RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 6/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Mweya Wacho Pachawo Unopupurirana Nemweya Wedu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Famba Maererano Nomudzimu Urarame Somunhu Akazvitsaurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • ‘Muzita Romudzimu Mutsvene’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 6/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Tinogona here kutaura kuti vabatiri vaMwari nhasi avo vane tariro yapasi vane mudzimu waMwari wakawanda zvikuru sezvakaita vaKristu vakazodzwa nomudzimu?

Uyu mubvunzo hausi mutsva. Nhau imwe cheteyi yakataurwa mu“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1952. Vakawanda vakava Zvapupu kubvira ipapo, naizvozvo tinogona kurangarira mubvunzo wacho uye tichidaro kuhwirudzura icho mashoko apakuvamba akataura.

Zvikurukuru, mhinduro ndeiyi, hungu, hama nehanzvadzi dzakatendeka dzeboka ramamwe makwai dzinogona kugoverana zvakaenzana nevakazodzwa mukugamuchira mudzimu mutsvene waMwari.—Johane 10:16.

Ikoku, chokwadika, hakurevi kuti mudzimu unoshanda munzira imwe cheteyo pavanhu vose. Yeuka vabatiri vakatendeka vomunguva dzakatangira chiKristu, avo zvirokwazvo vakagamuchira mudzimu waMwari. Nesimba rinobva kumudzimu, vamwe vavo vakauraya zvikara, vakarapa vairwara, kunyange kumutsa vakafa. Uye ivo vaida mudzimu kuti vanyore mabhuku akafuridzirwa eBhaibheri. (Vatongi 13:24, 25; 14:5, 6; 1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:17-37; 5:1-14) Nharireyomurindi yacho yakati: “Kunyange zvazvo vasiri veboka ravakasarira, ivo vakazadzwa nomudzimu mutsvene.”

Nomumwe murangariro, rangarira varume navakadzi vomuzana rokutanga ramakore avo vakazodzwa nomudzimu mutsvene, vachiva vanakomana vomudzimu vaMwari vane tariro yokudenga. Vose vakanga vazodzwa, asi ikoko hakurevi kuti mudzimu wacho pashure wakashanda nenzira imwe cheteyo pana vose vavo. Ikoko kwakajeka kubva muna 1 VaKorinte ganhuro 12. Imomo muapostora Pauro akakurukura zvipo zvomudzimu. Tinorava mu1VaK 12 ndima 8, 9, uye 11, kuti: “Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu; mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu. . . . Asi izvi zvose zvinoitwa noMweya iwoyu mumwe chete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.”

Nenzira yakakosha, havasi vose vakazodzwa shure panguva iyeyo vakanga vane zvipo zvinoshamisa zvomudzimu. Muna 1 VaKorinte ganhuro 14, Pauro akadudza musangano weungano umo mumwe akanga ane chipo chendimi, asi hapana munhu akanga aripo akanga ane chipo chokushandura. Kunyange zvakadaro, pane imwe nhambo yapakuvamba, mumwe nomumwe wavo akanga azodzwa nomudzimu. Kwaizova kune mufungo here kutaura kuti hama yaiva nechipo chendimi yakanga ine mudzimu wakawanda kupfuura vamwe vakanga varipo? Aiwa. Vamwe vaya vakazodzwa vakanga vasina kushayiwa, sokunge vasingakwanisi kunzwisisawo Bhaibheri pamwe chete naiyo kana kuti vasingakwanisi kutarisanawo nemiedzo. Mudzimu waishanda munzira chaiyo pahama yaigona kutaura nendimi. Pasinei hapo naikoku, iye navo vaifanira kugara vari pedyo naJehovha uye ku“ramba vachizadzwa noMweya,” seizvo Pauro akanyora.—VaEfeso 5:18, NW.

Pamusoro peavo vevakasarira nhasi, ivo zvirokwazvo vakagamuchira mudzimu waMwari. Pane imwe nguva iwo wakashanda pavari munzira chaiyo—panguva apo vakazodzwa ndokugamuchirwa savanakomana vomudzimu. Pashure pezvo “vakaramba vachizadzwa nomudzimu,” vachiva nebetsero yawo apo vaitsvaka kunzwisisa Bhaibheri zvakajeka zvikuru, vaitungamirira mubasa rokuparidza, kana kuti vaitarisana nemiedzo—yomunhu oga kana kuti yesangano.

Mitezo ye“mamwe makwai,” kunyange zvazvo isina kuzodzwa, mune mamwe mativi iyo inogamuchira mudzimu mutsvene. Nharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1952, yakati:

“‘Mamwe makwai’ nhasi anoita basa rokuparidza rimwe chetero serinoitwa navakasarira, mumamiriro ezvinhu mamwe chetewo anotambudza, uye anoratidzira kutendeka kumwe cheteko uye perero. Iwo anodya patafura yomudzimu imwe cheteyo, achidya zvokudya zvimwe chetezvo, achiwana zvokwadi imwe cheteyo. Achiva eboka rapasi, netariro dzapasi uye fariro huru muzvinhu zvapasi, iwo angafarira amene zvikuru magwaro ane chokuita nemamiriro ezvinhu apasi munyika itsva; nepo vakasarira vakazodzwa, netariro dzokudenga uye fariro yomunhu oga yakasimba muzvinhu zvomudzimu, vangafunda nenzira yokushingaira zvikuru zvinhu zviya zviri muShoko raMwari. . . . Bva idi rinoramba riripo kuti zvokwadi imwe cheteyo uye nzwisiso imwe cheteyo zvinowanika kumapoka ose ari maviri, uye zvinongotsamira panzira iyo vanhu vamwe navamwe vanozvishandisa vamene mufundo iyo inosarudza nzwisiso yezvinhu zvokudenga nezvapasi zvavanowana. Mudzimu waShe unowanika muzvikamu zvakaenzana kumapoka ose ari maviri, uye zivo nenzwisiso zvinopiwa zvakaenzana kuose ari maviri, nemikana yakaenzana yokuigamuchira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe