RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 7/1 pp. 3-4
  • Mwari Anogamuchira Rudzi Rwuri Rwose Rwokunamata Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anogamuchira Rudzi Rwuri Rwose Rwokunamata Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata Kwaipanikirika Munguva Dzakare
  • Kunamata Kwakachena Kunosvibiswa
  • Kunamata Bhaari—Kurwira Mwoyo Yavaisraeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Akatsigira Kunamata Kwakachena
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Yava Nguva Yokusarudza Pauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Akatsigira Kunamata Kwakachena
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 7/1 pp. 3-4

Mwari Anogamuchira Rudzi Rwuri Rwose Rwokunamata Here?

MWARI akasika munhu aine chinodikanwa chomudzimu—chinodikanwa chokunamata. Hachisi chimwe chinhu chakatanga zvishoma nezvishoma. Chakanga chiri rutivi rwomunhu kubvira pamavambo.

Nenzira inosuruvarisa, zvisinei, rudzi rwomunhu rwakatanga nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana dzokunamata, uye kazhinji kazhinji, idzodzi hadzina kuita mhuri yomunhu inofara, yakabatana. Panzvimbo pezvo, hondo dzine chishava dzichiri kurwiwa muzita rorudzidziso. Ikoku kunomutsa mubvunzo unokosha: Nzira iyo munhu anonamata nayo Mwari inokosha here?

Kunamata Kwaipanikirika Munguva Dzakare

Marudzi akare aigara muMiddle East anogovera muenzaniso wenhau uyo unotibetsera kupindura mubvunzo iwowo. Vakawanda vainamata mwari ainzi Bhaari. Vainamatawo shamwarikadzi dzaBhaari, dzakadai saAshera. Kunamatwa kwaAshera kwaibatanidza kushandiswa kwedanda rinoyera raidavirwa kuva chiratidzo chevatano. Vacheri vematongo vanoshanda munharaunda iyoyo vakafukunura mifananidzo mizhinji yavakadzi vasina kupfeka. Mifananidzo iyi, inodaro The Encyclopedia of Religion, “inoratidzira mumwe mwarikadzi ane mitezo yokubereka iri pachena, akabata mazamu ake,” uye “zvimwe anomirira . . . Ashera.” Chimwe chinhu ndechechokwadi, kunamatwa kwaBhaari kwaiwanzova kwoutere zvikuru.

Hakushamisi, naizvozvo, kuti kunamatwa kwaBhaari kwaibatanidza mitambo yevatano. (Numeri 25:1-3) Shekemi, muKanani, akabata chibharo mhandara duku Dhina. Pasinei hapo naikoku, iye akanga achirangarirwa somunhu anokudzwa zvikurusa mumhuri make. (Genesi 34:1, 2, 19) Makunakuna, ungochani, uye kuvatana nemhuka zvakanga zvichizivikanwa navose. (Revhitiko 18:6, 22-24, 27) Mashoko amene okuti “vatano yavane mitezo mimwe cheteyo kana kuti vanovatana nemhuka,” muitiro wengochani, anobva muzita reguta rakambovapo murutivi irworwo rwenyika. (Genesi 19:4, 5, 28) Kunamatwa kwaBhaari kwakabatanidzawo kuteurwa kweropa. Chokwadi, vanamati vaBhaari vaikandira vana vavo mumoto unopfuta vari vapenyu sechibayiro kuvamwari vavo! (Jeremia 19:5) Iyi miitiro yose yakanga yakabatanidzwa nedzidziso dzorudzidziso. Kwaidaro sei?

“Utsinye hwacho, kuchiva uye kuregwa kwengano dzechiKanani,” anotsanangura kudaro Dr. Merrill Unger mubhuku rake rinonzi Archaeology and the Old Testament, “zvakanga zvakashata zvikuru kupfuura kupi nokupi muNear East panguva yacho. Uye muitiro unokatyamadza wavamwari vechiKanani, kuti ivo vakanga vasitongorina tsika, unofanira kuva wakatanga mavara akaipisisa muvazvipiri vavo uye kupa miitiro mizhinji yakashata zvikurusa yenguva yacho, yakadai seupfambi hunoyera, [uye] kubayirwa kwavana.”

Mwari akagamuchira kunamata kwavaKanani here? Chokwadika haana. Akadzidzisa vaIsraeri nzira yokumunamata nayo munzira yakachena. Pamusoro pemiitiro yadudzwa pamusoro apa, akanyevera, kuti: “Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu; nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo.”—Revhitiko 18:24, 25.

Kunamata Kwakachena Kunosvibiswa

VaIsraeri vakawanda havana kugamuchira murangariro waMwari wokunamata kwakachena. Panzvimbo pezvo, ivo vakabvumira kunamatwa kwaBhaari kupfuurira munyika mavo. Nokukurumidza vaIsraeri vakanyengedzwa kuedza kusanganisa kunamatwa kwaJehovha nouko kwaBhaari. Mwari akagamuchira rudzi urwu rwakavhenganiswa rwokunamata here? Rangarira chakaitika mukati mokutonga kwaMambo Manase. Akavakira Bhaari atari, akapisa mwanakomana wake amene sechibayiro, uye akashandisa mashiripiti. “Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro [ʼashe·rahʹ muchiHebheru] raakaveza mumba makanzi naJehovha . . . : Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino.”—2 Madzimambo 21:3-7.

Vadzorwi vaManase vakatevera muenzaniso wamambo wavo. Kutaura idi, “akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri.” (2 Madzimambo 21:9) Panzvimbo pokuteerera nyevero dzakadzokororwa dzadzokororwazve dzaibva kuvaporofita vaMwari, Manase akaponda kusvikira kutambanuko yokuzadza Jerusarema neropa risina mhaka. Kunyange zvazvo Manase pakupedzisira akachinja, mwanakomana wake nomutsivi, Mambo Amoni, akamutsidzira kunamatwa kwaBhaari.—2 Madzimambo 21:16, 19, 20.

Pashure penguva yakati, pfambi dzechirume dzakavamba kushanda mutembere. Mwari akarangarira sei uku kuratidzirwa kwokunamatwa kwaBhaari? Kupfurikidza naMosesi, akanga anyevera, kuti: “Haufaniri kuuya nomutengo wechifeve kana kuti mutengo wembwa [sezvingabvira murume anovatana navakomana vaduku] muimba yaJehovha Mwari wako nokuda kwemhiko ipi neipi, nokuti icho chinhu chinonyangadza Jehovha Mwari wako, kunyange vose vari vaviri.”—Dheuteronomio 23:17, 18, mashoko omuzasi.

Muzukuru waManase, Mambo Josia, akabvisa mutembere kunamatwa kwaBhaari kwoutere. (2 Madzimambo 23:6, 7) Asi zvinhu zvakanga zvanyanya. Isati iri nguva refu pashure porufu rwaMambo Josia, kunamata zvidhori kwakanga kwava kuitika zvakare mutembere yaJehovha. (Ezekieri 8:3, 5-17) Naizvozvo Jehovha akaparira mambo weBhabhironi kuparadza Jerusarema netembere yaro. Iri idi rinosuruvarisa renhau chibvumikiso chokuti zvimwe zvimiro zvokunamata hazvigamuchirwi naMwari. Zvakadiniko nezuva redu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe