Uri Nyajambwa Wekufungira Mano Akaipa Here?
MASIMBA masimba edzinza, urudzi, rusaruro, rusaruraganda, uye kuparadza rudzi zvine chii chakafanana? Zvose migumisiro yechimiro chendangariro chomunhu chakapararira—kufungira mano akaipa!
Kufungira mano akaipa chii? Imwe enisaikoropidhiya inokurondedzera se“mufungo unoitwa pasina kuwana nguva kana kuti itiro hanya yokusarudza zvakanaka.” Savanhu vasina kukwana, tinoda kuva vanofungira mano akaipa kusvikira kumwero wakati. Zvichida unogona kufunga nezvezviitiko apo wakatonga usina maidi ose. Bhaibheri rinosiyanisa zvimiro zvendangariro zvakadaro zvokufungira mano akaipa nenzira iyo Jehovha Mwari anotonga nayo. Rinoti: “Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.
Kufungira Mano Akaipa Kunogona Kukuvadza
Pasina panikiro munhu ari wose akatongwa zvisina kururama nemumwe munhu pane imwe nguva. (Enzanisa naMuparidzi 7:21, 22.) Kazhinji kazhinji, tose zvedu tiri vanyajambwa vekufungira mano akaipa. Zvisinei, apo inobviswa nekukurumidza, mifungo yekufungira mano akaipa sezvingabvira ichaparira kuvadziko duku kana kuti kusaparira. Ndiko kuchengetwa kwemifungo yakadaro uko kunogona kuguma nekuvadziko. Kunogona kutinyengera kupinda mukudavira nhema. Somuenzaniso, mupesvedzero yekufungira mano akaipa, vamwe vanhu vanodavira zvirokwazvo kuti munhu anogona kuva ane makaro, ane unyope, akazungaira, kana kuti anodada nemhaka bedzi yokuti ndeweboka rakati rorudzidziso, redzinza, kana kuti rerudzi.
Muzviitiko zvizhinji kutonga zvisina kururama kwakadaro kunoparira kubatwa kwavamwe kusina kunaka, kusina kufanira, kana kuti kunyange kwamasimba masimba. Mamiriyoni avanhu akarasikirwa noupenyu hwawo mukupondwa kwavakawanda, kuparadza rudzi, kuurawa kwedzinza, uye zvimwe zvimiro zvekufungira mano akaipa kwakakomba.
Mupasi rose, hurumende dzakarwisa kufungira mano akaipa kupfurikidza nokuvimbisa zviri pamutemo kodzero dzisingaputswi kukusununguka, kuchengeteka, uye kukuenzana. Kana ukarava bumbiro romutemo kana kuti chikamu chikuru chemitemo yenyika yako, pasina panikiro uchawana chitsama chamashoko kana kuti chinjo zvakagadzirirwa kudzivirira kodzero dzavagari vemo vose, pasinei zvapo nerudzi rwavo, kuti murume here kana kuti mukadzi, kana kuti rudzidziso. Bva, kufungira mano akaipa nerusaruro zvakapararira pamwero wenyika yose.
Uri nyajambwa wekufungira mano akaipa here? Wakaratidzirwa sounokara, seune unyope, sewakazungaira, kana kuti seunodada nemhaka bedzi yedzinza rako, zera, kuti uri murume here kana kuti mukadzi, rudzi, kana kuti zvitendero zvorudzidziso here? Uri kunyimwa mikana yokuwana dzidzo yakafanira, basa, pokugara, uye betsero dzenzanga nemhaka yekufungira mano akaipa here? Kana zvakadaro, unogona sei kukunda?
[Mufananidzo uri papeji 3]
Kuchengeta kufungira mano akaipa kunonyandura kuvengwa kwerudzi
[Kwazvakatorwa]
Nina Berman/Sipa Press