Iye Akabatira Jehovha Nenzira Yokuzvininipisa
“CHINOKOSHA hakusi kwaunobatira asi waunobatira ndiye anokosha zvirokwazvo.” John Booth aida kutaura mashoko iwawo, uye akararama maererano nawo. Upenyu hwake pasi pano, uhwo hwakaguma paMuvhuro, January 8, 1996, hwakaratidza zvakajeka kuti iye akasarudza kubatira ani.
Sejaya shure muna 1921, John Booth akanga achitsvaka chinangwa muupenyu. Iye akadzidzisa Sandisikuru paDutch Reformed Church, asi iye akadzivisa pfungwa yokurovedza kuti ave mufundisi nemhaka yokuti iye airangarira kuti vafundisi vairarama upenyu hwoudyire. Apo akaona shambadziro yehurukuro ine musoro unoti, “Mamiriyoni Anorarama Zvino Haasati Achizotongofa,” iye nokukurumidza akakumbira mabhuku ayakanga ichishambadzira. Abatwa nezvaakanga arava, nokukurumidza iye akatanga kuchovha makiromita 24 kuenda kumisangano yeVadzidzi veBhaibheri, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo. Iye akabhapatidzwa muna 1923 uye akavamba kuparidza pasuo nesuo muruwa rweWallkill, New York, umo mhuri yake yaiva nepurazi remombe dzomukaka.
Hama Booth vakapinda muushumiri hwenguva yakazara muna April 1928. Ivo vakaparidza mundima yomusha wavo uye muruwa rwokuMaodzanyemba, vachichinjanisa mabhuku eBhaibheri nezvokudya uye pokugara. Ivo vaifanira kutsungirira ngozi dzakadai sevaridzi vanomveyesa pfuti venzvimbo dzinobikirwa zvinodhakisa zvisiri zvapamutemo, mumwe wavo akapfura ndokukuvadza piyona biyake waJohn Booth. Muna 1935, Hama Booth vakagadzwa somutariri anofambira ndokuvamba kushanyira ungano nemapoka maduku munyika yacho. Ivo vakaronga magungano ndokubetsera hama nehanzvadzi kutsungirira pasinei hapo nechitambudzo. Vachinangana nenyongori dzakatsamwa, vachizvimirira mudare, uye vachitambura kuiswa mutorongo zvose zvakava zviitiko zvakarovedzeka nokuda kwaHama Booth. “Kungada bhuku kupa mashoko oudzame enguva idzodzo dzinofadza,” ivo vakambonyora kudaro.
Muna 1941, Joseph F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyeyo, akagovera Hama Booth kuti vashande paKingdom Farm, pedyo neIthaca, New York. Ikoko ivo vakabatira nenzira yokutendeka kwamakore 28. Rudo rwavo rwoushumiri rwusina kudzimwa, ivo vakafadzwa mumakore acho kusonganirana nezviuru zvavadzidzi veWatchtower Bible School of Gilead yokurovedza vafundisi, iyo yakanga iri ikoko paKingdom Farm kutozosvikira muna 1961. Muna 1970, Hama Booth vakakumbirwa kubatira paWatchtower Farms muWallkill, New York, uye naizvozvo vakazviwana vamene vari munzvimbo imwe cheteyo iyo vakanga vavamba kupayona makore 45 shure.
Muna 1974, Hama Booth vakagadzwa somutezo Womutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Ivo vakabatira nokutendeka munzvimbo iyoyo kutozosvikira parufu rwavo pamakore 93 ezera. John Booth akanga achidiwa nokuda kwounhu hwake hwechiKristu hwokuzvininipisa zvikuru nomutsa. Kutozosvikira utano hwake uye simba zvamukundikanisa, iye akanga achiparidza nokutendeka pasuo nesuo uye mumigwagwa yeguta.
Nepo avo vakabatira naye vanochema kufa kwake, ivo vanowana nyaradzo muchipikirwa cheBhaibheri pamusoro pavaKristu vakazodzwa vakadaro, chokuti vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga uye kuti “mabasa avo anovatevera.” (Zvakazarurwa 14:13; 1 VaKorinte 15:51-54) Mamiriro ezvinhu matsva chokwadi, asi umo John Booth achakwanisa kubatira Jehovha nokusingaperi!
[Mufananidzo uri papeji 32]
John Booth 1903-1996
[Mufananidzo uri papeji 32]
HERALD-AMERICAN, ANDOEVER 1234
76 Jehovites Jailed in Joliet
[Kwazvakatorwa]
Chicago Herald-American