RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 10/1 pp. 9-13
  • “Teverai Nzira Yomutsa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Teverai Nzira Yomutsa”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuda Vaeni
  • Jehovha, Mugamuchiri Akakwana
  • Mugamuchiri weNgirozi
  • Vanhu Vane Mutsa
  • Nei Zvichikosha Zvikuru Kuti Tigamuchire Vaeni Zvakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Vagamuchirei Nerudo
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Vagamuchirei Nomutsa
    Imbirai Jehovha
  • Itira Vamwe “Zvinhu Zvakanaka” Nekugamuchira Vaeni (Mat. 12:35a)
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 10/1 pp. 9-13

“Teverai Nzira Yomutsa”

“Goveranai navatsvene maererano nokushayiwa kwavo. Teverai nzira yomutsa.”—VAROMA 12:13, NW.

1. Ndechipi chiri chinodikanwa chinokosha chomunhu, uye chinoratidzirwa sei?

KUFAMBA mumugwagwa usina vanhu munharaunda yechienzi usiku chaihwo kunogona kuva chinoitika chinotyisa mazuva ano. Asi kunogona kuva kunotyisawo kuva muboka ndokusaziva munhu upi noupi kana kuti kuzivikanwa. Zvirokwazvo, rutivi runokosha rwomusikirwo womunhu kudikanwa kwokuitirwa hanya, kudikanwa, uye kudiwa. Hapana munhu anoda kubatwa somueni kana kuti munhu wokunze.

2. Jehovha akagovera sei kuda kwedu ushamwari?

2 Jehovha Mwari, Muiti noMusiki wezvinhu zvose, anosanoziva kuda ushamwari kwavanhu. SoMuiti wechisiko chake chiri chavanhu, kubva pakuvamba chaipo Mwari aiziva kuti zvakanga zvisina “kunaka kuti munhu agare ari oga,” uye akaita chimwe chinhu pamusoro pako. (Genesi 2:18, 21, 22) Chinyorwa cheBhaibheri chakazadzwa nemienzaniso yamabasa etsitsi dzakaratidzirwa kuvanhu naJehovha uye navabatiri vake. Ikoku kunotigonesa kudzidza nzira yoku“[tevera nayo] nzira yomutsa,” kumufaro negutsikano zvavamwe uye kugutsikano yedu timene.—VaRoma 12:13, NW.

Kuda Vaeni

3. Tsanangura revo inokosha yomutsa.

3 Shoko rokuti “mutsa” sezvarinoshandiswa muBhaibheri rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rokuti phi·lo·xe·niʹa, iro rinoumbwa nemashoko maviri makuru anoreva “rudo” uye “mueni.” Nokudaro, mutsa zvikurukuru unoreva “kuda vaeni.” Zvisinei, uyu hausati uri muitirowo zvawo kana kuti nhau yokupfava. Kunobatanidza mirangariro nezvidakadaka zvomunhu. Chiito chokuti phi·leʹo, maererano neExhaustive Concordance of the Bible yaJames Strong, chinoreva “kuva shamwari (kuda [munhu kana kuti chinhu]), ndiko kuti kuva nechidakadaka [kuratidzira batano yomunhu oga, senhau yomufungo kana kuti murangariro).” Nokudaro, mutsa unopfuura rudo rwakavakirwa panheyo, zvichida nemhaka yepfungwa yebasa kana kuti yomusengwa. Kazhinji kazhinji iwo kuratidzirwa kwokuda kwapachokwadi, chidakadaka, uye ushamwari.

4. Mutsa unofanira kuratidzirwa kunaani?

4 Mugamuchiri wouku kuda nechidakadaka “mueni” (chiGiriki, xeʹnos). Iyeyu angava ani? Zvakare, Concordance yaStrong inorondedzera shoko rokuti xeʹnos se‘wokumwe (chaizvoizvo mubvakure, kana kuti mutsva nenzira yokufananidzira); kureva mweni kana kuti (mukupesana) mueni.’ Naizvozvo mutsa, sezvinoenzanisirwa muBhaibheri, unogona kuratidzira tsitsi kune mumwe munhu watinoda, kana kuti unogona kutambanudzirwa kunyange kumueni chaiye. Jesu akatsanangura, kuti: “Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubayiro weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here? Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko navahedheni havaiti saizvozvowo here?” (Mateo 5:46, 47) Mutsa wapachokwadi unokurira mukaha uye rusaruro rwunoparirwa nefungira mano nokutya.

Jehovha, Mugamuchiri Akakwana

5, 6. (a) Jesu akanga achirangarirei paakati, “Baba venyu vokudenga vakakwana”? (b) Rupo rwaJehovha runooneka sei?

5 Pashure pokuratidzira kuperevedza kworudo runoratidzirwa navanhu kuno mumwe nomumwe, sezvakanyorwa pamusoro apa, Jesu akawedzera uku kutaura: “Naizvozvo muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.” (Mateo 5:48) Chokwadika, Jehovha akakwana murutivi rwuri rwose. (Dheuteronomio 32:4) Jesu, zvisinei, akanga achisimbisa rutivi rumwe chairwo rwokukwana kwaJehovha, sezvo iye akati pakuvamba: “[Mwari] anobudisira vakaipa navakanaka zuva ra[ke], nemvura [u]nonisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:45) Pakunouya kukuratidza mutsa, Jehovha haana rusaruro.

6 SoMusiki, Jehovha ndiye muridzi wechinhu chiri chose. “Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, nemombe pamakomo ane chiuru chamazana. Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu,” anodaro Jehovha. (Pisarema 50:10, 11) Bva, haavanzi nenzira youdyire chinhu chipi nechipi. Murupo rwake, iye anogovera zvisikwa zvake zvose. Wezvamapisarema akati nezvaJehovha: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.

7. Chii chatinogona kudzidza munzira iyo Jehovha anobata nayo vaeni naavo vanoshayiwa?

7 Jehovha anopa vanhu zvavanoda—kunyange vanhu vasingamuzivi, vari vaeni kwaari. Pauro naBharnabhasi vakayeuchidza vanamati vezvidhori muguta reRistra kuti Jehovha “haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.” (Mabasa 14:17) Zvikurukuru kuavo vanoshayiwa, Jehovha ane mutsa uye ane rupo. (Dheuteronomio 10:17, 18) Kune zvakawanda zvatinogona kudzidza kuna Jehovha mukuratidza tsitsi norupo—kuva nomutsa—kuvamwe.

8. Jehovha akaratidza sei rupo rwake mukutarisira zvinodikanwa zvedu zvomudzimu?

8 Mukuwedzera kukugovera zvakawanda zvinodikanwa zvokunyama zvezvisikwa zvake, Jehovha anoitira hanya zvinodikanwa zvazvo munzira yomudzimu. Jehovha akaita nenzira yorupo zvikurusa nokuda kwegarikano yedu yomudzimu, kunyange upi noupi wedu asati aziva kuti takanga tiri muchimiro chokushayiwa zvikuru mumudzimu. Tinorava pana VaRoma 5:8, 10, kuti: “Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi. . . . Zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake.” Gadziriro iyoyo inoita kuti kubvirire vanhu vanotadza kupinda muukama hwemhuri hunofadza naBaba vedu vokudenga. (VaRoma 8:20, 21) Jehovha akavawo nechokwadi chokuti tinogoverwa nhungamiro yakafanira kuti tigogona kubudirira noupenyu pasinei hapo nechimiro chedu chokutadza uye chokusakwana.—Pisarema 119:105; 2 Timotio 3:16.

9, 10. (a) Nei tichigona kutaura kuti Jehovha ndiye mugamuchiri akakwana? (b) Vanamati vechokwadi vanofanira kutevedzera Jehovha sei muna ikoku?

9 Nemhaka yaikoku, tinogona kutaura kuti Jehovha zvirokwazvo mugamuchiri akakwana munzira dzakawanda kwazvo. Iye haafuratiri vanoshayiwa, varombo, uye vakaderera. Iye anoratidza fariro yapachokwadi nokuitira hanya vaeni, kunyange vavengi vake, uye haatsvaki mubayiro upi noupi wokunyama. Muna ikoku kose, haasi muenzaniso mukurusa womugamuchiri akakwana here?

10 SaMwari wetsitsi dzorudo dzakadaro norupo, Jehovha anoda kuti vanamati vake vamutevedzere. MuBhaibheri rose, tinoona mienzaniso yakatanhamara yeiri vara retsitsi. Encyclopaedia Judaica inotaura kuti, “muna Israeri wakare, mutsa wakanga usiriwo zvawo nhau yetsika dzakanaka, asi muitiro wetsika . . . Tsika dzeBhaibheri dzokugamuchira mufambi aneta uye dzokugamuchira mueni wako dzakanga dziri dzokutanga umo mutsa namativi awo ose akava tsika dzinokosheswa zvikuru mumagamuchidzanwa echiJudha.” Zvinopfuura kuva chinoratidza chorudzi rwupi norwupi chairwo kana kuti boka redzinza, mutsa rinofanira kuva vara ravanamati vose vechokwadi vaJehovha.

Mugamuchiri weNgirozi

11. Muenzanisoi wakatanhamara unoratidza kuti mutsa wakaunza zvikomborero zvakanga zvisingakarirwi? (Onawo Genesi 19:1-3; Vatongi 13:11-16.)

11 Imwe yenhoroondo dzinozivikanwa zvikurusa dzeBhaibheri yokuratidzirwa kwomutsa ndeiyo yaAbrahama naSara apo vakanga vari mumusasa pakati pemiti mikuru yeMamre, pedyo neHebroni. (Genesi 18:1-10; 23:19) Muapostora Pauro pasina panikiro akanga achirangarira ichi chiitiko apo akagovera iri zano: “Musakanganwa mutsa, nokuti kupfurikidza nawo vamwe, vasingazivikanwi kwavari vamene, vakagamuchira ngirozi.” (VaHebheru 13:2, NW) Fundo yeiyi nhoroondo ichatibetsera kuona kuti mutsa hausi chete nhau yetsika kana kuti yokurerwa. Panzvimbo pezvo, ivara roumwari rinounza zvikomborero zvinoshamisa.

12. Abrahama akaratidza sei kuda kwake vaeni?

12 Genesi 18:1, 2 inoratidzira kuti vashanyi vakanga vasingazivikanwi uye vasingakarirwi naAbrahama, sokungotaura kuti pakanga pachingova navaeni vatatu chete vaipfuura. Tsika pakati pavokuMabvazuva, maererano navamwe vatsinhiri, yakanga iri yokuti mufambi munyika yechienzi akanga ane kodzero yokukarira mutsa kunyange kana akanga asingazivi munhu upi noupi imomo. Asi Abrahama haana kumirira kuti vaeni vashandise maruramiro avo; iye akatanga. Iye “akamhanya” kunosangana navaeni avo vakanga vari kure naye—kwose ikoku “zuva richipisa,” uye Abrahama akanga ane makore 99 ezera! Ikoku hakuratidzi here nei Pauro akanongedzera kuna Abrahama somuenzaniso wokuti titevedzere? Ndizvo izvo mutsa unoreva, kuda vaeni, kuitira hanya zvinodikanwa zvavo. Ivara rakananga.

13. Nei Abrahama “akakotamira” vashanyi?

13 Nhoroondo yacho inotiudzawo kuti pashure pokusangana navaeni, Abrahama “akakotamira pasi.” Kukotamira vaeni chaivo here? Eya, kukotama, sokwakaitwa naAbrahama, kwakanga kuri nzira yokukwazisa nayo munhu anoremekedzwa kana kuti mumwe munhu ane nzvimbo yapamusoro, kusingafaniri kuvhiringidzwa nechiito chokunamata, icho chinochengeterwa Mwari bedzi. (Enzanisa naMabasa 10:25, 26; Zvakazarurwa 19:10.) Kupfurikidza nokukotama, kwete chete kukotamisa musoro asi kukotamira “pasi,” Abrahama akapa ava vaeni ruremekedzo rwokuva vanokosha. Iye akanga ari musoro wemhuri huru, yakapfuma yatateguru, bva akarangarira ava vaeni savakafanirwa norukudzo rukuru kupfuura iye amene. Ikoku kwakasiyana sei nenyumwiro yetsika yavaeni, chimiro chendangariro chokungwarira! Abrahama zvirokwazvo akaratidzira revo yokutaura kwokuti: “Pakukudzana tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.

14. Inhamburikoi nokurega zvimwe zvinhu zvaibatanidzwa mukuratidza kwaAbrahama mutsa kuvaeni?

14 Rutivi rwasara rwenhoroondo yacho runoratidza kuti mirangariro yaAbrahama yakanga iri yapachokwadi. Zvokudya zvacho zvimene zvakanga zvakanakisisa. Kunyange mumhuri huru ine zvipfuwo zvakawanda, “mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka” hazvisi zvokudya zvezuva riri rose. Pamusoro petsika dzakapararira dzenharaunda yacho, Daily Bible Illustrations raJohn Kitto rinoti: “Zvoumbozha hazvitongopindwi mazviri kunze kwepamitambo yakati, kana kuti pakusvika kwomueni; uye panhambo dzakadaro bedzi apo nyama yemhuka inotongodyiwa, kunyange navaridzi vemapoka namatanga akawanda ezvipfuwo.” Mamiriro okunze anodziya haana kubvumidza zvokudya zvinoora zvipi nezvipi kuchengetwa, naizvozvo kugadzirira zvokudya zvakadaro, chinhu chiri chose chaifanira kuitwa pakarepo. Hakushamisi kuti muiyi nhoroondo pfupi, shoko rokuti “kurumidza” kana kuti “akakurumidza” rinowanika katatu, uye Abrahama aka“mhanyira” chaizvoizvo kuti zvokudya zvigadzirirwe!—Genesi 18:6-8.

15. Ndoupi uri murangariro wakafanira wegadziriro dzokunyama mukuratidza mutsa, sezvakaratidzirwa naAbrahama?

15 Chinangwa, zvisinei, hachisi chokungoita mutambo mukuru wokuorora mumwe munhu. Kunyange zvazvo Abrahama naSara vakaita nhamburiko yose iyoyo yokugadzirira uye kupa zvokudya, cherekedza nzira iyo Abrahama pakuvamba akanongedzera nayo kwairi: “Ngavauye nemvura shomanene, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti; ini nditore chimedu chechingwa, musimbise mwoyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu.” (Genesi 18:4, 5) “Chimedu chechingwa” ichocho chakazova madyo emhuru yakakora pamwe chete nemakeke efurawa yakaisvonaka, bhata, uye mukaka—madyo akafanira mambo. Chii chiri pfundo racho? Apo mutsa unoratidzwa, chinhu chinokosha, kana kuti chinofanira kusimbiswa, hakusi kudhura kuchaita zvokudya nezvokunwa, kana kuti ivaraidzo yakasanorongwa zvakadini ichagoverwa, zvichingodaro. Mutsa hautsamiri pakuti munhu anogona kuwana zvinhu zvinodhura here. Panzvimbo pezvo, unotsamira pakuitira hanya kwapachokwadi garikano yavamwe uye pachishuvo chokuita zvakanaka kuvamwe kusvikira kutambanuko iyo munhu anogona. “Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, pakuti ave nenzombe yakakodzwa, pane mbengo,” chinodaro chimwe chirevo cheBhaibheri, uye imomo ndimo mune chinokosha kumutsa wapachokwadi.—Zvirevo 15:17.

16. Abrahama akaratidza sei kuonga zvinhu zvomudzimu mune zvaakaitira vashanyi?

16 Tinofanira kucherekedza, zvisinei, kuti pakanga panewo revo yomudzimu kuchiitiko chacho chose. Abrahama nenzira yakati akaziva kuti ava vashanyi vakanga vari vatumwa vakabva kuna Jehovha. Ikoku kunoratidzirwa nokutaura kwake kwavari naaya mashoko: “Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu.”a (Genesi 18:3; enzanisa naEksodho 33:20.) Abrahama akanga asina kufanoziva kuti vakanga vane shoko rake kana kuti kana vakanga vachingopfuurawo zvavo. Pasinei zvapo naikoku, iye akaonga kuti kushanda kwechinangwa chaJehovha kwakanga kuri kuitika. Ava vanhu vakanga vachiita basa rakati raibva kuna Jehovha. Kana aigona kuita chimwe chinhu kubetsera kuna ikoku, waizova mufaro wake. Iye akaziva kuti vabatiri vaJehovha vanofanirwa nezvakanakisisa, uye aizogovera zvakanakisisa mumamiriro ezvinhu zvacho. Kupfurikidza nokuita kudaro, paizova nechikomborero chomudzimu, kungava nokuda kwake amene kana kuti nokuda kwomumwe munhuwo zvake. Somugumisiro, Abrahama naSara vakakomborerwa zvikuru nokuda kwomutsa wavo wapachokwadi.—Genesi 18:9-15; 21:1, 2.

Vanhu Vane Mutsa

17. Jehovha aidei kuvaIsraeri pamusoro pevaeni navanoshayiwa vaiva pakati pavo?

17 Muenzaniso wakatanhamara waAbrahama wakanga usingafaniri kukanganwika norudzi rwakabva kwaari. Mutemo uyo Jehovha akapa vaIsraeri waibatanidza gadziriro dzokuratidza mutsa kuvaeni vakanga vari pakati pavo. “Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.” (Revhitiko 19:34) Vanhu vacho vakanga vachifanira kupa kurangarira chaiko kuavo vaida tsigiro yokunyama uye kwete kuvaramba nenzira iri nyore. Apo Jehovha akavakomborera nemikoho yakawanda, apo vakafara mumitambo yavo, apo vakazorora mumabasa avo mukati mamakore eSabata, uye pane dzimwe nhambo, vanhu vakanga vachifanira kuyeuka vaya vanoshayiwa—chirikadzi, vanakomana vasina madzibaba, uye vabvakure.—Dheuteronomio 16:9-14; 24:19-21; 26:12, 13.

18. Mutsa unokosha sei maererano nokugamuchira nyasha dzaJehovha nechikomborero?

18 Kukosha kwetsitsi, rupo, uye mutsa kuvamwe, zvikurukuru kuna avo vanoshayiwa, kunogona kuonwa munzira iyo Jehovha akabata nayo navaIsraeri apo vakaregeredza kushandisa aya mavara. Jehovha akajekesa kuti tsitsi norupo kuvaeni navanoshayiwa zvakanga zviri pakati pezvinodikanwa zvavanhu vake kuti vagamuchire zvikomborero zvake zvinopfuuridzirwa. (Pisarema 82:2, 3; Isaya 1:17; Jeremia 7:5-7; Ezekieri 22:7; Zekaria 7:9-11) Apo rudzi rwakanga ruchishingaira mukuita izvi nezvimwe zvinodikanwa, ivo vakabudirira uye vakafarikanya zvakawanda zvokunyama nezvomudzimu. Apo vakava vanonyura muzvirondwa zvavo zvomunhu oga zvoudyire uye vakaregeredza kuratidza aya mavara etsitsi kuvanoshayiwa, ivo vakapiwa mhosva naJehovha, uye pakupedzisira rutongeso rwakaipa rwakapiwa kwavari.—Dheuteronomio 27:19; 28:15, 45.

19. Chii chatinofanira kurangarirazve?

19 Kunokosha sei, ipapoka, kuti tizvinzvere timene ndokuona kana tiri kurarama mukuwirirana nekariro dzaJehovha muna ikoku! Ikoku kwakadaro zvikuru nhasi nemhaka yomudzimu woudyire nowokukamukana uri munyika. Tinogona sei kuratidza mutsa wechiKristu munyika yakakamukana? Iyoyo ndiyo nhau ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwokukurukurwa kwakazara zvikuru kweiri pfundo, ona nhau inoti “Munhu Upi Noupi Akaona Mwari Here?” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 1988, mapeji 21-3.

Unoyeuka Here?

◻ Chii chinoreva shoko reBhaibheri rinoshandurwa kuti “mutsa”?

◻ Munzirayi umo Jehovha ari muenzaniso wakakwana mukuratidza mutsa?

◻ Abrahama akasvika kutambanukoi kuti ave ane mutsa?

◻ Nei vanamati vose vechokwadi vachifanira “[kutevera] nzira yomutsa”?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe