Chengeta Chinzwano Mumazuva Ano Okupedzisira
“Asi fambai bedzi zvakafanira Evhangeri . . . , mumire nesimba nomweya mumwe, nomwoyo mumwe, muchirwira kutenda kweEvhangeri.”—VAFIRIPI 1:27.
1. Musiyanoi uripo pakati peZvapupu zvaJehovha nenyika?
ANO “mazuva okupedzisira.” Pasina kupanikira, “nguva dzokutambudzika dzakaoma kubata nadzo” dzasvika. (2 Timotio 3:1-5, NW) Muiyi “nguva yokupedzisira,” nenyongano yayo munzanga yavanhu, Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana zvikuru nemhaka yorugare rwazvo nechinzwano. (Dhanieri 12:4) Asi munhu mumwe nomumwe wemhuri yenyika yose yavanamati vaJehovha anodikanirwa kushanda nesimba kuti achengete ichi chinzwano.
2. Pauro akatii pamusoro pokuchengeta chinzwano, uye mubvunzoi waticharangarira?
2 Muapostora Pauro akarayira vaKristu biyake kuchengeta chinzwano. Iye akanyora, kuti: “Asi fambai bedzi zvakafanira Evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomwoyo mumwe, muchirwira kutenda kweEvhangeri; musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kuna Mwari.” (VaFiripi 1:27, 28) Mashoko aPauro anoratidza zvakajeka kuti tinofanira kushanda pamwe chete savaKristu. Naizvozvo, ipapoka, chii chichatibetsera kuchengeta chinzwano chedu chechiKristu muidzi nguva dzakaoma?
Zviise Pasi Pokuda kwaMwari
3. Vamarudzi vokutanga vasina kudzingiswa vakava vateveri vaKristu rini uye munzirai?
3 Imwe nzira yokuchengeta nayo chinzwano chedu kuzviisa pasi pokuda kwaMwari panguva dzose. Ikoku kungada gadziridzo mukufunga kwedu. Rangarira vadzidzi vechiJudha vapakuvamba vaJesu Kristu. Apo muapostora Petro akatanga kuparidza kuVamarudzi vasina kudzingiswa muna 36 C.E., Mwari akaisa mudzimu mutsvene paava vanhu vamarudzi, uye vakabhapatidzwa. (Mabasa, ganhuro 10) Kutozosvikira ipapo, vaJudha bedzi, vapuroserite kuchiJudha, uye vaSamaria vakanga vava vateveri vaJesu Kristu.—Mabasa 8:4-8, 26-38.
4. Pashure pokutsanangura chakanga chaitika pamusoro paKornerio, Petro akatii, uye muedzoi uyo ikoku kwakapa vadzidzi vaJesu vechiJudha?
4 Apo vaapostora nedzimwe hama muJerusarema vakaziva pamusoro pokutendeuka kwaKornerio navamwe Vamarudzi, ivo vakafarira kunzwa mushumo waPetro. Pashure pokutsanangura chakanga chaitika maererano naKornerio navamwe Vamarudzi vaitenda, muapostora akagumisa naaya mashoko: “Zvino kana Mwari akavapa [Vamarudzi vaya vanotenda] chipo [chomudzimu mutsvene] chaakatipa isu [vaJudha], pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?” (Mabasa 11:1-17) Ikoku kwakaedza vateveri vechiJudha vaJesu Kristu. Ivo vaizozviisa pasi pokuda kwaMwari ndokugamuchira Vamarudzi vanotenda sevanamati biyavo here? Kana kuti chinzwano chavabatiri vaJehovha vapasi chaizova mungozi here?
5. Vaapostora nedzimwe hama vakagamuchira sei idi rokuti Mwari akanga apa rupfidzo kuVamarudzi, uye tinogona kudzidzei muichi chimiro chendangariro?
5 Nhoroondo yacho inoti: “Zvino vakati [vaapostora nedzimwe hama] vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.” (Mabasa 11:18) Chimiro chendangariro ichocho chakachengeta uye chakatsigira chinzwano chavateveri vaJesu. Munguva pfupi bedzi, basa rokuparidza rakaenderera mberi pakati paVamarudzi, kana kuti vanhu vamarudzi, uye chikomborero chaJehovha chakanga chiri pamibato yakadaro. Isu timene tinofanira kubvuma apo batira pamwe yedu inokumbirwa maererano nokuumbwa kweungano itsva kana kuti apo gadziridzo yakati yoUmwari inoitwa munhungamiro yomudzimu mutsvene waMwari. Batira pamwe yedu yomwoyo wose ichafadza Jehovha uye ichatibetsera kuchengeta chinzwano chedu muano mazuva okupedzisira.
Namatira Kuzvokwadi
6. Itapuroi iyo zvokwadi inayo pachinzwano chavanamati vaJehovha?
6 Sorutivi rwemhuri yaJehovha yavanamati, tinochengeta chinzwano nemhaka yokuti tose zvedu tino“dzidziswa . . . naMwari” uye tinobatirira zvakasimba kuzvokwadi yake inoziviswa. (Johane 6:45; Pisarema 43:3) Sezvo dzidziso dzedu dzakavakirwa paShoko raMwari, tose zvedu tinotaura nebvumirano. Tinogamuchira nenzira yokufara zvokudya zvomudzimu zvinoitwa kuti zviwanike naJehovha kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Dzidziso yakadaro yakafanana inotibatsira kuchengeta chinzwano chedu munyika yose.
7. Kana somunhu mumwe nomumwe tine chinetso chokunzwisisa pfundo rakati, tinofanira kuitei, uye chii chatisingafaniri kuita?
7 Zvakadiniko kana somunhu mumwe nomumwe tikava nechinetso chokunzwisisa kana kuti kugamuchira pfundo rakati? Tinofanira kunyengeterera uchenjeri ndokuita nzvero muMagwaro nezvinyorwa zvechiKristu. (Zvirevo 2:4, 5; Jakobho 1:5-8) Kurukurirano nomukuru ingabetsera. Kana pfundo racho richiri risingagoni kunzwisiswa, kungava kwakanakisisa kurega nhau yacho. Zvichida mashoko akawanda pamusoro penhau yacho achabudiswa, uye ipapo nzwisiso yedu ichakudzwa. Kungava kusina kururama, zvisinei, kuedza kupwisa vamwe muungano kuti vagamuchire murangariro wedu timene wakasiyana. Ikoku kungava kudyara kusawirirana, kwete kushanda kuti tichengete chinzwano. Zviri nani zvikuru sei ku“famba muzvokwadi” uye kukurudzira vamwe kuita kudaro!—3 Johane 4.
8. Chimiroi chendangariro kuzvokwadi chiri chakafanira?
8 Muzana rokutanga ramakore, Pauro akati: “Zvino tinoona pachionioni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo.” (1 VaKorinte 13:12) Kunyange zvazvo vaKristu vapakuvamba vasina kuona udzame hwose, ivo vakaramba vakabatana. Zvino tine nzwisiso yakajeka zvikuru yechinangwa chaJehovha neShoko rake rezvokwadi. Naizvozvo ngativei vanoonga zvokwadi yatakagamuchira kupfurikidza no‘muranda akatendeka.’ Uye ngativei vanoonga kuti Jehovha akatitungamirira kupfurikidza nesangano rake. Nepo nguva dzose tisina kuva nomwero mumwe chetewo wezivo, tave tisiri kuva nenzara kana kuti nyota yomudzimu. Panzvimbo pezvo, Mufudzi wedu, Jehovha, akatichengeta takabatana uye akatitarisira zvakanaka.—Pisarema 23:1-3.
Shandisa Rurimi Zvakarurama!
9. Rurimi runogona sei kushandiswa kutsigira chinzwano?
9 Kushandisa rurimi kukurudzira vamwe inzira inokosha yokutsigira nayo chinzwano uye mudzimu wouhama. Tsamba yakapedza mubvunzo pamusoro pokudzingiswa, seyakatumirwa nomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore, yakanga iri manyuko ekurudziro. Pashure pokunge vairava, vadzidzi Vamarudzi muAntiokia “vakafara nemhaka yekurudziro.” Judhasi naSirasi, avo vakanga vatumwa vachibva Jerusarema netsamba, “vakakurudzira hama nehurukuro ndokuvasimbisa.” Pasina kupanikira, kuvapo kwaPauro naBharnabhasi kwakakurudzirawo uye kwakasimbisa vatendi biyavo muAntiokia. (Mabasa 15:1-3, 23-32, NW) Tinogona kuita zvimwe chetezvo zvikuru apo tinoungana nokuda kwemisangano yechiKristu uye ‘kukurudzirana’ kupfurikidza nokuvapo kwedu netsinhiro dzinovaka.—VaHebheru 10:24, 25.
10. Kuti tichengete chinzwano, chii chingafanira kuitwa kana kutuka kukaitika?
10 Zvisinei, kushandiswa kusina kururama kworurimi kunogona kutyisidzira chinzwano chedu. “Rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. “Tarirai, mwoto muduku unotungidza huni zhinji sei!” (Jakobho 3:5) Jehovha anovenga avo vanoparira gakava. (Zvirevo 6:16-19) Kutaura kwakadaro kunogona kuparira kusanzwana. Naizvozvo, ipapoka, zvakadiniko kana pane kutuka, ndiko kuti, kututira kubata zvisina kufanira pane mumwe munhu kana kuti kumunyomba? Vakuru vachaedza kubetsera muiti wechakaipa. Zvisinei, mutuki asingapfidzi anofanira kudzingwa kuitira kuti rugare rweungano, nhevedzano, uye chinzwano zvigogona kuchengetwa. Pashure pezvose, Pauro akanyora, kuti: “Murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari . . . mutuki, . . . musadya nowakadai.”—1 VaKorinte 5:11.
11. Nei kuzvininipisa kuchikosha kana takataura chimwe chinhu chakaparira nyanduko pakati pedu nomutendi biyedu?
11 Kudzora rurimi kunotibetsera kuchengeta chinzwano. (Jakobho 3:10-18) Asi ngatitii chimwe chinhu chatakataura chakaparira nyanduko pakati pedu nomuKristu biyedu. Hakungavi kwakafanira here kutanga kuita chiito mukuita rugare nehama yedu, tichikumbira ruregerero kana kuri madikanwa? (Mateo 5:23, 24) Chokwadi, ikoku kunoda kuzvininipisa, kana kuti ndangariro inozvininipisa, asi Petro akanyora, kuti: “Pfekai kuzvininipisa mumwe kuno mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Kuzvininipisa kuchatisunda ku‘ronda rugare’ nehama dzedu, kubvuma mhosho dzedu uye kuita kuregerera kwakafanira. Ikoku kunobetsera kuchengeta chinzwano chemhuri yaJehovha.—1 Petro 3:10, 11.
12. Tinogona sei kushandisa rurimi kutsigira uye kuchengeta chinzwano chavanhu vaJehovha?
12 Tinogona kupfuuridzira mudzimu wemhuri pakati peavo vari musangano raJehovha kana tikashandisa rurimi rwedu zvakarurama. Sezvo zviri izvo Pauro akaita, iye aigona kuyeuchidza vaTesaronika, kuti: “Sezvamunoziva kuti takaita nemi . . . sababa vanoita navana vavo, tichakurayirai, tichakusimbisai, tichakupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari.” (1 VaTesaronika 2:11, 12) Achiva agadza muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku, Pauro aigona kukurudzira vaKristu biyake ku“simbis[a] vanopera mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Funga kuti ndizvakanaka zvakawanda sei zvatinogona kuita kupfurikidza nokushandisa rurimi kunyaradza, kukurudzira, uye kuvaka vamwe. Hungu, “shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!” (Zvirevo 15:23) Uyezve, kutaura kwakadaro kunobetsera kutsigira uye kuchengeta chinzwano chavanhu vaJehovha.
Iva Anokanganwira!
13. Nei tichifanira kuva vanokanganwira?
13 Kukanganwira mutadzi akumbira ruregerero kunokosha kana tichizochengeta chinzwano chechiKristu. Uye tinofanira kukanganwira kakawanda sei? Jesu akaudza Petro, kuti: “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” (Mateo 18:22) Kana tiri vasingakanganwiri, tiri kuita mukupesana nefariro dzedu timene. Kwakadaro sei? Eya, ruvengo uye kuchengeta mafi kuchatitorera rugare rwendangariro. Uye kana tikazivikanwa nokuda kwenzira dzoutsinye uye kusakanganwira, tingazviparadzanisa timene. (Zvirevo 11:17) Kuchengeta mafi hakufadzi Mwari uye kunogona kutungamira kuchivi chakakomba. (Revhitiko 19:18) Yeuka kuti Johane Mubhapatidzi akagurwa musoro muchirongwa chakarongwa naHerodhe akaipa, uyo akanga achi“muvenga.”—Marko 6:19-28.
14. (a) Mateo 6:14, 15 inotidzidzisei pamusoro pekanganwiro? (b) Nguva dzose tinofanira kumirira kukumbirwa ruregerero tisati takanganwira mumwe munhu here?
14 Munyengetero womuenzaniso waJesu unobatanidza aya mashoko: “Mutikanganwirei zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu.” (Ruka 11:4) Kana tiri vasingakanganwiri, pane ngozi yokuti rimwe zuva Jehovha Mwari haasati achizokanganwirazve zvivi zvedu, nokuti Jesu akati: “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwiriyiwo kudarika kwenyu.” (Mateo 6:14, 15) Naizvozvo kana tichida chaizvoizvo kuita rutivi rwedu mukuchengeta chinzwano mumhuri yaJehovha yavanamati, tichava vanokanganwira, zvichida kungokanganwira chete chakaipa chingava nemhaka yokusarangarira uye chisina vavariro yakaipa ipi neipi. Pauro akati: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirayi, muite saizvozvo nemiwo.” (VaKorose 3:13) Apo tinenge tiri vanokanganwira, tinobetsera kuchengeta chinzwano chinokosha chesangano raJehovha.
Chinzwano uye Zvisarudzo Zvomunhu Oga
15. Chii chinobetsera vanhu vaJehovha kuchengeta chinzwano pakuita zvisarudzo zvomunhu oga?
15 Mwari akatiita kuti tive vanozvisarudzira vamene tine ropafadzo uye mutoro wokuita zvisarudzo zvomunhu oga. (Dheuteronomio 30:19, 20; VaGaratia 6:5) Bva, tinokwanisa kuchengeta chinzwano chedu nemhaka yokuti tinowirirana nemitemo yeBhaibheri nenheyo. Tinoirangarira pakuita zvisarudzo zvomunhu oga. (Mabasa 5:29; 1 Johane 5:3) Ngatitii mubvunzo unomuka une chokuita nokusatora rutivi. Tinogona kuita chisarudzo chokuziva chomunhu oga kupfurikidza nokuyeuka kuti “ha[ti]zi venyika” uye kuti taka‘pfura minondo yedu kuva miromo yamapadza.’ (Johane 17:16; Isaya 2:2-4) Nenzira yakafanana, apo tinofanira kuita chisarudzo chomunhu oga pamusoro poukama hwedu neHurumende, tinorangarira kuti Bhaibheri rinotaura pamusoro pokuripira “Mwari zvaMwari,” nepo tichizviisa timene pasi “pamasimba makuru” muzvinhu zvenyika. (Ruka 20:25; VaRoma 13:1-7; Tito 3:1, 2) Hungu, kurangarira mitemo yeBhaibheri nenheyo pakuita zvisarudzo zvomunhu oga kunobetsera kuchengeta chinzwano chedu chechiKristu.
16. Tinogona sei kubetsera kuchengeta chinzwano pakuita zvisarudzo zvisina kururama kana kuti zvimwe kuipa nenzira yapaMagwaro? Enzanisira.
16 Tinogona kubetsera kuchengeta chinzwano chechiKristu kunyange pakuita chisarudzo icho chiri chomunhu oga zvizere uye chisina kururama kana kuti chakaipa muMagwaro. Kunodaro sei? Kupfurikidza nokuratidza kuitira hanya kworudo vamwe avo vangatapurwa nechisarudzo chedu. Kuenzanisira: Muungano yomuKorinte yakare, mubvunzo wakamuka pamusoro penyama yakabayirwa kuzvidhori. Chokwadika, muKristu haangatori rutivi mumutambo wokunamata zvidhori. Zvisinei, kwakanga kusiri chivi kudya nyama yakasara yakabviswa ropa zvakafanira yourwu rudzi iyo yaitengeswa mumusika wavose. (Mabasa 15:28, 29; 1 VaKorinte 10:25) Kunyange zvakadaro, hana dzavamwe vaKristu dzainetseka pamusoro pokudya iyi nyama. Pauro naizvozvo akakurudzira vamwe vaKristu kudzivisa kuvagumbura. Kutaura idi, iye akanyora, kuti: “Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.” (1 VaKorinte 8:13) Naizvozvo kunyange kana pasina mutemo weBhaibheri kana kuti nheyo inobatanidzwa, ndokworudo sei kurangarira vamwe pakuita zvisarudzo zvomunhu oga zvingagona kutapura chinzwano chemhuri yaMwari!
17. Chii chine mufungo kuita apo tinofanira kuita zvisarudzo zvomunhu oga?
17 Kana tisina chokwadi chokuti inzirayi yatinofanira kutora, kuchenjera kuita chisarudzo munzira inotisiya tine hana yakanaka, uye vamwe vanofanira kuremekedza chisarudzo chedu. (VaRoma 14:10-12) Chokwadika, apo tinofanira kuita chisarudzo chomunhu oga, tinofanira kutsvaka nhungamiro yaJehovha mumunyengetero. Kufanana nowezvamapisarema, tinogona kunyengetera nechivimbo, kuti: “Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; . . . Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.”—Pisarema 31:2, 3.
Nguva Dzose Chengeta Chinzwano chechiKristu
18. Pauro akaenzanisira sei chinzwano cheungano yechiKristu?
18 Muna 1 VaKorinte ganhuro 12, Pauro akashandisa muviri womunhu kuratidzira chinzwano cheungano yechiKristu. Iye akasimbisa kutsamirana uye ukoshi hwomutezo mumwe nomumwe. “Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko?” akabvunza kudaro Pauro. “Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri ndomumwe. Ziso haringati kuruoko: Handikudi; kana musorowo kutsoka: Handikudiyi imi.” (1 VaKorinte 12:19-21) Nenzira yakafanana, hatizi tose tiri mumhuri yavanamati vaJehovha tinoita basa rimwe chetero. Bva, takabatana, uye tinodanana.
19. Tinogona sei kubetserwa negadziriro dzaMwari dzomudzimu, uye imwe hama yakura yakatii muna ikoku?
19 Sezvo muviri uchida zvokudya, tarisiro, uye nhungamiro, tinoda gadziriro dzomudzimu idzo Mwari anotipa kupfurikidza neShoko rake, mudzimu, uye sangano. Kuti tibetserwe neidzi gadziriro, tinofanira kuva rutivi rwemhuri yaJehovha yapasi. Pashure pamakore akawanda mubasa raMwari, imwe hama yakanyora, kuti: “Ndinoonga zvikuru kuti ndakararama ndichiziva zvinangwa zvaJehovha kubva mumazuva iwayo apakuvamba 1914 asati asvika chaizvo apo zvose zvakanga zvisina kujeka kwazvo . . . kusvikira kuzuva rino apo zvokwadi inopenya sezuva remasikati. Kana chimwe chinhu chave chakakosha zvikurusa kwandiri, yave iri nhau yokusanorambira pedyo nesangano raJehovha rinooneka. Chiitiko changu chapakuvamba chakandidzidzisa kuti hakusi kuchenjera sei kutsamira pakurangarira kwavanhu. Murangariro wangu wangotsunga papfundo iroro, ndakasarudza kurambira musangano rakatendeka. Munhu anogona sei kuwanazve nyasha dzaJehovha nechikomborero?”
20. Chii chatinofanira kuva vakatsunga kuita pamusoro pechinzwano chedu savanhu vaJehovha?
20 Jehovha akadana vanhu vake kuti vabude murima renyika uye kusanzwana. (1 Petro 2:9) Iye akatipinza muchinzwano chakakomborerwa naye amene uye navatendi biyedu. Ichi chinzwano chichavapo mutsika itsva yezvinhu yava pedyo kwazvo zvino. Muaya mazuva okupedzisira anotambudza, naizvozvo, ngatipfuurirei ku‘zvipfekedza timene rudo’ uye kuita chinhu chiri chose chatinogona kutsigira uye kuchengeta chinzwano chedu chinokosha.—VaKorose 3:14.
Ungapindura Sei?
◻ Nei kuita kuda kwaMwari uye kuomerera kuzvokwadi kuchigona kutibetsera kuchengeta chinzwano chedu?
◻ Chinzwano chine chokuita sei nokushandiswa kwakarurama kworurimi?
◻ Chii chinobatanidzwa mukuva anokanganwira?
◻ Tinogona sei kuchengeta chinzwano pakuita zvisarudzo zvomunhu oga?
◻ Kuchengeterei chinzwano chechiKristu?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kufanana nouyu mufudzi anochengeta boka rake pamwe chete, naizvozvo Jehovha anochengeta vanhu vake vakabatana
[Mifananidzo iri papeji 18]
Kupfurikidza nokukumbira ruregerero nenzira yokuzvininipisa apo tinopara mhaka, tinobetsera kutsigira chinzwano