RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 11/15 pp. 21-23
  • Shandisa Uyu Mukana weChienzi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Uyu Mukana weChienzi!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Chisarudzo Chokuchenjera
  • Nguva Yedu Ndiyo Chaiyo
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • ‘Ramba Uchitanga Kutsvaka Umambo’
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Hushumiri Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 11/15 pp. 21-23

Shandisa Uyu Mukana weChienzi!

PETER akanga afambira mberi zvikuru mufundo dzake dzekurapa apo shoko reBhaibheri reruponeso rakabata fariro yake. Apo akapedza kudzidza ndokutanga kushanda sachiremba muchipatara, vakuru vake vakapfuurira kumukurudzira kuti ave nyanzvi saneurosurgeon. Pano paiva nemukana uyo vanachiremba vatsva vazhinji vaizoshandisa pasina kuzengurira.

Bva, Petera akasarudza kurega uyu mukana. Nei? Aishayiwa zvake chishuvo uye sundo zvaidikanwa here? Aiwa, nokuti Peter akarangarira chikarakadzo chacho nenzira yokungwarira. Pashure pokuva Chapupu chaJehovha chakazvitsaurira, chakabhabhatidzwa, akashuva kupedzera nguva yakawanda seinobvira mumativi akasiyana-siyana oushumiri hwechiKristu. Angokwanirisa bedzi saneurosurgeon, akarangarira, basa rake raizopedza nguva yake nesimba zvakawanda. Akanga ari fuza here kurega iyi kariro yakatanhamara, kana kuti akanga akachenjera?

Kuna vamwe, chisarudzo chaPeter chingadai chakaratidzika kuva choufuza. Zvisinei, akarangarira magwaro eBhaibheri akadai saVaEfeso 5:15, 16. Ipapo muapostora Pauro akakurudzira vaKristu biyake, kuti: “Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera, [muchizvitengera mumene nguva yakafanira, NW] nokuti mazuva akaipa.”

Tapota cherekedza kutaura kwokuti “nguva yakafanira.” Kunoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rinoshandiswa muBhaibheri zvikurukuru kunongedzera kunguva kana kuti nhambo inoratidzirwa nemativi akati kana kuti yakafanira nokuda kwomubato wakananga. Pano Pauro akasimbisa kuti vaKristu vanofanira kuwanira nguva zvinhu zvinokosha. Zvirokwazvo, vanofanira “kuva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:10, NW) Inhau yokuisa zvinhu zvokutanga pakutanga.

Naizvozvo, ipapoka, chii chiri chinangwa choumwari nokuda kwenguva yedu? Chii chiri kuda kwaMwari nokuda kwaavo vanomuda? Uporofita hweBhaibheri hunozivisa zvakajeka zuva redu se“nguva yokupedzisira,” kana kuti “mazuva okupedzisira.” (Dhanieri 12:4; 2 Timotio 3:1) Kristu Jesu akajekesa chaizova choukoshi hukuru nokuda kwezuva redu. Nenzira yakananga akataura kuti mugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu usati wasvika, ‘aya mashoko akanaka oumambo aizoparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.’ Ipapo bedzi kuguma kwaizosvika.—Mateo 24:3, 14.

Naizvozvo, tinofanira kushandisa mukana uri wose kuparidza mashoko akanaka oUmambo ndokuita vadzidzi. (Mateo 28:19, 20) Sezvo iyi mibato isingazodzokororwi, uno ndiwo mukana wokupedzisira wokupa zvedu zvose muiri basa rinoponesa upenyu. Ino ndiyo “nguva yakafanira.” Zvirokwazvo, “zuva rokuponeswa.”—2 VaKorinte 6:2.

Kuita Chisarudzo Chokuchenjera

Peter—jaya radudzwa pakuvamba—rakafunga nokungwarira chisarudzo charo ndokuyera zvisarudzo zvaro. Rakaziva kuti kwaizova kungadai kusina kuipa kuti rifunde nomurangariro wokuva neurosurgeon. Asi chii chakanga chichikosha zvikurusa kwariri? Chakanga chiri mubato waro muushumiri hwechiKristu, richirangarira kurumidziro yeiri basa. Panguva imwe cheteyo, rakanga rine misengwa yokuita. Rakanga rakaroora uye raifanira kutsigira mudzimai waro, uyo ari kutora rutivi mubasa rokuparidza nguva yakazara. (1 Timotio 5:8) Peter aifanirawo kubhadhara zvikwereti zvaiva nechokuita nedzidzo yake. Chii, ipapoka, chaakasarudza kuita?

Peter akasarudza kuva nyanzvi yeradiology uye kuita ultrasound scans. Iri ndiro basa raizobatanidza zuva renguva dzose rokushanda. Aizogamuchirawo rovedzo yake mukati memaawa okushanda enguva dzose. Hungu, vamwe vangarangarira iyoyi kuva nzvimbo ine mukurumbira zvishoma, asi yaizomubvumira nguva yakawanda yokupa kuzvinorondwa zvomudzimu.

Kumwe kurangarira kwakasunda chisarudzo chaPeter. Nepo asingatongi vamwe vangave vakasarudza zvakasiyana, akaziva kuti kuva anonyanyobatanidzwa muzvinhu zvenyika kunopa ngozi nokuda kwomuKristu. Kunogona kumusakisa kuregeredza mitoro yomudzimu. Ikoku kunoratidzirwa nomumwe muenzaniso wakanga une chokuita nenhau yebasa.

Mumwe muparidzi woUmambo wenguva yakazara akanga ari munyori wemifananidzo akarovedzwa. Aikwanisa kuzvitsigira amene mune zvemari kupfurikidza nokutengesa mifananidzo yake. Nepo aipa yakawanda zvikurusa yenguva yake kuushumiri hwechiKristu hunokosha zvikuru, aigona nokudaro kuzvitsigira amene zvakanaka. Zvisinei, chishuvo chokuwedzera basa rake rokunyora mifananidzo chakavamba kukura. Akava anobatanidzwa zvikuru mukuita mifananidzo uye mukushandisa unyanzvi, akasiya ushumiri hwenguva yakazara, uye pakupedzisira akava asingaiti basa chose chose kana toreva nezvemubato wokuparidza Umambo. Pashure penguva yakati, akabatanidzwa mumufambiro usiri wapamagwaro, uchiguma nokusachava kwake rutivi rweungano yechiKristu.—1 VaKorinte 5:11-13.

Nguva Yedu Ndiyo Chaiyo

Seavo zvino vari kubatira Jehovha, zvirokwazvo tinoda kuramba takatendeka kwaari. Tinoziva kuti tiri kurarama munguva yechienzi zvikurusa munhau yomunhu. Kuti tirambe tichibatira Mwari uye kugonana nemamiriro ezvinhu omuzuva razvino nokubudirira, tingafanira kuita gadziridzo dzakasiyana-siyana. Tinogona kuenzanisa ikoku nenguva yokukohwa yomurimi. Iyoyo inguva yomubato chaiwo, apo vashandi vepapurazi vanokarirwa kuzvishandisa vamene kupfuura nguva dzose uye kupa maawa akareba ezuva rokushanda. Nei? Nemhaka yokuti mukohwe unofanira kuunganidzwa mukati menhambo yakaganhurirwa yenguva.

Kune nguva yakaganhurirwa zvikuru bedzi yasarira tsika ino yezvinhu yakaipa. Zvino kupfuura nakare kose, muKristu wechokwadi anofanira kuzvishandisa amene kutevera muenzaniso waJesu ndokufamba mumakwara ake. Upenyu hwake pasi pano hwakaratidzira nenzira yakajeka chakanga chiri choukoshi hukurusa kwaari. Akati: “Tinofanira kubate basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubate basa nahwo.” (Johane 9:4) Kupfurikidza nokutaura kuti usiku hwakanga huchiuya, Jesu akanga achinongedzera kunguva yomuedzo wake, kurovererwa, uye rufu, apo ushumiri hwake hwapasi hwaizoguma uye aizova asingakwanisi kuita mabasa aBaba vake vokudenga.

Chokwadi, mukati moushumiri hwake hwamakore matatu nehafu, Jesu akapedza imwe yenguva yake achiita zvishamiso uye kurapa vanorwara. Kunyange zvakadaro, akashandisa yakawanda zvikurusa yenguva yake kuparidza shoko roUmambo uye ku“paridza rusununguko kuvatapwa” vorudzidziso rwenhema. (Ruka 4:18, NW; Mateo 4:17) Jesu akaisa nhamburiko yapachokwadi muushumiri hwake uye akawanawo nguva yokurovedza vadzidzi vake kuti vagogona kuvaka panheyo yaakanga avanzarika uye kupfuurira nenzira inobudirira nebasa rokuparidza. Jesu akashandisa mukana uri wose kusimudzira fariro dzoUmambo uye aida kuti vadzidzi vake vaite chinhu chimwe chetecho.—Mateo 5:14-16; Johane 8:12.

SaJesu, isu tiri vateveri vake vomuzuva ranhasi tinofanira kuona mamirire orudzi rwomunhu sezvinoita Jehovha Mwari. Nguva iri kuperera tsika ino yezvinhu, uye Mwari nenzira yengoni anoda kuti vose vave nomukana wokuwana ruponeso. (2 Petro 3:9) Naizvozvo, kungasava kuchenjera here kuisa zvimwe zvose zvinorondwa munzvimbo yechipiri kukuitwa kwokuda kwaJehovha? (Mateo 6:25-33) Zvikurukuru mukati menguva chaiyo seiyi, chimwe chinhu chaizorangarirwa sechinokosha chingava choukoshi huduku muupenyu hwedu savaKristu.

Upi noupi wedu angatongodemba here kuisa kuda kwaMwari pakutanga muupenyu hwedu? Aiwa zvirokwazvo, nokuti nzira yechiKristu yokurega zvimwe zvinhu inotusa zvinoshamisa. Somuenzaniso, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.”—Marko 10:29, 30.

Hapana anogona kuisa ukoshi hwemari patuso dzinofarikanywa naavo vanoshandisa nguva yavo kurumbidza Jehovha uye kuzivisa shoko roUmambo. Vanofarikanya zvikomborero zvakawanda kwazvo! Izvi zvinobatanidza shamwari dzechokwadi, gutsikano yokuita kuda kwaMwari, nyemwerero yetendero yaMwari, uye kariro youpenyu husingagumi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Uye chikomborero chakadini kubetsera vanhu mumudzimu ndokuunza rukudzo kuzita dzvene raJehovha seZvapupu zvake! Pasina panikiro, “kutenga nguva yakafanira” inzira yokuchenjera zvirokwazvo uye inotusa. Zvino sezvisina kumboitika nakare kose ndiyo nguva yokugoverana mukuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Uchashandisa ndokuomerera kuuyu mukana wechienzi here?

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rokutsiva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe