Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Ndinonzwisisa kuti shoko rechiGiriki rokuti “toʹte” (ipapo) rinoshandiswa kusuma chichatevera. Naizvozvo nei Mateo 24:9 ichirava, kuti: “[Ipapo, NW] [“toʹte”] vachakuisai kuma[t]ambudziko,” nepo nhoroondo yakafanana iri pana Ruka 21:12 inoti: “Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai”?
Kwakarurama kuti toʹte rinogona kushandiswa kusuma chimwe chinhu chinotevera, chimwe chinhu chiri munhevedzano, sekunge zvakadaro. Asi hatifaniri kunzwisisa kuti uku ndiko bedzi kushandisa kweBhaibheri shoko racho.
A Greek-English Lexicon of the New Testament and Other Early Christian Literature, rakanyorwa naBauer, Arndt, uye Gingrich, rinoratidza kuti shoko rekuti toʹte rinoshandiswa mupfungwa mbiri dzinokosha muMagwaro.
Kumwe ndi“panguva iyoyo.” Ikoku kunogona kuva “ipapo wemunguva yakapfuura.” Muenzaniso unopiwa ndiMateo 2:17: “[Ipapo, NW] zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremia.” Ikoku hakusi kunongedzera kune chimwe chinhu munhevedzano asi kunoratidzira nhambo yakati munguva yakapfuura, panguva iyoyo. Nenzira yakafanana, toʹte rinogona kushandiswa “naipapo weram[angwana].” Mumwe muenzaniso unowanwa pana 1 VaKorinte 13:12, unoti: “Nokuti zvino tinoona pachionioni, tisingaoni kwazvo; asi [ipapo, NW] tichaona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi [ipapo, NW] ndichaziva sezvandakazivikanwa neniwo.” Pauro pano akashandisa shoko rokuti toʹte mupfungwa ye‘panhambo iyoyo yeramangwana.’
Maererano neduramashoko iri, kumwe kushandiswa kwetoʹte “kusuma chiya chinotevera munguva.” Duramashoko iri rinopa mienzaniso mizhinji inowanwa munhoroondo nhatu dzemhinduro yaJesu kumubvunzo wavaapostora pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake.a Semienzaniso yekushandiswa kwetoʹte “kusuma chinotevera munguva,” duramashoko racho rakadudza Mateo 24:10, 14, 16, 30; Marko 13:14, 21; Ruka 21:20, 27. Kurangarira mashoko akapoteredza kunoratidza chikonzero nei chimwe chinhu chinotevera munguva chichinzwisiswa zvakarurama. Uye ikoku kunobetsera mukunzwisisa uporofita hwaJesu uhwo hwaiva nekuitika kwezviitiko zveramangwana.
Zvisinei, hatifaniri kugumisa kuti kuoneka kuri kwose kwetoʹte munhoroondo idzi kunofanira kusuma chose chose chinotevera munguva. Somuenzaniso, pana Mateo 24:7, 8, tinorava kuti Jesu akafanotaura kuti rudzi rwaizomukira rudzi uye kuti kwaizova nekuperevedza kwezvokudya nokudengenyeka kwepasi. Ndima 9 inopfuurira, kuti: “[Ipapo, NW] vachakuisai kuma[t]ambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.” Kwaizova kune mufungo here kunzwisisa kuti hondo dzakafanotaurwa, kuperevedza kwezvokudya, uye kudengenyeka kwepasi zvinofanira zvose kuitika, uye zvichida kupera, chitambudzo chisati chagona kuvamba?
Ikoko hakuna mufungo, uye hakutsigirwi nezvatinoziva nezvekuzadzika kwemuzana ramakore rekutanga. Nhoroondo iri mubhuku raMabasa inozivisa kuti panodokuva nokukurumidza pashure pekunge mitezo yeungano itsva yechiKristu yavamba kuparidza, yakava nechishoro chakakomba. (Mabasa 4:5-21; 5:17-40) Hatigoni zvirokwazvo kutaura kuti hondo dzose, nzara, uye kudengenyeka kwepasi izvo Jesu akataura nezvazvo zvakaitika chitambudzo ichocho chapakuvamba chisati chaitika. Mukupesana, chishoro ichocho chakauya zvimwe zvinhu zvizhinji zvakafanotaurwa “zvisati zvasvika,” uko kuri mutsinhirano nenzira iyo Ruka akataura nayo zvinhu: “Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai.” (Ruka 21:12) Ikoko kwaizokarakadza kuti pana Mateo 24:9, toʹte rinoshandiswa zvikuru mupfungwa ye“panguva iyoyo.” Mukati menhambo yehondo, nzara, uye kudengenyeka kwepasi, kana kuti panguva iyoyo, vateveri vaJesu vaizotambudzwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Nhoroondo idzi dzakafanana dziri muna Mateo, Marko, uye Ruka dzakarongwa muzvikamu pamapeji 14 ne15 eNharireyomurindi yaFebruary 15, 1994. Kuoneka kwetoʹte, yakashandurwa kuti “ipapo,” yakanga iri mumashoko matema.