RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 6/1 pp. 4-7
  • Apo Kufungira Mano Akaipa Kunenge Kusisikozve!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Kufungira Mano Akaipa Kunenge Kusisikozve!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Haasaruri
  • Pesvedzero yeBhaibheri
  • Kuputsa Mhinganidzo Dzekufungira Mano Akaipa
  • Nzira Yokukunda Nayo
  • “Hazvingakuvadzi”
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Rusaruro—Dambudziko Riri Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Uri Nyajambwa Wekufungira Mano Akaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mugumo Worusaruro
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 6/1 pp. 4-7

Apo Kufungira Mano Akaipa Kunenge Kusisikozve!

SEZVINOSHUMWA, musaindisiti Albert Einstein akambotaura kuti munyika ino yakasuruvara, kwakaoma zvikuru kukurira kufungira mano akaipa kupfuura kutsemura atomu. Nenzira yakafanana, Edward R. Murrow, mutori wenhau uyo akava akakurumbira mukati meHondo Yenyika II uye gare gare akava mutungamiriri weU.S. Information Agency, akataura kuti “hakuna munhu anogona kuparadza kufungira mano akaipa—vanongogona chete kukuziva.”

Kutaura uku ndokwechokwadi here? Hakubviri here kuparadza rusaruro neurudzi? Mwari anonzwa sei pamusoro pekufungira mano akaipa?

Mwari Haasaruri

Bhaibheri rinoshora rusaruro. (Zvirevo 24:23; 28:21) Rinotaura kuti “kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kune rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.” (Jakobho 3:17) Uchenjeri hwakadaro hwakasimbiswa kuvatongi muna Israeri wakare. “Musaita zvisakarurama pakutonga,” vakarayirwa kudaro. “Usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.”—Revhitiko 19:15.

Chimiro cheBhaibheri chakasimba mukurwisana nerusaruro nekufungira mano akaipa chakasimbiswa naJesu Kristu navaapostora vake Petro naPauro. Jesu akanga asingasaruri avo vakanga vaka“neta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36) Akadzidzisa, kuti: “Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.”—Johane 7:24.

Petro naPauro vanotivimbisa kuti Jehovha Mwari amene haasaruri. Petro akati: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Muapostora Pauro anotiudza, kuti: “Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.”—VaRoma 2:11.

Pesvedzero yeBhaibheri

Bhaibheri rine simba rokuchinja unhu hwaavo vanotungamirirwa naro. VaHebheru 4:12 inoti: “Shoko raMwari ibenyu, rine simba.” Nebetsero yaJehovha munhu anofungira mano akaipa anogona kutochinja mafungire ake ndokuva asingasaruri mukubata kwake navamwe.

Rangarira, somuenzaniso, chiitiko chaSauro weTarso. Maererano nenhoroondo yeBhaibheri, iye pane imwe nguva akamboshora nemasimba masimba ungano yechiKristu nemhaka yokuti aitevera magamuchidzanwa orudzidziso akaoma. (Mabasa 8:1-3) Akanga achipwiswa zvizere negamuchidzanwa rechiJudha rokuti vaKristu vose vakanga vari varambi vokutenda uye vavengi vokunamata kwechokwadi. Kufungira mano akaipa kwake kwakamutungamirira kutsigira kuurawa kwavaKristu. Bhaibheri rinotaura kuti akanga achi“ngorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaShe.” (Mabasa 9:1) Achiita saizvozvo, akafungidzira kuti akanga achiitira Mwari basa rinoera.—Enzanisa naJohane 16:2.

Bva, Sauro weTarso akakwanisa kubvisa kufungira mano akaipa kwake kwakakomba. Iye amene akatova muKristu! Gare gare, saPauro, muapostora waJesu Kristu, akanyora, kuti: “Ini ndaiva mumhuri waMwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda.”—1 Timotio 1:13.

Pauro akanga asiri iye bedzi uyo akaita chinjo huru dzakadaro mumafungire ake. Mutsamba yake kuna Tito, muevhangeri biyake, Pauro akarayira vaKristu kuti “varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose. Nokuti nesuwo kare taiva vokusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji navezvose zvinonyangadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.”—Tito 3:2, 3.

Kuputsa Mhinganidzo Dzekufungira Mano Akaipa

Nhasi, vaKristu vechokwadi vanovavarira kutevera zano iroro. Vanoda kudzivisa kutonga vanhu pahwaro hwemirangariro inooneka. Ikoku kunovadzivisa ku‘taura zvakashata’ nezvevamwe. Vanofarikanya uhama hwamarudzi akawanda uhwo hunopfuura miganhu yose yerudzi, uye yedzinza, zvenyika ino.

Rangarira chakaitika chaHenrique, mumwe mugari wemuBrazil mutema. Iye amene nyajambwa werusaruraganda, akava anovenga zvikuru vachena. Anotsanangura, kuti: “Zvimwe Zvapupu zviviri zvichena zvakauya kumba kwangu kuzotaura nezvezita raMwari. Pakutanga ndaisada kuteerera nemhaka yokuti ndaisavimba vachena. Asi nokukurumidza ndaigona kuona kuti shoko ravo rakanga riri zvokwadi. Eya, ndakabvuma fundo yeBhaibheri. Mubvunzo wokutanga wandakava nawo wakanga uri wokuti, ‘Kune vanhu vatema vazhinji muchechi yenyu here?’ Vakapindura kuti, ‘Hongu.’ Ipapo vakandiratidza mufananidzo wokupedzisira mubhuku raBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri,a unoratidzira vanhu vaduku vamarudzi akasiyana-siyana. Mukomana mutema aibatanidzwa, uye ikoku kwakandikurudzira. Gare gare ndakashanyira Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, uko ndakaona vanhu vamarudzi akasiyana-siyana vachiremekedzana. Ikoku kwakanga kuchikosha zvikuru kwandiri.”

Zvino, somumwe weZvapupu zvaJehovha, Henrique anofara kuva weuhama hwechiKristu hwechokwadi. Anonzwisisa kuti mbiri haiendi kune munhu upi noupi. Anoti: “Nhasi ndinoonga Jehovha naJesu nokuda kwechinhu chiri chose chaakandiitira. Ndinoshanda nemamiriyoni evabatiri vaJehovha vakavimbika vamarudzi ose, mavara, uye magariro akare, vakabatana muchinangwa chimwe.”

Achikura, Dario akanga ari mumwe nyajambwa wekufungira mano akaipa. Pamakore 16 ezera, akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akataura, kuti: “Pakati peZvapupu, ndakawana kuti hapana mirangariro yeukuru hworudzi.” Akaororwa nemhoteredzo yerudo rwechokwadi. Akacherekedza zvikuru kuti vanhu vamarudzi akasiyana-siyana vaibatira munzvimbo dzokuvimbika mukati meungano. Panguva ipi neipi paanofungirwa mano akaipa kana kuti kusarurwa navanhu vari kunze kweungano, Dario anoyeuka kuti Jehovha anoda vanhu vamarudzi ose, madzinza, uye ndimi.

Nzira Yokukunda Nayo

Tose zvedu tinoda kubatwa nechiremera neruremekedzo. Ndicho chikonzero nei kuva nyajambwa wekufungira mano akaipa kuri muedzo wakaoma kutsungirira. Ungano yechiKristu haitidziviriri pakuratidzirwa kwose kuzvimiro zvendangariro zvokufungira mano akaipa zvenyika ino yakaipa. Chero bedzi Satani Dhiyabhorosi ari kudzora zvinhu zvenyika, kuchava nekusaruramisira. (1 Johane 5:19) Zvakazarurwa 12:12 inotinyevera, kuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” Vavariro yake haisi yokungoparirawo zvake nhamo. Anoenzaniswa nechikara. Muapostora Petro anotiudza, kuti: “Muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.”—1 Petro 5:8.

Bhaibheri rinotiudzawo, kuti: “Muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiyabhorosi, agokutizai.” (Jakobho 4:7) Imwe betsero yakaisvonaka yokukunda nayo kufungira mano kwakaipa ndeyekutarira kuna Mwari nokuda kwedziviriro, sezvakaita Mambo Dhavhidhi: “Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, paruoko rwousina kururama nomunhu unomanikidza.” (Pisarema 71:4) Tingatonyengetera sezvakaita wezvemapisarema, kuti: “Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.”—Pisarema 56:1.

Mwari achaita sei kuminyengetero yakadaro? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.” (Pisarema 72:12, 13) Kwakanaka sei kuziva kuti munguva yakafanira Jehovha achaunza rusununguko kuna vose vari vanyajambwa vekusaruramisira!

“Hazvingakuvadzi”

Hurumende dzenyika ino dzingapfuurira kurwisa kufungira mano akaipa nemitemo yadzo nezvirongwa. Dzingapfuurira kuvimbisa kuenzana nekururamisira. Asi hadzigoni kubudirira. (Pisarema 146:3) Mwari bedzi anogona uye achaparadza kubatwa kwose kwokufungira mano akaipa. Achachinja rudzi rwomunhu kuva mhuri imwe yakabatana. “Vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi” vachapukunyuka mugumo wetsika ino yakaipa ndokufarikanya kurarama murugare.—Zvakazarurwa 7:9, 10.

Jehovha achabvisa kuvadziko yose inoparirwa nekufungira mano akaipa kwerudzi uye kwenzanga. Fungidzira, hakuna munhu achabatwa zvisina kururama! “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” (Mika 4:4) Uye Isaya 11:9 inoti: “Hazvingakuvadzi.”

Kana uri nyajambwa wekufungira mano akaipa zvino, tariro iyi inoshamisa yeramangwana ichasimbisa ukama hwako naJehovha. Ichakubetsera kutsungirira kusaruramisira kwetsika ino yakaipa. Sezvaunokunda kufungira mano kwakaipa ndokutarira mberi, tevera zano reBhaibheri rokuchenjera, rokuti: “Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, imi mose munorindira Jehovha.”—Pisarema 31:24.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Mufananidzo weU.S. National Archives

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe