Mwari Anoda Kutsanya Here?
MUTEMO waMwari wakapiwa kupfurikidza naMosesi waida kutsanya bedzi panhambo imwe—paZuva reYananisiro regore negore. Mutemo wacho wakarayira kuti pazuva iroro vaIsraeri vakanga vachifanira ku‘tambudza mweya yavo,’ uko kunonzwisiswa kureva kuti vakatsanya. (Revhitiko 16:29-31; 23:27; Pisarema 35:13) Zvisinei, uku kutsanya kwakanga kusati kuri muitirowo zvawo. Kuchengetwa kweZuva reYananisiro kwaisunda vanhu vaIsraeri kuziva zvikuru kutadza kwavo nokuda kununurwa. Vaitsanya pazuva irorowo kuti varatidze rusuruvaro rwezvivi zvavo norupfidzo pamberi paMwari.
Kunyange zvazvo uku kwakanga kuri bedzi kutsanya kunosungirwa muMutemo waMosesi, vaIsraeri vaichengeta kutsanya pane dzimwe nhambo. (Eksodho 34:28; 1 Samueri 7:6; 2 Makoronike 20:3; Ezra 8:21; Estere 4:3, 16) Kwaibatanidzwa pakati pouku kwakanga kuri kutsanya kwokuzvidira somutoo wokuratidzira nawo rupfidzo. Jehovha akakurudzira vanhu vaikanganisa vaJudha, kuti: “Tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuwungudza.” Iyi yakanga isingafaniri kuva ratidziro yokunze, nokuti Mwari anopfuurira kuti: “Bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguvo dzenyu.”—Joere 2:12-15.
Pashure penguva yakati, vakawanda vakatsanya somuitiro wokunze. Jehovha ainyangadzwa nokutsanya kusiri kwapachokwadi kwakadaro uye naizvozvo akabvunza vaIsraeri vainyengera, kuti: “Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndirero zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvezvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here?” (Isaya 58:5) Panzvimbo pokuita kuratidzirwa kwamanyawi kwokutsanya kwavo, ava vanhu vakasindimara vakakumbirwa kubereka mabasa akafanira rupfidzo.
Kumwe kutsanya kwakatangwa navaJudha hakuna kutenderwa naMwari kubva pakuvamba chaipo. Somuenzaniso, pane imwe nguva vanhu vaJudha vakanga vane kutsanya kuna kwegore negore kuti vachengete zviitiko zvine ngozi zvaiva nechokuita nokukombwa kweJerusarema uye ruparadziko muzana ramakore rechinomwe B.C.E. (2 Madzimambo 25:1-4, 8, 9, 22-26; Zekaria 8:19) Pashure pokunge vaJudha vasunungurwa muutapwa muBhabhironi, Jehovha akati kupfurikidza nomuporofita Zekaria: “Zvamaizvinyima zvokudya . . . , makore ano ane makumi manomwe, matongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?” Mwari haana kutendera uku kutsanya nemhaka yokuti vaJudha vakanga vachitsanya nokuchema pamusoro porutongeso rwakanga rwabva kuna Jehovha amene. Vakanga vachitsanya nemhaka yengwavaira yakavawira, kwete nemhaka yezvakaipa zvavo vamene zvakatungamirira kwairi. Pashure pokunge vadzorerwa kunyika yokumusha kwavo, yakanga yava nguva yokuti vafare panzvimbo pokuchema nguva yakapfuura.—Zekaria 7:5.
Kutsanya ndokwavaKristu Here?
Kunyange zvazvo Jesu Kristu asina kutongorayira vadzidzi vake kuti vatsanye, iye navateveri vake vakatsanya paZuva Rokuyananisira nemhaka yokuti vakanga vari muMutemo waMosesi. Mukuwedzera, vamwe vavadzidzi vake vakatsanya nokuzvidira pane dzimwe nhambo, sezvo Jesu asina kuvarayira kuti vadzivise muitiro wacho chose chose. (Mabasa 13:2, 3; 14:23) Bva, vakanga vasingatongofaniri ku‘chinja zviso zvavo kuti varatidzike kuvanhu kuti vakanga vari kutsanya.’ (Mateo 6:16) Kuratidzira kwokunze kwakadaro kwoutsvene kungaunza kutarisa kwokuyemura uye kugutsurira kwokutendera kunobva kuna vamwe vanhu. Kunyange zvakadaro, Mwari haafadzwi nokuratidzira kwamanyawi kwakadaro.—Mateo 6:17, 18.
Jesu akataurawo nezvokutsanya kwavateveri vake panguva yokufa kwake. Nenzira iyoyo akanga asiri kutanga kutsanya kwomuitiro. Panzvimbo pezvo, akanga achiratidzira kuita kukusuruvara kukuru kwavaizova nako. Angomutswa bedzi, aizova navo zvakare, uye paisazovazve nechikonzero chakadaro chokuti vatsanye.—Ruka 5:34, 35.
Mutemo waMosesi wakaguma apo “Kristuwo, zvaakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji.” (VaHebheru 9:24-28) Uye nokuguma kwoMutemo, murayiro wokutsanya paZuva Reyananisiro wakaguma. Nokudaro, kutsanya bedzi kwaisungirwa kunodudzwa muBhaibheri kwakabviswa.
Zvakadiniko noMutsanyo?
Chii, ipapoka, chiri hwaro hwomuitiro wechiKristudhomu wokutsanya mukati moMutsanyo? Dzose dziri mbiri chechi dzeKaturike nedzePurotesitendi dzinoziva Mutsanyo, kunyange zvazvo mutoo wokuchengeta nawo uchisiyana muchechi nechechi. Vamwe vanodya kamwe pazuva mukati menhambo yakazara yamazuva 40 inotangira Isita. Vamwe vanotsanya chose chose bedzi paAsh Wednesday neGood Friday. Nokuda kwavamwe, Mutsanyo unoda kurega nyama, hove, mazai, uye zvinogadzirwa nomukaka.
Mutsanyo sezvinofungidzirwa wakavakirwa pakutsanya kwaJesu kwamazuva 40 pashure pokubhabhatidzwa kwake. Iye ipapoka akanga ari kutanga tsika yaifanira kuteverwa gore negore here? Nyangwe napaduku hapo. Ikoku kuri pachena muidi rokuti Bhaibheri harinyori muitiro upi noupi wakadaro pakati pavaKristu vapakuvamba. Mutsanyo wakatanga kuchengetwa muzana ramakore rechina pashure paKristu. Kufanana nedzimwe dzidziso dzakawanda dzechiKristudhomu, wakawanwa kumanyuko echihedheni.
Kana Mutsanyo uri kutevedzera kwokutsanya kwaJesu murenje pashure pokubhabhatidzwa kwake, nei kuchichengetwa mukati mevhiki dzinotungamirira kuIsita—inofungidzirwa kuva nguva yokumutswa kwake? Jesu haana kutsanya mukati mamazuva asati afa. Nhoroondo dzeEvhangeri dzinoratidzira kuti iye navadzidzi vake vakashanyira misha ndokudya zvokudya muBhetania mazuva mashomanene chete asati afa. Uye akadya chidyo chePaseka asati afa.—Mateo 26:6, 7; Ruka 22:15; Johane 12:2.
Pane chimwe chinhu chinofanira kudzidzwa mukutsanya kwaJesu pashure pokubhabhatidzwa kwake. Akanga ari kutanga ushumiri hunokosha. Kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha uye nguva yemberi yorudzi rwose rwomunhu zvakanga zvichibatanidzwa. Iyi yakanga iri nguva yokufungisisa kukuru uye yokutendeukira kuna Jehovha nenzira yokunyengetera nokuda kwebetsero nenhungamiro. Mukati menguva iyi Jesu akatsanya nenzira yakafanira. Ikoku kunoratidzira kuti kutsanya kunogona kuva kunobetsera apo kunoitwa nevavariro yakarurama uye panhambo yakakodzera.—Enzanisa naVaKorose 2:20-23.
Apo Kutsanya Kungagona Kuva Kunobetsera
Ngatirangarirei dzimwe nhambo nhasi apo munamati waMwari angatsanya. Munhu aita chivi angasanzwa achida kudya kwenhambo yakati yenguva. Ikoku kungasava kuti aorore vamwe kana kuti kutsamwira chirango chagamuchirwa. Uye, chokwadika, kutsanya makuri kumene kungasaruramisa nhau naMwari. Zvisinei, munhu anopfidza zvirokwazvo anganzwa kusuruvara kukuru pamusoro pokuva arwadzisa Jehovha uye zvimwe shamwari nemhuri. Nhamo nomunyengetero wapachokwadi wekanganwiro zvingadzivisa chishuvo chezvokudya.
Mambo waIsraeri Dhavhidhi akava nechakaitika chakafanana. Paakatarisana nekariro yokurasikirwa nomwanakomana wake naBhati-shebha, akanangidzira ngwariro nhamburiko dzake dzose pakunyengetera kuna Jehovha kuti awane ngoni pamusoro pomwana wacho. Sezvo mirangariro yake nesimba zvakapinda muminyengetero yake, akatsanya. Nenzira yakafanana, kudya zvokudya kungasaratidzika kuva kwakafanira mumamiriro ezvinhu anotambudza akati nhasi.—2 Samueri 12:15-17.
Pangavawo nenguva apo munhu woumwari anoda kunangidzira ngwariro pane imwe nhau huru yomudzimu. Nzvero muBhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu ingava iri madikanwa. Nhambo yenguva ingadikanwa nokuda kwokufungisisa. Mukati menhambo yefundo yokufungisisa yakadaro, mumwe munhu angasarudza kusava anotsauswa kupfurikidza nokudyiwa kwezvokudya.—Enzanisa naJeremia 36:8-10.
Pane mienzaniso yapaMagwaro yavabatiri vaMwari vachitsanya apo zvisarudzo zvakakomba zvaifanira kuitwa. Muzuva raNehemia mhiko yakanga ichifanira kuitwa kuna Jehovha, uye vaJudha vaizotukwa kudai vakaiputsa. Vakanga vachifanira kuvimbisa kuchatanura vadzimai vavo vokumwe uye kuramba vakaparadzana namarudzi akapoteredza. Vasati vaita iyi mhiko uye mukati mokureurura mhaka yavo, ungano yose yakatsanya. (Nehemia 9:1, 38; 10:29, 30) Paanotarisana nezvisarudzo zvakaoma, muKristu naizvozvo angasadya zvokudya kwenhambo pfupi yenguva.
Kuita zvisarudzo kwaiitwa nemitumbi yavakuru muungano yechiKristu yapakuvamba pane dzimwe nguva kwaiperekedzwa nokutsanya. Nhasi, vakuru veungano vatarisana nezvisarudzo zvakaoma, zvichida zvine chokuita nenhau yokutonga, vangarega zvokudya pavanenge vachirangarira nhau yacho.
Kusarudza kutsanya mumamiriro ezvinhu akati chisarudzo chomunhu oga. Mumwe munhu haafaniri kutonga mumwe panhau iyi. Hatifaniri kuda ku“onekwa navanhu kunze kwe[du] [ta]kaita s[et]akarurama”; uyewo hatifaniri kuita kuti zvokudya zvive zvinokosha kwazvo zvokuti zvinovhiringidza kutarisira kwedu misengwa yakakomba. (Mateo 23:28; Ruka 12:22, 23) Uye Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari haadi kuti titsanye uyewo haatidzivisi kutsanya.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Unoziva nei Jesu akatsanya kwamazuva 40 pashure pokubhabhatidzwa kwake here?