RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 4/8 pp. 29-30
  • Kushandisa Musoro Wako—Nzira Yavatema!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Musoro Wako—Nzira Yavatema!
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Kutakura Here?
  • Hunyanzvi Hunoshanda, Hunobetsera
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Musoro Wemurume Wese ndiKristu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 4/8 pp. 29-30

Kushandisa Musoro Wako—Nzira Yavatema!

Yakanyorwa nomunyori wa“Mukai!” muSierra Leone

KO vanhu vanotakurei pamisoro yavo? Kana ukabvunza vamwe vana vechikoro mubvunzo iwowo, mumativi mazhinji enyika ivo vangapindura, kuti: “Ngowani dzavo.” Uye sezvingabvira ikoko kungava mugumo wendaza.

Zvisinei, apo isu takaisa mubvunzo iwowo kuna vamwe vechiduku vaVatema, vakapindura, kuti: “Vanhu vanotakura mabhagidhi emvura, mabhanana, mabhuku, masaga omunyu, huni, terevhizheni, hove, mabhegi esimende, masaga omupunga, marefrigerator, tswanda dzemirivo, matombo, makireti emakokakora . . . ” Ndaza yavo yakaramba ichipfuurira.

Munyika yeAfrica yose, kutakura mitoro pamsoro kunozivikanwa kwose kwose. Kwave kuriko kwenguva refu zvikuru. Bhaibheri rinotizivisa kuti kare kare mumazuva aJosefa, vabiki vechingwa veEgipita vaitakura chingwa pamisoro yavo. Uye ikoko kwakanga kuri makore anopfuura 3 700 akapfuura!—Genesi 40:16, 17.

Unogona Kutakura Here?

Wati wamboona vanhu vakanga vane unyanzvi pakutakura nomusoro here? Kwavari hakusati kuchasitongovazve kwakaoma kupinda kutakura chimwe chinhu noruoko.

Asika unokuyedza. Somuenzaniso, kuisa bhuku pamusoro wako ndokutamburira kufamba. (Tingakarakadza hedu bhuku rausingaitiri hanya kana rikaroverera zvishoma.) Kana uri muvambi, zvimwe uchafamba zviuyanini, wakaomarara muviri, kungwarira zvikuru, kuti ugorega kuvhiringidza kudengezera kusina nokutsarukana. Nhanho imwe . . . mbiri . . . Kurumidza! Bata bhuku risati rawira pasi!

“Asika,” ungaramba hako uchiti, “musoro wangu hauna kuti chechetere. Ungagona sei kundikarira kudengezera bhuku rakati chechetere pamusoro pakaurungana?” Mhinduro ndeyokuti: Rovedza! Imwe mhinduro ndeyokuti shandisa hata. Hata ijira kana kuti uswa hunopetwa ndokumonwa kuita gangiro. Inoiswa pakati pomutwaro nomusoro kubatira sekushini uye kubetsera kudengezera mitwaro yakaoma, yakadai sehuni. Kana zviri zvinhu zvakapfava, zvakadai sesaga refurawa, hata haizati ichiwanzova iri madikanwa nokuti saga richagara pamusoro.

Kunyange uchishandisa hata kana kuti usingashandisi, kunokosha kutakura zvinhu pakati pomusoro wako. Edward, wokuSierra Leone, anoyeuka mazuva ake apakuvamba: “Pandakatanga kutakura nomusoro, ndaitakura huni nomusoro wakatsveyamira kuno rumwe rutivi. Apo mitwaro yairema zvikuru, mutsipa wangu waizotema nouomarari. Asika chinetso chaicho chakasvika apo ndakavamba kutakura mabhagidhi emvura. Sezvausingagoni kudengezera mvura nomutoo wakafanira kutoti bedzi musoro wako wakati tote, mvura ingadeuka uye zvipfeko zvangu zvaizonyata. Ndaivenga ikoko. Kwakanga kuri kunyata, kunopfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho, kwakandiita kuti nditi tote.”

Asika kune zvakawanda kuunyanzvi zvinopfuura kugadza zvakanaka uye pakati chinhu chinoda kutwarwa. Mutwari nomusoro ane ruzivo rwokuzviwanira achaita kuti zvinhu zvive zviri munzvimbo pamsoro wake kupfurikidza nokufambiswa kuzhinji, kururamiswa kuduku kwomutsipa wake. Kwakafanana nokuedza kudzikamisa rutanda rwakati tote pamunwe wako. Hauzati uchizomboruisapo ndokukarira kuti haruzati ruchiwa. Kupfuurezvo, unofanira kupfuurira kugadziridza nzvimbo yomunwe wako kukodzera kuzunguzuka kworutanda. Uye sezvo rutanda runorema zvikuru rwuri nyore zvikuru kudzikamisa kupinda rwuya rwakareruka, saizvozvowo mutwaro unorema unowanzova uri nyore zvikuru kudzikamisa pamusoro.

Vatema vazhinji vanodzidza unyanzvihwo pakuvamba muupenyu kupfurikidza nokutevedzera vana vakura navakuru. Emmanual ane zera regore nehafu uye achiri asina kutsiga netsoka dzake. Apo iye akapiwa keni duku remvura rokutwara, akaribatirira namaoko ake ose maviri pamusoro wake. Rakazunguzuka, uye imwe yemvura yakadeuka, asi kwakanga kwakajeka kuti iye akanga abata mufungo wacho. Panguva yaanosvika makore mashanu, mvura haizati ichizodeuka. Paanova namakore manomwe iye achava gorokotera.

Hunyanzvi Hunoshanda, Hunobetsera

Mukusiana chose chose nokungova bedzi nzira yechienzi yokutakura zvinhu, kutwara nomusoro hunyanzvi hunobetsera nokuda kwoupenyu hwaVatema. The Cambridge Encyclopedia of Africa rinoti: “Kutwara mitwaro kwohunhu . . . mukusapanikira kuchiri mumwe wemitoo mikuru yaVatema yokutamisa zvinhu pamwero womunzvimbomo.” Uye kuna avo vakarovedzana nakwo, mitwaro inotwarwa nyore nyore zvikuru pamisoro.

Mumwe wavatariri vanofambira weZvapupu zvaJehovha anorondedzera, kuti: “Mazhinjisa amataundi nemisha yandinoshanyira inogona kusvikwa nebhasikoro, asi mimwe haigoni. Iyoyi inogona bedzi kusvikwa kupfurikidza nokufamba. Kazhinji kazhinji, Zvapupu biyangu zvinosangana neni imomo ndokubetsera kutakura mabhegi angu, uye nzira yakaisvonakisisa zvikuru yokuatakura ndiyo yapamusoro. Pane dzimwe nhambo, ndichingunofamba hangu ndega, ndinotakura bhegi kuno rumwe ruoko ndichitakura rimwe papfudzi rangu nebhandi raro kuno rumwe ruoko, asi bhegi gurusa rinoenda pamusoro pangu.”

Kunze kwokutwara zvinhu nomutoo wakanaka zvikuru, kuisa zvinhu pamusoro wako kunosiya maoko asine chinhu. Iwe unogona kufugidzirwa muzuva kana kuti kudzivirirwa mumvura.

Wedzera kuna ikoku betsero dzomuviri: chimiro chakanaka, dzikamo, nesimba. Bhuku rinonzi Tropical Surgery rinoti: “Vanhu vomumaruwa [munzvimbo dzinopisa], avo vanowanzova vakarovedzana nokufamba nemisoro ine mitwaro, vakakudziridza tsandanyama dzomusana nechimiro chakanaka. Havawanzotambura kurwadza kwomusana.”

Nomutoo wakajeka, kutwara nomusoro hakuzati kuri unyanzvi hunoda kudukupiswa. Rimwe jaya riri muFreetown rakaganza, richiti: “Ini ndinogona kuisa bhodhoro pamusoro wangu ndokumhanya naro ndisina kuribata namaoko angu.” Muenzanisiro wokumhanya kwake nomutwaro wakadaro pamusoro wake wakabvumikisa huzvokwadi hwamashoko aro. Asika kutoti uri gorokotera, usakuedza!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe