchira, iye akaonesa kudaro, pfungwa yokuti varapi vanofanira kupindira apo kurapa kunorambwa nomurwere kana kuti navanhu vanomumiririra. Bumbiro romutemo rezvokurapa muItaly, iye akawedzera kudaro, “rinofanoona kudikanwa kwokuwana kubvuma uchiziva kwomunhu anofarira pasati pava nokupindira kupi nokupi.” Nokudaro, iye akataura kuti Catena “nenzira yapamutemo akadzivisa murume wake kuti avhiyiwe.”

Ichi chisarudzo chinosimbisazve kodzero yomunhu mukuru yokuramba kurapa kunorwisana nezvishuvo zvake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe