Kokorodzano ye“Nhume Dzorugare rwaMwari” ya1996
MUNGUVA dzakare vanhu vaJehovha vaichengeta mitambo mikuru mitatu gore negore. Nenzira yakati fananei, munguva dzazvino uno vanhu vezita raJehovha vanosangana katatu pagore nokuda kwenhambo dzemitambo. Ivo vanofarikanya kuungana nokuda kwezuva regungano chairo, gungano redunhu ramazuva maviri, uye kokorodzano yoruwa yamazuva matatu kana kuti mana. Gore rino, musoro wekokorodzano yoruwa ndouyu “Nhume Dzorugare rwaMwari.”
Musoro iwoyo wakakodzera sei! Mwari wedu, Jehovha, ndi“Mwari worugare,” hungu, “Mwari anopa rugare.” Mutungamiriri wedu, Jesu Kristu, “Muchinda Worugare,” uye shoko iro vabatiri vaJehovha vanounza ishoko rorugare rwamwari. (VaFiripi 4:9; VaRoma 15:33, NW; Isaya 9:6; Nahumi 1:15) Purogiramu yakaisvonaka yekokorodzano yakarongwa iyo ichabetsera vose kunzwisisa zvizere zvikuru ukoshi hworugare rwaMwari.
Gore rino muZimbabwe moga, muchava nekokorodzano 7. Sezvingabvira, pachava neimwe kokorodzano pedyo newe. Kuregererei kunzvera neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako pamusoro pokuti ndirini chaizvoizvo uye ndokupi chaikoiko uko ichava uye ipapo kuita rongedzero dzokupinda? Vose avo vanofarira rugare chairwoirwo, rwunogara vachagamuchira kuchingamidzwa kwoushamwari.