RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 7/15 p. 32
  • Unogona Kuva “Nomwoyo Wakafanana Noweshumba”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuva “Nomwoyo Wakafanana Noweshumba”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 7/15 p. 32

Unogona Kuva “Nomwoyo Wakafanana Noweshumba”

BHAIBHERI pane dzimwe nguva rinoshandisa shumba semufananidzo weushingi nechivimbo. Varume vane ushingi kana kuti vakashinga vanorondedzerwa sevane “mwoyo wakafanana noweshumba,” uye vakarurama vanotaurwa kuva vane “mwoyo seshumba.” (2 Samueri 17:10; Zvirevo 28:1) Zvikurukuru painodenhwa, shumba inoratidza kuti inofanirwa nemukurumbira wayo se“mhare pakati pemhuka dzose.”—Zvirevo 30:30.

Jehovha Mwari anofananidza kusatya kweshumba nekutsunga kwake kudzivirira vanhu vake. Isaya 31:4, 5 inoti: “Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo, haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo uchaburukira pamusoro peGomo reZioni . . . ucharitavirira nokurirwira, ucharidarika nokurisunungura.” Jehovha nokudaro anovimbisa vabatiri vake nezveitiro hanya yake yokushingaira, zvikurukuru mukutarisana nenhamo.

Bhaibheri rinoenzanisa muvengi mukurusa werudzi rwemunhu, Satani Dhiyabhorosi, neshumba inoomba, ine makaro. Kuti tidzivise kuva nyajambwa wake, tinoudzwa muMagwaro, kuti: “Svinurai, murinde.” (1 Petro 5:8) Imwe nzira yokuita nayo ikoku ndeyekudzivisa kutsimwaira kwomudzimu kunouraya. Muna ikoku Jesu akati: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno.” (Ruka 21:34-36) Hungu, kumuka mumudzimu muano “mazuva okupedzisira” kunogona kutipa “mwoyo wakafanana noweshumba,” uya ‘wakatsiga, unovimba naJehovha.’—2 Timotio 3:1; Pisarema 112:7, 8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe