Chikoro Chegilead Chinotumira Kirasi Yacho Yechi100
WATCHTOWER Bible School of Gilead yakaita basa rinokosha mukuziviswa mupasi rose kweUmambo hwaMwari munguva dzazvino uno. Kubvira apo Chikoro cheGilead chakavamba kurovedza vafundisi muna 1943, vakapedza kufunda vacho vakabatira nyika dzinopfuura 200. Pana March 2, 1996, kirasi yechi100 yakapedza kufunda.
Vadzidzi vacho vakanga vapinda chikoro mukati menguva apo anopfuura zvikuru mamita 2 esinou akanga anaya munharaunda yeWatchtower Educational Center kuPatterson, New York. Nenzira isingashamisi, sinou yakanga ichinaya pazuva ravo rokupedza kufunda. Kunyange zvakadaro, horo yakanga yakazara, uye vateereri vokuwedzera vakateerera paPatterson, Wallkill, uye Brooklyn—vanhu vanokwana 2 878 pamwe chete.
Theodore Jaracz, mutezo weDare Rokudzidzisa reMutumbi Unodzora, akabatira sasachigaro. Pashure pekugamuchira noushamwari vaenzi vaivapo vakabva munyika dzakawanda, akakumbira vose kusimuka ndokuimba rwiyo nhamba 52. Horo yakaita maungira nerumbidzo kuna Jehovha sezvavaiimba “Zita raBaba Vedu,” mubhuku raImbirai Jehovha Rumbidzo. Rwiyo irworwo, pamwe chete netsinhiro dzasachigaro pamusoro pokushandisa dzidzo kurumbidza Jehovha, zvakaparira chimiro chepurogiramu yaizotevera.
Zano rapaMagwaro Rakabva Kuvarume Vakura
Rutivi rwokutanga rwepurogiramu rwakanga rwakaumbwa nehurukuro pfupi kukirasi yaipedza kufunda dzakapiwa nenhamba yakati yavabatiri venguva refu vaJehovha. Richard Abrahamson, mutezo wevashandi vepadzimbahwe uyo akavamba basa rake renguva yakazara muna 1940, akakurudzira kirasi, kuti: “Pfuurirai Kugadziridzwa.” Akavayeuchidza kuti vakanga vatova nenguva dzakasiyana-siyana dzegadziridzo muupenyu hwavo savaKristu, kubatanidza mwedzi yavo mishanu yekudzidza paGilead. Naizvozvo nei vachifanira kupfuurira kugadziridzwa?
Mukurukuri akatsanangura kuti shoko rakashandiswa nemuapostora Pauro pana 2 VaKorinte 13:11, NW, “anoreva muitiro unofambira mberi, kuzviisa pasi kunopfuuridzirwa kukugadzira kwaJehovha kana kuti kunatswa kwemunhu, kusanogadziridzwa, kuitira kuti munhu asvitse mipimo inorayira zvikuru yaJehovha.” Mumigove yavo yokumwe, kirasi yaipedza kufunda yaizosangana nedenho itsva kukutenda kwavo. Vaizofanira kudzidza mutauro mutsva, kuchinjira kutsika dzakasiyana uye mararamire, uye kuchinjira kundudzi dzakasiyana dzendima. Vaizova vachibatawo neunhu hwakasiyana mumisha yavo yavafundisi uye muungano dzavo itsva. Kana vaizoshandisa nokungwarira nheyo dzeBhaibheri kumamiriro aya ose ezvinhu, nekudisa kugadziridzwa, ipapo, sezvakanyora muapostora Pauro, vaizogonawo “kupfuurira.”
John Barr, mumwe wemitezo mishanu yeMutumbi Unodzora iyo yakagoverana mupurogiramu yacho, akatora musoro wake pana 1 VaKorinte 4:9. Akayeuchidza vanzwi vake kuti vaKristu vanoonwa nengirozi nevanhu. “Kuziva ikoku,” akadaro, “kunowedzera zvikuru ukoshi hwamararamire omuKristu, zvikurukuru saizvozvo apo anoziva kuti kupfurikidza nezvaanotaura nezvaanoita, anogona kuva netapuro inooneka paavo vari kuona, vasingaoneki pamwe chete navanoonekwa. Ndinodavira kuti ikoku chimwe chinhu icho kungava kwakanaka zvikuru kuti mose zvenyu imi hama nehanzvadzi dzinodiwa dzekirasi yechi100 yeGilead muyeuke sezvo munoenda kumativi ari kure apasi.”
Hama Barr vakakurudzira vadzidzi 48 kurangarira, sezvavanobetsera vakaita samakwai kudzidza zvokwadi, kuti “mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka.” (Ruka 15:10) Achinongedzera kuna 1 VaKorinte 11:10, akaratidza kuti chimiro chendangariro chemunhu pamusoro pegadziriro dzoubati ushe hwaMwari chinotapura kwete bedzi hama dzedu nehanzvadzi idzo tinoona asiwo ngirozi dzatisingaoni. Kunobetsera sei kurangarira uyu murangariro mukuru!
Mumwe mutezo weMutumbi Unodzora, Gerrit Lösch, iye amene akapedza kufunda weChikoro cheGilead, akakurukura magwaro akadai sePisarema 125:1, 2; Zekaria 2:4, 5; uye Pisarema 71:21 kuti aratidze kuti Jehovha ‘anokomberedza vanhu vake.’ Anogovera dziviriro nokuda kwavo parutivi rwuri rwose. Mwari achagovera dziviriro yakadaro bedzi mukati medambudziko guru here? “Aiwa,” akapindura kudaro mukurukuri, “nokuti Jehovha anotova ‘rusvingo rwemwoto,’ dziviriro kuvanhu vake. Gore rapashure pehondo ra1919 rakawana vakasarira vaIsraeri womudzimu vachishuva nokudisa kuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose seuchapupu kumarudzi ose. Vakanga vari vamiriri veJerusarema rokufananidzira mumatenga. Jehovha anovimbisa dziviriro youmwari yaava vamiriri seboka mukati menguva yomugumo. Ndiani ipapo anogona kuvamisa nenzira inobudirira? Hapana.” Kunokurudzira sei kwavari uye kuvose vanosanosonganirana navo mukuita kuda kwaMwari!
Ulysses Glass, mutezo mukuru wevadzidzisi vechikoro, akakurudzira kirasi ku‘pedza kugadzira nzvimbo yavo yakakodzera musangano raJehovha renyika yose.’ Nzvimbo yakakodzera mamiriro ezvinhu kana kuti mubato wakafanira chaizvo mano omunhu kana kuti unhu. “Imi vafundisi vanokarirwa makawana nzvimbo yenyu yakakodzera musangano renyika yose reZvapupu zvaJehovha,” akaziva kudaro. “Asi, sezvainokosha zvino, aya mavambo bedzi oupenyu hwenyu somufundisi.” Vaizofanira kuzvishandisa vamene kuti vashandise zvakanaka mano avo uye kukodzera mumigove chaiyo iyo Jehovha nesangano rake akanga achivapa.
Hurukuro yokupedzisira murutivi urwu rwepurogiramu yakapiwa naWallace Liverance, mutezo wevadzidzisi veGilead uyo akabatira kwamakore 17 muBolivia. “Muchaedza Mwari here?” akabvunza mutumbi wavadzidzi. Vanofanira kukuita sei? Rudzi rwaIsraeri rwakaedza Mwari nenzira isina kururama. (Dheuteronomio 6:16) “Sezvinooneka, kuedza Mwari kupfurikidza nokunyunyuta kana kuti kun’un’una kana kuti zvichida kupfurikidza nokuratidza kushayikwa kwokutenda nzira yake yokubata nayo zvinhu hakuna kururama,” akadaro mukurukuri. “Pamunosvika mumugove wenyu mutsva, dzivisai chimiro chendangariro ichocho,” akakurudzira kudaro. Ndeipi, ipapo, iri nzira yakarurama yokuedza nayo Mwari? “Iri kupfurikidza nokudavira zvaanotaura, kupfurikidza nokuita chaizvoizvo shoko rake, uye ipapo kusiya mugumisiro wacho mumaoko ake,” Hama Liverance vakatsanangura kudaro. Sezvinoonwa pana Maraki 3:10, Jehovha anokumbira vanhu vake, kuti: “Mundiidze.” Akapikira kuti kudai vaizopinza nokutendeka zvegumi zvavo mudura retembere, aizovakomborera. “Kuregererei kurangarira mugove wenyu weufundisi nenzira yakafanana?” mukurukuri akabvunza kudaro. “Jehovha anoda kuti mubudirire pana ikoku, naizvozvo muedzei. Namatirai kumugove wenyu. Itai gadziridzo dzaanoda kuti muite. Tsungirirai. Onai kana asingazokukomborerei.” Izano rakaisvonaka zvakadini nokuda kwavose vari kubatira Jehovha!
Pashure perwiyo purogiramu yakachinja kubva kuhurukuro kuenda kunhevedzano yebvunzurudzo dzinofadza.
Kutaura Kunoshanda Kwakabva Kumunda
Mark Noumair, mutezo mutsva wevadzidzisi veGilead, akakumbira vadzidzi kurondedzera zvakaitika izvo vakanga vava nazvo muushumiri hwemumunda pavakanga vachipinda chikoro. Izvozvi zvakasimbisa ukoshi hwokutanga muushumiri ndokupa vateereri mifungo inoshanda iyo vaigona kushandisa.
Mukati metemu yavo yechikoro, vadzidzi mukirasi iyi yeGilead vakabetserwa zvikuru nokuva vanokwanisa kusonganirana nemitezo yeDare reBazu yaibva munyika 42, iyo yaivawo paPatterson Educational Center nokuda kwerovedzo chaiyo. Vazhinji vavo vakanga vapedza kufunda paGilead makore akapfuura. Papurogiramu yacho, bvunzurudzo dzakaitwa nevamiririri vaibva mukirasi yechi3, yechi5, yechi51, uye yechi92, pamwe chete nevaibva kuGilead Extension School muGermany. Tsinhiro dzavo dzakanga dzichibetsera sei!
Vakataura nzira iyo vafundisi vakanzwa nayo sezvo vakaona nhamba yavarumbidzi vaJehovha mumigove yavo ichiwedzera kubva pavashomanene kusvikira kumakumi ezviuru. Vakataura nezvegoverano yavakava nayo mukuendesa mashoko akanaka kumisha yakaparadzana muMakomo eAndes nemisha iri kunovambira Rwizi Amazon. Vakakurukura nezvekupupurira vanhu vasingagoni kurava. Vakataura pamusoro pekurwisa kwavo vamene kudzidza mitauro mitsva uye izvo vakapedza kufunda vaigona kukarira chaizvoizvo pamusoro penzira iyo vaizokurumidza nayo kukwanisa kupupura uye kupa hurukuro mumutauro wakadai seChinese. Vakatoratidzira mharidzo dzomuenzaniso muSpanish uye muChinese. Vakasimbisa kuti vafundisi vanobudirira zvikurusa apo vanodzidza kwete bedzi mutauro asiwo mafungiro evanhu. Vakataura pamusoro pemararamire aiwanzova akaoma munyika dzine urombo ndokuti: “Vafundisi vanofanira kuziva kuti aya mamiriro ezvinhu kazhinji kazhinji ane chokuita nokushandiswa zvakaipa. Mufundisi anoita zvakanakisisa kana achinzwa sezvakaita Jesu—ainzwira vanhu tsitsi, avo vakanga vakaita samakwai asina mufudzi.”
Pashure perwiyo purogiramu yakapfuurira nehurukuro yakapiwa naA. D. Schroeder, mutezo woMutumbi Unodzora. Akaropafadzwa kuva mumwe wavarayiridzi vapakuvamba paChikoro cheGilead apo chakatanga muna 1943. Semhedziso yakakodzera kupurogiramu yacho, akakurukura musoro unoti “Kurumbidza Jehovha saChangamire Ishe.” Kurukurirano inobata ngwariro yahama Schroeder yePisarema rechi24 yakaorora vose vaiva muvateereri nekuti iropafadzo yakaisvonaka sei chaizvo kurumbidza Jehovha saChangamire Ishe.
Pashure pokugoverwa kwamagwaro, uye rwiyo rwokupedzisira, Karl Klein weMutumbi Unodzora akagumisa nemunyengetero womwoyo wose. Yakanga iri purogiramu inoshanda neinozorodza mumudzimu zvakadini!
Mumazuva pashure pekupedza kufunda, mitezo 48 yekirasi yechi100 yakavamba kuenda kumigove yeufundisi munyika 17. Asi vakanga vasiri kungovamba chete ushumiri hwavo. Vakanga vatova nechinyorwa chakasimba cheushumiri hwechiKristu hwenguva yakazara. Apo vakanyoresa muGilead, vakanga vari, paavhareji, vane makore 33 ezera uye vakanga vapa makore anopfuura 12 kuushumiri hwenguva yakazara. Vamwe vavo vakanga vave vari mitezo yemhuri yeBheteri yepasi rose yeWatch Tower Society. Vamwe vakanga vabatira savatariri vanofambira. Vadzidzi vakati vakanga vatogoverana muchimiro chakati chebasa rokumwe—muAfrica, Europe, South America, zvitsuwa zvegungwa, uye pakati pemapoka emitauro yokumwe munyika dzokumusha kwavo. Asi zvino vari kukumbanira vamwe vafundisi vazhinji avo vakafara kukwanisa kuti, ‘Tichabatira kupi nekupi munyika uko tinodikanwa.’ Chishuvo chavo chemwoyo wose ndechekushandisa upenyu hwavo kurumbidza Jehovha.
[Bhokisi riri papeji 27]
Mashoko eKirasi:
Nhamba yenyika dzinomiririrwa: 8
Nhamba yenyika dzakagoverwa kwadziri: 17
Nhamba yevadzidzi: 48
Avhareji yezera: 33,75
Avhareji yamakore muzvokwadi: 17,31
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 12,06
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi100 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Shirley, M.; Grundström, M.; Genardini, D.; Giaimo, J.; Shood, W.; Phair, P.; Buchanan, C.; Robinson, D. (2) Pine, C.; Kraus, B.; Racicot, T.; Hansen, A.; Beets, T.; Berg, J.; Garcia, N.; Fleming, K. (3) Whinery, L.; Whinery, L.; Harps, C.; Giaimo, C.; Berg, T.; Mann, C.; Berrios, V.; Pfeifer, C. (4) Randall, L.; Genardini, S.; Kraus, H.; Fleming, R.; D’Abadie, S.; Shirley, T.; Stevenson, G.; Buchanan, B. (5) Robinson, T.; Garcia, J.; Harps, P.; Racicot, D.; D’Abadie, F.; Phair, M.; Stevenson, G.; Shood, D. (6) Beets, L.; Pfeifer, A.; Berrios, M.; Pine, J.; Mann, L.; Randall, P.; Grundström, J.; Hansen, G.