RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 7/15 p. 31
  • Varovedze Kubva Paucheche

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Varovedze Kubva Paucheche
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 7/15 p. 31

Varovedze Kubva Paucheche

NZVERO yazvino uno inoratidzira kuti “vana vachangobva kunambwa vanotapurwa muviri nemanzwi.” Vanzveri veUniversity yeNorth Carolina “vakawana kuti pashure pokunge vanaamai varavira vana vavo vari mudumbu, vachangoberekwa vakaita chimwe chinhu apo zvikamu zvacho zvamashoko zvakaraviwa zvakare,” inodaro Winnipeg Free Press. Apo vakadzi vanorava zvinonzwika pavanenge vane pamuviri, ikoku kungasanobetsera kukuroverera mipimo yetsika yakanaka mumwana. Bhaibheri rinotaura kuti Timotio ‘akaziva manyoro matsvene kubva paucheche.’ (2 Timotio 3:14, 15) Sezviri pachena, amai vake naambuya vake vainzwisisa ukoshi hwekumurovedza kubva paucheche, uko sezvingabvira zvikuru kwakabatanidza kurava zvinonzwika.

Kurava “unyanzvi hune simba zvikurusa hweupenyu hwatinahwo munzanga yedu nhasi,” anodaro munyori Jim Trelease. Unyanzvi hwemutauro nemashoko hunonatswa kupfurikidza nekurava zvinonzwika.

Kuchenjera kuvamba kurava zvinonzwika panodokuva nokukurumidza sezvaunotanga kutaura kumucheche wako. Kunyange zvazvo mwana wako asati aberekwa kana kuti achangoberekwa pakutanga asati achizonzwisisa zvauri kutaura, betsero dzinobvira dzinogara nguva refu dzakakufanira. Zvirevo 22:6 inoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”

Chii chaunogona kurava icho chiri zvose zviri zviviri chinoshanda nechinobetsera? Rava Bhaibheri zvinonzwika kumwana wako zuva rimwe nerimwe. Uyewo rava zvimwe zvinyorwa zvakakodzera, zvakadai saKuTerera kunoMudzidzisi muKuru, Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Munhu Mukurusa Ati Amborarama, uye nyaya dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai!

Chokwadi, kuzvipa umene nenzira iyi kunobatanidza nguva, asi inguva inoshandiswa zvakanaka. Inzira chaiyoiyo yokuratidza nayo kuti unoitira hanya mwana wako uye unomuda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe