RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 10/1 pp. 14-19
  • Mutsa weChikristu Munyika Yakakamukana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mutsa weChikristu Munyika Yakakamukana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Fambira Nherera Nechirikadzi”
  • Pane Vokumwe Pakati Pedu Here?
  • Goverana Navatsvene
  • Panhambo Chaidzo
  • ‘Ivai Nomutsa Musinganyunyuti’
  • Nei Zvichikosha Zvikuru Kuti Tigamuchire Vaeni Zvakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • “Teverai Nzira Yomutsa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Gamuchiranai Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Tarisira Nherera Nechirikadzi Pakutambudzika Kwadzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 10/1 pp. 14-19

Mutsa weChikristu Munyika Yakakamukana

“Isu, naizvozvo, tinosungirwa kugamuchira vanhu vakadaro nomutsa, kuti tigova vashandi pamwe chete muzvokwadi.”—3 JOHANE 8, NW.

1. Zvipoi zvinoshuviwa zvikurusa izvo Musiki akapa rudzi rwomunhu?

“MUNHU haana chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose oupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.” (Muparidzi 8:15) Namashoko iwayo muunganidzi wakare wechiHebheru anotiudza kuti Jehovha Mwari haangodi bedzi kuti chisiko chake chavanhu chive chinofara asi anogoverawo mitoo yokuti vadaro. Munhau yose yavanhu chishuwo chimwe chinozivikanwa navose pakati pavanhu kwose kwose chinoratidzika kuva chokuti vafarikanye vamene uye vave nenguva yakanaka.

2. (a) Rudzi rwomunhu rwakashandisa zvisina kufanira sei izvo Jehovha akavarongera? (b) Chii chiri mugumisiro?

2 Nhasi tinorarama munzanga inoda mufaro umo vanhu vakabatikana nokuronda mifarwa nenguva dzakanaka. Vanhu vakawanda zvikurusa vakava “vanozvida, . . . vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari,” sezvo Bhaibheri rakafanotaura. (2 Timotio 3:1-4) Ikoku, chokwadika, kukanganiswa kwakakomba kweizvo Jehovha Mwari akaronga. Apo kuronda nguva dzakanaka kunova chinangwa chikuru, kana kuti apo kuzvigutsa umene kunova vavariro bedzi, hapana gutsikano yechokwadi, uye ‘chinhu chiri chose chinova chisina maturo uye kudzingana nemhepo.’ (Muparidzi 1:14; 2:11) Somugumisiro nyika yakazadzwa nevanhu vakasurikirwa nevakakangaidzika, avo, somugumisiro, vanotungamirira vakawanda kuzvinetso munzanga. (Zvirevo 18:1) Vanhu vanova vanonyumwirana uye vanova vakakamukana murudzi, mudzinza, munzanga, uye mumari.

3. Tinogona sei kuwana mufaro wechokwadi negutsikano?

3 Zvinhu zvaizova zvakasiyana sei kudai vanhu vaitevedzera nzira yaJehovha yokubata nayo navamwe—kuva vane tsitsi, vane rupo, uye vane mutsa! Iye akajekesa kuti chakavanzika kumufarwa wechokwadi hachisi mukuedza kwedu kugutsa zvishuwo zvedu timene. Panzvimbo pezvo, ichi ndicho chinokosha: “Kupa kunomufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kuti tiwane mufaro wechokwadi negutsikano, tinofanira kukurira mhinganidzo uye mapoka angatiganhurira. Uye tinofanira kusvasvavirira avo vanobatira Jehovha pamwe chete nesu. Kunokosha kuti titeerere zano, rinoti: “Isu, naizvozvo, tinosungirwa kugamuchira vanhu vakadaro nomutsa, kuti tigova vashandi pamwe chete muzvokwadi.” (3 Johane 8, NW) Kuratidza mutsa kuvakafanira, kusvikira kutambanuko uko mamiriro ezvinhu edu anobvumira, kunobetsera munzira mbiri—kunobetsera vose vari vaviri vapi navagamuchiri. Ndivanaani, ipapoka, vari pakati pavakafanira vatinofanira ku‘gamuchira nomutsa’?

“Fambira Nherera Nechirikadzi”

4. Ichinjoi muukama hwemhuri inooneka kunyange pakati pavamwe vavanhu vaJehovha?

4 Mhuri dzakagadzikana neroorano dzinofara ishoma nhasi. Mwero inokwira yechatanuro uye nhamba inowedzera yavanamai vasina kuroorwa kupota nyika zvakachinja zvikuru mhuri yegamuchidzanwa. Somugumisiro, vakawanda vakava Zvapupu zvaJehovha mumakore achangobva kupfuura vanobva mumhuri dzakapunzika. Vakachatanurwa kana kuti zvimwe vakaparadzana nevakwanyina vavo veroorano, kana kuti vanorarama mumhuri dzine mubereki mumwe. Mukuwedzera, sezvo Jesu akafanotaura, zvokwadi yaakadzidzisa yakaguma nemapoka mumhuri dzakawanda.—Mateo 10:34-37; Ruka 12:51-53.

5. Jesu akati chii chinogona kuva manyuko ekurudziro kuavo vari mumhuri dzakakamukana?

5 Zvinofadza mwoyo wedu kuona vatsva vachiita chiito chakasimba nokuda kwezvokwadi, uye kazhinji kazhinji tinovanyaradza nechipikirwa chinokurudzira chaJesu: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.”—Marko 10:29, 30.

6. Tinogona sei kuva ‘hama, hanzvadzi, vanamai, uye vana’ ku“nherera nechirikadzi” dziri pakati pedu?

6 Ndivanaani, kunyange zvakadaro, vari idzi ‘hama nehanzvadzi uye vanamai navana’? Kungoona chete nhamba huru yavanhu paHoro yoUmambo, kazhinji kazhinji zana kana kuti kupfuura, vanozvidana vamene kuti hama nehanzvadzi hakungoerekani kwaita kuti munhu arangarire kuti ava ihama dzake, hanzvadzi, vanamai, uye vana. Rangarira iri pfundo: Mudzidzi Jakobho anotiyeuchidza kuti kuti kunamata kwedu kugamuchirike kuna Jehovha, tinofanira ku‘tarisira nherera nechirikadzi mudambudziko radzo uye kuzvichengeta timene tisina ruvara runobva munyika.’ (Jakobho 1:27) Ikoko kunoreva kuti hatifaniri kubvumira zvimiro zvendangariro zvenyika zvorudado rwemari uye ukuru hweboka kuvhara suo redu retsitsi ku“nherera nechirikadzi” dzakadaro. Panzvimbo pezvo, tinofanira kutanga kuvatambanudzira ushamwaridzani hwedu nomutsa.

7. (a) Chii chiri chinangwa chaichoicho chokuva nomutsa ku“nherera nechirikadzi”? (b) Ndivanaaniwo vangakwanisa kugoverana mukuratidza mutsa wechiKristu?

7 Kuratidza mutsa ku“nherera nechirikadzi” hakubatanidzi nguva dzose kupa zvavanoshayiwa munyama. Mhuri dzine mubereki mumwe kana kuti mhuri yakakamukana mune zvorudzidziso hadzisi hadzo dzisina mari. Zvisinei, songaniro yakanaka, mamiriro ezvinhu emhuri, ushamwaridzani navanhu vamazera akasiyana-siyana, uye kugoverana zvinhu zvakanaka zvomudzimu—aya mativi oupenyu anokosha. Nokudaro, tichiyeuka kuti, hakusi kunaka kwenhambo yacho, asi mudzimu worudo nechinzwano zvinokosha, kwakaisvonaka sei kuti, padzimwe nguva, kunyange “nherera nechirikadzi” dzinogona kugoverana mukuratidza mutsa kuvaKristu biyadzo!—Enzanisa na1 Madzimambo 17:8-16.

Pane Vokumwe Pakati Pedu Here?

8. Ichinjoi inooneka muungano dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha?

8 Tiri kurarama munguva yokutama kwavanhu vakawanda. “Vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 kupota nyika vari kurarama munyika dzavasiri vagari vemo, uye mamiriyoni 23 vanomanikidzwa kubva munyika dzavo vamene,” inodaro World Press Review. Mugumisiro wakananga waikoku wave uri wokuti munharaunda dzakawanda, zvikurukuru mumaguta makuru zvikuru, ungano dzavanhu vaJehovha dzakanga dzakamboumbwa zvikurukuru norudzi rumwe kana kuti dzinza zvino dzine vanhu vanobva mumativi akasiyana-siyana enyika. Zvichida ikoku ndokwechokwadi kwauri. Tinofanira, kunyange zvakadaro, kurangarira sei ava “vaeni” uye “vokumwe,” sezvo nyika ingavadana, vane mutauro, tsika, uye mararamire zvingava zvakasiyana nezvedu?

9. Imhinganidzoi yakakomba inogona kutibata pamusoro pomurangariro wedu wa“vaeni” uye “vokumwe” vari kupinda muungano yechiKristu?

9 Kuchitaurwa zvakapfava, hatifaniri kubvumira zvimiro zvipi nezvipi zvendangariro zvokutya kutiita kuti tirangarire kuti takati fanirwei zvikuru neropafadzo yokuziva zvokwadi kupfuura avo vakabva kunyika yechienzi kana kuti inonzi yechihedheni; uyewo hatifaniri kunzwa sokunge kuti ava vauyi vatsva vari kuvhozhokera pakushandiswa kweHoro yoUmambo kana kuti zvimwe zvinhu. Muapostora Pauro akanga achifanira kuyeuchidza vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vechiJudha, avo vakachengeta mirangariro yakadaro, kuti chaizvoizvo hapana akanga akafanira; dzakanga dziri tsitsi dzisakafanirwa dzaMwari dzakakuita kuti kubvirire munhu upi noupi zvake kuti awane ruponeso. (VaRoma 3:9-12, 23, 24) Tinofanira kufara kuti tsitsi dzisakafanirwa dzaMwari zvino dziri kusvika vanhu vakawanda kwazvo avo, mune imwe nzira, vakanga vasina kupiwa mukana wokunzwa mashoko akanaka. (1 Timotio 2:4) Tinogona sei kuratidza kuti kuvada kwedu ndokwapachokwadi?

10. Tinogona sei kuratidza kuti tine mutsa zvapachokwadi ku“vokumwe” vari pakati pedu?

10 Tinogona kutevera zano raPauro: “Gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.” (VaRoma 15:7) Tichiziva kuti vanhu vanobva kune dzimwe nyika kana kuti mamiriro ezvinhu kazhinji kazhinji varombo, tinofanira kuvaratidza tsitsi uye kuitira hanya apo tinenge tichikwanisa kuita kudaro. Tinofanira kuvagamuchira pakati pedu, kubata mumwe nomumwe wavo “somunhu wakaberekerwa pakati p[edu],” uye “kumuda sezvaunozvida iwe.” (Revhitiko 19:34) Ikoku kungasava nyore kuita, asi tichabudirira kana tikayeuka zano, rokuti: “Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.”—VaRoma 12:2.

Goverana Navatsvene

11, 12. Kurangarirai chaiko kwakapiwa kuvabatiri vakati vaJehovha muna(a) Israeri wakare (b) muzana rokutanga ramakore?

11 Pakati paavo vanofanirwa zvirokwazvo nokurangarira kwedu nomutsa vaKristu vakakura mumudzimu vanoshanda nesimba nokuda kwegarikano yedu yomudzimu. Jehovha akaita gadziriro chaidzo nokuda kwavaprista navaRevhi muna Israeri wakare. (Numeri 18:25-29) Muzana ramakore rokutanga, vaKristu vakakurudzirwawo kutarisira avo vaivabatira munzvimbo chaidzo. Nhoroondo iri pana 3 Johane 5-8 inotipa chiono chipfupi chechisungo chakasimba chorudo chakanga chiri pakati pavaKristu vapakuvamba.

12 Muapostora akwegura Johane akakoshesa zvikuru tsitsi nomutsa izvo Gayo akanga aratidza kuhama dzakati dzaifambira dzakanga dzatumwa kuzoshanyira ungano yacho. Idzi hama—kubatanidza Dhemetrio—sezviri pachena akanga apa tsamba yacho—vose vakanga vari vaeni kana kuti vasingazivikanwi naGayo. Asi vakagamuchirwa nomutsa nemhaka yokuti “vakabuda nokuda kwezita [raMwari].” Johane akakutaura neiyi nzira: “Isu, naizvozvo, tinosungirwa kugamuchira vanhu vakadaro nomutsa, kuti tigova vashandi pamwe chete muzvokwadi.”—3 Johane 1, 7, 8, NW.

13. Ndivanaani pakati pedu nhasi vanofanirwa zvikuru noku‘gamuchirwa nomutsa’?

13 Nhasi, mukati mesangano raJehovha, mune vakawanda vari kuzvishandisa vamene zvakasimba nokuda kwesonganiro yose yehama. Ivava vanobatanidza vatariri vanofambira, avo vanopedza nguva yavo nesimba vhiki pashure pevhiki mukuvaka ungano; vafundisi, avo vanosiya mhuri neshamwari kuti vaparidze munyika dzokumwe; avo vanobatira pamisha yeBheteri kana kuti hofisi dzebazu, vanopa betsero yavo kuti vatsigire basa rokuparidza romunyika yose; uye avo vari mubasa roupiyona, vanopedza rutivi rukuru rwenguva yavo nesimba vari muushumiri hwomumunda. Zvikurukuru, vose ivava vanoshanda nesimba, kwete nokuda kwembiri ipi neipi yomunhu oga kana kuti chibereko, asi nemhaka yokuda uhama hwechiKristu naJehovha. Vakafanirwa nokutevedzerwa nesu nemhaka yokuzvipira kwavo kwomwoyo wose uye vakafanirwa nokuva vano‘gamuchirwa nomutsa.’

14. (a) Kunodaro sei kuti tinova vaKristu vari nani sei apo tinoratidza mutsa kuvakatendeka? (b) Nei Jesu akataura kuti Maria akasarudza “mugove wakanaka”?

14 Apo tino“gamuchira vanhu vakadaro nomutsa,” muapostora Johane akaratidza kudaro, tinova “vashandi pamwe chete muzvokwadi.” Mupfungwa yakati tinova vaKristu vari nani somugumisiro. Ikoku imhaka yokuti mabasa echiKristu anobatanidza kuita zvakanaka kuvatendi biyedu. (Zvirevo 3:27, 28; 1 Johane 3:18) Pane tuso mune imwe nzirawo. Apo Maria naMarta vakagamuchira Jesu mumusha mavo, Marta akanga achida kuva mugamuchiri akanaka kupfurikidza nokugadzirira Jesu “zvinhu zvizhinji.” Maria akaratidza mutsa munzira yakasiyana. Iye “akagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake,” uye Jesu akamurumbidza nokuda kwokusarudza “mugove wakanaka.” (Ruka 10:38-42) Kurukurirano nokutaurirana naavo vane makore akawanda oruzivo rwokuzviwanira kazhinji kazhinji mapfundo makuru emanheru anopedzwa musonganiro yavo.—VaRoma 1:11, 12.

Panhambo Chaidzo

15. Inhamboi chaidzo dzingabvumikisa kuva nguva dzinofadza dzavanhu vaJehovha?

15 Kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vasingateveri tsika dzakakurumbira kana kuti kuchengeta mazororo enyika uye mitambo, pane nhambo apo vanova pamwe chete kuti vafarikanye ushamwaridzani. Somuenzaniso, Jesu akapinda mutambo weroorano muKana ndokuwedzera mufaro wenhambo yacho kupfurikidza nokuita chishamiso chake chokutanga ipapo. (Johane 2:1-11) Nenzira yakafanana nhasi, vanhu vaJehovha vane nguva dzinofadza pamwe chete panhambo chaidzo dzakafanana, uye kuchengeta kwakafanira uye mitambo inowedzera zvakawanda kuzviitiko zvakadaro. Chii, kunyange zvakadaro, chakafanira?

16. Inhungamiroi dzatinadzo pamusoro pomufambiro wakafanira kunyange nokuda kwenhambo chaidzo?

16 Kubva mufundo yedu yeBhaibheri, tinodzidza mufambiro uri wakafanira vaKristu, uye tinokutevera panguva dzose. (VaRoma 13:12-14; VaGaratia 5:19-21; VaEfeso 5:3-5) Kuungana kwokutandara, kungava kune chokuita nemichato kana kuti nokuda kwechimwe chikonzero chipi nechipi, hakutipi rusununguko rwokurega mipimo yedu yechiKristu kana kuti kuita chimwe chinhu chataisazowanzoita; uyewo hatisungirwi kutevera tsika dzose dzomunyika matinogara. Dzakawanda dzakadaro dzakavakirwa pamiitiro yenhema yorudzidziso kana kuti kutenda mashura, uye dzimwe dzinobatanidza mufambiro usingagamuchiriki nenzira yakajeka kuvaKristu.—1 Petro 4:3, 4.

17. (a) Zvinhui zvinoratidza kuti mutambo womuchato muKana wakanga wakasanorongwa uye uchitarisirwa zvakafanira? (b) Chii chinoratidzira kuti Jesu akatendera nhambo iyoyo?

17 Tichirava Johane 2:1-11, hakuna kuoma kuti tione kuti nhambo yacho yakanga yakasanorongwa uye kuti nhamba huru zvikuru yavaeni yakanga iripo. Zvisinei, Jesu navadzidzi vake vakanga vari vaeni vaka“danwa”; havana kungosvika, kunyange zvazvo vamwe vavo sezvingabvira vakanga vane ukama hwokunyama nomugamuchiri wacho. Tinocherekedzawo kuti pakanga pane avo vakanga vari “varanda” pamwe chete no“mukuru,” uyo aizopa nhungamiro kune zvaizopiwa kana kuti kuitwa. Kwose ikoku kunoratidzira kuti nhau yacho yakanga yakasanorongwa uye ichitarisirwa zvakafanira. Nhoroondo yacho inovhara nokutaura kuti kupfurikidza nezvaakaita pamutambo, Jesu “akaratidza kubwinya kwake.” Iye aizova akasarudza nhambo iyoyo kuita izvozvo kudai wakanga uri mutambo usina kunaka uye usingadzorwi here? Nenzira isingapanikirwi kwete.

18. Mufungoi wakakomba unofanira kupiwa kuchiitiko chipi nechipi chokutandara?

18 Zvakadiniko, ipapoka, nenhambo dzipi nedzipi chaidzo dzatingava nadzo? Tinoda kuyeuka kuti chinangwa chokugamuchira vamwe nomutsa ndechokuti tose tive “vashandi pamwe chete muzvokwadi.” Nokudaro, hakuna kukwana kutaura chiitiko kuva kuungana kwe“Zvapupu.” Mubvunzo ungabvunzwa, kuti, Kutaura idi uchapupu hwokuti tiri vanaani uye tinodavirei here? Hatitongofaniri kurangarira nhambo dzakadaro semikana yokuona kuti tinogona kusvika kupi munyika yamakwikwi nenzira dzayo, mukunyura mu“kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu.” (1 Johane 2:15, 16) Panzvimbo pezvo, idzi nhambo dzinofanira kuratidzira zvakafanira basa redu seZvapupu zvaJehovha, uye tinofanira kuva nechokwadi chokuti zvatinoita zvinounza mbiri norukudzo kuna Jehovha.—Mateo 5:16; 1 VaKorinte 10:31-33.

‘Ivai Nomutsa Musinganyunyuti’

19. Nei tichifanira kuva “vane mutsa kuno mumwe nomumwe tisinganyunyuti”?

19 Sezvo mamiriro ezvinhu enyika achipfuurira kuipa uye vanhu vachiva vakakamukana zvikuru nguva dzose, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tisimbise chisungo chakasimba chiri pakati pavaKristu vechokwadi. (VaKorose 3:14) Nemhaka yaikoku tinofanira ku“dana[na] norudo rukuru,” sezvo Petro akatikurudzira. Ipapo, mumashoko anoshanda, iye akawedzera, kuti: “Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.” (1 Petro 4:7-9) Tinodisa kutanga kuva nomutsa kuhama dzedu here, kuzvishandisa timene kuti tive vane mutsa uye vane tsitsi? Kana kuti tinonyunyuta apo mukana wakadaro unomuka here? Kana tichidaro, tinoita kuti mufaro watingagona kuva nawo usashanda uye tinorasikirwawo nomubayiro womufarwa nokuda kwokuita zvakanaka.—Zvirevo 3:27; Mabasa 20:35.

20. Zvikomboreroi zvakatimirira kana tikashandisa kuva nomutsa munyika yanhasi yakakamukana?

20 Kusanoshanda navaKristu biyedu, kuva vane tsitsi navane mutsa kuno mumwe nomumwe, kuchaunza zvikomborero zvisingaperi. (Mateo 10:40-42) Kuvakadaro Jehovha akapikira kuti aizo“vadzitira netabhernakeri. [Vakanga vasinga]zoziyi nenzara, [vasinga]zofi nenyota.” Kuva mutende raJehovha kufarikanya dziviriro yake nomutsa. (Zvakazarurwa 7:15, 16; Isaya 25:6) Hungu, pamberi apa pane kariro yokufarikanya mutsa waJehovha nokusingaperi.—Pisarema 27:4; 61:3, 4.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Chii chatisingafaniri kufuratira kana tichida kuwana mufaro wechokwadi negutsikano?

◻ Ndivanaani vari “nherera nechirikadzi,” uye tinofanira ku“vatarisira” sei?

◻ Tinofanira kurangarira sei “vaeni” uye “vokumwe” vari pakati pedu?

◻ Ndivanaani vakafanirwa nokurangarirwa chaiko nhasi?

◻ Nhambo chaidzo dzinofanira kuratidzira sei mudzimu wechokwadi womutsa?

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Panhambo dzemitambo tinogona kuva nomutsa kuvokumwe, vana vasina madzibaba, vari mubasa renguva yakazara, uye vamwe vaeni

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe